L.T. MAHACHI NOVELS
June 12, 2025 at 12:03 PM
https://chat.whatsapp.com/FihW17eCBDl8DIMs5EApSo
From 1 follow channel
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE : A HEART DECEIVED
STORY BY L.T. MAHACHI
O77799O714
O775O72O31
INSERT 2
VIMBAI
Ndakabuda muroom medu ndichifambisa semunhu akanga adaidzwa but handina kure kwandakaenda since mainini vakanga vakatomira padoor chaipo. Mafinyamisiro avakanga vakaita face yavo ainyatsobuditsa pachena zvavainzwa. Takamira for a while takangotarisana, I couldn't say anything......ndakanga ndakamirira kunzwa mhosva yangu yandakanga ndapara. Vakatanga kubuditsa mashoko ekuti,
Her : Unombonyatsondiona saani pamba pano nhaiwe Vimbai?
Ndakaramba ndakanyarara ndichishaya kuti zvaibva nekupi. Vakandibayabaya paforehead vachiti,
Her : Handisi kutaura nechimumumu ini! Ndipindure tinzwe.
Ndakadaira ndichitaurira pasi pasi trying hard not to cry ndichiti,
Me : Ndimi mhamha........
Her : Yes, ndini amai vepano and ndiri kukuchengeta mumba mangu. Itsitsi dzangu ufunge kuti ugare pano haisi kodzero yako. You are over eighteen, uri an adult. Ndiri kutochengeta mumwe mukadzi mukuru akaita seni nekuda kwemoyo wangu wakanaka saka ngatinyaranei nhaika!
Misodzi yakatanga kubuda yega ndichiedza kufunga kuti ndakanga ndaita cross her line papi. Vakabva vatanga kupaumba zvakare vachiti,
Her : Haikona kundisemesa uchipfikura zvisina basa ipapo. Kunyorera murume wangu message uchidemander mari? Uri kufunga kuti two cents dzakasiiwa nababa vako pavakafa naAIDS yavakasiirwa naamai vako ndidzo dzauchiri kurarama nadzo. Imbwa yemunhu! Manje phone yacho yawasender message ndini ndinayo. Chinokutadzisa kuudza ini amai vemba nyaya dzako chii?
Ndakadaira ndichifemereka ndichiti,
Me : Sorry henyu mhamha ndakanganisa.
Her : Usanditi mhamha, handisi amai vako ini. Itondidaidza nezita rangu kuti Regina moyo wangu uchene.
Vakataura zvakawanda kani zvaitsemura moyo ndakangomira ndakatarisana navo. Vachiri mukupopota kudaro ndakanzwa voice rabamnini vakataura vachipinda mumba vachiti,
Him : Mai Chiedza chiiko nhai kuvharira imba yese muchipopota kudaro?
Vakacheukira murume wavo vachiti,
Her : Handisi benzi ini mhani pamba pano zvekuti ndingangotange kutaura ndisina kudenhwa. Hama dzangu dzinogara dzichindiudza kuti kugara nehama dzemurume mumba kunonetsa. Taurai nemwana wemukoma wenyu uyu akuudzei nyaya yake. Pamwe ndiye ave kuda kuita amai vepano ini ndirongedze zvangu ndiyende ndichiri in one piece.
Vakatobva vafamba vave kuenda kubedroom kwavo ndikasara ndachitarisana nabamnini. Vakabvunza not hiding his anger vachiti,
Him : Vimbai! Zviri kufamba sei pano?
Ndakadaira ndichipukuta misodzi yakanga yave kungoyerera yega ndichiti,
Me : I am so sorry daddy. Ndanga ndichinzwa zvakandiomera kukuyeuchidzai mari yefees saka ndasender message paphone penyu. Ndiyo nyaya yacho.
Vakakwidza voice vachiti,
Him : Hausati wapihwa mari yefees namai Chiedza?
Ndakadzungudza musoro, havana chimwe chavakataura neni vakabva vatongofambisa vakananga kubedroom kwavo vachidaidza mukadzi wavo nezita rake repachitupa. Ndakasara ndangomira padoor paya ndichishaya kuti ndovatevera here ndinonzwisisa nyaya yemari yefees from mai Chiedza kana kuti ndipinde ndizvivharire hangu kusvika hondo yandainyatsoziva kuti yakanga yave kunotanga yapera. Ndisati ndawana simba rekupinda muroom medu ndakanzwa mhere yamaini and noise yakatevera zvakanga zvatove zvabhakera chaizvo. I hated everything that was happening and somehow I hated myself. Pamwe dai ndakanga ndisimo mumba mevaridzi umu vachirarama a peaceful life. Ndakatarisa mudenga so ndichishaya kuti ndoita sei and ipapo Chiedza akabva auya kwave kumira closer to me and akataura achichema achiti,
Her : My mother is not happy pamba pano because of you. How do you feel amai vangu vachirohwa zvibhakera kumeso nababa vangu nekuda kwako? You are stealing our happiness pamba pano Vimbai. I wish you were dead! Wakadiiko kungofa nevabereki vako?
Paakapedza kutaura zvaive pamoyo pake akabva apinda muroom yatinoita share and locked herself inside. Ndakafapamba ndichibuda panze ndichichema vabereki vakasofa kare mupfungwa ndichingobvunza matenga kuti seiko ndichisanganiswa nenguva yakaoma kudai.
Ndakagara panze for almost thirty minutes, ndakatanga ndichachema ndikaguma ndave kunamata. Chandainamatira chaicho kwaive kukumbira Mwari kuti vandiwanirewo nzira yekuti ndibve pamba apa. Ndakanga ndagara ndakaisa musoro wangu pamakumbo pandakanzwa mafootsteps. Handina kumboda kusimudza musoro nekuti ndakanga ndatongozviudza kuti ndiChiedza akanga anditevera nemamwe mashoko anorwadza but to my surprise vakanga vari ivo mainini. Vakasvikosimudza musoro wangu vachidhonza mabraids vachiti,
Her : Zvaunoda ndinozviziva.......kuputsa imba yangu. Hamheno kuti unoda kupinda mumagumbeze nemunin'ina wababa vako here? Pamwe haisi hama yako futi, maitiro ako ndeemunhu akahurwa!
Vakabva vandikandira kaplastic kakanga kaine mari kumeso chaiko vachiti,
Her : Iyo mari yacho yauri kundishaisira mufaro pamba pangu. Enda kuchikoro kwacho tione ukauya naro degree racho.......
Panguva iyoyo bamnini vakabvawo vasvika mainini kwave kuridza tsamwa ine mutsindo vachibva pandakanga ndiri. Bamnini vakazotaura kuti vakanga vasiira mainini mari last week pavakamboenda out nebasa kwave kundiudza zvakare kuti mari yandainge ndapihwa yakanga yakashorta ne$250 yakashandiswa namainini. Vakabva vatobuditsa yakanga yakashorta yacho muAccount mavo vachitumira muEcocash mangu. I thanked him ndokubva ndatosimuka ndichipinda mumba, zvekutaura navo zvakawanda ndakanga ndinazvo asi zvakagumira parurimi. Munoziva kana munhu wanyanya kusangana nemashoko anobaya unenge watove neconfusion yekusaziva chakanaka nechakaipa. Ndakanowana Chiedza naamai vake vave mukitchen kwave kupinda muroom medu nekurongedza mari ndokubva ndaenda kukitchen kuti ndinobatsira kubika but ndakadzingwa ndichinzi,
Mainini : Madam boss vepano endai zvenyu munoresta mubedroom kana kunoona TV, kana chikafu chaibva tichakuunzirai ikoko.
Ndakadzokera kubedroom kwave kunobata phone yangu and texted tete who happens to be the only sister yanadaddy ndichiti,
Me : Tete makadii, ndinewo chikumbiro chekuzogara nemi kumba kwenyu next vacation. Ndichazotaura nemi zvakawanda tichionana. Kuno ndiko kumba ndinozviziva but handidi kuti ndive ini ndinokonzeresa kusawirirana nekusanzwanana pakati pabamnini namainini.
Yakapindurwa a few minutes later with a voice note. Vaitodyawo zimbe rine moto chairo tete vangu zvekuti ndakatombodzokorodza kuverenga message yandakanga ndavatumira kuti ndione pandakanga ndakanganisa chaipo asi ndakapashaya. Ndakanzwa kubaiwa pakati pemoyo chaipo ndakateerera audio iya vachiti,
Tete : Pandaisimbonzwa kuti nherera dzinonetsa ndaiti kunyeba but wave kundiratidza manje pachena. Uri kuda kutsvaga kundiparadzanisa nemuroora wangu mai Chiedza vakakuchengeta kubva pawakafirwa nababa vako? Usafunge kuti mabasa ako aunoita ikoko handimazive? Utori munzwa chaiwo mukati memarriage yamai Chiedza ndinozviziva zvekuti dai asina kushinga angadai akatosiya imba because of you. Une moyo wakasindimara kunge waamai vako vakasiya vapa mwana wamai vangu AIDS nekumuroya pamusoro kuti asazofe akatarisa mumwe mukadzi. Handidi kutaura newe zvakawanda Vimbai but chandinongoda kukuudza ndechekuti uve munhu anotenda. Waakuda kunyeya mai Chiedza neni nekuti waakuenda mufinal year ka waakuzonoshanda saka haudi kuzenge uchicheuka vanhu vakakurera.
Ndakamboita pause it ndaguta nemashoko but some inner voice told me to listen to the end. Pandakaita resume the audio ndakatanga kunzwa tsamwa chaiyo ndokubva vazoti,
Tete : Kumba kwangu hakuna nzvimbo yako. Nemukundo waunawo unenge wedho*dhi rinonhuhwira muridzi waro uchishaisa mukadzi mukuru mufaro mumba make kuno ungasanditorere murume? Kana wafunga kusunungura mai Chiedza tsvaga hama dzaamai vako.
Ndakanzwa kuzarirwa chaiko neshungu. Hama dzamhamha vangu dzavaireva yaitongove non starter chaiyo. Ivo vanhu ava ndivo vakauraya hukama hwangu navo nekuti vakaramba kuti ndinogara namainini vangu pakashaika daddy. Ndaive mudiki zvangu but ivo tete vakanga vandiisira audio ava ndivo vakataura mashoko ekuti vakanga vave kundida kuti vaone kudya mari yakasiiwa nehama yavo my dad. It did not make sense at all nekuti zvese zvakasiiwa nadaddy zvaive muzita rabamnini baba vaChiedza. Hama dzaamai vangu ndakaguma kudziona parufu rwadaddy and vakatobva vasati vavigwa nekuda kwemashoko, hapana kana one wandakazoita in touch with.
Ndakachema ndichifunga zvakawanda, ndakazodaidzirwa sadza ndikaenda kunodya kwete nekuti ndakanga ndine nzara asi nekuti ndaitya kuwedzerwa kupopoterwa. I cleaned up after dinner but manheru iwayo hadzina kubata hope, I kept asking myself kuti ndichazosanganawo nemufaro muhupenyu hwangu riinhi uye zvaita sei. Time yakapinda a goodnight message paphone pangu from the king of my heart ndakabva ndawana mhinduro. “Maybe marrying Lawrence is going to be my way to happiness.....” I thought to myself but ndakabva ndazvibvunza kuti when will be that isu tisati tatombotaura nyaya dzemarriage and mhinduro yakauya mumusoro mangu ipapo yaive yekuti ndikangomuitira nhumbu ndinenge ndapedza masports ese.
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
258