L.T. MAHACHI NOVELS
June 14, 2025 at 02:59 PM
https://chat.whatsapp.com/FihW17eCBDl8DIMs5EApSo
FROM 1 FOLLOW CHANNEL
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE : A HEART DECEIVED
STORY BY L.T. MAHACHI
O775O72O31
O77799O714
INSERT 3
LAWRENCE
Ndakanga ndakagara pabed in my bachelor apartment ndichitsenga nzungu dziya dzekukangwa naSimbiso pakapinda friend yangu Itai mumba mangu. Akasvikoita join me pabed paya kwave kunokora nzungu achiti,
Itai : Mabikwei muno? Ndanzwa nenzara shamwari.
Me : Yako yekusvikongopinda mumba mangu usina kuknocker mumwe musi uchasangana nezvichakupofumadza.
Akaseka achiti,
Itai : I knew that you were alone, also door rako ranga risiri locked. Kana wauya nemukadzi ndinoziva kuti chinhu chaunotanga kuita kukiya door.
Me : Eish, zvawataura izvi, ndabva ndanzwa kuwedzera kusuwa chinhu chinonzi mukadzi shamwari.
Itai : Ko babe wako akakanga nzungu idzi haana kukupodza nyota here madays awakanga uri kumusha.
Me : Iroro ibasa raVimbai, uyo ane rake raanoita kumusha ikoko, handiti tiri kutonakirwa nenzungu so.
Itai : Yeah, wakaoma zveshuwa. Poor little thing, saka mai Nhiya vanenge vachitofara kuZaka uko vachiti baba vauya zvichingogumira mukutaura nyaya? But you once told me that she was your first, saka hauchamunzwire sugar here?
Me : Kutaura chokwadi Simbiso ave kutondisemesa zvake kumutarisa. We are now two different people. Kungoti iye idofo zvake haaoni.
Itai : Uri kuita hutsinye shamwari. Ko kungomuudza kuti hauchamuda aite move on nhai?
Ndakatanga ndaseka ndokubva ndamuti,
Me : Ndiri gentleman wangu, I don't break women's hearts nekuvaudza kuti handichakuda. Munhu ane brain dzakakwana anoonera ega wangu. Sure ini munhu ave kupedza Masters ndonotatapurana nemunhu ane C kuShona chete paO Level? Chero dai zvikanzi rudo ibofu.
Akadzungudza musoro and asati ataura anything a message popped paphone pangu ndokubva ndakasika kuitarisa. Ndakaridza kamuridzo so ndakatarisa half yethousand yakanga yatumirwa naLydia through World Remit. Sahwira wangu akabva ati,
Itai : Asi Vimbai ati ari kuuya kani. Mafariro aya ndeemunhu ari kurara akagukuchira mukadzi chete.
Ndakaseka and said,
Me : Zvandiri kufarira hazvinei naVimbai shamwari. Tave kutaura zvevakadzi vanonzi vakadzi vanospoiler varume.
Itai : Heee?
Me : Lydia just sent me something, ndatorongeka shamwari pakati pemwedzi kudai.
Itai shook his head ndokubva ati,
Him : But hausi uri kuzvinyanya here shaa? Vimbai, Lydia neuyo wekumusha!
Me : Handina kuroora ini, I can have as many girlfriends as I want semunhu achiri pakutsvaga so. I can manage them, havafe vakadhumhana.
Itai : But I think pana Vimbai wakanyatsowana munhu chaiye. She is so calm and reserved. Uya ndiyo inonzi wife material manje.
Ndakaseka zvangu kwave kuti,
Me : Wife material inopedza weekend yese ichigara nemukomana ichidyiwa zvinhu?
Itai : Ndiwe wakamupandutsa. Inga ndiwe wakadya virginity wani?
Me : Zvine basa rei izvozvo.....yakanga isiri rape ka nhai. Akandipa achida......pamwe aitoshaya anodambura tsinga yacho kwaakabva uko. Ini wangu chaiye ndinaye Lydia ane background chaiyo chaiyo. Anewo mari dzake.
Me : Uri kuziva life yaari kurarama here Lydia wako iyeye kuEngland kwaari. Dai watoshandisa mari yaari kukutumira iyi kuroora Vimbai wobva wavharisa madeals naye Lydia iyeye.
Ndakaseka ndakatarisa screen yephone yangu ndave kunyora message ndichitenda muroora waamai vangu Lydia. Ndakazomuti,
Me : Ndakakurira munhamo shamwari. Kumba kwedu ndini nditori bread winner unozviziva iwe. Vimbai munhu atoriwo nenhamo yake zvekuti anenge achitodawo kuchengetwa neni. Lydia ane bag and zvaizvozvi she is the only person anogona kunyatsochinja life yangu. She is actually my visa rekuenda kuEngland as soon as I finish my Masters.
Itai : Wangu, usazodaro........Lydia watiri kutaura nezvake uyu hausati wambomuona, usakanganwe kuti wakasangana naye padating site and I still wonder kuti waitsvagei iwe une munhu anenge Vimbai muhupenyu hwako. Vimbai wauri kuti haana chaanacho uyu achiri mwana wechikoro and soon anenge apedza degree rake motoita life yenyu bhoo bhoo.
Ndakaseka zvekubuda misodzi chaizvo ndokubva ndazomuti,
Me : Usaite kunge usingagare muZimbabwe iwe Itai. Vanganiko vakapedza madegree vari kuswera vachimhanyisana nemapurisa ekanzuru vachitengesa mabhero nemadomasi mutown umu.
Itai : Vamwe vari kungobva kuchikoro vachienda kumabasa wani. Program yaari kuita ine market shamwari.
Me : Dai wakakura life yandakararama paZaka apo ndichienda kuchikoro netsoka man'a achiita seachasvika kutsapfu waiziva kuti muhupenyu kana wangowana kamukana unokabatisisa. Ndikaita zvekutamba nemunhu anonzi Lydia I will live to regret all my life.
Akasvika pakubuda mumba mangu achingoedza kundionesa kuti Vimbai is the right person for me but ndiri benzi here vakomana ndinozivirwa zvakandinakira nemumwe munhu. Mamwe atinoti masahwira aya anenge achitorwadziwa nesu munhu achida kuti tingoramba tiri pasame level rehupenyu. Ini ndiri kuda kubuditsa amai vangu muZaka hamawee vazogarawo kunonzi kunoyera kwacho muHarare vachinyatsoona kuti vakafira zviripo pavakandiendesa kuchikoro nemari yemaricho.
VIMBAI
It's now over a week kubva pakaitika bongozozo riya nenyaya yemari yefees. Ndatove kuchikoro and I have settled well but mashoko andakataurirwa namainini pamwechete neatete haasi kubuda mumusoro nemuhana. Ndinonyatsonzwa kuti ndiri ndega pasi pano.......the only person who cares about me is Lawrence. Bamnini vanoita havo yes but maitiro avo ndiwo anonzi duty.......if he truly cares about me vangadaiwo vachimbobvunza kuti ndiri sei kuchikoro but tinongoparadzana musi wandinobuda pamba pavo tozotaura time yandinenge ndave kudzokera kumba chikoro chavharwa. I am just a very lonely person, I have nobody in my life......only Lawrence.
As I was reflecting on my life ndakagara muroom mangu mafriends angu Chido naTariro vakabva vapinda. My roommate was away so vakatopinda vachitaura zvavanoda zvavo. Akatanga kutaura ndiTarie achiti,
Her : Weekend yasvika ka iyi. Tiri kuita sei? Since tichiri mumafirst weeks tisati tave nepressure zvinoita here tingoita mafive dollars five dollars toenda somewhere kunoita kabraai kedu. Girls outing you know.......tinonakidzwa.
Me : Inini weekend handipo guys......it's a good idea though.
Chido : Muri kuenda kwaLawrence here sahwira?
I smiled and proudly said,
Me : Yes dear, ari kuuya mangwana after classes kuzonditora. It's been long, munongozviziva wani guys kuti kana munhu uri kumba kuonana anenge ari ma1.
Ndakaziva kuti Tariro wekutaurisa haamboshaye chekutaura ipapo......akatoti paya,
Her : Umuudze kuti ndiri kutengesa mawig. MaPeruvian chaiwo chaiwo ane frontal.
Ndakabva ndatoseka zvangu and Chido ndiye akamudaira achiti,
Her : Taura zvako Tarie, she doesn't deserve one.......Vimbai should get at least three from Lawrence nekuti haaa hakuna kwaanowana munhu akadai mhani anomuitira zvese every weekend when schools are open. Anobika mhani mumwe wedu uyu osiya amuisira chikafu mufridge ndakazviona the other time and she also does his laundry, kana ave mabedroom duties handichataure.
Tariro akabva atonyudza gejo achiti,
Her : Haadi zvake kuudzwa chokwadi sahwira wedu uyu but munhu wake akaomera. Gaya abva kuita izvozvo haatenge kana pork pie zvayo yekuti munhu azotsengawo adzoka kuchikoro.
Handina zvangu kubatikana nazvo. Vese vari two have dated several guys kubva patakatanga chikoro and ini ndichingori naLawrence wangu. Vavo ivavo vavanoti vanotenga pizza neNando's vanenge vari dozen pamunhu one zvino ini pane wangu Lawrence ndinonyatsoziva kuti ndini ndiri panyanga. I have spent so many nights with him and handisati kana ndambosangana nemasuspecious calls. Ndakambovasiya zvangu vachitaura zvavanoda ndokubva ndazoti,
Me : Guys, wangu murume anoziva zvakakosha. Mind you he is paying for his fees, mari dzemapost graduates munodziziva imi. Also, ari kuchengeta yekuroora. Soon you are going to be bridesmaids asikana.
Tariro : Ndizvozvo hazvo dear but zvimwe zvacho unofanirwa kuzviona as red flags. Zvemarriage zvauri kutaura izvi unoti wapinda mumba nemunhu akadaro yako salary unenge uchinzi huya nayo tiise apa tironge after that okuudza kuti ndiye anotenga zvese zvemumba. Handisi kutaura zvekuwanza Vimbai.......ndine cousin yangu yave kurambidzwa kuenda paWhatsApp chaipo nemurume achinzi unoda kutaura nani. Zvakangotanga munhu ari mukomana achingoita zvetwumitemo twakawanda ndosaka ndiri kuti hangu pana Lawrence apo ziso rako rione.
Ndakaseka zvangu ndokubva ndatochinja nyaya. Aaah ndingaite musikana rudzii sure anonyeya mudiwa wake nevanhu vachiri pakutsvagawo vanhu vane rudo rwunenge rwaLawrence. Tinenge tiri muhubhururu but godo rinowanikwa, that much I know.
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
153