L.T. MAHACHI NOVELS
June 17, 2025 at 06:44 PM
https://chat.whatsapp.com/FihW17eCBDl8DIMs5EApSo FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : A HEART DECEIVED STORY BY L.T. MAHACHI O77799O714 O775O72O31 INSERT 6 THREE WEEKS LATER VIMBAI We have been seeing each other as usual with my man for the past weeks and love tiri kupisa kwete zvekutamba. I keep falling in love with him over and over again. Ndinonyatsonzwa muhana mangu kuti he is my world and hakusisinazve mumwe munhu wandichazogona kuda muhupenyu huno. Lawrence is just a gift from above, anoita kuti ndikanganwe maproblems angu ese ehama dzangu dzisingandide. As always ndakamutswa nemessage yake makuseni mujaya achiita wish his queen a good morning and a beautiful day ahead. Ndiri pakati pekutyper mashoko anotapira in response ndakangonzwa zvandisina kunzwisisa mudumbu mangu. It was very unusual, kungofeeler nauseous ndisina kana chandakanga ndaisa mumukanwa. I failed to hold it zvekuti ndakaguma ndadhonza bucket rangu pasi pechair and threw up. Kwenguva chaiyo ndaingorutsa ndichishaya kuti zvandaibuditsa zvacho zvaibva pai. Ndakatozoita kudhonza makumbo ndave kuenda kubathroom kunorasa nekuita clean up myself. Pandakadzokera kuroom ndakanowana roommate wangu avemo. Haasi munhu wandinonyatsonzwanana naye but paakangondiona akanditi, Her : Vimbai waita sei? You look so pale. Ndakanga ndisina kana simba mumuviri zvekuti ndakamudaira ndakabodoka chaiko ndichiti, Me : I am not feeling well, zvangotanga this morning. Her : So sorry, dzokera mumablankets uzorore. I will bring you breakfast yako. The thought of maboiled eggs atinopihwa kuseni kwega kwega pachikoro made me feel like throwing up again. Ndakangomuti asandivigire chinhu ndave kutodzokera mumablankets. Akataura zvekunge kutsvinya chaizvo sezvo ndisina chimwe chinhu chekudya muroom yatinoita share iyi achiti, Her : You have to eat Vimbai. Munomu manje unodyei? You have been throwing up ka so simba unotoriwana kana wadya. I ignored her ndatove nemibvunzo yakawanda mumusoro mangu ndokubva abuda zvake. I couldn't stop asking myself kuti zvandaishuvira zvakanga zvaita here. Imi, hamheno kuti zvaifamba sei......ko kutozobatwa nehope iko kuseni ikoko kunge munhu asina kumborara nhai! Ndakatozopeputswa nemavoices muroom medu muya. Roommate akanga adzoka and she was with Tariro and Chido. Ndakasimudza musoro and greeted them kwave kumuka and sat mumablankets imomo. Tariro so, akauya achiisa the back of her hand paforehead pangu achiita kunge aida kunzwa body temperature yangu kwave kuti, Her : Uri kunyatsooneka kuti hausi kunzwa zvakanaka. We will take you to the clinic. Me : Regai ndimboresta mbichana. You can't miss lectures asikana because of me. Ndinoita right. Chido akabva auyawo nechingwa chaakanga akabata nezai and tea yakanga yaiswa muflask. They forced me to eat but ndakatadza kudzikisa chikafu ichocho zvachose. I threw up again, kwaingove kubuditsa mvura mudumbu. Vakazobuda havo kuenda kufirst lecture but vakanga vari so worried about me. Panguva yandakasara ndiri ndega ndakabatwa nekutya kwakanyanya. You know I felt like ndakanga ndapengenuka kubva kune chimwe chinhu chakanga chakandiputira. Ndakadedera ndiri mumablankets kudaro kwave kutaura ndega ndichiti, "What if I am now pregnant zveshuwa? Ko kana Lawrence akairamba nhumbu yacho ndinoita sei? Ndinoenda kupi chokwadi?" Ndakanzwa misodzi yave kutobuda. Ndakambobatwa nemweya wekuudza Lawrence kuti ndiri kurwara zvandisinganzwisise but ndakazvidzikamisa telling myself kuti ndozomutsvaga kana ndaenda kuclinic. Ndakavavarira hama dzangu kwave kunogeza, ndakanga ndave kuda kutogara ndaenda kuclinic vana Tariro vari kumaclasses. I wasn't ready to be judged because there was high probability that I was pregnant. Ko kubva patakavhura chikoro mukomana aingorova zvake bhora racho live and direct richigohwera muchibereko changu. Time yandakanga ndave kusunga musoro wangu kuti ndibude door rakavhurwa and Tariro entered kwave kuti, Her : Urimo dear, ndauya kuzokutora tiende kuclinic uwane medication. Me : Aaah, Tarie, wabva wasiya malectures sure? I am now feeling better ndave kutoenda. Her : We are going together, uri kunyatsooneka kuti body yako haina simba. Hatina lecture from 9 to 11 wakanganwa here. Takabuda tese and I was just so quiet, kwete kuti ndairwadziwa asi kuti ndaifungisisa zvakanga zvave kuitika muhupenyu hwangu. Pakanguva kataifamba kubva kuNC 4 kwandinogara tichienda kukaclinic kemucampus ndakanzwa mavoices akawanda mumusoro mangu. I kept hearing Lawrence's voice achindibvunza kuti ndainwa here mamorning after and ramainini mai Chiedza ndairinzwa zvakare vachitaura mashoko ekuti vanoda kuona ndikaripedza iro degree racho. Ndakanopinda muclinic ndichingozvitukira iyo risk yandakatora iyi.......sure dzakabva nekupiko pfungwa dzekuti ndiite nhumbu. Haaaa ndiwo anonzi madhimoni chaiwo anogara muvanhu. Ini ndakanga ndanyatsomapa nzvimbo mukati mehupenyu hwangu. Takanowana muina doctor wechikuru and after narrating to him zvandainzwa nekurutsa kwandakanga ndafuma ndichiita akanditi, Him : When did you last saw your period? Ndakatanga kuverenga zvigunwe and ndakanga ndatopedzesera ndichiri kumba chaiko tisati tavhura. Takatobva tapinda muUrine test and as I had anticipated chakanga chakatochaya. Misodzi yekutya chaiyo ndiyo yakandikurira. Handizive kuti zvivindi zvese zvaimbondipfeka panguva yandaiita family planning yangu ndega zvakanga zvaenda kupi panguva iyoyo. Handizive kuti ndakagara for how long mukaoffice kadoctor ivavo ndichingochema. Vakazondipa counseling and his words were like kuita nhumbu is not the end of the world. Vakandisimbisa vachiti even if the father refuses to take responsibility I can still take care of my baby. Nyaya yavakanyanya kuita emphasize on yaive yekuti I should not even consider abortion. He called Tariro wandakanga ndasiya akagara kureception vakamuudza zvakanga zvave pandiri and encouraged her to be my pillar. Takadzokera ndichingochema iyo mvura yemuguchu yakanga yadeuka iyi. Tariro akaenda neni kuroom kwake naChido. She gave me some juice ndokubva azotaura neni achiti, Tariro : Usazvikuvadze nekuchema uchidaro dear, handiti wanzwa doctor vachiti haufanirwe kuita stress yourself unokwidza blood pressure. Hausati watomboudza baba vemwana wacho. Lawrence anokuda though ane mamwe maitiro andisingafarire zvangu. Kunenge kwave kutotanga kwemarriage asikana. Mashoko ake iwayo akaunza kamwe kakugadzikana mukati mangu. Ndakabva ndabuditsa phone mupocket ndichiti, Me : Let me call him agare aziva zviripo. Akanditorera phone iya achiti, Tariro : You need to calm down first dear, usamuudze nyaya hombe iyi over the phone. Just send him a message uchimuudza kuti uri kuda kumuona you have something important to discuss with him. I nodded and thanked her. Ko dzangu brain dzakanga dzichanyatsoshanda zvakanaka here panguva iyoyo. Feeling yandaive nayo handigone kuitsanangura so ndakanga ndabatwa nemweya wekutongoda kugara ndaziva pandimire. She managed kuita cheer me up a bit ndokubva tazoenda hedu for malectures akatevera. Mukati ndine chandainzwa here kumaclasses ikoko......zvaingove zvekuzvimanikidza ndamirira manheru kuti ndionane naLawrence ndimuudze kuti ndakanga ndatakura mwana wake. SIMBISO Ndakabva kwavamwene kwandakasiya ndavabatsira kusarudza nzungu dzembeu pandakanowana amai vangu kumba vakaita kuisa muromo mumhuno. Ndakaziva kuti vakanga vanzwa kwandakanga ndaenda nekuti ndakasiya ndavanyebera kuti ndainoona shamwari yangu Janet akanga auya kubva kubasa kwake kuHarare. Pandakangovasweresa vakanditi, Her : Chokwadi wakaita seiko iwe usingaoni? Wakadyiswa here kwaMudzamira kwaunoshandiswa kunge mhuka uko. Kana iye Lawrence wacho waunoendera ikoko wakapedzesera kumuona riinhi? Zvimwe zvinoda kufunga Simbiso. Unofunga kuti haana vamwe vasikana kwaari ikoko? Me : Amai, takabva kure naLawrence haambondirasise. Tinotaura paphone. Pamwe pacho pandinoenda kumba kwaamai vake anenge ane zvaandituma. Her : Anokutuma kuti uri mwana wake? Funga iwe hausisiri mwana mudiki. Simba rauri kupedzera mahara iro uchinowachira nezvisikana zviya zvinoita kunge zvinosemeswa nevanhu dai wataura naJanet akutsvagira basa handiti waitowana mari yedikita rako hupenyu hwedu hukachinja pano? Me : Manje manje tiri kuchinjirwa hupenyu hwedu naLawrence amai ndaroorwa. Ende ndiri kuda kuti tibve tamugadzirisa zvamaitaura zviya kuti dai makaziva makakanda munzungu. Anoita wedu tega pano, kana motikari yaari kuda kutenga amai vake vachange vave kuionera pano nguva zhinji. Her : Paari kuuya make sure haadzokere asina kusvika pano. Ndichagara ndatsvaga zvinhu zvacho.
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 143

Comments