L.T. MAHACHI NOVELS
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                June 18, 2025 at 01:19 PM
                               
                            
                        
                            https://chat.whatsapp.com/FihW17eCBDl8DIMs5EApSo
FROM 1 FOLLOW CHANNEL 
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE : A  HEART  DECEIVED 
STORY BY L.T. MAHACHI
O77799O714 
O775O72O31 
INSERT  7
MAI CHIEDZA (Mainini VaVimbai)
Ndakamutswa nereminder yedate  rangu rakandikoshera ndokubva ndatobuda mumablankets. Nguva inofamba veduwee, mwedzi wakanga watokwana sekutamba. Ndakabva ndaita amai kwavo kwave kutomuka and stated  preparing zvevaienda kubasa nevaienda kuzvikoro. Ndaida kuti vakasike kubuda ndigosara ndotarisa riva rangu randakateya mwedzi wakapera kuti rakanga rave papi. Nguva yakanga yabuda vanhu vese pamba ndakanovhura monarch  rangu raive pamusoro pewardrobe kwave kubuditsa bhodhoro remayonise randaifanirwa kurasa musi iwoyo. Ndakavhunduka pandakaribata ndichiona mvura yaivemo yave red. Kana pant raVimbai randakanga ndakaisa imomo rewhite  rakanga rangutsvukawo semvura yacho. Ndakataura ndega ndichiti,
“Kuti midzi iya yaita kuti itsvuke......hamheno!”
Ndakabva ndaphonera tete nyakundiperekedza kun'anga yekuEpworth yaiviti ndichamangwiza yakandipa mushonga wekuita destroy life yaVimbai  and vakandidaira vachiti,
Tete : Makoti wangu......ndanga ndichitokufunga ipapa. Zuva redu rasvika ka.
Me : Izvozvi ndiri kutya tete, mubhodhoro muya mave kuita kunge mune ropa.
Vakandiseka tete vachiti,
Her : Saka mune fear yei manje nhai amai? Zvatofamba ka izvo. Handiti ndakakuudza kuti sekuru vaya vanoziva zvavanoita. Ini vakandigadzirisira zvakawanda muhupenyu hwangu. Ndakanga ndisingadiwe ini nehama dzemukuwasha wako but now ndini ndave amai vemusha wese iwoyo. Chandataura ndicho chinoitwa. Vanondidedera vese nembwa nembwa dzemumusha imomo. Uri kufunga kuti pawaibaya musoro wake Vimbai netsono papicture neiko kapart kanovharwa nebhrugwa waiita zvedambe. Haachambofe akaribata degree mumaoko make ende mimba ndiyo yaari kuzoita manje obva abuda mumba mako sezvawakataura mudare rasekuru. 
Ndakanzwa kudzikama mukati mangu uku ndichiputirwa nemufaro. Ndakabva ndavati,
Me : Tete zvinhu zvikangofamba zvakanaka chete izvi muchaona zvandichakuitirai.
Vakaseka zvakare ndokubva vati,
Her : Yave nguva yekuona drama manje takapeta maoko. Hehehehe, gore rino......uchazviona zvave kubva kuUZ uko zvichisunda katumbu. Zvichanakidza izvo. Regai tingogara zvedu takateya nzeve. 
Me : I can't  wait tete honestly,  ndiraramewo hupenyu  huri normal  nemhuri yangu.
Tete : Rega uzoona zvako. Ini tete vacho ndatomirira musi wachinobvondoka ndobva ndatomhanya kunosiya munhu kumunhu wake.  Ndokunge achimuziva futi.....zvichida nehavi yakataurwa nasekuru yekuda kukwenywa nemunhurume yavakamusairiri pavakadetembera vachipfungaidzira  picture yake akanga ave kungokwenyesa wese wese.
Ndakaseka zvangu kunyatsobuditsa kwavakaita mashoko akataurwa nen'anga iya. Ndakazovati,
Me : Tete, tinotaura time time regai ndichipedzesa assignment  yacho tichimirira maresults.
Tete : Chokwadi zvinoda kuti ukasike waita kabasa kacho musikana nekuti kakakosha. Basa mangwanani. Usakanganwe kuti uri kufanirwa kunoita bhodhoro iroro rekupwanyira padombo handiti. 
Me : You are one in a million tete, you are a true sister.  Ndave kuzoitawo enjoy my marriage after so many years ndisisina munhu uya mukati memba yangu.
Tete : Haiwa zvatoendwa izvo. Ndinoziva kuvava kwainoita marriage kana munhu uine munzwa mukati memba yako. Chimhanya muroora wangu unoita zvauri kufanirwa kuita. Gore rino, tichaita maparty ekupemberera......rega uone hako. Agoita degree iye vana vedu vasina kuti anyanya kushamisirei?
Takaonekana zvedu ndokubva ndatobuda ndakaisa bhodhoro racho muhandbag chaimo semunhu ane kwaaienda. Ndakafamba zvangu ndichirangarira marongero  atakaita zvekuenda kun'anga naivo tete ava mushure mekunge ndarohwa nemurume wangu nenyaya yefees yake yandakanga ndatapudza ndichitumira hanzvadzi yangu akanga ave stranded  kuSouth Africa uko. Ndakambotya when she came with that suggestion  yekumuendera kun'anga but vakandisimbisa nemashoko ekuti,
“Ko nherera isina anodzivirira inombonetseiko kugadzira......ndinoenda newe inini wedzinza rake uone zvichaitika.”
Ndakafamba  muHatfied matinogara kwave kunobudira kunaAgnes Wilson ndini uyo tande nekachisango keroad  yekuenda kuUnited Theological College. Ndakacheuka kakawanda ndichitarisa kuti kwakanga kusina vanhu here nekuti ndakanzi pandaizoita zvandakanga ndave kuita izvi ndaisafanirwa kuonekwa nemunhu. Ndakaputsira bodhoro riya padombo ndokubva rangopwanyika ipapo ipapo kapant kake kakasara kakanamirira padombo. Ndakafambisa kwave kuenda panaChiremba road ndokukwira kombi kwave kunanga kutown chaiko nekuti ndakanga ndanzi kana ndapedza izvi ndaifanirwa kuti ndisangane nevanhu vakawanda zvinova zvinozoita kuti Vimbai asemwe nevanhu vakawanda muhupenyu hwake.  Kumba ndakatozodzokera zuva rodoka chairo ndichinzwa kumwe kugadzikana nemufaro wechokwadi. Kwakanga kwave kungomirira takateya nzeve sekutaura kwakanga kwamboita tete.  
LAWRENCE 
Ndaitotaura naLydia pandakaona message yakabva kuna Vimbai ichipinda achiti anoda kuti tionane she had something  serious  to discuss  with me. Ndakatomboramba ndichitaura nemunhu ane basa  ndisati ndaivhura kwaakuzomuudza kuti toonana manheru pandinoenda kulibrary.
Ndakanopinda mucampus around 5:30 that evening  and called her akati akanga ari kuroom kwake. Ndakanomuwana aine mabhururu ake andakamarka aya iye atori mumablankets chaimo. Patakangopedza kumhoresana neshamwari dzake vakabva vatobuda zvevanhu vaitipa space chaizvo. Vabuda akasimuka and locked the door. Ndakaramba ndakamutarisa achifamba zvemunhu akanga asina simba mumuviri chaizvo. Ndakasimuka kwave kunoita hug her ndichiti,
Me : Sweetheart,  ko wadii kundiudza nguva yese iyi kuti hausi kunzwa bhoo nhai?
Vimbai : I will be ok, in fact ndatove much better than zvandanga ndimbori but there is something  bigger than kusanzwa bhoo kwandiri kuita. Thanks for coming, ndiri kuda kuti titaure roommate  wangu asati adzoka.
Takagara pabed pake and akaita kanguva akangotarisa mudenga achiita kunge aishaya pekutangira nyaya yake. I took her hand ndichiti,
Me : Are you ok sweetheart......taura tinzwe. Ukaramba wakanyarara kudai handichanzwisise kuti chii.
Mashoko acho akabuda achiita zvekumasundidzira chaizvo kuti abude mumuromo make achiti,
Vimbai : I am pregnant  Lawrence.  I just found out this morning.  Ndamuka ndichirwara ndokubva ndaenda kuclinic.
Ndakamutarisa so ndichimushaira mashoko. Ndakatomboda kusimuka kubuda imomo.......what kind of nonsense  was she telling  me munhu wandinogara ndakatengere mamorning after akawanda. Ndisati ndaita react some inner voice just told me to maintain my cool. I swallowed hard ndokubva ndamuti,
Me : Are you sure babe? Waita matests here?
Akaita sigh which I just assumed  kuti yakanga iri yerelief ndokubva ati,
Vimbai : Yeah, ndaita urine test kuclinic kwandaenda makuseni and all the sticks that we used came out positive. 
Ndakanzwa muviri wangu wese kutanga kumerera nehasha so. How could she be so careless  chokwadi munhu ave mufinal year?  Ndakada kubuditsa mashoko ekuti nhumbu iyoyo ibve yatobviswa nekukasika but ndakaona iri easy way for her. Uku ndiko kuda kuita trap me nenhumbu ka uku kuti ndibve ndamuroora. Haaa pano manje anyangira yaona. Uyu ndiye achazofamba achiita maawareness muzvikoro zvese achiudza vamwe vasikana kuti haungoitire munhu nhumbu musina kuronga. Zvaive mupfungwa dzangu handina kutomboda kumuratidza......handisi kutomboda kuti aite stress nhumbu iyoyo ibve no! Mwana ari kufanirwa kurarama, so ndakamuti.....
Me : I think we need to go kwaunokwanisa kuitwa scan tinyatsoziva kuti zvinhu zvese zvakamira sei tozoona kuplanner zvekumberi.
Ndakaona smile kumeso kwake ndokubva ati,
Vimbai : Hmmm, I am so relieved.  Thank you so much my king. Unoziva ipapa ndanga ndichitotya kuti unogona kundiudza zvimwe. Indeed you are different  from vamwe varume kunze uko. I am so blessed  to  have you.
Ndakabva ndamusekererawo ndichimubata maoko ake ese ndichiti,
Me : I am a responsible  man sweetheart, ko handiti vana zvipo zvinobva kuna Mwari here. Tapihwa chipo nedenga and we should  celebrate.  
Ndakatobva ndamudhonzera mumaoko mangu and zvakawanda zvakabva zvatomuka mukati mangu. I just could  not resist  her, ndakamuumburudza pakabed kake ikako ndikatopinda wani and I enjoyed  myself as always. Ndakanga ndatopinda mugear rekusimbisa mwana ini......zvinouya achazosangana nazvo kumberi uko.
                        
                    
                    
                    
                    
                    
                                    
                                        
                                            ❤️
                                        
                                    
                                        
                                            😢
                                        
                                    
                                        
                                            🙏
                                        
                                    
                                        
                                            👍
                                        
                                    
                                        
                                            😮
                                        
                                    
                                        
                                            😂
                                        
                                    
                                    
                                        165