L.T. MAHACHI NOVELS
June 20, 2025 at 09:19 AM
https://chat.whatsapp.com/FihW17eCBDl8DIMs5EApSo FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : A HEART DECEIVED STORY BY L.T. MAHACHI O77799O714 O775O72O31 INSERT 9 MAI CHIEDZA Munoziva munhu kana wanyora examination rako so unenge uchida kuziva maresults acho kuti wakapassa here kana kuti wakafoira uone kudzokorodza. Honestly I was not going to give up kusvika abuda mumba mangu permanently iye mwana anonzi Vimbai uyu. Ndakanga ndiine satisfaction yekuti zvese zvakanga zvataurwa nasekuru ndakanga ndaita but ndairamba ndichingozvibvunza kuti zvakaita here because Vimbai haasi mumba mangu. Pakanga patove nealmost three weeks kubva musi wandakanoputsa bhodhoro rangu when I called tete ndichivati, Me : Nhai tete, zvino tongopeta maoko here takamirira kuti semester ipere kuti tigozoona kuti zvinhu zvedu zvakafamba here? Tete : Sekuru vaya ndinovatemba zvangu but ipapa ndanga ndichitofungawo kuti kana zvakabhamba ipapa next semester anenge ave kutoenda kunoripedzesa ka degree racho zvinova zvatisiri kuda kuti zviitike. Ndakaita picture her akapfeka cap of knowledge ndikanzwa mweya wangu uchindiudza kuti chero ndikanonzi ndipinde muguva remunhu wandisingazive ndinonopinda chete kuti asambofe akapedza chikoro ichocho. Haaa, iko ndakazvinonokera mhani zvinhu izvi. Ndaifanirwa kunge ndakapedza naye kare. Ndakazodaira tete ndichiti, Me : Ndizvozvo chaizvo tete, apa chinonetsa ndechekuti haauye kumba manje, anotozouya kana vavhara. Vakamboti zii tete kwave kuzoti, Her : Apa tiri kutofanirwa kuti tionane naye nekukasika. Kana aine nhumbu tinoibata chete munhu obva agara aenda kumunhu wake and kana aenda ikoko tiri kufanirwa kutoita zvekuti asanokugare. Sekuru vanotibatsira.......handisi kuda hangu kuti tiriyambutse datya iri nekurikika. Ndakaseka zvangu kwave kuti, Me : Iye ndiye ave kufanirwa kugara mubhodhoro manje makambogara bhrugwa rake. Tete : Yes makoti, there is nothing special about her mhani! Me : Saka tingaite sei kuti auye kumba. Imimi hama yake ndimi mungatokwanise kumudaidza kwenyu. Tete : Hazvinetse, uyu baba vaFarai (her husband) ane birthday in two weeks time. Ndave kutokwereta mari kuti ndimuitire party toita kuti iye Vimbai auye kuparty. Kana akatsika mwedzi tinomubata chete. Tinotobika chikafu chakawanda, hapashaye chaasingawirirane nacho kana nhumbu yavepo. Ndakasekerera ndave kutoona kamwe kadrama mumusoro mangu. Hehehede, zvichanakidza chete gore rino. Ndakati kuna tete, Me : That is an excellent idea tete......haaa munondigonera mhani vaMagumbo. Ndine kafifty dollars kandinako kuno. Ndiri kuiunza ikoko for party yemukuwasha. Kutonotenga maguru nematumbu chaizvo zvinonyatsonhuhwira vanhu vane nhumbu dzisingade nyama. Tete : Ehezve makoti, tinomuwinner chete gore rino. Aaaah, unochembera munhu uchiri mwana mudiki ufunge nekuda kwestress dzinounzwa nemumwe munhu. Me : Chokwadi zvenyu tete, kana iri hanzvadzi yenyu yandinogara nayo kuno haana chakaipa chinoitwa nemwana wemukoma wake chaanoona. Pamwe pacho ndinotombofunga kuti nekakuwirirana kaaiita namai vaVimbai uyu pamwe aitomborara navo chete. Tete : Hazvirambike kani nekuti kungoroorwa kwavakaitwa mai Vimbai vakabva vazotora murume wako kumusha vakazogara naye muno muHarare vachingoti bamnini vawane maopportunities ari nani. Uya mukadzi airoya zvechokwadi. Huroyi hwake hwakanyatsobuda pachena afa. Wakazviona iwe kuti hanzvadzi yangu haana kuzomboita mumwe mukadzi paakafa. Pamwe chipoko chake chaitogara naye mumba imomo. Me : Zvakaoma kani tete, munhu anotyisa kutopfuura mhuka yesango chaiyo. Haaa mandifadza nhasi......ndanga ndichitoshaya kuti tomubata seiko mwana uyo. December kure asikana. Tete : Haaa, rega uone zvako.....ende handisi kuzotsvaga catering. Iyesu naiye Vimbai wacho nanaChiedza ndisu tinenge tichibika. Pavakadaro pane imwe pfungwa yakabva yauya mumusoro mangu. Ndakabva ndatoti paya, Me : Ini tete madiro andiri kuita kuti zvinhu izvi zvikasike kubuda pachena hazvisi wise here kuti tigare taenda kwasekuru vanotipa mushonga wekuti patinosangana naye nhumbu yacho ibve yangobuda pachena. Zvekufungidzira izvi tete tinogona kusabudirira. Nhumbu dzinenge dziri dzekuviga idzi munodziziva imi kuti kazhinji kacho hadzirutse. Ini handisi kuda hangu mistake kana kutambisa nguva pana Vimbai because takatozvinonokera kare zvinhu izvi. Tete : You are very right ipapo. Rega tironge kuti ndinouya ikoko riinhi tiende tinoona sekuru. Haiwa, wati sekuru vane chavasina here. Chokwadi tinogona kukweretera mari mahara yekuita party tikatadza futi kubata munhu wedu. Takakurukura kani nasister in love vangu. Guys, kana muchitaura nyaya dzinounza peace mukati memoyo munhu unonzwa imwe mhepo so inofefetera yemufaro ichifamba mauri. Gore rino.........zvimag*ro zvese zvaaindifambira achizunza mumba mangu zvichapwa nenhamo akasara achinge mwana akabatwa nemunhu ane nyengeresi. VIMBAI Everything is just so super between baba vemwana wangu and I. Lawrence is just a loving and caring man.......inonzi attention nelove ndizvo zvandiri kudhakiswa nazvo zuva nezuva. Chinhu chave kutondishungurudza ihope, aaah mwana waLawrence ari kundipa nungo zvekuti sometimes ndinotoita kunge ndichakotsira pakati pelecture chaipo. Another thing, I have become a vegetarian sekutamba......kungofunga chinhu chinonzi nyama ndinotonzwa kuda kurutsa, ndave kutofarira zvinhu zviri sweet like never before. Chinhu chiri kutonyatsondiraramisa maplain chips chaiwo. Sometimes ndinomboita wonder kuti dai Lawrence akanga ati haanei nenhumbu yangu iyi ndairarama sei.......ndiri kuona kubata kwaMwari chaiko muhupenyu hwangu. Ndakanga ndakarara zvangu muroom mangu on Tuesday evening munching some cookies after some long hours in the library when I received an unexpected call from tete vangu. Ndakaramba ndakaitarisa phone ichiringer ndichirangarira the last time yandakataura navo. Ndiwoka mazuva aya ebongozozo nenyaya yefees yangu pakati pabamnini namainini and magaramumoyo avakandiudza nanhasi arimo muhana. Ndakadaira call iya ndichishaya kuti ndakanga ndakanganisei chavaida kutaura neni. Ndakashamiswa netone yavakashandisa kutaura neni mufunge, pandakangoti “hello....” vakabva vati, Tete : Muriko sure mainini kuUZ kwenyu uko kurova kudaro? Me : Ndiriko tete, makasimba here? Her : Ndiri right chaizvo, ndati nditaure newe nguva ichiripo Vimbai nekuti ndimi vanhu vacho vasikana. Ndiri kukudaiwo kumba this coming weekend. Bamkuru venyu vari kusvitsa fifty years saka tiri kuita birthday party. Mukagona kuuya Friday evening tozorara tichiita prepare zvimwe munenge mandigonera. Ndakafara handidi kunyeba kuti vakanga vandifungawo pamafaro ekumba kwavo iniwo zvangu. Zvakanga zvisingatoite zvachose kuti ndiregedze kuenda. In fact vakanga vandigonera zvakanyanya kuti ndiwane pekuzotangira nyaya dzangu navo kana Lawrence ave kuda kuroora. Ndivo vega ka tete mumhuri. Ndakatovadaira paya ndakapombonoka ndichiti, Me : Ndinouya on Friday tete, tinokurumidza kupedza malectures. Her : Thank you so much mwana wehanzvadzi yangu, tinenge tichitaura nhaika. Me : Sure, tinenge tichitaura tete. Mazuva akafamba and Lawrence ndakatozomuudza on Thursday kuti weekend ndaienda kwatete. Ko iko kuzochemachema kani munhu achinditi, Him : Ini ndajaira kuita spend the weekend with you love. So ndinozouya ndichikutora hanguka on Saturday after the party. Me : Tinenge tichitaura sweetheart ndichiona kuti basa tinenge tapedza here nekuti zvinenge zvichiita here kuti ndibve. Lawrence : Usazonoite overwork yourself please. Handiti wakanzwa zvakataurwa nadoctor kuti you need as much rest as you can get ka. Ndakasekerera zvangu ndakamutarisa kwave kutaura ndichipuruzira dumbu rangu ndichiti, Me : I know that I am carrying a prince. Don't worry love, I will be careful. He held both my hands and kissed my forehead ndokubva aita whisper kuti, Lawrence : Sure, you have to be careful. Unombopotawo uchinzvenga so uchinorara. Ndakaseka kwave kuzomubvunza something chinogara chiri mumusoro mangu ndichiti, Me : By the way, wakazoti tiri kuenda riinhi kuMasvingo so that I will get to meet my mother and sisters. Akandidaira maoko ake ave padumbu pangu achindipuruzira zvainakidza so achiti, Lawrence : I hate taking risks sweetheart especially with this precious life you are carrying. KuMasvingo kure babes, I have been asking doctor wako uya about traveling and hanzi during mafirst weeks kudai zvinogona kuvhiringidza mwana. Dai kwanga kuri sekuBulawayo kunokwirika ndege tingadai takaenda kare kare. I know that you want to meet your family. Tinogona kuita plan yekuti ivo vauye kuno muonane. Me : Maybe that will be the best my love. Friday yakazosvika and ndakaperekedzwa nemuridzi wemoyo wangu ndikanosiiwa kumaraini kwatete, ivowo tete vakafara chaizvo vachindiona ndichisvika.
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 248

Comments