L.T. MAHACHI NOVELS
June 20, 2025 at 06:56 PM
https://chat.whatsapp.com/FihW17eCBDl8DIMs5EApSo FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : A HEART DECEIVED STORY BY L.T. MAHACHI O77799O714 O775O72O31 INSERT 10 TETE VAVIMBAI Akasvika akafara chaizvo and the way she was glowing nekunyatsobatana batana zvakatondibhowa kutaura chokwadi. Munhu anoonekera kudai naiyo mari inopihwa mwana wechikoro ko kuzoti akashanda? Zvakanakira zviri muhana ndezvekuti hapana anogona kuzviona. Ndakanyatsomufarira chaizvo kuti asununguke. Ndakamusiya mukitchen naRhoda mwana wangu ndave kuenda kubedroom kunotaura namai Chiedza paphone ndichimuudza kuti mhuka yedu yataivhima yakanga yasvika. Akandidaira with so much excitement muroora wangu achiti, Her : Hey, nhasi kuchandinonokera kuedza tete. I can't wait to witness the drama. Dai ndakagara ndaronga zvakanaka ndingadai ndauya kuzorarira ikoko. Tingadai tatoita nyaya yedu nhasi tozosara toita zveparty yedu tichifara munhu aenda kwaanofanirwa kunge ari. Me : Hauone here kuti nyaya yacho inonyatsonakidza mangwana paine hama dzakawanda dzichinzwawo. Takabva takuvara zvedu nekuseka nemukadzi wehanzvadzi yangu. Ndakadzokera kukitchen ziso rangu ndakaisa pamunhu wangu and I realized that aiwandira mukucutter mavegetables ataida kuzoshandisa for the party nekusuka maplates. Ndakaridza zvigunwe zvangu ndichifarira zvakanga zvave kuda kuitika. Kustove kwatakanga taisa nyama yaiboiler aisatambirako zvachose and pane yaiitwa marinate nevazukuru vababa vaFarai vakanga vauyawo kuzorara tichibatsirana aingokunzvenga so. Ndakarara ndave nechokwadi chekuti chemazheve chakanga chavemo and chakanga chisingadi nyama zvachose. The following morning takamuka tiri mubishi rekumhanya nemapoto iye Vimbai ndokubva asarudza zvake kucleaner mumba, kwaive kutiza kitchen ka uku. Ndakazonyanya kunzwa hasha pandakapfuura nemusitting room maaiduster mamirror arimo ndikawana baba vaFarai vakamira vakayeva shure yake. Handina kunetsana nemurume wangu nekuti ndakangoziva kuti ane makwezverwo aakanga aitwa chete. Ndakamuudza Vimbai panguva iyoyo kuti asiye zvaaiita izvozvo auye kukitchen tibatsirane. Ndakatozobuda naye panze tikanobatidza moto, I wanted to grill some chicken naye panze ipapo. Ndakafara sei tichiri kuita zvemoto izvozvo mai Chiedza vachisvikawo. Ndiye akanga aine zvinhu zvedu zvataida kushandisa pana Vimbai. It was just some white powder so hazvina kunetsa kushandisa.......takatongoisa mucup yake yetea chaiyo nguva yandakamutuma mumba ndokubva tatarisana hedu nemuroora wangu achidya chingwa nejam nedovi munhu aramba polony. Akangoita two masip chete etea iya munhu ndokubva agadzika plate yaive nechingwa chake very fast pasi kwaakusimuka achienda kuseri kwemba. Ndakaisawo changu chikafu pakagarden table kataishandisa kwave kutevera kuseri kuya. Ndakawana mwana achiita kunge acharutsa ura chaihwo......zvekusema ndakatomboisa padivi kwave kunomubata pashoulder achirutsa kudaro ndichiti, Me : Vimbai.......Ko zvaita sei? Ko wadii kutaura nguva yese kuti uri kurwara? Akazondidaira after some minutes ave kupukuta muromo wake neruoko rwumwe rwuchifushira paakanga arutsira muflower bed achiti, Her : Ndiri right ini tete, hamheno kuti ndangoita upset yei. Akasimuka paya ave kuratidza kupera simba and nguva iyoyo mumwe wangu mai Chiedza akabva abudikirawo. Haaaa mukadzi anogona acting zvake iyeye, akabvunza akatarisa Vimbai achiti, Her : Ko waita sei nhai Vimbai? Kana uchirwara unotauraka nhai! Akadzokorodza mashoko aakanga ambotaura ndikaona vave kudzungudza musoro kwave kuti dyoo pamongo chaipo pasina kuhwanda vachiti, Mai Chiedza : Ummm, ndave nemakore ndichigara newe Vimbai handina kana musi one wandakambokuona uchirutsa iwe. Kana nyon'o chaiyo hauna musi wayakambokunetsa. Haaa kurutsa kwemusikana wezera rako kunonetsa kunzwisisa. Tete, taurai nemwana wehanzvadzi yenyu uyu please akuudzei kuti chii chiri kumurutsisa nekuti handidi hangu zvinozondinetsa mangwana, mwana uyu anogara mumba mangu. Kunopedzesera kwave kunongedzwa hanzvadzi dzangu dzinomboshanya kuti pamwe ndivo vakamukanganisa. Haaa tete kana iri pregnancy test chaiyo ndingatonotsvage handisisitorina kugadzikana pano kutaura chokwadi. Vimbai munomuziva uyu kuti andishaisa mufaro sei mumarriage mangu. Ndakanga ndave kutoita ndichimutswinyira ziso muroora wangu kuti adzikame because mabhabhaukiro aakanga ave kuita akanga ave too much. Maitiro acho aitozogona kuita kuti Vimbai abate kuti pane imwe tsoro yataitamba. Akasiya adzokorodza rekuti nditaure nemwana wehanzvadzi yangu ndokubva adzokera kuseri. Akada kufamba achindisiya Vimbai achiti, Her : Tete, don't worry about anything ndiri right. Regai ndipinde mubathroom ndigeze kumeso. Hamheno kuti moyo wangu wangosviba nei. I followed her chinyararire and paakabuda mubathroom ndakamudhonzera muroom maRhoda mwanasikana wangu. I locked the door ndokubva ndataurira pasi pasi ndichiti, Me : Ndofunga uri kuona kuti pano pane vanhu vakawanda, handisi kuda kuita draw their attention. Ndanga ndisina kumbofunga zvakawanda but pataura mhamha vako hana yangu yarova. Hatisi kurwa mainini and I am not accusing you. Taura neni mwana wehanzvadzi zvakanaka, hauna kutamba nevakomana zvisizvo here? Zvinoitika kumacollege tinongozvinzwa. Akadzungudza musoro akaruma muromo wake wepazasi ndokubva ndamuti, Me : Fugura top yako tione. Haana zvake kuita nharo, akafugura top iya ndokubva ndaseka ndega ndakatarisa that black line rakanga rakanyatsoti tsepete. I said to her, Me : Nemaziso angu emukadzi mukuru akambotakura nhumbu akazvara vana ndine zvandaona. Handidi hangu kutaura newe zvakawanda Vimbai, ndofunga tochingoita zvepregnancy test yataurwa naamai vako. Ufunge ndanga ndichitovashora nguva yavanga vave kutaurisa iya ndichiti ruvengo izvo vanga vatoona zvavo semunhu anogara newe. She let out a heavy sigh and said, Vimbai : Ngatigarei pasi tete tinyatsotaura zvakanaka. Ndainzwa kufara handidi kunyeba, kana party yandakanga ndaronga iyi yakanga yave nemeaning manje. Mufaro wakanga wandiputira wakanga usisiri wekufarira fifty years dzemurume asi wakanga wave wekupemberera mwana waVimbai. Chokwadi gore rino handizive kuti sekuru Gwindingwe vakatibatira basa guru rakadai ndovapei chaizvo. VIMBAI Ndakatosvika pakuona ndega kuti pakanga pasina need yekuramba ndichivanzira tete chokwadi worse nekuzondifugura dumbu kwavakanga vaita. Nemajamukiro akanga amboita mainini mai Chiedza panze yaitonotsvagwa chete home pregnancy test kit ndikazonyadziswa pamba pakanga pakazara vanhu apa. Time yandakagara pabed ndakatombozvituka kuti ndakadiiko kungovapa excuse ndakazvigarira kucollege pasina zvese izvi. Ndakanga ndiri pakuedza kufunga kuti ndotangira kutaura papi pavakataura tete vachiti, Her : Pano pane zvakawanda zviri kuda kuitwa neni Vimbai, taura tinzwe nyaya yako. Ndakaita kakukosoro and said, Me : Ichokwadi, I am pregnant tete. Ndakazviziva not so long ago. It was a mistake........... Havana kana kutombondipa mukana wekupedza kunyatsotsanangura, vakanga vatochinja face zvese nematauro pasina nguva. Vakanditi, Her : Hautendi Vimbai......uri mbwa yemunhu. Chokwadi kuendeswa kuUniversity kuti unodzidza iwe wonoita zvekurara nevarume! Do you even know muridzi wenhumbu yacho. Misodzi yekurwadziwa nemashoko yakabuda, ndakavadaira ndichipukuta maziso ndichiti, Me : Muridzi wenhumbu ndinomuziva, tinodanana. Titori nemaplans......... Her : Usataure kunge uri kundidadira mhani gudo iwe.....maplans maplans ekuita sei? Wakatadza nei kuita maplans usina kuvhura makumbo? Chokwadi hure harizombofe rakazvara munhu ari normal. Ndave kuzvibatanidza nhasi ini, wakatanga kurarwa nevarume kare iwe nhumbu ndiyo yazongobata nhasi chete! Ukati unotomboziva kuti wakarara nevarume vangani muhupenyu hwako iwe? Anogara kupi muridzi wenhumbu yako. Me : Anogara mutown kumaAvenues. Tete : Tichipedza zveparty ndiri kukuendesa kumurume wako. Handina zvakawanda zvekutaura newe. Handichada kukuona uchimiramira kumapoto angu, unorutsira muchikafu chevanhu! Vakapopota kani takavharirana muroom imomo ndokubva mainini vazouyawo. Vakabva vatoudzwa news dzenhumbu yangu kwave kuita chikwee vakanditarisa vachiti, Her : Maita henyu Mwari mabuditsa hunhu hwake pachena. Vaya vainditi ndine ruvengo vave kuzoona chokwadi manje. Ngaaende kumuridzi wemimba yake tete. Ini mumba mangu handichengete mukadzi mukuru ave kugona kurara nemurume seni! Tete : Ndiri kumuperekedza nhasi chaiye. Dai ndakazviziva nezuro asina kumborara pano. No wonder why ndaona baba vaFarai vakamutarisa mag*ro mumba umo. Kwanga kuri kutsvaga kuvatwa kuti azopomera murume wangu. Ndakashamiswa nezvavakataura izvozvo. Party yakaitwa vakafara zvavo ini ndaive muhondo yangu ndega. Lawrence handina kumbomuudza zvaiitika. Rakadoka zuva, vanhu vazhinji vakadzokera ndokubva tachipinda parwendo rwekuenda kumba kwemwana wekwaMudzamiri.
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 44

Comments