Ancy Cays Novels
June 16, 2025 at 09:25 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Whatsapp grp* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *CHAPTER 9* *Irvine* Ndakasvika kumba ndichibva kubasa ndikawana Alvina arimo mumba . Handina kutaura ndakasvika ndichida kudarika kuenda kubedroom kwangu iye anga akagara pasofa akabva asimuka ndokuti.... Her: Am i too small zvokuti you cant notice my presents Me: Oh so what are you expecting me to do . To shout , to scream hee Her: What come over you Irvine ko inga tainzwanana wani ndiani wawakaisa padp . Me: ihama yangu why are you sounding like you my relatives am i not allowed kuisa hama dzangu pama dp again. Ndaibaya baya phone yangu nhema ndiri kuapp ndiri pachat yaTary ndakabva ndaita sendakanganwa phone yangu paTV stand nhema chaidzo ndokuenda kubedroom ndakapinda mupassage ndokudongorera ndikaona achimhanya kuenda paTV stand ndakaserera zvangu ndikati zvandanga ndichida chaizvo ndizvo zvaitika kana aida kutsvaga makudo mugomo aimawana akatora number dzaTary aizoita order caz Tary wacho anenge ane pamuromo naye zvaizopedzerana . Ndakanochinja ndikazoona munhu ouya mumba achiyeredza misodzi ndakamutarisa ndikabva ndatarisa kuside kuita sekuti hapana chandaona ndakanzwa ave kuti .... Her: Why are you doing this to me Irvine wave kutodanana zvako neumwe munhu Irvine . Me: Lets talk bby yes thats what it is inini i am an African man handisi muborn born like you . I loved you and i still love but as it is right now i cant marry you caz you lack the qualities of a woman i want to marry . Inini i love an African woman who can cook , wash clothes do the house chores even pakazoita zvapo mamaid but kana pakaita function kumba kwako vamwe varoora vachiita basa haunyari naye you see money cant buy everything pane zvinotoda iwewe mbune . Waona ka paya pandaikunyengerera kuti ita chino ndiitirewo chino uchindipa mareason asina basa ndizvo zvandairevera . Wakaramba kudzidza you can be my side chick if you like definately not my wife. Akachema zvandakanzwa tsitsi ndega but ndaifana kuramba ndakatsunga kana achida nezvangu aitofana kuzviratidza . Ndakaona abuda ndikasara ndikapedzisa kupfeka ndikaenda kudinning ndakanzwa kugudubudza kukitchen akabva ndakanotarisa ndikatoona munhu achisuka ndiro . . Ndakasekera mumoyo kuti zviri kuita wani . Ndaimboda munhu anozviitisa hre ini kusuka kwacho aitogona wani . Paakapedza haana kumbogara akabva angooneka ndikati boe . Akaenda kumba ndikasara ndega ndipo paakafona achichema kududza achitaura zvokutaura naTary achiti atukwa . Ndakaseka zvangu ndichibva ndazobvunza Tary ndaida kunzwa kuti vataurirana kuti kudii ndipo paakandiudza zvese hayas Tariro ane chambo chaiwo akasharwa sharwa kuita sekuti haana kusimira . Tary wacho aisaudzika kuti umuudze kuti gejo racho usanyanya kuridzikisa aikuudza kuti ndozvirega iye anga atombounza kashanduko kandakaona . Ndakazoisa futi pic rake ari kuphoto shoot akarukwa amana unonatsoona kuti Tary ibby riripo chaiko mwana mudiki zvake but hey dai ndanga ndisina Alvina apa ndaimbozama zvagara murume anofana kutoita mukuru kumukadzi chero nemakore 15 chaiwo . Ndakazonzwa phone yangu kuringer apa ndaitova pagraft ndakadaira ndokunzwa ndiBee ndakabva ndadaira ndikanzwa ave kuti.... 📱 Chibaba ko ndicho chibby chauri kuita magame nacho hre icho . 📱Yah ndicho wangu usandiudza kuti you want to poke your nose oh her unorovesa mwana wevanhu naBelinda . 📱 Hah anotoratidza kuti mudont guy pachake haatomugoniwo uyo . But maya ndiri kungobvunza zvangu muchakaruka madanana vanhu imi . Bby itambo mhani iro iwe 📱Eee dzikama i wont let you harm her. Siya mwana iwe musoro bhangu her uncle is a very goof friend of mine . 📱You mean uya truck driver wawaiti mukadzi wacho anenge anochekesa . 📱 Yah iyeye hah zvagara mukadzi wake mudealer unotoshaya kuti unomuudza sei . Zvinhu zvakadai hazvisi zvokuudza munhu vanhu vanourayana . Ukasara uchingofunga kuti ndakaurayisa munhu 📱 But this time akaita good move akati mzaya wake agare naye ndiye achamuudza iyeye . 📱 Hameno wangu ari kutobatwawo rough uyo zvokuti ndakanzwa muchinda anogarapo achiti ari kuda kutomuudza atsvagire Tary wacho imba agare oga paaveri ikozvino hapatombodi madisturbances Takataura zvakawanda ko taiti tasangana nyays dzacho dzaisapera taiti bate ino tsvee tobata imwe tichisiya. Ndipo paakati tiende nekumba kwake aida kuperekedza mai vake kumba kwehanzvadzi yake saka aida kuti ndimuperekedze ikoko Takabva taenda kumba kwake takadungamidzana . Tikasvika kumba kwake mai vake vanga vatogara vachena chena . Ndakasvika ndikavaswedza ndikanzwa vave kuti..... Her: Vakomana moudzana udzana pandiri kudzoka ndinoda kuwana wava nemusikana kana wave kutoronga zvokuda kuroora . Aaa nhai munoda kuvigwa negonzo hre sure vanhu vaoinde basa rokutandanisana nemakonzo musi waunofa zvigobuda hre . Me: Hah pamunodzoka anenge ava naye musikana mhai izvozvi pane mumwe ari kudiwa nemoyo saka pamunodzoka munowana zvatoita . Her: Tichaona tora bag rangu mukati umo ndiende hantie wati uchauyako negoods racho kumba kwamai Oly uko . Bee: Yah pari boe mama ndichauya nazvo ikoko chero mangwana muri kunogarako zvakadii . Hazvidi kuzogarisa kumukuwasha mama munogarawo moenda kumba kana kuti kutogara kuno kuti nani moenda kunba mave kuds henyu . Her: Wati ndinombogara hre ndikutomhanyira huku dzangu kumusha uko ndinowana vasikana vakanganwa kudzipa chikafu dzikatodzikira zvadzo idzo ndave kuda kutodzivhura . Takasengs mabag avo ndokunoisa mumota ivo vachitevera takabva taenda navo kumba kwehanzvadzi yake hatina kumbonyanya kugara takabva taenda kumba takasvika kumba ndokuenda mumba mangu ndakawana muri clean ndakaziva kuti ndevamwe sisi vari kucampainer vanenge vambouya kuno since ane spare key . Takagara mumba akafona Alvina ndikabva ndatoudza Brandon kuti ave kufona ndakaisa paloud ndakabva ndadaira to my surprise raisava voice rake Alvina . 📱 Hello 📱Hello muri kutaurawo namai Mutema ndini tete vaAlvina nofunga hamundizivi hamuna kumbouya kwandiri . Mazoda kuti ndipinde munyaya dzenyu zvinhu zvashata andiudza nhau yamuri kunetsana bamunini asi ndaona kuti inyaya diki inogadzirika bamunini ndinokumbirawo vhiki mbiri dzoga bamunini munhu uyu anenge ava perfect musamusiya ndakumbira zvangu . Izvozvi ndinaye kuno kumusha madiwa bamunini handina kumboona mwana wehanzvadzi yangu ari broken like this . 📱 Zvakanaka tete i loved her but aisada kuchinja hunhu. Saka ini hangu ndanga ndave kukundikana maita basa teach him . Hakusi kuti ndiri kuda kuti anoita mushandi but chiroora chinotoitwa nayw zvokuzonyadziswa munhu abika mbodza kana kuti ati handigoni kubika . 📱 Hah izvo zvidiki bamunini muchauya muchimushaiwa kuti ndiye hre uya musalad wenyu . 📱Zvakanaka tete ndingatenda zvikuru kana mukadaro . Vakabva vacutter zvavo ndakafara chaiko neshanduko yave kuitika ndichatombotenda Tary she is a good actor ndakabva ndanzi naBee . Bee: Chibaba zvako zvaita handina kumboziva kuti acting yenyu ingatoshandura zvinhu sp fast . Me: You can try that zvinogona kuita naBelinda wako . Him: hah chibaba Belinda handiroori ane zvizhinji zvinondiodza moyo kuti ndimuroore. Uya hazvishamisi kuti atori nevanhurume vaanodanana naye kunze uko . Vakatosiyana naAlvina . Me: Pakaipa saka ko musikana uyo kunext uko haasiye hre zvaanoita seari kudongorera mumba . Ndakatarisa ndokuona ari ndakabva ndabuda ndokunotaura naye uyi Bee achiuya achimubata ruoko pakumhoresana ndakanzwa ave kuti.... Her: Mukwasha ndikwanirei ka zvomoita seZim care raona chingwa munomhoresa muchiregedza vanhu ka . Ndakaseka zvangu kuputika chaiko hayas Bee wacho aisada kuseka asi akazoseka zvake . Haana kuzomira Tariro wacho takasara takamira paya Bee: Hah mwana mudiki zvechokwadi dzungu raanaro nderemunhu asati ambodai dai. Anotoda kudzikamiswa but handidaro zvangu asi kana zvikaita ndichatomushandisawo kana mama vakauya ndisati ndawana agutsa moyo Me: Haanetsi uyo ndakatonzwa Jamela achimutsvagira mapiece job kana woda kuwachirwa anowacha zvese anoita . Him: This Jamela of a guy haasi kutonyangira mwana here . Me: Hah maya vanoita sevane ukama handizivi hangu . Takabva tabva patanga takamira patakaona Tary wacho avanda pakabuda mumba mukadzi neumwe murume hameno vakabuda nemota . Takapinda mumba aiziva zvaaiita Tariro strategy yaatora hauna marambiro aunoita aitora zvake video pandakamuona ari pawindow. Takapinda mumba ndikatanga kubika ko Bee aida kudya zvee and aisada kubika kana ari kuden kwangu aitokuudza kuti ndashanya . Takabva taenda tese kukitchen ndikatanga kubika tichiita nyaya . Brandon aindinetsera nyaya yokuenda kuchurchi hameno taka clicker sei uyo aiva church person ini ndaisaenda kuchurch but we were best buddies . Me: Hah chibaba ingoendai kuchurch kwenyu ini ndichaendawo kana time yangu yakwana. But hakuna machurch girls semi hre wekuti anoita wife material. Him: Hah ikozvino vachiko hre vasikana vaishumira Mwari chaiko ikozvino vari kubva munyika vabvubvudzwa vouya muchurch kuda kuzotsvaga vanoroora manje isu vamwe takatozvionera waona handiroori muchurch ini . Me: Hayas chibaba ndimi matova nemademon aya amaigara muchindiudza aya muchiregerera mabby anoziva Mwari uko . Him: Ukavaona varu kunze uko vasiri muchurch ndipo paunozoziva kuti kuvanda zvavo muchurch . Takapedza kubika tikadya day iri takaswera tese ndokurara kuden kwangu tikafuma tichienda kubasa *Stay tuned*
❤️ 🙏 👍 😂 😢 👏 🔥 🌹 🍓 288

Comments