Ancy Cays Novels
June 16, 2025 at 06:04 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*Whatsapp group*
https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct
*SMILE IN PAIN*
🥲🥲🥲
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 10*
*Alvina*
Upenyu so ndakasvoora my parents for over pumpering us hapana zvandaida zvansaishaiwa. Even ndikanzwa kuti ndinoda chakati ndaingokadaidzira mamaid otomhanya nazvo ondipa . Ndakatombonzwa Moana na Maybe vachindinyeya vachiti munhu asingagoni kana kubika .
Vakazongochinja zvavo nyaya asi waitoona kuti ndiwe waibvirwa . Ndakangozvisiya zvakadaro ndichibva ndaendereea nezvandaiita . Madays acho ndanga ndave kudanana naIrvine that guy ndaimuda with all my life and soul .
Takadanana kwekanguva asi zvinhu zvakangochinja in a blink of an eye ndanga ndisingachaoni madiro aanondita Irvine wacho anga achinja henyu zvakangoitika after tanetsana achiti ndibikirewo .
Nhai munhu abe mari seya Irvine ndiye angatoomesa musoro kuti ndoda home cooked food . Ndakaenda kumba after a serious argument ndipo pandakatoona kuchinja kwezvinhu ipapo .
He used kutaura neni always but apa anga ave kuita zvokufunga chaizvo kuti ndofona hre kana ndorega pakatouya Belinda achichemawo dzake ndakabva ndatomuti....
Me: Unotochema zvako zvaBee inini ndiri panguva yakaoma ipapa Irvine handisi kumunzwisisa hako haachaiti zvaanosiita i am really worried .
Her: Makanetsana hre asi Irvine ari nane Bee ane strong rural back ground ipapa hapana chatinonetsana kunze kwehubackward hwake ihoho
Me: Hah pakaipa wena Irvine auya hot takangonetsana paaiti ndimubikire apa inini kubika handigoni ndongogona zviri light light . Yakatoita nyaya until now akatoitsamwira .
Her: Ndizvo zvandaikuudza kuti usamira negumbo rimwe iwe wakaita kunyura murudo ini handirwadziwi naye Bee paangodawo nezvangu ipapo ndipo pandinoita action asi anotondipa mari tiri kuita chihure .
Me: Shaar you are not helping at all uri kutoita zvinhu izvi zviite worse . Inini i love my man zvekuti ndiite chihure chako ndezvako izvozvo.
Akabhowekana achibva ayenda zvake ndikasara ndega . Ndakambogara zvangu ndaive low low ndipo pandakaona paDP raIrvine paine mumwe musikana . Yes ndozviti ndakanaka zvangu asi munyika mune vanhu vakanaka .
Something in me chakangondiudza kuti ndiri kuitiswa chaiko ndakaenda kumba kwake ndipo pandakanoudzwa chokwadi chinorwadza ipapo . Unotoona kuti zvakaoma chaiko kurambirwa kushanda chaiko . Inini manje kuda kuti ndiite side chick juss because ndakatadza kubika .
Ndaimuda Irvine ndakazviudza kuti its better kudzidzira basa than to lose him. Ndaifana kutoshanda nesimba kuti zviite . Aindida Irvine that i know he juss sacrifice our happiness kuti ave nenyaya yokuti i cant meet his standard .
Apa musikana wacho aichenama ndati kutaura naye unenge uchida kuzvitsvagira crying tablet . Aigokuudza zvokuti waitoti audzirwa naIrvine . Ndakatoona kuti better kutoita something to save my relationship .
Ndipo pandakatanga kufunga aunt mai Ray vanga vasingashanyi kuden vaimbouya kumba asi vakanetsana namama kubva ipapo vanga vasingachauyi handizivi zvangu kuti vainetsana nei . Mama chaivo vaisamboziva kuti ndiri down hre kana kwete vanga vasina nguva neni mama vaikoshesa basa ravo kudarika zvese rimwe day pavakauya takatogara ndakabva ndati kuna dad .
Me: Dad ndokumbirawo mari ndikuda kumboenda kwatete mai Ray .
Mama::Kwatete mai Ray kunodii vaya vanochenama vaya unondodzidziswei navo .
Dad: Zvokuti vakachenama kana vakadii ndeimwe nyaya aslong vari vatete vake anotoenda iwe vana vehanzvadzi dzako havauyi pano hre . Handidi munhu anodzidzisa mwana mbengo dzisina basa . Ipapa iwe nguva naye mwana musikana wako uyoyu hauna unenge uchingoita zvebasa saka achamudzidzisa upenyu ndiani kana atoti ari kuda kuenda kwatete anotoenda .
Ndakafara ndosaka ndakatotaura nadad dai ndakataura namama pasina kana chabuda apa . Ndakabva ndatonzi ndaienda mangwana vaiva vakatoti vave kunonditengera grocery randaizoenda naro .
Vakabva vaenda ndikasara namama vakabva vabudawo ndokuenda kunogeza vakazouya ndokugara pandanga ndakagara vachibva vati...
Her: Nhai Alvina kwatete kwauri kuda kuenda ukuda kunodii . Hamusi mutown ka pagrowth point zvapo hakutombonakidzi . The main reason yauri kuda kuendera ikoko ndeyei .
Me: ndikids kungonoona vamwe nothing more . Plus nditete ka pane zvizhinji zvamusingakwanisi kutaura nemi imimi asi tete vanondiudza .
Her: Vanongondibhowa tete vako vaya i am telling you enda zvako asi vakada kukushainira you know the road unodzoka kumba
Me: Its ok momy .
Vakauya nezvinhu dad ndichizviudza kuti ndoenda mangwana . Manheru iwayo ndakataura nemusikana uya ndichida kutomupa mari kuti asiyane naIrvine but yoh munhu wacho anga akaoma musoro .
Kuseni takabva tamukira kuenda kwatete vangu takasvika masikati varipo pamba pavo vakatogara paveranda . Ndanga ndisina kumbokuuya kuno but driver wandakauya naye aikuziva aitoti akambokuuya aina dad . Vakatofunga kuti ihanzvadzi yavo caz ndakaona vofamba kuuya kumota pandakaburuka ini ndakanzwa voti....
Her: Hezvo ko ndimainini Alvina nhasi maratidzwa naniko nzira .
Me: Ko ndimi tete ko kurova veduwe ndatoti regai ndinoona kuti muri vapenyu hre .
Her: Maita zvakanaka .
Takafamba kunogara kuveranda kwavanga vari asi ndaiti ndikafunga ndaibva ndatombosuwa i think she noticed ndakanzwa vave kuti kwamabva kwakanaka hre mainini ndakabva ndavaudza zvese hapana chandakasiya vakabva vatonditi....
Her: Makarara naye hre munhu uyu mainini nokuti mukomana ukanyanya kumupa sokuti murume wako anomhera akatofinhiwa newe akakusiya .
Ipapozve yes naIrvine tanga takarara tese . Ndainzwa zvichinetsa kuti ndimurambire he was not my first . Ukada kutomurambira aigona kutokuudza kuti vakakuvhurai maingovapa apa ini ndini wooda kunyima . Ndaibva ndapera power ndotomupa zvisinei tete ndakangovaudza chokwadi handina kana kuvavanzira ndakanzwa vave kuti ....
Her: Ndazviziva hangu kuti kuuya kwamaita pane chamuri kuda zvisinei zvamunoda zvacho ndinokuitirai ndosaka ndiripo asi rega ndikuudze mwana wehanzvadzi yangu wakagara wakanyanya pakupa munhu chinhu chaasina kutenga iwe ukuti anokuda nyaya iri kunetsa ndeyekuti haigoni kumibikira and staff . Ndizvo zvataiti shanyai muchidzidziswa zvakasiyana siyana chionai mave kuda kusiiwa nezvinhu zviri nyore nyangwe mukaita mari dzenyu sei gonai kushanda hantie ndizvo zvega .
Ndakabvumira vakati vaida number dzake ndakavapa vakafona nephone yangu vakaisa paloud zvavaitaurirana ndaizvinzwa ndakademba nguva yese yandaipedza ndichiramba kudzidzira basa tichizviita tine yese
Plus shamwari chaidzo dzinonyengera ndave kuzviona nhasi. Belinda hunhu hwake hwanga husina kuti tasa apa ndiye aive besty friend yangu since childhood . Maparents edu anga aiwirirana . Vakapedza kutaurirana ndikanzwa vave kuti....
Her:You see wanga watoruza munhu waunoda nokuda kweusimbe chaiho . Munhu wako anotokuda uyu asi anga atozviudza kuti better uyende hakuna munhu wemukaranga chaiye anoda mashura iwayo munhu ndewekungoita zvinoitwa nevamwe nyangwe ukazogara muupfu sei unenge wongoita hako zvemamaid asi ukazoendawo kumafunction kunoda varoora unondomirawo. Basa ratotanga handidi kunyadziswa ini vhiki uri kuno tichimboita basa .
Me: Ko munhu waanaye uyo .
Her: Ipapo musazvifunge izvozvo anozvigadzirisa oga . Hantie mamunzwa achitaura oga kuti ndakatoita ndaona kuti imi hamudi kudzidza . Apa maakufana kumuratidza kuti mave kuzvigona kana ari wenyu hapana chinombonetsa munongoroorwa naye .
Ndakabvumira asi moyo wairwadza ndakambofunga mweya wokufonera musikana uya hantie number dzake ndaiva nadzo asi ndakatoona kutti ndingazvirwadzisa nezvinhu zvisina basa .
Zuva iroro hapana zvatakaita basa rakazotanga mangwana veduwe unoona wega kuti upenyu hwakaoma . Chinhu chausati wamboita ukazochiita unonatsonzwa kurwadziwa chaiko . Takatanga nekudzidziswa kusenga mugono bucket chairi ndakatanga risina kuzara .
Tichibvapo tichienda pakubika chaiko kusuka mandiro ndaigona hangu . Vhiki yakatozopera ndave kugona chaiko . Zvatanga zvichirwadza ndisingagoni kana kumona sadza richiota ndainzwa kuti sadza kurimona rinotorwadza .
Ndakange ndave kutobikawo meal inodyiwa nevanhu vese . Ndakaita 1 and half week tete vachiti hazvisati zvaita . Iye Irvine anga akuita achifonawo tete vachinditi ndisamupa pressure varume havadi a nagging girl .
Ndakazvibvuma zvavaitaura nokuti vairevesa vatete nokuti anga ave kudzoka manje achifona . Ndakaoneka vakatonditi vaida kuzomuona Irvine . Number dzake vanga vainadzo vaizopota vachitaura . Ndakaenda kumba iye aitozviziva kuti ndiri munzira .
Ndiri munzira akabva afona achiti ndiuye nekumba kwake ndakada kuramba asi ndakazofunga kuti ndingatomusundira mumaoko emusikana uya ndakabva ndaendako
Takafambisa tikazosvika masikati ndakaenda kumba straight ndikano refresher ndokuenda kumba kwaiye Irvine ndakasvika akagara nemusikana uya ndakabitirirwa chaiko nehasha ndakabva ndambundirwa musikana uya akanditarisa akasekerera zvake achibva a......
*Stay tuned*
❤️
🙏
👍
😂
❤
😢
👏
😮
🌹
🔥
219