Ancy Cays Novels
June 17, 2025 at 08:53 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*Whatsapp grp*
https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct
*SMILE IN PAIN*
🥲🥲🥲
*STORY BY ANCILLAR KATSANDE*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 11*
*Tariro*
Ndakabva pawire pandanga ndiri ndatoona kuti haiwa mukoma ava ziso ravo ndanga ndisina kurichenesa . Ko iko kuzoramba wakandibata sekuti zvinhu kwazvo . Ndakanovanda ndanzwa kutaura ndokuona havo mbuya nechikomba chavo voenda .ndakabva ndamborega zvokuenda kumba ndikaenda kumba kwana Jamela . Ndikanoita zvokumutsvaira kusvika manatsochena zvokuti nyangwe ivo vanogutsikana
Ndakasiya ndavhura mawindow kuti mweya mutsva umbopinda mumba . Ndakabva ndazoenda medu mumba maidyiwa zvinonaka mapaper azvo anga angosara ari patafura ndakasvika ndiksmhikura nyama ndikaitsarida
Handina kumbofunga zvokuti vachauya kupopotera nyama yavo ndaizozviona vauya . Ndakagara pasi ndave kudzvuta huro mbiri dzejuice ndichibva ndanatsogara zvakanaka ndave kuona video riya zvakanaka ndakatanga kufunga kuti zvandaritora saka ndichariitisei ko ivo sekuru vacho havazivi hre kuti mukadzi wavo ipfambi zvayo.
Ivo vanhu ivava vakambowanana sei pamwe vakawanana mubhawa ka munhu haangazochinji nekuti wamuwana hameno asi ndaiziva kuti raizondibatsira ndakasimuka ndichibva ndaenda kuroom kwangu ndichangoti gare gare Jamela akatoisa messege paapp achinditi....
Him: Zale we are back ayewa wakaita basa guru chiuya utore mari yako .
Ndakasekerera zvangu ndichibva ndabuda kuenda kuseri . Ndakasvika vakagara naMike uyu wekuEconet . Ndakavamhorosa Mike akatoti ...
Him: Zale wasekuru hah makanatsogadzira mumba nekuwacha zvese . Kuno mari yekuwacha i150 Rand rega ndikupe mari yacho ugondipawawo Yekucleaner nasekuru avo .
Akanditambidza mari 150 sekuru Jamela vakandipawo 150 ndakafara chose ndanga ndatowana kamari kangu plus yandainge ndaitira conductor . Ndakabva ndafunga mai vangu . Ndakambogara ndichitandara nana Jamela ko ndaiziva ka kuti avo vabuda vanogona kusatodzoka . Vakatobika vakomana ndiri panze tichitandara vakatouya neplate yangu tikatanga kudya vanga vabika sadza nebeef stew . Takadya tichiita nyaya ndakazonzwa kutaura tikatarisa ndokuona vari mbuya apa vaitaura kwavasina kuswera .
Her: Nhaiwe ukutora chikafu changu mumba umo uchiuya uchibika kuno uku.
Me: Chikafu chenyu chipi ndatokwatawo ini .
Vakandirova nembama yokuti ndakanzwa nzeve kuti wiii.
Her: Uri kundidaidza hako uchiita zvisina basa chuhure chakadhakwa kudanana nevanhu vepamba haunyari wakaita sei .
Jamela: Hah gulecy zvamuri kuita zviriko hre . Saka munotiudza kuti isu hatina mari yekutenga beef hre kana kuti . Mungarovera mwana zvisina basa manzwa kuti pane anodanana naye hre pano tinongomuona semuzukuru
Her: Bamunini nyararai zvenyu hamumuzivi ihure iri kana musingazivi pamwe imi hamuna pfungwa iyoyo asi iye ari kuda kutoti dai mamunyenga . Mwana wemusikana asingatyi vanhurume chii chakadaro
Ipapo ndipo pavanga voda kuenderera ndaiedza chose but apa pakuzonditi hure ivo varivo hure guru nxaa . Vakada futi kundipa mbama caz ndanga ndaramba ndakavatarisa ndisingadzosi ziso . Vakada kundirova imwe mbama ndikavabata ruoko vakada kurubvisa muruoko rwangu asi simba vanga vasina . Ndakaona kushamisika pachiso chavo ndakabva ndavati....
Me: Hure ramuri kuti ihure ndiani zvikanzi batai hure pakati pedu mungabata ini imi . Chii chamunoziva nekumba kwandakabva . Mave kuenderera mbuya kawanda ndichikunyararirai mozviona sokuti mune yese . I can take everything from you but definatly not insults .
Her: Heee heee honaiwo veduwe kurera imbwa nomukaka mangwana inofuma yokuruma ndakambozvitaura izvi . Manje mumba mangu munogara mukadzi 1 kwete vaviri wotoona kwaunoenda kwete mumba mangu
Me: Pano pamba pasekuru vangu zvokutondibvisa pano mototsvaga iri crane chaiyo caz imi mungatobva pano ini ndichisara
Vana Sekuru Jamela vaindipa sign yekuti ndinyarare asi ini ndaisatoda zvese izvozvo .
Her: Manje tiri kuda kuzviona izvozvo nhasi chaiye ukubuda mumba mangu.
Me: Yah ndinobuda zvetemprary asi imi muchamubuda for good musati meso aya mabutton nhasi manga muchiitei mumba umu i am ten steps ahead of you kusakwana .
Havana zvavakataura vakabva vanyarara ndokuenda mumba ndokusara ndichipedzisa sadza rangu zvangu ndakanzwa Jamela akuti....
Him: Apa wamhanya zale apa zvino ukadzingwa pano unoenda kupi. Even kana dai wanga une zvaunoziva waifana kungonyarara wozoudza sekuru zvaorera.
Me: Asi kuti ndingoitwa punching bag hre its not the first time ka vachindirova ava ndichinyarara inini sekuru vakandiudza kuti usaitiswe navo . Ndaivarecorder pavaitaura zvakawanda ava . Ndaisada kuparadza wanano yavo ini asi vari kundipusher .
Mike: Yah waifana kungonyarara Tary zviriko hantie ukuda kuenda kuchikoro taitotaura nasekuru vako paapp tanga tatobudirira kuti uyende kunogara kwako iwe wave kutodai vari kuuya manje manje sekuru vako iwewe usataura .
Ndakangoti boe ndichibva ndatooneka kuenda ikoko ndakanzwa Jemela ave kuti...
Him: Kana ukadzingwa udzoke urare kuno unogara kusvika sekuru vauya vari kutouya manje manje .
Me: Ehoi
Ndakabva ndafamba ndaiti ka ndichawana bag rangu riri panze asi kana ndakamira padoor ndikanzwa vachitaura pafoni munhu aitaura ndaisanzwa kuti aiti kudii asi ivo ndakanzwa vachiti....
📱 ehe zvako can you imagine asi i suspect anenge akatoona ndina Made caz maguts ake ka anogona kundiputsira imba yangu .
Vakambonyrara maybe vaiteerera ndakazonzwa vave kuti....
📱hah ndichambozama asi ini zvokunyengerera munhu handizvigoni hangu . Regai ndinzwe kuti pane chaaona hre ndimbonyengerera inini sekuru vake vakauya vachamutsvagira zvavo pekugara . If you see zvaanga averi unogona kutongorohwa ka .
Vakabva vanyarara ndokunyararisa ndikatoona kuti vanenge vabva pacall ndakabva ndambomira ndokuzopinda mukati ndakaona vakagara ndakada kudarikira kuroom kwangu vakabva vatonditi .....
Her: Tariro imbouya ugare apa .
Ndakabva ndaenda kunogaara zvangu asi ndakazviudza kuti i have to becarefull . Vakabva vati....
Her: ko paya wanga uchiti kudii nhai Tary
Me: Papi pacho
Her: Ipo pawanga uchiti hure ndini....
Me: Mashoko ematukano imi manga muchimboti ini ndini hure kumusha ndakabva nenyaya dzechihurr manga muchizviwanepi .
Ndakavatarisa ndikaona vakanyarara ndichibva ndati .
Me: You see mataura kwamusina kuswera same applies neni . Manga muchipopotera nyama musina kutanga matoona kuti mumba menyu zvinhu zvese zvirimo .
Her: mzaya kwandabva uko pane changondivhiringa i am sorry i transfered my anger on you
Me: Its ok.
Her: Zvino waguta hre ubike udye one more thing usafarira kudya kumaraini . Vane makuhwa vakomana ava vanozouya voudza sekuru vako nepasipo zvoita as if ndinokunyima chikafu.
Me: Its ok ndizvo zvamaifana kungotaura izvozvo pane kutaura kwamusina kuswera. Ini ndakaguta asi kana imi mune nzara ndikubikirei .
Her: Ayewa ndakaguta .
Ndakabva ndasimuka ndokuenda muroom mangu ndikaenda ndikatanga kuayina uniform yangu ndikarongedza mari yangu ndikazviudza kuti mangwana ndaizoenda kueccocash ndaida kunotumira chero ndikavatumira $40 vaimboita zvimwewo nayo .
Ndakanzwa phone yangu kuringer ndakatarisa ndikaona dziri number dzamai Attah ndakadaira vachibva vacutter ndakazivs kuti kubhipa uku . Ndakabva ndatenga maminutes kuti ndimbovafonera pamwe pane zvavaitoda zviri serious . Ndakabva ndafona vakadaira ....
📱 Hello
📱 Hello handiti ndiTariro hre .
📱 Ehe ndini ko makadiiko .
📱 Tofara unofara hre tichatiiko mai vako varohwa naMachuma vese nababa vako vakadonhedzwa zino repahuma apa .
📱 Whaaat ko vangq vachiroverwei hanzi zvaita sei naivo baba vacho nemukadzi wavo .
📱 Hanzi vanga varamba kubereka gubhu kufirita ndizvo zvavakaroverwa .
📱 hah its ok maita basa
Ndakabva ndacutter ndaiita kuvira nehasha . Kungoti mangwana iSvondo dai changa chiri Chishanu ndaikwira ndikaenda ikoko nazvino handichatotumiri mari ndichatoihafura ndichitora yekuenda kumusha ikoko nekudzoka ndoenda Chishanu ndodzoka Sunday vakajaidzwa vakajaira .
Ndakaenda paapp uyu Irvine aitaura achifara chose kuti musikana wake ave munhu kwaye . Aitoti mangwana ndiuye kumba kwake masikati audze kuti taingo acter . Ndikati boe moyo waitofara kuti mari yapinda contract yanga yapera and ndakambo benefiter .
Ndakabva ndarara zvangu ndikamuka kuseni ndichiita basa ivo mbuya vakabuda vapfeka hembe dzakatotsiga ndikanzwa vachiti vari kuenda kuChurch ndakaziva kuti inhema idzi ndichibva ndavati....
Me: Ko hamuna kundiudza wani ingadai ndatogadzira ndatoendawo nemi kuchurch .
Her: Aaa handina kuziva kuti unoda kuenda tozoenda tese next Sunday .
Ndakangobvumira zvangu chipurse chavo chikadonha mukabuda macondom vakamhanyira kuanhonga vachidzosera muksti ndikaita sendisina kuona zvangu hameno ichurch rudzii yave kushumirwa vanhu vane maputiro .
Vakabva vaenda zvavo ndikasara ndega paziimba rese ndakaita zvokuverenga Irvine akandifonera masikati achiti ndichiendako ndakaenda ndikatopinda mumba macho ummm kune vanhurume vakarongeka chaiko . Ndakagara akandivigita 400 Rands akandipa akabva ati
HIm: Ishoma hre .
Me : aaa shoma iri usatamba nokuzvipa jambwa rekunzi ndodanana newe
Him: (Achiseka) hah ijambwa kudanana neni manje hauna mumuromo iwe .
Me: Haiwa wedzera shaar mashoko angu ainyautsamuromo ndaitombokuona uchisekerera iwe . Mashoko ese andaituka musikana wako haiwa wedzerai tione .
Akaseka zvake achibva anotora 100 Rand akauya akandipa achiseka ndipo pakabva papinda musikana wake akangosinama kumeso achibva ati....
*Stay tuned*
❤️
🙏
👍
😂
❤
😢
😮
🔥
🤭
🐘
278