Ancy Cays Novels
June 19, 2025 at 10:12 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Grp link* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *CHAPTER 13* *Mai Tary* Upenyu hauna kumbobvira wati tasa kwandiri ndakaroorwa nabamukuru mushure mekunge tete mbereko yaramba . Vakauya vakachemera baba vangu nokuti murume anga oda kuvasiya . Ndakamanikidzwa vatoronga natete vakaronga dhiri ravo nemurume wavo vandidaba kumba kwabo he raped me ndokugara kwandakaita ikoko . Apa ndaiva nemukomana wangu aida kundiroora aishanda kuZESA . Vasikana kwaiva kusekerera zvako kunze but pamoyo ndaiva bundu . Akarwadziwa asi panga pasina zvekuita nokuti ndanga ndatobatira mimba yaTary . Ndakagara zvangu mazuva ekutanga zvaiva nane baba vangu vachiri vapenyu . Murume aindida chosr zvokuti attention zhinji yanga yave kuunzwa kwandiri zvinova zvairwadza tete vangu ndipo pakangodonha baba vangu vachipfirira pamba pevamwe mai ndokutofa ndanga ndava naTino ndine pamuviri paTatenda . Ndakarwadziwa asi zvinhu zvakangoti shandu tabva kunhamo yababa . Tete vakatanga kuchinja vanga vave kuchiratidza macolour avo chaiwo . Ndinoona kuti baba Tary vanenge vanga vatodyiswa chaiko nokuti kubasa vanga vasingachaendi vave kungoswera vachiteverana natete . Basa rikasvika pakupera tikatanga kuita zvokurima . Ndanga ndatova more of mushandi kudarika mukadzi . Uku mari yacho yataiwana tatengesa zvinhu ndaisaiwana kana kupihwa . Ndakapedzisira ndatoona kuti kugarira maoko ndichiti ndinotarisa baba ava kwaiva kupedza nguva . Hama dzavo hanzvadzi dzavo vaingotaura kuti tete vako vakadyisa murume ko ndaigotii zvangu . Tary anga akura zvokuti kumaricho taienda tese and chandakafarira mwana wangu aishanda aiyemurwa nevanhu vakawanda . Vamwe vana mai vasinganyari vaitonditi vanoda kuti aite muroora wavo . Izvo ndizvo zvandairamba nokuti zvokurongerana izvo zvakaita kuti ndive pandiri zvino ndichigara ndichichema ndave kunze kune vamwe ndonyepedzera kufara . Ndaida kuti mwana wangu aite choice yake iye pachake awane mufaro wake . Apa zvinoita Mwari vanw vangu vaidambura chikoro kwete zvekuseka . Akaenda kuchikoro kusvika form 4 akaipasa zvinoyevedza ipapowo vaibvisa school fees tete . Apasa kudaro tete i am sure tete vakarwadziwa vatoona kuti mwana wangu anogona kupasa akatoita zviri nane plus hantie anga akura aiona kuti vaiti bata rough and Tary aiva nepamuromo chaipo zvaipedzerana zvokuti vanga vatomumaka mwana wangu ndaitomutyira kuti vanogona kumuita zvimwe ko ndaisavachenesa ka tete vangu . Asi iye aigonzwa hre Tary wacho aitogona kudenha iye zvawaitoona kuti apa ndiye adenha Ndakaona rimwe day vauya vachibva vati... Her: mai Tary ikozvino mari yokuti Tary achienderera mberi nechikoro hapana tombopinza vakomana ava . Plus munhu haasi wekutuka ruoko rwunokupa sadza haana pamuromo mwana wako haateereri anorwadziwa nesimba rake saka achadya izvozvo.. Ndakanyarara zvangu vakaenda zvakandibaya pamoyo cotton iyoyo yavairima tichishandamo Tary ndiye wainzwa nekubereka gubhu achifirita . Nekupasa kwaanga aita kuti ndingotarisa mwana zvaisaita . Apa inu kuti nditi ndinoita maricho ndikakwanisa fees yake kwaiva kunyepa nhema chaiko . Nokuti chikafu ndaitorikichira chaiko taigona kutorima muriwo chaiyo mugarden muriwo uya unenge watova wavo wave kutounyimwa ndikapedzisira ndarega . Ndakapedzisira ndataura nehanzvadzi yangu Abiner kuti apinzewo mwana wangu chikoro. Haana kuramba akatoti ayozouya uya achimutora Asi dzaiva shungu zvadzo ndainatsoziva kuti mukadzi waAbiner anotsvinya hameno kana vaizondogarisana naTary . Ndakamboedzawo kumuudza kuti azive nhamo yake pamwe zvainoshanda . Akaenda Tary ivo vaifunga kuti zvimwe ayenda kubasa . Ipapo ndipo pamwe pandakazviparira caz vakaita kuuya kumba kwangu vakasvika vakamira ndokuti.... Her; Nhaiwe mai Tary waendesa Tary iwe uchinatsokuziva kuti ndiye anobereka gubhu ndiye anosakura saka unoti zvese izvozvo zvichaitwa nahi.. Me: hezvo nhai tete saka orega kuzvishandira zvese zvaanoda munomupa hre . Pano ndinotambura anotondibetserazve zvino mwana ungagarira zvokurima hre .dai anga ane chaanowana aigara zvino hapana saka ogarirei . Her: Ok manje ndiwe uchaita zvese izvozvo ndinoda kukuratidza kuti ini ndiri Machuma chaiye . Aslong mari ichitombobuda kuendesa vana vako ava chikoro unofana kutoishandira nxaa ingadai ndichingozvidyira mari dzangu. Handina kuvapindura ndakanyarara vakaenda ndakanzwa maungira evoice raTary achinditi mhamha musangoitiswawo imi . Ndakabva ndanyarara zvangu vaizoona side rangu rimwe . Kunyangwe mai vangu vaitonditi chipfuwo changu ichi rambawo kuitiswa zvimwe . Ndakasara zvangu nevana vangu ndakafunga kuti nhamo ingandipurura ndikaita i zvokutamba saka ndakaenda kumba kwedu ndikasvika ndikabva ndati kuna mai.... Her: mhai ndauya kuti ndikumbire kurima miriwo yangu kuno ndigone kutengesa ndochengete mhuri uko ndikarima vanenge voti ndezvavo vave kutotengesa ivo . Her: Zvakaoma huya urime garden rakazara apa rakanyorova futi . Asi vatete vasadaro chaiko kana zvarema haudzoki hak9 ukagara pano ukavasiya nemurume wavo Me: Ko vana vangu mhai regai ndishinge vachitomboendeswa kuchikoro Tary vakatoramba kumupinza . Her: Hezvo saka angori kumba hre . Me: Ndakatotaura namukoma Abiner ndivo vakaenda naye kuti andopindira kudhorobha uko achigara nemukadzi wavo . Her: : Ummm nekutsvinya kune mukadzi uya anongofinyama finyama vanondogarisana hre naTary . Me: Hameno mhai akangoziva nhamo yake anondogara Takataura nyaya ndikatosiya ndasima covo yangu ndokunesera rape nesweetcabbage nemadomasi ndichibva ndaenda kumba kwangu ndakatosvika vanhu vave mumunheu ndikangotora badza rangu ndokutevera vakati vatanga tete . Her; Imi mai Tary mave kungoita zvokufamba pano musingarimi munoti basa roitwa nani . Handina kutaura ndakaramba ndichisakura apa baba Tary vanga varipo vachisakura vakatonyarara zvavo. Vakapopota handina kuvadzaidza ndakazonzwa kuti goo musaba nemupini webadza ndakanatsorwadziwa . Her: Saka ndikutaura ndega hre iwe hausi kunzwa zvandiri kutaura hre . Me: Muri kuda kuti nditi kudiiko nhai tete inga ndiri kusakura wani pane ndima ipiko yamaita ingatonzi wanonoka kuuya kumunda . Vakaridza kamhere hanzi ukundidaidza asi ndivo vanga vachiti ndiri kutaura ndega hre unoshaya kuti munhu akadai womuita sei chaiko. Vakada kuuya kundingonda nebadza zvekare ndipo pavakabva ndavabata ndichivapa chibhakera hezvo ndainyarara zvangu vachindituka kwete kuzoda kundirova sokuti ndava mwana mudiki . Takarovana ndakazonzwa chibhakera chandakarohwa pahuma apa ndokuona vari baba Tary ndakanatsonzwa kuti pano ndapfira zino . Ndakarwadziwa kuda kundikomberana hre . Ndanga ndadhinhiwa ndakatora matombo ndikavatema mumhazha iyoyo vakayuwira . Vakauya vanin'ina vavo ndichirova vanhu nematombo vakanatsomira havana kubata . Ndanga ndarwadzwa ini voti kundishungurudza . Hakuna kushandwa zuva iri vakabuda mumunda vachimhanya mukadzi nemurume ini nditevera ndivakuzha chete . Vaitemwa misana iyi vachiyuwira vachienda . vakasvika vakazvivharira muimba yavo hombe ndikaenda kwangu kumba chokwadi kupihwa vende nemunhu hre ndizvo zvega zvakandipa hasha izvozvo. Ndakagara nevana vangu panze umwe mweya wakambofunga kuti ndiende kumba umwe ukafunga kuti vana vangu vanozodii.. vakasvika vana mainini vakadzi vevanin'ina vababa Tary ndikanzwa mai Sekai vave kuti..... Her: Mavagona mainini vanhu vepi vasinganyari ini ndaitomboti pamwe hamuzvioni kuti muri kukaviswa dombo natete venyu ava izvo munototsamwawo kudai maiguru . Me: Zvimwe zvinozonyanyawo ndinozotaurawo ko handiti ndiri munhuwo hre askana . Mai Natsai: Ayewa ndafara ko ivo bamukuru kuzorovawo ndaona drama rese ndiri kumunda umo . Matobviswa nezino nezino askana . Vakadyiswa bamukuru zvimwe vanenge vasingatozvioniwo Ndaisada zvangu zvemashoko vana mainini vangu ndaivaziva. Navo havana nekumbogara . Vakabva vaenda ndaizviziva kuti magossip mistress vakatosvika vakasvitsa gososo kuna mai Attah ndakatoona vouya vachiti..... Her: Nhaiwe ko ndanzwa kuti wabviswa zino . Asi hanzi wakiya vanhu iwewe chaiye mai Tary kutaurawo . Me: Kutondibvisa zino kwavaita ikoko ndiko kwandipa hasha . Her: Ndiri kuda kutoudza Tary aaa haungamborohwi zvakadai Me: Iwe usada kupa mwana wangu bp ari kure kwakadai Her: Hah she should know iwewe hautauri ndozviziva . Iye ndiye anogona kukutaurira Tichitaura kudaro ndakaona pamba pasvika VaMashudhu mupurisa waVashe vakangotarisana namai Attah ndakasimuka ndikavapa chigaro ndikanzwa vave kuti.... Her: Ndatumwa kuno kuti ndikuzivisei kuti munodiwa kwaVashe neChitatu . Munouya ne$10 nemubereki wenyu kana mumwe anokumiririraiwo Me: zvakanakai Ndakaseka zvangu saka vanga vatomhanya kunondimhan'arira kwavashe nhai regai tinoona kuti zvakamira sei . Vakabva vaenda zvavo tikasara totarisana namai Attah vakabva vanditi .... Her: Vanopenga mukadzi nemurume vanokumhan'arira ivo varivo vatanga musindo ndivozve vakakubvisa mazino . Me: Rega zvakadaro tinoenda ndichanoudza baba Muku hanzvadzi yangu ndiye wandichaenda naye . Her: Manje paya dzinokona apo handiregi kunoteerera ndinotoendawo $10 ndokupa vafakazi vakazara saka iwewe chill. Ndakanyarara zvangu ndikazviudza kuti ndikavabudisa vave kuenda taizongoona kunowira tsvimbo nedohwe . Zuva rakatevera ndakaenda kumba ndikanoudza hanzvadzi yangu iyoyo nyaya yaivapo vakaseka zvavo vakati.... *Stay tuned* *Handei tinosangana kudare*🏃🏼‍♀️🏃🏼‍♀️🏃🏼‍♀️ *Please note this book is going to be onsale from chapter 15* *Hedzinoi nzira dzekubhadhara nadzo* $2 eccocash $2,10 innbucks 100 zig eccocash 120 zig airtime $2 airtimr buddie scratch card . *Moisa pa0778863031 zita rinobuda A Katsande* *Musakanganwe kuuya neproof of payment panumber idzodzo zvekare* unosarudza nzira yakanyoreka kwauri yekubhadhara nayo *SA side* *Ott voucher 30 Rand* *Blue voucher 30 Rand* *One for you voucher 30 Rand* *Easy load airtime 30 Rand* *Mokanda mavouchers acho panumber yangu ini 0778863031* izim number *Mhanyai mubate nzvimbo kusub vamwe vatoveko nechekare vakatogara vabatira . Kwasara only one free chapter* munosarudza nzira inokuitira pane zviri pamusoro *Free book ndoriri kutevera rino iri* *Ancy loves you all*
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 🎉 🔥 🤝 125

Comments