Ancy Cays Novels
June 19, 2025 at 07:09 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Grp link* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 14* *Tariro* Her; Who is this thing . Me: (ndichiseka) Thing ndiwe musikana anyway handina kumbobvira ndadanana nemunhu wako shaar but waive nehunhu hwakafumuka iwewe musikana akakura kudai aitadza kubika aaa Irvine: Tary watanga shaar its ok bby uyu anonzi Tariri mzaya wefriend yangu . Zvese zvataiita kwaiva acter hatidanani asi kuti ndaida uchinje hunhu shaar caz inini ndaisada musalad but an African woman . Her: Hiii musadaro vasikana asi makambondinzwisa mudumbu askana . And uri mufree spirit zvako . Me: Yah atleast makachinja hunhu sisto . Regai ndiende zvangu batisisa chibaba chenyu ichi chinoenda nokuda kweusimbe chete . Regai ndiende veduwe ndozokuonai . Vakabvumira vachiseka vese ndakatyorera mari yangu musamba ndokuenda kumba ndakasvika ndichimirira vaya vekuchurch vadzoke . Ndakafana kubika pandakapedza kubika ndakamboita zvechikoro ndakabuda ndikanowana vakagara pasofa ndakabva ndanzwa munhuwi uri funy funy so ndakabva ndavaudza kuti endai munogeza caz ummm vasipo munhuwi iwoyo panga pasina . Vakabva vaenda ndikasara ndichitevera kuroom kwavo ndaida ndabika usavi 2 ndaida kubvunza kuti ndovapakurira chii chacho ndipo pandakanzwa vachitaura pafoni nyaya yavaitaura yakandipedza vaitaura zvokutoti vaisire umwe munhu drug ndakangonyumwa matauriro acho vachiti haatodi akaoma musoro . Ndakazvibvisa mumusoro ndichibva ndatorega kunovadana ndakangonopakura vakazouya kudya . Takadya tichiita nyaya vaitomboitawo munhu kwaye sometimes nhai . The following day ndakamuka kugadzira kuenda kuchikoro ndave kubuda ndakanzwa ndadanwa ndichibva ndapihwa mari Ndakabvunza kuti ndeyei zvikanzi ndeyekudya . Ndakavatarisa ruviri ummm zviriko hre izvozvo munhu wandinoziva chaiko ongondipa mari pakashata . Ndakatambira ndikaenda nayo kuchikoro ndakasvika handina kumboiishandisa mari yacho ndakatozviudza kuti ndaizoiisa pamari yandaizoenda nayo kumusha kudzosera marasha kuHwange ndanga ndisingadzoseri zvangu ipapo ndanga ndisingaiti . Ndakagara ndikaona vachiglower sisi vachipinda apa achisekerera zvake ndakanzwa akuti.... Her: Waaal Tary wakarukwa zvakanaka wena wakarukwa kupi nhaiwe Me: Ndakarukwa zvangu kumba ikoko uri sei hako yanga iri sei weekend yako . Her: hah shaar ndaikuudza kuti dai wakauya kumba caz weekend yanga ichinakidza iyoyo nambuya . Me: Chirega kudaro ndichazovaona zvangu rimwe day . Her: Unongouya kumba this weekend vanenge varipo neMugovera . Me: Its unfortunate this weekend ndikuenda kumusha neFriday chaiyo ndichatonzvenga palunch ndigoenda kumba . Her ; ok pari boe . Taswera boe tichidzidza zvedu ndokuzoenda kumba ndakasvika kumba ndiine mufaro wakanyanyisa ndikanochinja ndakasiya ndarecorder phone yangu ndokuiisa padhuze navo mbuya pacouch ravanga vakagara ndakaipfinyira mukati mbichana . Ndakavhara nemucheka ndikanochinja i habe to do that caz mbuya minyati yavo ndanga ndisingachainzwisisi . Paya vaida kumbondipa mari yanga yabva zvikomba kuti ndibvume . Ko now vave kungondipa mari sei . Plus kutochinja kwavanga vaita kwakaita ndisare ndiine mubvunzo . Ndakaenda kunochinja ndikavanzwa vachitaura pafoni ndiri ikoko . Ndapedza kuchinja ndakabuda neuniform yangu ndichida kunowacha ndakabva ndakaiisa muchibucket vanga vaenda kubedroom kwavo ndakanotora phone yangu ndokuenda kusink ndakanosvika ndikambogara pasi ndave kuteerera audio iya apa munhu wavaitaura naye ainzwika caz yanga iri paloud . Ndakapererwa zino irema chaiko regai zvinzi Judas akatengesa Jesu netsvodi chaiyo . Ndakati regai titambe tione game yacho apa voice remunhu wacho raitove voice remunhu akura . Ndaida kuvaratidza kuti neni nditori Mambokadzi wemadrama acho ndakati regai chitatu chazvoni chisvike . Ndakazviudza kuti handitodyi anything kana kunwa anything chinenge chichibva kuna mbuya ava . Ndaifana kuronga tsoro dzangu chinyararire . Ndakawacha uniform yangu ndokuyanika ndikabva ndokuenda mumba . Ndakanoita zino irema neniwo asi mumoyo ndichizviudza kuti mbuya imi muri dhiabhurosi nyoka chaiyo . Ndivo vanhu vaiurawa muhondo ava . Ndakabika kusvika ndapedza ndirimo ndikadya zvese . Ndakazviudza kuti Jah akaimba akati ita kuti ndione mhandu dzisati dzanditangira . Ndiyo situation yandanga ndava nayo ndaisada kutandara day iri asi ndakazonzwa ndobvunziwa zvekare zvekunditsvagira varume . Ndakavaudza zvinoenderana navo ndichibva ndanyarara zvangu . Ndokuenda kunorara ndakamuka chipiri kuchikoro . Sekuru ndakambotaura navo paapp vachitonditi phone wakaiwanepi hameno vanga vaona sei kuti ndiri paapp . Ndakangovati shamwari yangu yakafana kundipa kuti ndishandise vakabvuma . Vakandibvunza zvakawanda pamusoro pekuti wakagara sei ndaingovati taizotaura vauya . Vakangopedzisira vanditi be strong ndava pedo kuuya ndozvigadzirisa hameno vaizvigadzirisa how chandaingoda kuti zvinhu zvangu zvinake chete . Ndakabva kuchikoro ndakatodhinhiwa zvangu handina kuwacha zuva iri ndaingoita basa rangu chinyararire nyangwe ivo mbuya handina kutaura navo . The following da was the D day ndakakurimidza kubva kuchikoro nokuti ndaida kuona yess inotambika . Vakareceiver call yavo vakadaira ndikaona vabuda panze ndakabodongorera ndikaona pane mota vakaenda pane murume iyeye vakapihwa paperbag ndokupinda naro mumba vakadungamidzana ini ndanga ndaenda kunogara mukitchen vakauya mbuya vaine mufaro vakanditi..... Her: Huya uone sekuru hanzvadzi yangu . Me: Ok mbuya regai ndiuye ndione . Ndakabuda ndakadungamidzana navo ndikasvika ndichibva ndanogara murume wacho akatisekererawo wena pakaitwa maintroduction. Ndakavakwazisa ndikadzokera kukitchen ndakasiya ndabairira phone yangu paTV stand uchitora video ivo havana chavakaona nokuti vanga vari busy kufarirana . Ndakaenda mukitchen vaifara kai vasingagoni kugarisika vakabva vauya kukitchen ndokutora mawine glass 3 ndikanzwa vachiti.... Her; Ko nhasi uri low low chii nhai mzaya asi vaenzi pamba pasekuru vako hre . Me: Far from that ndikungonzwa usimbe zvangu ipapa ndikungotenderera hamubvunzi kuti unobika nei manheru ipapa . Her: Uchabika hako time dzichipo zvapo . Vakabva vabuda vakanoita nyaaa ndikanzwa ndosheedzwa ndikasvika ndichitora phone yangu ndokunogarawo imomo ndikaona pane mawine glass 3 rimwe rakatoiswa kuside kwangu . Ndakatanga ndasaver video riya mbuya vave kuda kutaura ndakabva ndatoti.... Me: Let me go and easy myself ndodzoka ndakabva ndaenda mutoilet ndikanotanga kuvhura video riya ndikaona kuti vanhu ava vanotozivana . Zvichida ndiye murume wacho wekuda kurara neni. Ndakaona vachiisa something chavakagura mudrink rangu vakakurunga ndaifana kufunga very fast kuti ndoita sei kuti vana bomba avo vamwe vari ivo ndanga ndaona pavanga vaisa piritsi ravo . Ndakabuda mutoilet ndichibva ndaenda kukitchen ndikatora soda ndokuisa mumvura ndichibva ndaenda nemix iya ndakasvika ndikabva ndasekererawo ndichivati.... Me: ndauya nemvura iyi ndichiti mumbomwa sevanhu vabva kudya zvine salt . Mbuya: Dirira sekuru vamwe ndivo vanga vachiti vane nyota tigomwa hedu majuice edu hope unofarira juice iyi. Me: Yah juice ndokumwa kwangu manje riya ramakasiya mumba umu ndakatombori poacher zvangu. Vakasekerera mbuya ndainatsoona kuti hakusi kufarira kuti ndomwa juice asi kuti kufarira kuti ndiri kuzoitiswa nezimunhu ravo iri . Ndakavaisira mvura vakamwa asi vaingoti inoshanda . Mbuya vakairamba . Umwe neumwe aichengeta juice rake ndakatora rangu ndokuisa pedo neni ndikatanga kutaurisa ndipo pandakanzwa uya murume obudisa mweya takamutarisa tese akanyara ndokuti.... Him: Can i use your toilet it seems like my stomarch is anching Mbuya: Enda navo unovaratidza Tary . Me: Hakuna tissue uko dai matovaendesa kwenyu hantie ndisekuru hre . Kana kuenda kunotora tissue racho mondovagamuchidza kutoilet kwangu uko . Her: Ok saka rega ndiende navo uko ko waindiudza ka kuti hausisina tissue . Vakasimuka ndokuenda navo ndakasara ndikachinja drink rangu nerambuya rasekuru vaya ndakatora pill ranga raiswa pasi pecushion ndichibva ndarifufunura ndokuisa mudrink muya ndikakurungawo vakadzoka vese ndave kutomwa juice vakasekerera vakatarisana vachitsonyana vakauua vakamwa ravowo vese ndaida kuona zvichaitika kana varivo vairara vaizorara ivo nxaaa. Ndakaona vasisina kugarisika . Ndakabva ndasimukapo ndokuenda kukitchen ndokubatidza phone yangu ndaida kuvatora video ndakaona aikana ko vanhu vave ku ...... door richivhurwa main door ndokuona .... *Stay tuned* *The drama is about to begin saka usasare handei kusub group tinozvionera pachedu* Nzira dzokubhadhara book hedzinoi Zim side $2 eccocash $2,10 innbucks $2 buddie airtime scratch card 100 zig eccocash 120 zig airtime . *Unosarudza nzira dzakanyoreka dzekubhadhara nadzo* mouya neproof of payment pa0778863031 ndipo pamunoisa zvekare eccocash dzenyu. SA side Ott voucher 30 Rand Blu voucher30 Rand One for you voucher 30 Rand Easy load airtime 30 Rand *Mouyisa maslip acho pa0778863031 izim line* *Please note this is the last free chapter* *Mhanya kusub group ubatane nevamwe usasara* *Book redu richange rouya neboom reader guys* *Ancy loves you all* 💋💋💋💋
❤️ 🙏 👍 😂 😮 95

Comments