PHIBIE ALL NOVELS
June 20, 2025 at 03:42 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE*
*🚦Follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I
*⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel*
*🚦Group link*
https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh
*STORY BY*
*PHIBION MANDONGWE*
Call or App
0774512473
0714160957
CHITSAUKO 15
*DZIKAMAI ANOPINDA MUNINGA**
Rinomuka gomana ndokupakatira zvaro zvombo semurwi aiziva kuti mumasango hamungofambiwi uri juru. Rinonzwa kusawirirana pakati pevaviri avo vakange varuka rwedandemutande vari pamwe. Pakupendera nhaurwa yavo anoona muzvinatsvimbo yedziko rababa vake otsiga oga pfuko achibuda mumuzinda. Chirasadzimba chironda hwema, sezvo jenaguru raive rakakwidibirwa neukore hwechando akabva angotevera zvishoma zvishoma achinzwa kutsikwa kwemashizha akaoma. Nyakuronda aiona asi murondwatsimba hwaive utsi uso hwakangoringa mberi chete. Anosvika pamagumo erwendo koti hwee izvo zvakapa kuti murondi kuti achitambira chinhambwe sezvo aida kuti muzvinapfuko aite zvaaida akasununguka chemurondi kuringa nemeso chete.
Anoona zvese zvaiitwa asi manzwi haana kubata kana rimwe zvaro asi kutaura aikunzwa. Nenhambo isipi achiona baba vemusha voita kusvanhika matombo nekunzvenga miti yachitiza kusiya pfuko yavo, izvi zvinomupa kuda kuchiswedera pedyo kuti aone chasimudza. Anosvika ndokuona pane nhuchi dzaitendererapo iye ndokunyatsoswedera pedyo. Achizoona chokwadi kuti zvairatidza kuti mukuru adenhana nezvivete akabva achifungavo kuda kuparura nerumwevo rutivi asi ane zvinouya musoro rake. 'Ndingangoti inyuchi izvo kwete. Mukoma wangu angaite zvivindi zvekuuya asi iyo ninga yakambomurambira here. Kana ndichirumwa ngadzirume ndasvika pedyo ndione'. Anodaro mupfungwa dzake Dzikamai ndokuswedera pedyo asi nenhambo isipi dzinotanga kuita shoma nyuchi dziya asi padzaipinda haana kupaona kusvika dzose dzapera. Anotarisa pfuko yasiiwa nemukoma wake ndokuona ichipupira nekuvira ichitibuka furo jena raigona kunzwisa muoni nyota yekutoda kusimudza amwe nepfuko yacho.
Anoringa rutivi rwepaakambonzi adetembe ninga ivhure ndokubva afunga kuita misikanzwa. Akafunga kuti zvichida zvaive zvezuva irero zvichida nhasi inogona kuramba kuvhura.
"Bu bu bu bu.
Ndiri nyana renyu.
Mhofu yemukonowee.
Ziendanetyaka.
Taive tangoti munyange pahuro.
Sezvo nhambo iri refu kwazvo.
Yareba tisina kuku.....?"
Haapedzisi zvaaida kureva anonzwa maungira ekuomba kwemhuka yaasina kuziva. Anoteerera asi kwaibva nenzwi asati akunzwa anoona mukaha wakavhura sezvakamboitika.
Anokaruka awira pfuko nemaoko maviri ndokuiti mhidzu, tekateka akananga mumukaha uya kunyange hana yairidza matindindi. Imwe pfungwa yainge yomuti unogona kupinda ukavharirwamo. Imwe ichiti pinda vadzimu vagara vanoda iwe. Anopinda ndokundosvikotsveta pfuko iya pamutumbi waaiziva wababa vake, nechepamberi paine imwe miviri. Pakarepo anonzwa mhururu dzairidzwa nemanzwi matetetete izvo zvakamupa kuda kuona kuti vanhu chaivo here sezvo aizvinzwira mberi kweziendanakuenda rebako. Anosiya pfuko iya ndokutanga kufamba muchaedza chaaiona achienda mberi asi nenhambo isipi anonzwa mhururu dziya dzoita kunge dzave kure kwaaisakwanisa kusvika. Anobva aziva kuti uku ndokwaive kuita kwevadzimu ndokubva aringa gotsi kudzokera kumashure. Achisvika paaive asiya pfuko anowana yaoma musisisina chirimo. Anoramba akatarisa mutumbi wababa vake uya achiyeverwa nekunaka kwepfumo ravo ndokumbofunga kurotora asi imwe pfungwa inoti unogona kuzotsamwisa vakuru vako. Anoona kuti anenge ave kugarisamo paainge otarisazve mamwe mativi kwaive nehari dzakaumbwa nenyanzvi dzizere nezviyo. Hari idzi dzaiyevedza sezvo dzaive dzakachekwa magande aiyevedza kuona ndokuiswa mukura waizodzitsvukisa. Rumwe rutivi kwaive nezvombo zvinove miseve nemapfumo, mapakatwa pamwe netsvimbo. Anonzwa kuti zvakwana achifunga kuti aigona kuzovharirwamo. Achicheuka kubuda anoona kusina nzira kwaaive abva nako. Anomira asi hana haina kurova zvayo. Anochonjomara ndokurova bonda achikumbira nzira. Anozofunga kuti anenge avharirwa nekuti pane zvaapotsa ndokucheuka ndipo paanoona pfuko iya. Achingoisimudza kuda kuenda nayo anoona mukaha wavhurika ndokubuda achibva arovazve gusvi achitenda vakuru vake ndokubva kwatinhira kunge hore yenhuruka ichibva yavhara.
Gomana rinononga pfuko iya ndokuisa man'a mumatombo rodanhira richidzika kusvika rave pasi. Rinofamba mutunhu apa ainge achiona nhambwe dzemukoma wake ndipo anotanga kufunga zvaive zvaitika.
'Asi chokwadi chaicho apa chingave chii chinoita mukoma wangu anyimwe suwo nevakuru vake ini ndichiripiwa? Pakuvigwa kwababa ndozvakaitikazve nanhasi nemonemo zvinoramba zvakadaro. Kuti angave asiri mwana wababa here, kana kuti pane zvaakaita zvisina kufarirwa naivo vakuru vake? Asi chandinoziva ndechekuti rine manyanga hariputirwi nerimwe zuva zvichatumbuka tikaona musiyano weshawi nezvi.........?' rinodzingwa mumifungo iyoyi jinda iri raona kunge munhu akagara. Rinonyangira atombotsveta pfuko pasi pfumo rave muruoko. Anosvika pedyo ndopaanoona ari mukoma wake asi ngundu yaive isisimo mumusoro. Anoona musoro wazvimba ndokubva afunga nezvenyuchi dzekwaabva. Anoziva kuti chigadza pasi ndiyo shuku kana iri nhamo haigadzi pasi. Achindoti ringei kumeso ndokurohwa nehana achiona uso hwese hwakafushirwa. Anofunga utsinye hwaive nemukoma wake ndokubva..........?
MAPARADZE ANOUYISWA MUDARE*
"Maparadze ndine urombo newe zvako nezvawaita izvi. Namambo Vhungawaringa unotokandwa muchoto chete nhasi. Dai uri umwe watotema refuratiro sezvo pano patozoberekera mbada." Anodaro mumwe mufudzi ainzi Goka uku Muteveri achitsinhiravo.
Maparadze anobva agegedzera chikwee chevakadzi vanonyeya vamwe. Anosvika pakudonha misodzi yobuda nekuseka zvake. Pave pashure anozogara zvake pasi akadzambira maoko ese pasi nechekumusana kwake ndokuti. "Machinda angu musatya zvenyu zvagara chine manenji hachifambisi mirai chichaonekwa mavara acho chaiwo. Ndinozviziva kuti ndapara mhaka asi imi makazvitarisawo zvingave zviri zvoga here zvandaita muchiona izvi? Achiri masvosva aya muchero wacho hausati waibva. Ndakamirira kupara ichambonzi nyangwe namai vangu vambopinda panyanga dzamushore. Ini musandityira zvenyu regai ndimbokuudzai zvakaitika ndichiri rusvava. Ndakazvarwa zvemusimba chaizvo. Zvino mai vangu vakambondivanza kusvika voona kuti zvichangozivikanwa. Vakabva vanzi nehama dzavo kanda kamwana aka muchoto zvipfapfate zvogopererana. Sekuru zvavaive muvhimi vakatora dehwe rechisere ndokundiputira ndokundisungiramo. Vanorikanda mubviravira remoto unopisa. Moto wakapfuta kusvika vanzwa kuputika kunoita chatsva kuya, ndopavanondiona ndichibuda mumoto ndichikambaira. Vakazoudzwa kuhope sekuru kuti maedza kuda kupfuudza nyana iri rudzi rukuru. Hakuna choto chaachapinda chaachaburwa nemunhu. Saka nanhasi rega zvipore akabva mukutsva. Asi izvi achiri masvosva mirai muone". Anodaro Maparadze asi vamwe vake vakati vomusekavo. "Hooo zvisimbise uchidaro zvako asi uchaona kuti Vhungawaringa imharadzi chaiyo. Ruka manyepo iwayo kana uchifunga kuti ndewekuita zvemusere naye achakubvisa madari wakateerera semombe". Vainge votaura vachiseka zvavo asi vachitoreva idi.
Maparadze naMuteveri vanozofamba vachibva paive nevafudzi iro rave kunanaviravo kuzopinda munamai varo. Vasina kure kwavainda kunobva kwatosvika machinda maviri rimwe ndokusvikonamura Maparadze ndokumuisa pafudzi ndokutotarisa yekumuzinda yaainge abva nayo. Izvi zvose zvaive mumaziso aMuteveri uyo akangoti totenda yavira shambakodzi yedemhe. Asi kahana kachipota kachiparuka. Zvekugeza zvakabva zvava zviroto akabva aita sezita rake ndokubva atevera .
"Zvino ndiko kuita sei ikoku machinda makuru kubva maita kunge nyamudzura zvisina kubvunza mhaka" anotaura Maparadze asi akamudavira hapana dzamara vasvika mumuzinda ndokunanga padare. Anosviko itwa kujatirwa pasi nechigara matoto ndokubva agomera kamwe chete ndiyo nhambo inosvikawo Muteveri uyo akabva ati verere ndokunomira nechekure.
Mai Muchabereka vachiona mwana wavo achisvikwa naye akadzvarwa hana yavo inobika manhanga ndokubva vangoti kanha nazvo sezvo vasingazive chainge chatora nzvimbo.
"Changamire ndiyo nhubu yakuvadza mukono wedanga iyi nyanga pamwe neziso tauya naye" rinotaura Gwandibva jinda ramambo Vhungawaringa.
Mambo vanosimuka vakavhura ziso rainge chiropa chebveni.
"Nhasi uchaona rudzi rwemoyo wangu iwewe ndiwe ungandinyadza kudai. Nhasi ndiri kukuuraya. Zvii zvawaita mombe yangu unoziva kuti ndiyo yakabata dziko rino here uri mwana wani" vanotaura.
"Handizivi kuti ukaona nhiyo ichirumwa negondo unotadza kudzinga here, zvino kana gondo rikatadza kusiya hukwana handizivi kuti murimi mungaita sei, ini ndizvo zvandaita" anotaura Maparadze akaringa mambo Vhungawaringa.
"Usanditaurira madzanhambwanana zvakafanana negondo here izvi?" Kubva chibarirwe wakamboona ichiitwa zvose zvose. Musungei dzakondo mushevedze mai vake nhasi uyu achava chiratidzo kuruzhinji. Isa pfumo rangu muchoto" vanotaura mambo vakasunga chiso. Rimwe jinda rinoisa pfumo muchoto rimwe richinoshevedza mai Muchabereka.
*SORRY TEAM BOOK KUSAUYA NDAIVA KURUFU*
KUPERA KWECHITSAUKO 15
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
162