TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
June 3, 2025 at 10:08 AM
https://chat.whatsapp.com/HUcbIVCIllREraXG9oBs7R https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share Join my WhatsApp channel https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07 🔓🔐 UNSOLVED MYSTERY 🔐🔓 A FRIEND OF THE ENVIRONMENT # NATURE🌳 FREE BOOK WRITTEN AND CREATED BY TENDAYI AKA MAI MUKU # MUZUKURU WACHIHERA 0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣ EDITED BY PTK MHOFU. CHAPTER 1 🌺 RUVHENEKO 🌺 Kunze kwakanga kwakakwidibira kuine rumhepo rwaifefetera zvaipinda mukati memuviri kwakadai kana basa rainyatsoitikawo moyo nepfungwa zviri pamwe chete nekuti kwaisapisa musi uyu. Sezvo taiva paholiday zvikoro zvichangovharwa ndaiswera ndakamira kubatsira amai vangu mabasa ese. Kubva zvandapedza kunyora form 4 yangu ndakawana basa pachikoro Chemhondoro Primary School kwaMrehwa. Apo pandaishanda saclerk. Amai vangu vaiva vakangobara vana vaviri chete ini Ruvheneko musikana mukuru kotevera Elvis mukomana aiva mudiki aitoita grade 7. Amai vaive vakamujaidza kuti haaite basa kana ndiripo sezvo aiitawo kana ndiri kubasa. Zviya zvekunzi mwana mukomana Basa rake kuenda kumombe zvega kumba kwedu zvaisashanda. Basa rese raiitwa nemwana wese hapana aiti izvi handigoni. Baba vedu vaishanda kuHarare pane imwe company yaiita zvesteeel. Vaipota vachiuya kumba kamwechete pamwedzi kuzoona mhuri. Ndichangopedza kuwacha mbatya dzangu ndakabva ndapinda mumba kuti ndinotanga kubika breakfast. Elvis akauya achinditaurira kuti ndaidiwa kunze kuroad nemumwe mukomana. Ndakatoshaya aiva ani aindida nekuti ndaiva ndisina kana mukomana kana shamwarikomana hayo. Ndakatobuda zvangu ndakatosunga chizambia semunhu aisaziva kuti ainoona ani. Ndichinosvika panze pechivanze wanikwe pakamira mujaya aiva akapfeka zvakanaka kuratidza kuti abva kurefu. Paakatendeuka ndakaona kuti aiva Stewart wekwaMazani uyo aindida kubva kare. Ndaiva ndakaguma kumuona pave nechinguva iye achindiona chionai nyemwerero zvayo kuita kusvika kunzeve. "Ndakurova nesurprise usingafungire ndanga ndototya kuti ucharamba kuuya kuzondiona. Urisei chipondamoyo changu?" "Nhaiwe Stewart ko ukasvika baba vangu varipo iwe uchiita zvivindi zvekusvika pamba pedu?" "Usatya hako ndatotanga ndabvunza ndikanzwa kuti havapo ungati ndingade kuita zvinhu zvinozokupinza panguva yakaoma here?" " You are a stalker handiti, zvino uri kudei pano unouya usina kana kudanwa?" "Nyaya yangu handisati ndaneta kukutaurira, Rue ndidewo ndifare ndiite sevamwe." "Stew ndakakuudza kuti ndoda nguva handingati ndakakuziva last year zvekukuona pano neapo ndakutokupa moyo wangu. Ko kana ukazouputsa ndinounamirwa nani? Zvemoyo hazvide kumhanya ndotya kuzotora nzira isiyo nekuita zvinhu nekunonokerwa." "Rue ini handineti kumira kunyangwe ukati ndizodzoka kupera kwegore kumhinduro yangu ndinozvitambira ndichisekerera. Rudo rwangu kwauri harutengwi nemari uye haruyerwi pachikero. Chirwere chakandibata ndechemoyo hakuna mushonga unokwanisa kuchipedza kunze kwako. Hana yangu yakarovera iwe wega naizvozvo ndichaudza moyo wangu udzikame kusvika wandidawo Ruvheneko mwana wekwaSande." "Zvandakakuudza kare uchatanga kundipfimba nezvandichakuudza nhasi hapana chashanduka. Handidi nezvako ndipewo mukana wekufema pasina anondinetsa ndapota." "Ikoko kuoma musoro kwako ndiko kunoita kuti ndirambe ndichiswedera pedyo newe. Okay ngatiitei deal l will give you 4 months dzekufunga uye kundiongorora nekuti wati haunyatsondiziva. After that whatever you say l will accept l promise kusazokunetsazve, deal?" "It doesn't change anything Stewart gara uchingoziva kuti moyo wangu handikupe." "Fine handiite nharo newe ndakungoenda ndichiziva kuti l have an unsolved issue newe." Akabva aenda mukomana ndikasara ndakangomutarisa. Pfungwa dzangu dzakatanga kufunga zvakawanda ndakamutarisa, zvivindi zvake ndezvei uye anotemba nei? What on earth is that zvaasiya aita pano, who does that kupa munhu alternative yakadaro? Is it love or lust ina baba ava handichaziva ini. Anyway who cares hamheno hake ndiye anozvinetsa ini my priority now kushanda kuzvigadzirira hupenyu not zvevarume. Kana nguva yakwana Mwari achandipa anoenderana neni. Ndakatodzokera mukati ndokutanga kupedzisa zvandaiita nekubva ndanogeza nekubvisa zvizambia hezvo ndazoonekwa ndakadaro. Ndichipedza ndakabva ndanorara zvangu panze painyatsotonhorera ndichizorora zvangu. Elvis akabva auya pandaiva ndakarara ndokugara nechekumusoro kwangu akanditarisa. Haana zvaaakataura asi semunhu wandajaira ndakaziva ane nyaya. "Taura nyaya yako asi kana uri kuda kukumbira mari handina Elvis ndokuziva." "Iiiiii sisi ndamboti ndiri kuda kukumbira here ini ndangogara chete ini kana kuti handichabvumidzwa kugara pamuri henyu?" "I know you more than anyone shamwari uri mwana wamai vangu iwe. Taura hako zvaurikuda ndiri kuda kurara ndanzwa nehope." "Ehe ndikuda kukumbira mari asi ndanzwa zvangu nyaya dzenyu nemukomana auya achikudai. Ndinomuziva zvangu anogara achindipa mari kana kunditengera tunonaka ndikamuona kumashops. Ane moyo wakanaka musamutuke zvamanga muchiita izvo pamwe ndiye murume wenyu. " "Iwe ubva wachera kakomba upfire wanzwa, chii chaunoziva iwe mwanana zvake. Zvibva zvapera nhasi zvekupihwa mari nevanhu vausingazive ko ukabiwa unoitasei? Uri kushayei pano kusvika pakunotengerwa zvekudya nemunhu wausingazive. Ngazvibva zvaperera pano ndisazvinzwa zvakare, usiyane nekupindira nyaya dzisina zera newe, zvevarume unozvizivira kupi usangwarise." "Sorry sisi ndazvinzwa handizvipanhe zvakare." Ndakabva ndamudzinga pandaiva ndiri kamunhu kepi kanoda kuhakira zvisi zvako. Grade 7 anondiudza zvekuita murume pakudii? kana nehope dzandainzwa dzakabva ndapera kuti hwaa. Vana ava chiiko kungwarisa kudaro kushaya kana matyira zvavo zvakaoma. Kwakazongova kugarawo kwekuzorodza nyama sezvo zvehope zvakavhariswa naElvis. Ndakabva ndafunga kunoona iye anozviti Stewart. I must put a break zvisati zvenderera handidi madrama mangwana ozoti mwana wenyu aidya mari yangu. Ndakabva ndatosimuka kunopindura mbatya dzangu dzandaiva ndawacha. Ndichipedza ndakabva ndatopinda munzira ndakananga kwandaiziva kuti handaizomushaya Stewart sekuti vanhu vekumba kwavo vaiva neshop paMurehwa center. Ndakatora nzira yekudanburira nekuti ndaida kukasika kusvika kuti ndikasike ndadzoka amai vasati vaona kuti ndabuda kuenda parefu. Sezvineiwo midzimu yangu yakandinzwa ndokusangana naye munzira hamheno kwaiendwa. Achindiona akabva atanga kusekerera izvo zvaibva zvaita kundisvota. "Wakanangepiko chipondamoyo changu Ruvheneko?" "Handina nguva yakawanda kutaura newe, ndafara ndabva ndasangana newe pano ndisati ndasvika kure. Stewart handizive igame ipi yauri kutamba nehanzvadzi yangu asi ndati ndikuudze siya zvichakanaka." "Oooo kumupa mari nekumutengera zvekudya? Haisi nyaya hurusa iyo kungopa tsano vangu, ndaiti ndokugona kusaziva kuti hauzvide zvakusvota wena kusvika pakunditsvaga munhu anga akarara." "Asi wanga uri pamba pedu wakahwandira kani, waudzwa nani zvese zvaitika ?" "Ndangandingori kumba kwedu ini handina kumbokuhwandirai. Ndasobvako kuseni paye, ndangotaura ndichiti kutamba kusatoziva ndizvo zvaitika ruregerero Rue." Kana nekudaira handina ndakangotendeuka nekubva ndatarisa nzira ndodzoka kumba. Munzira mese pfungwa dzangu dzaifunga zvakawanda. Ndichisvika kumba handina kuda kutambisa nguva ndakangonanga kwaiva naElvis. Ndakasvika achigeza maoko ake paside pake paine kapadza kadiki kuratidza kuti aibva kumunda. Ndakamubvunza kana aive ambonoona Stewart akataura zvandaive ndamutukira asi akaramba. Ndakamboti zvimwe kuda kunyepa asi ndakazogutsikana amai votsigira kuti vaiva naye kumunda kubva zvandamudzinga pandaiva. Ipapo ndipo pandakabva ndagara pasi kuzorora chaiko. Mumoyo mangu makaramba kuti ndibvunze zvaataura kuti angotaurawo asina ruzivo. Handizive kuti sei asi mukomana anonzi Stewart hana yangu inorova pese pandomuona. Kuti chingava chii, kufungira zvisipo here, kumuvenga here nekuda kwekuti anondida, kuti ndingave ndichimudawo here ndisingazive, ndodii kuti ndigadzikane? End of chapter 1 An "unsolved mystery" is an event or crime that has not been solved, or for which the truth is not known. It can be a real-life event, like the disappearance of someone. An unsolved mystery often has many unanswered questions, and can leave the reader feeling both intrigued and frustrated but l hope you will not be frustrated. Stay tuned totsigirawo munyori panew book redu miono yenyu inotendwa. TENDAYI NOVELS # LEARN SOMETHING 🌳
❤️ 👍 🙏 😂 😮 56

Comments