
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
June 3, 2025 at 06:45 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07
https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share
From 1 join my WhatsApp channel
https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07
*🔐 UNSOLVED MYSTERY 🔓*
A FRIEND OF THE ENVIRONMENT #nature 🌳
FREE SHORT STORY WRITTEN AND CREATED BY TENDAYI AKA MAI #muzukuru WACHIHERA
0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣
CHAPTER 2
*STEWART*
" Widza kanda kuno hona handina munhu apa makaungana ikoko. Ndipo paya pandinozoti handidi team ina Kevy naTonde hona chete uri kunyatsoona kuti munhu akabuda asi urikukanda ikoko unoti rinopinda mumambure here. Zviri pachena kuti ranga richatoita offside."
"Iwe Stew unonetsera kuda kubva waita sekuti ndimi munoziva kudarika tese isu ana Tonde hatizive. Wangu kana muri muground unondikurira, hande pagate haugohwese kana rimwe."
"Tonde munhu anokugarisa pasi ndiKevy pagate pako paunoganza napo unopatiza kana ouya mukomana."
"Iiiiiii taura hako Stew mukomana anorova bhora iyeye, anoita kuisa simba rake rese pariri. Ukasatotiza unomukira kuchipatara handizvipamhe zvakare kuda kubata bhora rake. "
"Haaaa boys mave kutondifamba ka apa, ndisiyei ndirovere kumberi ini ndingazvikwanise zvendonda. Ndozvinoratidza kuti ndinozvarisa honai ipapa ndine matwins zvikomana pamusoro pacho. Imi vamwe vedu kana nevasikana vacho vekuti mumitise hamuna ipapa."
"Yowe takupindirwa mumagarden edu manje vakomana kwanhasi togumira pano. Tosangana mangwana nguva dzimwe chete idzodzo, Tonde ndokuona kumba ndiri kuda kumbopfuura nekwaChinjanja pane zvandiri kuda ikoko."
Takabva tapesana nevamwe vangu ndikabuda naKevy toenda nenzira imwe sezvo aigara pamhiri pepandaida kuenda. Takapfeka shangu dzedu nekutora Nhava dzedu nekutonanga muroad. Takafamba tichikurukura zvedu nezvebhora rataibva kutamba. Uyu waiva mugariro wedu mazuva ese kana tashaya zvekuita tainotamba mutambo watakajaira. NaKevy taiwirirana kudarika nevamwe vese nekuti taiva takadzidza tese kubva kuprimary uye ambuya vake vakakura vachitamba vese naaambuya vangu. Hushamwari hwaana ambuya vedu ndihwo hwakatibatanidzawo isu. Kevy aiva ane speed akatoroora nematwins vakomana. Kudzikama aiva asina zvake nekuti aroora kwete mukomana wacho marokwe anomadisa ndiChitova zvomene anotovanedzevamwe. Kukura chaiko kuri kumunetsa bhururu wangu hamheno kuti achadzikama zvadii.
"Iwe Stew wakazodii nemusikana uye wekuseri uko?"
"Musikana upi zvakare watanga kuda nyaya?"
"Mumwe upiko zvakare asiri Ruvheneko, handisati ndanzwa kana nemakuhwa kuti uri kufambidzana naye. Uri kutadza kunyengerera here ndipinde ini ndigadzirise zvinhu ukaneta uchatangirwa nevagonhi zvavo."
"Siyana nazvo Kevy kana nguva yakwana achauya asi ndiwe unoda kunditorera kani nekuti mataurito ako unozviita iwe?"
"Iiiii bodo zvimwe ndingaite asi hama yangu handiidyire nyama yayo. Ndingaporonge zvangu kunze uko asi kwete kuhama dzangu."
Takazokurukura dzimwe nyaya kuti nzira iite pfupi, pasina nguva taiva tatoparadzana ini ndoenda kwangu. Ndakatosvika pamba ndokuona ambuya vangu vakagara panze vakavata havo nekachikari kavo ako kaisasiyiwa pasi.
"Kwakanaka hako here nhai vaChireranherera vangu nepane zuva apa matobata kachikari kare?"
"Aaaaaa kunoipei hako nhai chizukuru , kungonzwa hangu kuda hunovavira kwakaipa here. Ndikakuti nditengere mavave chibuku chemustoro unotenga iwe kana kuti unotondiudza nyambo kuri kunyima?"
"Haaa ambuya inga ndinokutengerai wani mave kundiwanzira henyu. Mangwana ndodzoka kubhora ndokuigirai mavave enyu."
Zvambuya vangu here vanenge vane zviri mupfungwa ipapa ukona vonwa havo vari voga kudai. Mbuya Chireranherera vaizivikanwa nekurapa zvirwere zvakasiyana siyana vachishandisa midzi . Kuvabvunza ivo vanoti ndinoita kuroteswa miti nekurapa kwayo. Ndaingova muzukurukomana wavo mumwe chete. Pakubarwa nababa naMai taiva vaviri nemusikana aiva mukuru kwandiri Samantha aiva akaroorwa ave neyake mhuri. Vabereki vakabatwa neicho chirwere chapedza veruzhinji vakangofa vakateedzana vachitisiya tiri vaviri. Panguva yacho Samantha aivawo mudiki asingakwanisewo kuriritira ini naiye. Ndipo ambuya vakabva vatitora ndokutanga kugara nesu. Muchembere wacho haabvume kukura nemakore ake mawandiro awo haafambi akakotama kana maziso avo achiri kuona. Ndakangokura ndakajairana navo zvese zvandinoda kana zvinondinetsa ndinovataurira zvese. Hukama hwangu naambuya vangu hwakasimba sekuti vakandibvisa madzihwa pamwe nekuwacha weti dzangu.
Shasha yakanwa chikari chayo kusvika yapedza ndokusimuka yopinda mumba. Semunhu wangu wandajaira ndakavasiya vakadaro ini ndokukasika kuvabikira kasadza nekamukuyu ketsuro kaivamo mumba. Ndichipedza kuvamonera ndakabva ndavaendesera mumba mavaiva vatorara zvavo. Vakamuka ndokudya kupedza nekudzokera kunorara zvakare. Ndakabva ndaziva kuti nyaya yavo ihuru sekuti dai yaiva nyaya njee yatotaurwa vapedza kudya sadza. Ndakamboda kunovamutsa kuti ndivabvunze chanetsa asi ndakatya kuudziswa sekuti kana vasingade zvekutaura havatode kunetswa. Nyaya yandaive ndapara chaiyo ndakaitsvaga ndikaishaya. Ndakazongosiyana nazvo ndomirira kuzotukwa kana voda havo.
Muzuva rakatevera vaingova vari zii zvavo vachingoita zvinhu zvavo voga. Ndakangotambawo yairira ndichiti zvimwe vachataura asi kana zvavo. Akagumisira ava vazuva matatu pasina chavataura havo, takaguma tapinda musvondo kusvika ava masvondo maviri pasina kana chavataura zvakare. Ambuya vanositsamwa asi apa zvaiva zvapfurikidza mwero. Zvakandishungurudza kusvika ndaita pfungwa yekuvapinda nayo. Ndakabuda pamba ndichiti ndiri kunotsvaga zvigubhu zvangu zvitatu zvechibuku kuti ndiwane kuvanyengerera. Ndaitofamba hangu ndichironga nekurongonora zvekuti kana vandaipfuudzana navo munzira handina kuvaona. Ndakatotanga kufunga zvangu Ruvheneko mwanasikana wandinoda asi iye achindivharira kunze hake. Mwana akakura ndichiona ndichingomuyemura kupfurikidza nemoyo wake wakanaka uye tsika chaidzo dzizere. Ndakabva ndatanga kutomuona atova amai vevana vangu achiri kuprimary chaiko. Ndakamboshinga kumirira kusvika ava form 4 ndikasvitsa shoko. Hazvina kufamba sekuronga kwangu mwana akandirambira mudenga asi ini handina kuzviisa muhana ndakaramba ndakatsika ipapo chete. Handizoneta kumirira sekuti ndiye ega akarovesa hana yangu pavasikana vese vemunharaunda medu. Ndakazoshamisika ndobatwa ruoko kutarisa wanikwe ndiElvis hanzvadzi yaRue.
"Kudai muri kufambira muhighway maitsikwa nemota chete chinguri ndabvira kukudanani."
"Kana kumbozvinzwa wena makadiiki tsano marova kana kubhora handisikukuonai."
"Ndiriko zvangu kumba kumbobatsira sisi basa kunyanya kumunda. "
"Aiwa zvakanaka kubatsirana basa rinoreruka, ko tsano asi makaudza sisi venyu kuti ndinokupai mari nekukutengerai zvinhu, ndakazotukwa sei navo?"
"Zvakangobudawo ndichiti ndirikugona kusaziva kuti ndakazviparira neniwo ndakatukwa. Ndakuuya hangu musanditengera kana kundipa mari zvakare handidi kutsamwisa sisi vangu. Ipapa zvikangozivikanwa kuti ndamira ndikataura nemi nyaya yacho haiperi."
Takazongoonekana mwana ndokuenda kwake ndotyira kuti angatukwe. Ndipo pandakaona kuti chokwadi Rue haandide angatukire mwana izvozvo chokwadi. Ndakasvika pamashops nekutenga chibuku changu nekubva ndatopinda munzira ndodzokera kumba. Ndakasvika ambuya vakagara panze zvavo vakaita kubata rushaya. Ndakasvika pavaive ndokugadzika zvigubhu zvangu nekungotora chimukombe mumba. Ndakadira mumukombe nekubva ndadzvuta nekuvatambidza.
"Batai nepapa muchembere mudzikisirewo mavave aya."
Vakatambira mukombe ndokuti pamuromo ndokuzogadzika pasi musisina chinhu. Ndakavadirira ndokuzadza mukombe uye vakaudzasa zvakare kupedza wese. Ndakadira rimwe chigubhu chekutanga chichibva chagunduruka ndokurasira kure. Vakabata mukombe uya ndokudzvuta kamwe vachibva vanditarisa kumeso ndokuti....
"Taura nyaya yako haungonditengere mavave pasina zvaunoda."
"Haaa ambuya munoziva kare nyaya yangu, kunditsamwira kudaro ndakaparei zvakare, masvondo maviri kana kutaura neni zvadii?"
"Nekuti wakapata mwanakoma handina muzukuru mbende ini. Nezvauri izvozvo unonzi wakundikana kupfimba musikana wagova dera here?"
"Ndiyo nhau yacho ambuya zvakaoma, kutaura chokwadi mwana anditemesa musoro iyeyu. Parizvino ndatosvika pachikamu chekuda kutozviramwa, ndaneta."
"Kwete kwete handina muzukuru anoramwa ini. Kana uchiziva kuti unomuda musikana uyu ndokuudza zvekuita ini nhasi chaiye unoswera wosekerera iwe huya pano ndikuudze munzeve mashoko angaende nemhepo."
Ndakarereka nzeve yangu ndokuudzwa kazeveve naambuya. Hana yangu yakarova ndichinzwa zvavakataura asi ivo vakabva vaindibata maoko ndokuti...
"Handinganzi Chireranherera vangu vana vachitambura, simuka unoita zvandareva kunze kusati kwasviba "
End of chapter 2
Stay tuned....
WekwaChikosha ♥️✍️
❤️
👍
🙏
😂
😮
23