TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
June 4, 2025 at 05:03 PM
Vanod from 1 gara wapinda muchannel ubatane nevamwe
https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07
Join us kufacebook towanikwa zvakare
https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share&mibextid=NSMWBT
💥💥💥PAIVAPO💥💥💥
( Rema's Bleeding Heart)
A FRIEND OF THE ENVIRONMENT #nature
A SHORT FREE STORY CREATED AND WRITTEN BY TENDAYI AKA MAI MUKU #muzukuru WACHIHERA
0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣
CHAPTER 14
Nancy achidonha Sylvester ndiye akamhanya kunomubata. Ini naCassy takabudawo takamhanya panze kuteera Nico. Tichinosvika pagate takawana mota yatosimuka apa aidriver yamom. Cassy akangovhura door yemota yake nekubva atopinda ini pasina kumirira kuudzwa ndakangonovhurawo door nekupindawo. Mota yakamutswa zvemufirimu takananga direction yaenda naNico. Cassy tried by all means kumhanyisa mota tichiti tichamubata asi kana kumuona muroad. Iniwo nekuside l was trying fon yake ichiramba. Pamwe yaiva yatosiiwa mumba nekuti yaisatoita through. Takati takuda kunosvika pamarobbots ekupinda mutown tinzwe mabhero hobho hobho. We approached panzvimbo yacho ndokuona kuti paiva paitika accident. Hana yangu yakarova ndokuburuka ndichimhanya ndakananga ikoko. Cassy akateerawo tese kwakusiya mota paroad.
Mwari weee zvandaitya zvacho ndizvo chaizvo zvaiva zvaitika. Nico was involved in an accident hamheno zvaiva zvaitika but l simply did was to run kune mwana wamai vangu. Vanhu vaivapo vakatanga kutaura kuti timirire police before touching anything asi kwandiri raitova drama. How can l leave me blood brother ndichiti ndikumirira police, ko akafa? Takabatsirana naCassy kutakura Nico tichimuisa mumota. Vanhu vakasara vosheedzera isu tatoenda kare. Takananga pahospital manurse vakaita basa ravo. Nico was admitted pasame hospital paiva namama. Kuti tichiudza vanhu vari kumba manje hapana kana aiva nefon pahu2 hwedu. Doctor vaiattender mama vakati vachindiona vakamhanya kwandaiva ndokubvunza,
" Mrs Ndoro you are still here, why?"
" Doctor please save my brother, ndiye wandauya naye pano. Tasvika kumba and break the news kumasiblings angu but they didn't take it well. Mumwe angodonha kumba ikoko mumwe angobuda nemota. Ndateera uyu abuda nemota kwakuona aita accident ndobva ndauya naye pano."
" Eish that's really bad, sorry to hear that, ko wamasiya adonha aita sei? Is she okay anoda kutariswa cause we relate to such news zvakasiyana?"
" Handizive doctor kana fon handina ivo vati kumba kwacho havasi kutoziva kuti kuno ndozvaitika."
" It's fine follow me muite fon call muoffice mangu."
Ndakamuteera doctor uye ndokusvika achindipa fon yake. I called number dzahuby dzakambotora time dzisina kudairwa kwakuzodairwa pava paya.
" Babe it's me ndiri kuhospital Nico just had an accident zvinhu zvacho handichazive ndodii?"
" Eish sorry babe just be strong l will be there soon."
Ndakadzosera doctor fon yavo nekubva ndatobuda kunogara kumabenches. Lucky Cassy was by my side hamheno ndaizodii. Takagara tomorira any news about my brother takaona Sylvester achisvika akabata Nancy maoko. Zvinhu zvacho hamheno Mwari aida ndidii chaizvo. Kungomuona chete misodzi yakatanga kungoerera yega. Iye wacho kungoona kuti sisi vakuchema akabva aikwetsura mhere zvekuti tiri muhospital haana kana kuzviona. Takambundirana nekubva tabuda panze nekuti taiva totoita create a scene. Takachema kupedza shungu dzedu dzese kwakuzonyararidzana. Ndakanzwa kubaiwa pamoyo ndichibvunzwa mubvunzo wandaisava nemhinduro negotwe raamai vangu.
" Sisi why Mwari vatiseka kudai, mama never did wrong to anyone, why her? Ko Nico hake why is he in that hospital bed instead of here with us?"
Handina kuda kumupindura nekuti ndaisatoziva ndomutii. Ndakangomumbundira nekubva ndatanga kumunyararidza. Kwakasvika pakuchena kunze tiripo pachipatara. Chiona dressing manje yataiva takarova. Manight dress nemapijamas tese zvedu. Takanoona Nico aiva akangorara achinzi haasati amuka apa chiona musoro wacho wakavharwa nebandage. Hondo dzangu ini hadzipere chokwadi chava chii zvakare, mumwe kumortuary mumwe pabed. Takadungamidzana todzoka kumba musha wese. Kana ndiri seni ndakangoti kupinda mumba nekuzvipotsera pasofa. Ndakaona vamwe vangu vese voteedzerawo. Cassy akabva asimuka ndokuenda kukitchen akauya necoffee akapa munhu wese.
" Right guys see nyaya yatiinayo, this is beyond us. Mama is no more and pakufanira kuziviswa hama dzavo pane akuziva here?"
" Sekuru vanovateera ndivo vaiuya kuhospital kunovaona munin'ina wavo akangouya ka2 chete. "
" Meaning sekuru hapana chavari kutoziva havo?"
" I did call him day rakamuka mama vakatoti vaiuya kuzovaona mangwana acho kureva nezuro but havana. "
" So Rema wipe your tears and act like a mother.vana ava vasiirwa iwe ukasatosimba uriwe hazvibude. I will be with you all the way. Kuti nyaya yedu iite chiremerera call sekuru uvati kana vari free ngavasvike kumba ndivo vachazoziva kuti vodii kuhama. "
Ndakafonera sekuru chokwadi kuva neshamwari inomira newe kwakanaka. Ini kana kumbozvifunga kuti panoda kuudzwa vanhu infact hapana chandaitofunga kana. Lucky sekuru vakadaira vakati vaisvika in the next hour. Sekuvimbisa kwavo vakasvika sekuru ndikazama kuzvisimbisa ndokuudza sekuru chaizvo zvaiva zvaitika. Sekuru vakangosimuka nekubva vatanga kutenderera neimba yese.
" Rema unoreva zvese izvi zvaitika husiku ihwowu ukatadza kana kundifonera?"
" Sorry sekuru Rema uyu anga akutoita seakupenga, lucky ndauya intime dai patoitika zvimwe. Zvese zvaitika so fast vana vacho vese hapana akufunga straight."
" Waita hako chizukuru wamira navo nhau yacho haigashirike zvachose. Asi mai Rema sure kumuka kutioneka nekuenda hake. Regai ndiudze vakoma nevani'ina tione kuti zvafambiswa sei tinoridza mhere kwana tezvara. "
Kuwanda kwakanaka sekuru vakatanga kufambisa nhau dzacho. Murume wangu ndiye aifamba nasekuru kuhama dzaiva pedyo ini ndaifambirawo zvemapaper eNyaradzo. Hama dzese dzaiudzwa dzaibva dzauya kumba. Chokwadi zvakaoma mhamha pavairwara hatina kumboona hama isu asi nhasi vanzi vafa vakuita kuzara. Nico aingova achiri unconscious hamheno aida kuzomuka zvadii ndaiva ndotya. Day rakazonyura pamba vanhu vava mavhu nemarara. Pakatotanga kutogadzirwa program yemachemerwo aizoitwa amai vangu. Vanhu vekuchurch vakauya kuzochema mumwe wavo, hama neshamwari vaiva vazere.
Zuva ramangwana ndakamukira kuhospitala again ndichiti ndichanowana kune good news but kana situation yaNico yaiva yondirovesa hana. Ndakabuda ndoenda kumba kwandaidiwa, zvinhu zvacho hamheno ndiko kuita mukuru here kwese ndaidiwa. Hama dzaamai vangu zvakaoma kubva kumunyu unovava chaiwo ndakaufonerwa kunzi todii hapana salt. Pavese havo pakashaya akabvisa $1 rekutenga salt. Ndaigodii nhamo yaiva yedu vaiva amai vangu vashaya ava ndaitoita zvese. To avoid mutauro vaitozokondana kubika kwacho varoora vavo ndakazoita zvecatering. Chikafu chakauya breakfast vanhu vakadya vakadzokera kunogadzira lunch. Pamba vaingouya kuzodisher zvakabikwa kare. Even maplates paiva pasina paishanda mapaper plates. Zvechirungu ndozvavaida ka hama dzamai vangu aiwa kugara ndokwavaida. Vanhu vakatanga kukakavadzana nezvekunoviga mama kusvika ndaudza sekuru zvaivapo.
"Sekuru sorry kana ndakuita sendakuenda kumberi, mama vakatenga guva ravo kare kuGlen Forest kwakavigwa dad. "
" Aaaaa good saka zvakanaka hapana achaenda kumusha rega ndinoudza vamwe."
Yekuvigwa yaiva yapera vanhu vanongoda noise nepasiri necessary. Pakazonzi mama vaivigwa mangwana acho masikati kureva vaifanira kurara mumba hisiku hwuno. My worry was pasina Nico sure amai vake vovigwa asipo. Everyone deserves kupa last respect kuloved one yake. Takananga kumortuary kunotora body yamama ini ndokupfuura nekuhospital ndichiona brother yangu. Takadzoka kumba vanhu kana kudzikotsira havo vaichiimbira mufi kusvika kuedze. Vanhu vakadya breakfast ndokuitwa body viewing zvaitwadza kugamuchira mama vaiita sevakarara havo. Vanhu vavakuda kubuda huby akauya kwandiri aine a sad face akanditambidza call achoti yabva kuhospital. Ndega ndisina kuudzwa l could sense kuti hakuna kumira mushe. Handina kumudaira asi kuti ndakangodzungudza musoro wangu ndikaerekana ndataura,
"Not again Lord, not Nico too!!!!"
End of chapter 14
❤️
🙏
😢
👍
😮
😂
48