TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
June 16, 2025 at 08:42 AM
https://chat.whatsapp.com/K4tAaptQR9QIvVUTodvmtu https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share From chapter 1 join my WhatsApp channel ine link riripazasi, imomu munomawana ese pasina kumirira kutumirwa https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07 🔓 UNSOLVED MYSTERY 🔐 A FRIEND OF THE ENVIRONMENT #nature🌳 A SHORT STORY WRITTEN AND CREATED BY TENDAYI AKA MAI MUKU FREE BOOK READ AND SHARE 📚 0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣ 0️⃣7️⃣8️⃣2️⃣2️⃣3️⃣0️⃣3️⃣0️⃣3️⃣ CHAPTER 12 STEWART Zvinoita chindumure chasiiwa naamai vachienda kumaricho vosiya vachivimbisa kuchiigira chihwitsi, mufaro wacho ndiwo chaiwo wandaiva ndiinawo. Ndaitozonyara Kevy wandaiva naye asi chokwadi ndechekuti ndaitoda kumira mubhazi. Shiri inozongofa zvakange zvasangana nemaneto ekuswera mumunda nechando chekunze ndokubva zvanoburutsa hope. Unotanga uchatsumwaira ugokwiza zvisiso kudzimara zvaendwa. Ndakazongogumisira ndarara dzokono ndotorota zvangu. Nemagiji emumugwagwa ndaiita ndichipepuka asi nekuda kwehope ndaizodzokera zvakare mukurara. Ndakazoita kupeputswa naKevy achiti tasvika. Sekunze kwaiva kusati kwaedza takangorara ipapo taizomukira kuenda kumba kwake kwachena. Dzakabva dzatotamawo hope dzacho nekubva ndatotanga kutobwaira bwaira zvangu. Hakuna kunyanya kupera nguva yakawanda ndokubva kwatotanga kuita kuchichena. Takabuda mubhazi tose ndokudungamidzana takananga kwaiwanikwa dzimwe motokari dzaitisvitsa kwaigara chikomana. Takakwira ndokunosiiwa pabustop yekwake chaiko. Paisava kure nepaaigara zvekuti nhanho shoma taiva tatosvika pamba pake. Aisagara zvake muzimba rinoshamisira asi kaisavawo kadikisa. Maiva mutori nekamubhedha nekastove kune rumwe rutivi paine karadio. Maiva nechicardbox chakakura nekuda zvinhu ndakanochivhura wanikwe ndimo maiva nechikafu. Aiva akatorongeka zvake mukomana mumba maisava nezvinoshamisa asi zvishoma izvozvo zvaiva zvakarongeka. Iko kuchena kwamo ungati maiva nemukadzi ndakaguma ndabvunza. "Kevy asi pane mbenembe inopota ichiuya kuzotsvaira muno kani nekuwacha nekubika bika?" "Kwete sei wadaro nhai Stew?" "Mmmmm uri kundiudza kuti ndiwe urikuita zvese muno, kubvani une hutsanana zvako. Chete iwe hazvishamise wakagara wakangodaro wasiyana nesu vamwe chatinongogona kubika nekuzvishambidza zvoga." "Zvino uchatojaira wangu nekuti ini nguva zvinji ndoswera ndisipo, pamba ndinotoita pekusuwa." "Taura hako kahupenyu kehubhachura katodzoka sekutamba sekuseka kutongoita iripo." Takarongedza tsapo dzedu munongoziva mabasa evakadzi tumikwende hobho hobho. Kamwe katsapo mufushwa wemunyemba kamwe wetsunga nerugare mumwe wemadomasi. Chimwe chipepa chakaiswa mukuyu wemombe mune chimwe katsuro. Ko izvo zvigubhu hazvo zvemafuta ehwai, mamwe enguruve chimwe chigaba chine dovi. Takazvivhura zvese kuti tiwane kuzviisa pakanaka. Tichinopedza kurongedza takabva tabika sadza chairo ndokumbozorora. Zuva rese rakatozopera takarara ndokuzomuka tozvishambidza. "Eee tsano ngatimbobudai ka ndimbokuratidzai nzvimbo mukazosara mega pano mungarasike manotsvaga chingwa." "Nekungwara kwangu uku handingamborasika munhu ane muromo hazviite wangu. Asi wagona ngatimbofurwa nemhepo kurara kwakurwadza." "Inonzi Harare iyi sha kwasiyana nekumusha unobvunza nembavha ikakuratidza kusiriko ukanobirwa kana kunourawa. Vanhu vakuromba unoswera wanoiswa mudengu munhu akatopfuma newe." " Chete nyika yacho yaoma vanhu vava nemifungo yakasiyana siyana. " Takatenderera ndichiratidzwa kwese kwaiva pedyo ndichiudzwa nezvaiwanikwako. Takazonogumira kuimbabhuru yemafaro inotandarirwa nevarume. Ukondiko kweduzve ungaite murume hwai asinganwiwo doro wonwa tea here ko vakadzi vozodii. Haungaite murume anoziva mutengo wemasamba nesugar kwete zvedu zvikari. Ndakati Kevy ambotenga zvishoma timbobvisa nyota tozoteremuka todzoka kumba tambotonhodza pahuro. Munongozivawo panosangana varume kuti nyaya dzinobva dzatotsvawo. Isu vamwe tikazongoti dzvutu zvishoma nemazwi mukanwa anenge azarurirwa ongodururuka zvawo. Takatozoguma tava nehama pashabini ipapo zvekuti kana nguva hatina kuzoona kufamba kwadzo. Kudya takatozongotenga chikafu ipapo pane mambuya aiita zvekubika. Iko kunaka kwacho regai vachizonzi vanobika nemvura yavagezesa kunyika huru dzavo. Pasitorina kuti mumwe wangu aida kumukira kubasa mangwana acho zvimwe dai takatoyedzerwa tiripo. Kana kuti ndizive kuti takafamba sei kunosvika pamba handizive ndakazongoona Kevy ovhura gonhi. Sevanhu vaiva vadya takangokunguruka pachibhachura nekutorara. Hope dzemunhu ambonwiranwira hadzitane kubata kana kumuka unenge usisadi. Nhamo yaiva nemunwe wangu aimukira kumushando. Kuchinoedza mumwe wangu achibuda ndakasara ndikaenderera mberi nekuvata zvangu. Kuzongoti kana usina kuzvijaira zvinonetsa ndakatotanga kubatabata pamba apa kuri kusada kungogara. Ndaona zvanetsa ndakati ndimbombeya ndichiona mararamiro anoita vamwe. Kusara zvangu ndaiva ndisina kunyanya sekuti muHarare ndaimbouya pano neapo zvangu ndisati ndafunga zvekuvaka misha naRue. Iye Rue ndinovimba achasara achindichengetera ambuya vangu VaChireranherera nekuti ndivo zvese zvangu. Iko kuuya kwandakaita kuno ambuya havana kuratidza kuzvifarira asi panguva yacho handina kuzviisa musoro. Ndavakutozvifunga iko zvino kudai ndakavabvunza mune zvakanaka vaindiudza. Muchembere wacho anonetsera hake kuti madimikira kuda kutivhara zvake. Ndichatoita zvekuti ndigare ndakayeya nzeve kunzwa uye maziso kuona kana poda kuita makondo. Mandaifamba umu ndaiona munzira vanhu vasina kuwanda kureva vaiva vaenda kumabasa. Isu marovha tisu taitoonekwa nekumbeya nemaraini. Ndakabva ndabiwa nepfungwa yekumboenda kwataiva manheru kuya. Ndakatosvika pachitsvairwa nemumwe mukadzi aiva akapfeka chihembe chairatidza seuniform. Ndakasvika pedyo naye ndikabva ndatanga nekusheedzera kuti tisvikewo, akandidaira achibva amira zvaaiita ndokutarisa kwandaiva. " Mangwanani mukoma hatisati tavhura tinozotanga kutengesa kuma12 dzamasikati." "Zvakanakai vahanzvadzi asi handisikuda kutenga zvangu ndikungofamba zvangu ndichiona nzvimbo ndokungorasikirawo pano." "Regai nditi muri mutsva muno muBudiriro nhai zvakanaka kumboona nzvimbo yaugere." "Hongu ndichangosvika zvangu kugara kumba hatina kuzvijaira ipapa ndirikutoti kudai ndawana zvangu kana basa kana irori ramuti kuita ndaita zvekutsvaira zvitorinani." "Pano varipo vanoita basa asi kana muchirida ndinowirirana zvangu nevaridzi vepano ndogona kukuwanisai." "Kana zvakadaro ndingafare munenge mandigonera chokwadi. Ini kugara kunondisvota uye ndoda kubatsirana nemunin'ina wangu zvimurerukire." "Ndizvo zvinodiwa munhurume ngaashande kuti azokwanisa kuriritira mhuri, imi makatoroora here?" "Haaaa kwete handisati ini ndichiri kumboona kuti nyika ingandiwanisa akadini." "Kubva zvakanaka muno mhandara dzizere dzakatovhurawo maziso kutsvaga vakaita semi." Takaseka zvedu nemusikana uyu ndakamubvunza zita rake akabva ati anonzi Shupi. Ini ndakamutaurira ranguwo handina kumunyepera. Zvemhuri zvega ndizvo ndakamuvanzira ko akazondiseka kuti ndine vana vakawanda apa vari vasikana voga. Ndakatozotandara paye ndomubatsira basa rake Shupi aitaurisa zvake. Muswere wezuva ndaiva ndaudzwa zvakawanda zvemunzvimbo umu. Ndakazoeneka ndoenda kumba zvangu ndonoona kuuti ndobikei zvekuti Kevy asvikowana kudya. Ko ndazivei kuti Kevy wacho asouyakumba kare zvake. Ndakatoona munhu achitobika achinzwa zvake wairesi. "Aikaka hesi Kevy ko wadzoka nguvai wakutotamba nemapoto kare?" "Ndauya kare ini ndopedza na3, ndasvika pasina munhu ndikatoneta nekukumirira. Wanga waendepi nhai Stew muno musina kana waunoziva?" "Ndangotwasanudza makumbo ini zvekugara handina kuzvijaira zvangu." "Heya kubva zvakanaka usazongoita zvisinabasa chete iHarare ino kunoburwa zvakawanda zvinotyisa." "Haunyepi ipapo usandityira zvako muno handisi mutsva Harare ndaimboiuya wakanganwa paya here kuti ndini ndakakukwidza bhazi kutanga kuuya kuno." "Zviya kutokanganwa wena, ko maswerepi zvenyu nhasi ndangoisawo zita rako kumukuru wangu akati achaona kupera kwemwedzi kuti okuisa papi?" "Kupiko kungombeya zvangu ndichiona, ipapo unenge wandigonera zvebasa ndozvandiri kutoda zvakanyanya." Takazotaura zvedu zvakasiyanasiyana tichitandara. Kevy akandiudza mashandiro aaive aita zuva iri nezvese zvaainge aswera achiita. Ini handina kana kumboti bufu zvangu nekwandaiva ndaswera nekuti ndaida kuzomuudza ndawana basa ndomurova nechisurprise. Mazuva akafamba ndichiti Kevy akabuda neniwo ndongobata zvepamba ndobudawo. NaShupi taiva tonyatsonzwanana zvekuti kuva naye kwakange kondinakidza. Vanhu vaindiona ndigere pashabini pavo vaitoti ndinoshandapo izvo kwani kuuya hangu kuzotandara. Rimwe zuva ndaendako samazuva ose ndokutogara zvangu ndichimubatsira kubika nyama yake. Muridzi weshabhini akazondidana ini hana yangu ngairove kuti nhasi zvangu ndotukwa pano. "Ndane mazuva ndichikuona uri pano, kutanga ndaiita kunzwa nemakuhwa kusvika ndazozvionera ndega. Handide kunyepa ndakatombokutsamwira ndikambokufungira mweya wakashata asi ndakazvidzora ndaona zvaunoita wauya pano. Ndinoona sekuti tikakudana kuti uuye kuzoshanda pano tinobatsirana tose. Handide hangu kukumhanyisa asi ndinoda uende uchizvifunga wozondiudza sarudzo yako mangwana." Vachipedza kudaro vakabva vatoenda ndokundisiya ndakamira ndega. Chokwadi aiva murune anokoshesa basa kwete kutamba kana mashoko. Ndakaudza Shupi nhau yakanaka iyi akaratidza kuifarira. Ndakaenda kumba ndine mufaro wakapetwa ndichiti ndizonyeurira wangu mwana wamai. Musi uyu ndakakanga nyama nemweya zviripamwe. Kevy akasvika ndichangobva kuisa mvura yesadza pamoto akatondiseka. "Iyo nzara yakurova mwana wamai kubika sadza nguva dzino. Watogona hako nekuti ndine nhau yakanaka inoda kukurukurwa vanhu vachidya. " "Chokwadi here kubvaczvakanaka neniwo ndine mashoko akanaka wena andoda kukudza." "Ndazviona kuti chiso chako chakapenya zvino nhasi unofara ukazvirega nekuti yandauya nayo ndiyo huru inofadza. Chindiudza kunei kwawafara kudai?" " Haaaa unoziva wani kuti mashoko ndomadisa nhai, chingondiudza iwe kutanga ini ndozopedzisira." "Zvakanaka shamwari nhau iripo ndeyekuti murungu wangu nhasi ataura neni akati mangwana chaiye uuye kuzotanga basa nemuripo wakanaka." Akazosara opedza kutaura ini ndangomutarisa zvino, zvinhu zvacho here zvazvadai ndodii ndoenda kushabhini here kana kuti ndoenda kufodya? Uyu mubvunzo waida kudairwa nehungwaru..... End of chapter 12
❤️ 🙏 👍 16

Comments