
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
June 17, 2025 at 03:45 PM
Vanoda from 1 gara wapinda muchannel ubatane nevamwe
https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07
Join us kufacebook towanikwa zvakare
https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share&mibextid=NSMWBT
💥💥💥PAIVAPO💥💥💥
( Rema's Bleeding Heart)
A FRIEND OF THE ENVIRONMENT #nature
A SHORT FREE STORY CREATED AND WRITTEN BY TENDAYI AKA MAI MUKU #muzukuru WACHIHERA
0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣
CHAPTER 18
REMA
Phone yacho yakazosara yotaura yega ini ndatomhanya kudoor kare. Sylvester akamhanya kunondibata ndakutobuda.
" Babe chii, talk to me waudzwei pafon?"
" Hamheno chii chaitika maid angoti Nico, babe please l need to be there. I can't even think straight chokwadi pakaitika anything kuna Nico l will die."
" Don't say that please mira tiende tese, hona wakamhanya hako kuuya kuno uchisiya vana vega. Zvaida tizobvako tsano vanyatsopora vakuzvifambira."
For sure he was right hake but ndine mareasons andakazviitira. Takavhara madoors edu nekubva tabuda tonanga kumba. With no time taiva tasvika pamba, huby akasara ovhara door ini ndatova kumberi. Ndakangosvika nekuvhura door kwakuona maid akamira padoor chaipo akabata Nancy maoko vachiita sevanhu vaida kubuda door. Ivo pavakandiona vakaita kuvhunduka kwakatondinetsa.
" What's going on here, where is my brother?"
Vese pakashaya akadaira ndokungotarisana uko vachibwaira tuziso. Pandakangoita nhanho mbiri ndakabva ndaona Nico achiuya kwataiva uku achiita kukwamatata.
" Chiiko chikuitika pano pamusha imi vanhu? Munomboziva husiku here uye ndabva kure, sei muchida kundirovesa nehana? Ndauya ndichitoti zvimwe pamwe pane zvaitika kuna Nico ini, saka wandisheedzerei nhai Tanya?"
" Mukoma Nico ava vaaaa vaaaa vanga vachi aaaa."
" Wakukakama kutanga riinhi nhaiwe Tanya? Nico and Nancy chii chaitika pano ?"
" Sisi asiri iyeyu Nico kundirova nebroom ndobva ndatiza kuna sisi Tanya."
" Uchiroverwei nebroom, wanga wamuita sei? Nico anokuda haangakurove pasina zvawaita.Nico ko wanga uchiroverei mwana?"
" Mwana iyeyu, dai watoti ndanga ndichiroverei ava."
"Guys l am Magistrate or PP kana lawyer right handingarambe ndichikubvunzai."
" Your spoiled lil sister is pregnant ndozvandanga ndichimurovera izvozvo aramba kutaura murizi."
" Whatttt Nico unoreva Nancy ane nhumbu nhai Jesu. Iwe Nancy ukuhwanda Natalya kudii ipapa huya apa utaure nyaya yako mushe. Zvataurwa naNico ndizvo here, nhumbu zera rako irori kuti zvadii? Mwana wechikoro anoita zvenhumbu, ndeyani nhumbu iyoyo."
" Sorry sisi it wasn't intentional, it was a mistake.l am sorry please forgive me"
" Uchiri kutogona kutaura chirungu hako, nhasi ndokurikita ukateera mama benzi remunhu."
Ndakamusvetukira ndokutanga kumumwaya mambama masvinu. Akabowa kunge bhoki anwiswa porridge rinopisa. Huby ndiye akatozoita zvekundibata zvesimba atoona kuti zvaipa asi akatombozvipihwawo zviviri zvifight.
" Babe please unokuvadza mwana, hasha dzakashata imbomusiya. Ngatigarei pasi titaure naye mune zvakanaka not kumurova munomukuvadza mukazoregreter."
Ndakagariswa pasi naSylvester ukowo Nico aiita kuvira nehasha ari paside pangu. Iye Nancy kubva anohwanda kuseri kwabamukuru vake. Atende Mwari anditeera Sylvester ndiye amununura nhasi ndaida kuparova panoda varume ipapo. Huby akabva andibata maoko ndokuti...
"Babe please uyu mwana so akutoda help yedu. Kutotaura naye zvakanaka not kumuvhundutsira. "
" Tsano ndokurespectai chaizvo asi apa dai mambonyarara. Uyu mwana wamai vedu uyu chimbotisiyai tirange tega. Kana akafa anenge afira mhosva dzake uye Jerusalem topika ndisu. Yes you are looking out for her samainini venyu but remember Rema neni tiri vana vamai vake. So now Nancy nditevere nasisi Rema timbokurukura vana vanyamunhu."
Yowee ndaisaziva tsano Nico vanotsamwa kudaro akatotaura achitungamira. Ndakaona wangu murume otarisa pasi ndikaziva abatikana. Ko ndaigodii ndakangoteera newangu munin'ina kwaendwa nababa. Ko ndibaba vedu kana vataura tototeerera. Takapinda muroom make iye Nancy ndokubva Nico avhara door. Akatora chipaper achibva anditambidza ndokuchiverenga.
" Hezvo nhaiwe Nancy isu tikuchema mama vamwe mune mimba ine 12 weeks. Meaning wakatoiita mama vachiri vapenyu hako."
" Imagine ndozva ndibhowa kusvika pakumurova. Aitonyaradzwa zvake achivhura makumbo. Ndiani muridzi wenhumbu yacho?"
" Hezvo nhai Nancy taura ka haunzwe here, okay tauya muno kuzotaura newe zvakanaka no kurovana. Ihasha chete dzatibata but we deserve to know akazviita izvi."
" Sorry sisi nabhudi but the truth is handizive ndeyani."
" Sisi Rema mukuzvionaka ndorova munhu pakadai moti ndamunyanyira. Haasi kutoziva muridzi meaning vakawanda ka. Nancy were did we go wrong pakukukudza? Unolacker chii pano hee, sisi sacrificed a lot kwatiri kunyanya iwe. Tell me vanotarisa pai nekuvanyadzisa uku? Mama vakatadza here kukurera Nancy hee, ishavi here?"
Moziva Nancy anorwadza sechironda chemumhuno chaimo. Nico akachema kunge kacheche. Ndakaona kurwadziwa kwake kwese haisi nyore kuchema murume mukuru. Akabva anyarara hake ndokuvhara kumeso kwake osiya misodzi ichierera. Iye Nancy wacho aiva achiti kwati zvino nemadziro achiratidza kutya. Ndakaramba ndakamutarisa ndikatanga kunzwa tsitsi. Ipapo ndakabva ndarangarira mashoko amama day ravazoshaya pavakati,**" Nancy is naive and spoiled ndakumbirisawo whatever chingaitike kwaari please Rema usamurase. Support her always pane pamwe ungazoona sewakumujaidza anozviitisa but please be her guardian angel. Mwana akajaidzwa iyeye l know and l blame myself for that but please Rema she is your sister."** ndakaieredza misodzi yekurwadziwa ndokubva ndasimuka kutanga kutenderera nemba yese.
" So what now, todii nhai mai Ndoro mwana haazive muridzi?"
" Nothing tingarova tikasvikepi, even kutuka kwacho kobatsirei? She will stay pano ko anogoendepi. I will support her nezvese zvaanoda asi chikoro haasi kumira. Gore rakutopera zvaro ngaanyore nedumbu rake."
" Thank you sisi nekundiregerera, trust me it wasn't intentional. Ndakurwadzisai l know and l am sorry."
" Nancy pasina mama ka hamheno ndaikudii nhasi. Watirwadzisa zvako but togodii you are our sister. Hatina amai hatina baba so tomira newe cause we love you. Just promise us kuti hauzvipamhe zvakare."
" Yeeeeee next time ukazviita ndokuuraya ini munhu ngaaite zvemabook first ozoita zvemba."
Takambundirana vana vanyamunhu uku tichichema. Taigotsamwa kusvikepi mwana tomuda uyu kutongomuregerera. Ndopaunoona kuti Mwari akaoma vamwe vanoita mimba vachiri kuchikoro isu kutoroorwa nekuchata asi kana chinhu. Maybe ndini hangu ndine problem why ndisiri kubata mimba. It's high time tizvifambire zvemwana izvi nahuby. Takazobuda muroom masisi tavakutotaura zvakanaka. Vanhu vatakasiya kusitting room vakatoshama kutiona tichosvika tichitaudzana zvakanaka. Huby akada kubvunza asi ndakaona kuti akashaya pekutangira. Takabva tangonorara ko taiva tichaendepi pakati pehusiku ipapo. Tarara ndipo ndakaudza huby kuti everything is sorted tataurirana nemwana tikanzwanana. Kuchiedza takamukira kumabasa nahuby iye Nancy akabva aenda kuchikoro ndini ndakatonomudroper. Zvekusaenda kuchikoro no mimba haisati yooneka iyo. Day rese ndakaswera ndiri busy mameetings hobho and kuti ndimacancele zvaisaita. Kumanheru ndakapfuura nekumba ndichiti ndinoona vana vaswera sei. Ndakatoona Nico akagara mudining achidya Tanya ari kukitchen. Ndakapfuurira kuroom kwasisi vainzi vanorara. Ndichivhura door ndakaona pabed pakawaridzwa pasina munhu.
" Hezvo nhaiwe Nancy ko wakarara kupi, nguva dzino watozvivharira hanziii asi warwara kani?"
Hapana akandidaira ndokupinda mubath make asi maisava nemunhu. Ndakatora fon yangu kwakumufonera. Fon yacho yakarira iri padressing table pake. Ndaitora kwakuona pasi pefon paine katsamba. Ndakatora nekubva ndakaverenga kaiva kakanzi.
**Sorry family l know munondida and makasarudza kuti ndigare nenhumbu yangu muchindichengeta. Ndakazvidawo neni asi muridzi wenhumbu aramba. Ndaenda kumba kwangu kumuridzi wenhumbu and please don't worry ndakagarika. Anondida uye anoda mwana wake ndichakufonerai kana ndakuda muuye kuzondiona kwandakugara. Please forgive me l love you.**
Moziva unoseka nhamo serugare so, mwana uyu anopenga here? Chii chaakutaura ichi, ko zvaakamboti haazive muridzi wani. Ndakangotora tsanba iya nekubuda ndichienda kuna Nico.
End of chapter 18
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
52