
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
June 17, 2025 at 07:33 PM
https://chat.whatsapp.com/K4tAaptQR9QIvVUTodvmtu
https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07
Our main whatsapp group......
https://chat.whatsapp.com/HUcbIVCIllREraXG9oBs7R
Join Tendayi aka Mai Muku Novels on facebook
https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share
🔓 UNSOLVED MYSTERY 🔐
A FRIEND OF THE ENVIRONMENT #nature🌳
A SHORT STORY WRITTEN AND CREATED BY TENDAYI AKA MAI MUKU
FREE BOOK READ AND SHARE 📚
0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣
0️⃣7️⃣8️⃣2️⃣2️⃣3️⃣0️⃣3️⃣0️⃣3️⃣
CHAPTER 13
STEWART
Kana musoro wangu wakatanga kuvava nenguva diki diki ndongoungogwabvura zvisina kana neshumo. Ndofunga Kevy akaona zviito zvangu achibva ataura achindizunza.
"Iwe shamwari zvandataura wazvinzwa here kana kuti uri kufunga kuti ndiri kutamba. Daira Stewart ndirerukirwe nhau yandauya nayo iyi Mwari anzwa minamato yedu nekukasika."
"Mmmm yaaa yaaaa yaaaa ipapo pakaoma."
"Kuomei zvakare nhai iwe watopinda machena zviri kushuvirwa nevakawanda izvi. Inyasha idzi chizukuru chaChireranherera vakawanda vari kushaya kana anovatora kumabasa."
"Haunyepi ipapo nhau yandiinayowo ndeyekuti ndawanawo basa kuchibhawa kuya kwawakandiratidza nhasi chaiye vatoti nditange kuuya mangwana."
"Basa kubhawa chirudzii, wakatsvagirwa nani, Stew usanditaurire kuti wakutozivana nemuridzi wepo kare?"
"Ndowirirana neanoshandapo ndiye akandibatsira nhasi chaiye ndipo ndazotaura nemuridzi wacho."
"Zvino waitadza nei kundinyeurirawo nhai? Iye waunowirirana naye paye ndiani?"
"Ndowirirana naShupi ini ndiye munhu akatamba tsoro yese iyi."
"Maiwe nhaiwe unoshura here, washaya vanhu vekuwirirana navo here? Iwe wakaroora woita tsika nditsikewo nepfambi dzemumabhawa. Kana amai Ropa akazvinzwa anopa ini mhosva ndovimba ukuziva hako zvauri kuita."
"Haaaa wangu wakutora nyaya nepasiripo iwe, ukuti ndingakanganwe kuti ndine mukadzi here. Apa chitofara neni kuti ndawana basa zvekufodya wotonovaudza kuti hazvichaita ndawana rimwe."
Kevy akangodzungudza musoro wake ndokunogara zvake pake ega ari zii. Ndakazviona kuti abatikana nekuramba kwandaita basa rake. Asi ndaigodii ini ndawanawo rimwe randajaira. Kusiya ndonotangana nezvefodya hazvigone. Ndakatongosiyawo akadaro ndopedzisa zvandaiita ndiwane kugadzirira zvemangwana zvangu. Takazongotaurawo zvimwe hedu zvisinei nezvebasa zvakare. Kana netuhembe twangu twaiva twakaiswa pamutariro twakaturunurwa ndokuchiswa neayini kuti ndizoenda ndichionekera mangwana. Kevy akandiseka hanzi zvandaita naiyewo akazviita zuva raatanga kuenda kubasa. Chaiva changosara kuti kuchiedza ndiwane kubuda zvangu kuenda kumushando. Kunyangwe zvangu basa ndaitanga na12 dzamasikati pamba ndakatobva na10 kuitira kuti murungu kana ouya asazondichinjira aone kuti ndaiva pachokwadi. Ndakatosvika nekugara zvangu ndomirira kuona murungu ndimuudze zvandaiva ndafunga. Sezvineiwo ndichangogara akabva atosvika zvake ndokundidana kuti ndinomuona mukati. Ndichisvika akabva atanga nekunditi...
"Ndaona wauya kuchiri kuseni kuratidza wakafunga nezvenyaya yandakakuudza. Well first thing first, ini ndoitwa Mr Muzanenhamo asi pano vanonditi Sir Muza. Iwe ndoziva unonzani ndakaudzwa nezvako kare uye kuona wauya pano kuseni kudai mhinduro ndavanayo. Ndichati uzotaura naMoyo azokuudza nezvebasa rako uye kuhora kwako."
Ndakanyatsoona kuti zvaitaurwa naShupi pamusoro pavo aireva idi. Murume wacho haajairike akabva atosimuka ndokuenda zvake asina kana kunzwa kuti ndinoda kutiiwo. Semunhu aifarira basa ndakangoti ese machena chero zvandirikuda zvaita chete hapana chaiva chakaipa. Ndakaona Shupi achisvika ndokutanga kudzeya zvedu ndichimunyeurira zvaiva zvataurwa nemusharukwa.
"Watowana basa zvatopera zvakadai, ndakakuudza murume wacho anowandira pakuita kwete pamashoko. Chitongomirira Moyo akuratidze zvauchange uchiita asi ndinoona seuchaiswa mukati nekuti kumapoto vanongoisa vasikana."
Sekureva kwaVaMuza ndakataura nemunhu wavakandiudza akabva atondiudza kuti ndaizoshanda mukati ndichibatsira kutengesa hwahwa. Pane aivapo asi vaiti zvinomuwandira ari ega anodawo mubatsiri topota tichichinjana. Asi zvaizvezvi taimboita tese achindidzidzisa zvazvinoitwa kusvika ndavakugona. Simba akatanga kundiratidza zvazvaitwa, kutengesa kwacho uye mutengo wacho. Zvikiribidi zvose zvaidiwa pakutsvetera vatengi kuti uwane mari yakawanda ndakazviudzwa zvese. Ndakatoshamisika nazvo kuti munhu uyu aiva akaitasei chaizvo aiva nemoyo wakanaka kudaro. Vari vamwe vaisambokuudza achiitira kuti arambe iye ari pamusoro pakugona basa. Basa rangu rakatanga nekundinakidza zvekuti ndakatombokanganwa kuti ndakasiya mhuri kumusha. Kubasa handina wandakaudza kuti ndakasiya mukadzi vese vaitonditi ndichiti jaya. Ndaiti ndozovaudza kana ndamboti garei hazvizoita kubva ndazvobvondora zvese nenguva ipfupi iyoyi yatazivana.
NaKevy tainzwanana pakugara kwedu, pakubuda ndiye aitanga kubuda ondisiya ini ndozotevera. Zvainakidza kubuda aziva kwake tozosangana pakudzoka kumba. Dzimwe nguva Kevy aiti akakasika kudzoka ouya ondimirira kubasa kwangu tozosimuka pamwe. Kupera kwemwedzi ndakapihwa mari yangu ndokutoenda kumba ndichifara. Ndakasvika mukomana atovapo kare akatovata zvake. Ndakamuratidza mari yangu nemufaro achibva anditi..
" Iwe waita mhanza yekutanga kupihwa mari yakawanda uchangotanga basa. Zvakanaka izvi mangwana tomukira kudhorobha unotenga zviwanikwa."
Sekureva kwake mangwana takamukira kugadzirira kuenda kudhorobha. Ini mufaro wandainzwa mupfungwa mangu ndaiva ndakatoronga zvekushandisa mari yacho. Takanonanga mushop yehembe ini ndokumhanyira kunowanikwa dzechirume. Kevy akabva andibata ndokutambanudza ruoko rwake...
"Nditambidzewo ka chikwama chako chemari ndione kuti toiparadza sei nekuti yakabatana. Unogona kutenderera hako uchitsvaga zvaunoda ini rega nditarisa uko angandipatsanurira mari iyi."
Ndakaita sekudaro ndokutoenderera mberi nezvandaiita. Ndakazongoona mukomana ouya akabata bhasiketi rakazara mbatya. Kunodzitarisa kudai wanike makazara tumadhirezi nebhutsu dzechikadzi zvoga.
"Ko iyi ndeipi nhai Kevy wanzi nani tora izvi, asi watengera mukadzi wako nemwana musikana kani zvamusina kana dzechirume wani?"
"Kwete Stew zvese zviri umu ndezve mhuri yako, hongu wandinzwa zvakanaka. Ndakuona hangu kuti wabva watokanganwa kuziva kuti hausi jaya une mhuri. Kutouya kuno Harare wabva wakanganwa nezvavo. Takawirirana kuti uchatsvaga mumwe mukadzi kwete kuti uchavakanganwa. Vachiri vana vako nyangwe zvazvo vari vasikana. Vakabuda mauri nekudaro vanoda kuchengetwa. Ndaona uchingobata zvako chete ndokubva ndatora nezvevamwe. Usatye hako ambuya ndotenga zvavo ini asi iwe mari yako yekutanga ngaidyiwe nemhuri yako. Ndabvisa imwe ndakusiira iyi wozowanawo yekutengesa doro asi izhinji yaenda kumhuri."
Akatopfuurira mberi ndokutobhadhara zvinhu zvake ini kwakutambidzwa change. Ndakarwadziwa kuti chokwadi Kevy ondiita sepwere yake ini, kundiona sendiri rema risingafunge. Ndakangozvidzora semunhu aisada kuratidza kusava nehan'a nemhuri yake. Takabuda nezvinhu zvedu ndokunanga kumabhazi ekwedu kune raisimuka masikati kureva raizosvika kumazuva rovira. Kevy aizivana nevanhu vacho akangovaudza kwazvaienda ndokuvapa mari yavo yebasa. Takabva tadzoka kumba asi ini mufaro wandaiva ndabuda nawo sandiwo wandakadzoka nawo.
Mazuva akafamba ndichienda kubasa kwangu uye zvese zvaiendeka. Chakange chondisvota kugara ndega ndisina mukadzi. Kevy aitoratidza kuzvijaira haana kana musi umwe waakambotaura kuti ane chakashota paari. Pamwe ndipo akangotaura kuti aida kuti mwedzi unotevera tizoenda kumusha. Ini ndaisatoda kuzvinzwa nekuti ndine zvangu zvandaida kuHarare. Ndaida kutsvaga mukadzi akanaka anondiitira mwana mukomana. Zvekuramba ndoenda naRuvheneko kwete vangasaita gumi here vana vacho tichingoedza chete. Hongu moyo wangu unorwadza ndikafunga kurwadzisa kwandinoda kuita Rue asi handina zvekuita sekuti ndinodawo mudyi wenhaka. Ndikamuwana mumwe mukadzi ndoda andiitire mwanamukoma mumwe chete zvobva zvakwana. Zvekuzoramba ndopamha ko akaita mumwe musikana bodo ndoda vana vangu vaite vana chete. Vahosi Ruvheneko vaine vatatu namainini mumwechete mhuri yangu yakura.
Ndakati ndava nemwedzi mishanu dzabva kumusha, ndaizama kutarisa kuti ndione mbenembe ingatore moyo wangu. Mukutarisa kwese ndakaona kuti ndaitsvaga kure ndishisiya pedyo. Shupi aiva mukadzi akanaka uye handina kumbobvira ndanzwa kuti ane murume ini. Ndakarovera moyo wangu padombo ndokumusvikira paaive apedza basa rake oda kuenda kumba. Ndakagadzira pahuro pangu ndokutanga kutaura zvaiva mupfungwa mangu.
"Shupi uchindiona kudai handisi mwana mudiki angaswerera kutendera. Nyaya iripo ndeyekuti kubva kare pandakakuona ndakanzwa moyo wangu uchinditautira kuti ndiwe wangu chaiye. Chikumbiro changu kwauri ndidewo uite amai vevana vangu nemuroora wekumba kwedu."
Ndichipedza kutaura mashoko aya ndakatarisira kunzwa ndodairwa nemhandara asi kwete ndakauzamurirwa mucheka wakaita ndione nyeredzi nemumarata. Ndakadzedzereka ndakabata dama rangu raipisa sekunge ndaiva ndadirwa mazimbe. Ndakamutarisa ndakadaro ndokubva ndafunga parefu.....
End of chapter 13
🙏
❤️
😢
😮
👍
😂
17