
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
June 19, 2025 at 06:19 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07
WekwaChikosha anokupai mabook anosanganisira, emagariro edu pachishona, erudo, nemwamwe akasiyana siyana. Pane mabook anosanganisira...
Missing Rib
Is It A Curse or a Blessing
Behind That Beautiful Smile
Unsolved Mystery iri rikunyorwa zvaizvezvi.
Pindai muchannel iyoyi monowana mabook hobho imomo akapera necurrent racho. Just tap pakanzi channel palink mematovapo. Mobaya pakanzi follow kuright kumusoro. Manovels ake ese anobva auya ka1 nemachapters ese chachirungu. Zvirichipa kupinda kuchannel than amwe maplatfom ese. Usina data book unenge uchingoverenga zvako uriko....
Our main whatsapp group......
https://chat.whatsapp.com/HUcbIVCIllREraXG9oBs7R
Join Tendayi aka Mai Muku Novels on facebook
https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share
🔓 UNSOLVED MYSTERY 🔐
A FRIEND OF THE ENVIRONMENT #nature🌳
A SHORT STORY WRITTEN AND CREATED BY TENDAYI AKA MAI MUKU
FREE BOOK READ AND SHARE 📚
0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣
CHAPTET 15
STEWART
Ndakambofunga kuda kuteerera Kevy asi moyo wangu wakaramba ndokusimuka ndakananga kwaiva kwaendwa naShupi. Ndakamuona atova kachinhambwe ndokumumhanyira. Ndakasvika nekumubata muchiuno akavhunduka achindivhizura.
"Ndini Shupi undiregererewo, kwaunoenda ndiko pasina wauya kumba uko uchiti unoda kundiona zvino wava kuendepi usati wandiona.?"
"Shungu zvese nemoyo wacho zvapedzwa nehama yako, rega ndiende afare achingomisa matsvuko atende Mwari nevadzimu vake kuti andiwana ndakura ndisisaite zvenoise nhasi taifukurana chete."
"Shupi ndonzwisisa watsamwa hako asi kwete kuzotaura mashoko ekutuka munin'ina wangu pamberi pangu."
"Hooo asi iye kundituka pamberi pako ndizvo zvinoita?"
"Kwete inga ndamutsiura wani ipapo ipapo, kunetsana tinganetsane hedu asi hukama hatidambure kwatabva naKevy ndiko kure. Ndapota usandiita ndisarudze wandinoda pakati penyu muri vaviri nekuti ndokudai mese."
Shupi akabva apeta maoko ake ndokutarisa kudivi. Ndakatoona kuti apa munhu kuda kunyengererwa chete. Ndakabva ndatomunyengerera paye kusvika ava kusekerera ko chimutambo chacho takabva nacho kure tava shasha ana Ruvheneko wani vaiti havatidi varipo pamba nevana vedu. Akabva aramba kudzoka kumba hanzi kwete handichadi ko Kevy akasvika ndiripo ndodii. Ndakaona zvisingaitewo chokwadi. Takazoguma taenda kudhorobha nemudiwa wangu ndokumbonotenderera tichiona nyika zvedu. Zuva rakasvika pakunyura ndokuzodzoka kumba. Samazuva ose Shupi ndakangomusiya panzira ini ndoenda kwangu. Ndakasvika mukomana akagara zvake ainge achangobva kudya nekuti ndiro yesadza yaiva padivi pake iye achinony'ona mazino nekamutsvairo. Ndakabva ndati ndimutange ndiriini nekuti iye aitoratidza sekusandiona.
"Kevy hona iwe uri wangu kubva kare, topesaniswa nekuda kwemukadzi here? Uri hama yangu hazvichinje uye ndofara kana uchindishuvira zvakanaka muhupenyu hwangu. Chandinongokumbirawo kuziva kuti sei wakavenga Shupi kudaro, akakuramba uchimuda here nekuti haungangoti siya munhu pasina mhaka."
"Stewart wava murume mukuru iwe zvimwe hazvidi kuudzirwa wega wona. Wakamboenda kumba kwaShupi here, unoziva anogara nani here, akambokutaurira nezvehupenyu hwake huzere here? Kana uchiziva zvese izvozvo aiwa fambidzanani henyu handidi kutaurisa."
Kevy akabva angonyarara hake ndokutozvambarara hake asina chimwe chaataura zvakare. Ini ndakangotaurawo mashoko mashoma akanzvenga mibvunzo yake. Ndakangozvivimbisa kuti ndichaita sendamuteerera asi ini nerweseri nemunhu wangu tichipisa rudo. Ndakati ndichazvibatira ndega chete tsuro dzangu. Takazotandara zvedu munhu wangu anga ava nani akutotaurawo. Ndizvo ndaida izvi handingatsamwidzane naKevy kwete kwatabva ndiko kure. Chifume chamangwana chacho ndakaenda kubasa ndikasvika Shupi asati avapo. Ndakabata zvinhu zvangu zvese zvandaizoda kushandisa ndokuisa pakanaka. Ndainge ndavakugona basa nekudaro mashift edu aiva atanga. Musi uyu ndaishanda kubva masikati kusvika pakati paho husiku tichinovhara. Kana hwava husiku kunowanda vanhu nekudaro kutogara wakagadzirira zvese usazosiya vanhu wombomhanya panze kunotora zvimwe. Ndichangopedza zvandaiita mwanasikana akabva asvika zvake akapfeka zvaiva zvakamugara. Iye wacho aibva aita kundipedzera nenyemwerero chete. Akasvika nekubva andikwazisa zvine chiremerera ndokugara zvake parutivi pangu.
"Wanga waendepi nhai ndasvika usipo pabasa pako mudiwa wangu?"
"Ndanga ndapedza zvangu nhasi ndashanda half day, ndamboda kukumirira ndazoona kuti kwete regai ndinogeza ndichene ndidzoke ndione chido chemoyo wangu ndakachena. "
"Wagona wena kuuya kuzondivaraidza nhamo ndozongoiona kwakumanheru ndava nezvidhakwa."
"Ipapo hapo ndopanonetsa asi murinani muri varume hamuzotye masiyana nesu ini ipapa kukangosviba zvishoma ndotoenda. Ko makazowirirana here nehama yako kana kuti muchiri makatsamwidzana?"
Ndakamboda kumuvanzira asi handizive chii chinoitika pana Shupi ndodzoka kuita chimwanana chaicho. Ndakangoerekana ndamuudza zvese zvakataurwa naKevy iye wacho akabva angorova nyemwerero ndokubva ati....
" Kana zvakadaro zvakanaka nhasi ndoenda newe unoona pandinogara. Ndavakutokumirira kusvika wapedza unonoona wega kuti unyatsondivimba."
Ndakanzwa kuzarirwa nemufaro nemashoko emudiwa wangu. Ndaiva ndatononokerwa nekuti nguva dzacho dzichifanba ndiende ndinoona kumba kwemumwe wangu. Ndakanyatsoona kudiwa kwese zvekuti ndaida kubva ndanoudza Kevy kuti ndaratidzwa pamba paya. Nguva dzakafamba ndokusvika pakuvhara ndinacho chipondamoyo changu. Tichinobuda panze Shupi akabva atotungamira nzira yainotisvitsa pamba pake. Akazarura musiwo ndokupinda ndakaramba ndichitarisa mumba umu ndokuona kuti aigara ega. Ndakada kuti ndibvunze kuti vamwe varipi iye kuita seapinda mupfungwa dzangu akabva atotaura.
"Ndogara ndega ndiko kusaka ndaisada kuti uzive pano. Ukadzimara waziva pano unopedzisira wongouya pawadira zvinozoita kuti ndishaye chimiro mukufamba. Ndizvo zvoga zvandaisadira kuti uuye pano kwete kuti ndine zvandaivanza."
Ndakabva ndanzwa kuva murume pane vamwe kuwana musikana ane hunhu akadai. Ndakaratidzwa pekugara ndokugara zvangu ndoringaringa kuona zvaivamo. Hwaiva husiku zvawo asi mumba macho maiva makachena uye makarongedzwa.
"Sununguka hako mudiwa muno mumba usazvisungirire zvako, ndokupei zvino chekunwira kana unoda kari kasadza?"
"Wadirei kuzvinetsa nhai isu tadya tese kubasa ndakatoguta ini asi ingondipa mvura semunhu apinda mumba."
Ko ndanga ndichagotii nhai, ini zvese zvemvura zvandaitaura kwaingova kushaya zvekureva. Chokwadi chaivapo ndechekeiti ndaiva ndotoda kudya ari iye wacho zvino kamutangiro ndiko ndaishaya. Iye akabva abuda asiya anditi ndodzoka. Ndakasara ndodongorera kuda kuona aindepi husiku ihwohwo asi hapana chandakaona sekuti kunze kwaiva nerima. Pasinawo chinguva akabva adzoka mwana wevanhu akabvisa mbatya dzake dzaaive abuda ainadzo. Akange zvino amonera zambia makumbo ese asara akayanikwa panze. Akafamba achienda pamubhedha ndokukwira achibva arara nedumbu akaisa magadziko mudenga. Kungomutarisa kudaro josepha akabva atanga kugwinha hake ko yaisave mhosva yake aiva adenhwa.
"Ko zvomoita semarohwa nezvishiri nhai baba vekwangu. Huyai murare padivi pangu apa kunze kune chando mungatonhorwa."
Uku kwaiva kuudzwa pachikuru kuti ndikuda nezvenyu. Semunhu mukuru uye aisatodawo kunetera zvinhu ndakanzwisisa mutauro wake ndichibva ndabvisa shangu dzangu pamwe nemutrouse wandaiva ndakapfeka ndokusara nechikabudura chemukati ndini uyo pfeee muzasi memhandara. Ndakatambirwa nekudziya kwaibva mumuviri wake zvakabva zvakonzera nditongwe newangu muviri. Sevanhu vakuru tose hazvina kuda kunetsa takatanga kutamba chikudo chakazogumisira chava chekubvisana mbatya. Wakatotsva mutambo wevakuru sekutamba sekuseka, nenguva diki ndaiva ndotoratidzwa zvishandwa. Kana wangu mudzimai Ruvheneko haasati akambondikurungira kamuitiro kandakaitwa naShupi. Kana njere dzangu dzakatombomira kushanda ndazipirwa nezvandaiitwa. Chikafu chinonaka chakabikwa zvakanaka chakarungwa nemunyu wakafanira uye maspice akanzwira. Tichipedza ndakanyatsonzwa ropa rangu kuti ravakufamba zvakanaka nezvihope ndokutobata. Ko zvairegerei ini ndaiva ndaita kurukutika chaiko.
Kana ndizive kuti ndakarara zvenguvai handina kuzviona chandinoziva ndechekuti ndakazoita kuzungunuswa naShupi.
"Muka Stewart uende kumba kwako hona kwava kuda kuedza hazvigone uedzerwe uri pano handidi kupa vanhu mashoko."
Ndakamuka zvokwadi ndokupfeka mbatya dzangu nekupinda munzira ndonanga kumba. Ndichinosvika ndakagugudza Kevy ndokuzarurira. Ndakamukwazisa nemufaro iye ndokuranba akanditarisa.
"Mufaro uyu kunge gudo ranhonga roro, iye nhasi wanonoka kudzoka kwakanaka hako?"
"Kutsvene hama yangu kutongofarira basa rangu kuti zviite rega tirare wangu tomutsana kwachena."
"Kuchena kupi iko kwakutochena haya wambonwa hwemarii nhasi?"
Ndakatozviseka kuti ko ndavakuona sekunge huchiri husiku sei. Ko ndaiva ndaita kudhakwa nerudo rwandaive ndapihwa naShupi zve. Mazuva akafamba ndichiti ndikabva kubasa ndoenda kumba kwaShupi ndonopakurirwa zvangu muto wezondo wakakorera ndozosvika kumba ndakaguta ndichiita wekudzvova. Kana zvaRue ndakatomboisa parutivi ndoita zveaindigonera uyu. Samazuva ese kupera kwemwedzi tainotumira mari nezvimwe kubhazi raienda kumusha. Ini musi uyu handina kuenda kwakaenda Kevy sekuti ndaiva ndine kwandaida kuenda nemudiwa wangu. Ndakangomupawo kamari kashoma anopa mai Ropa izhinji yacho ndakasara nayo ndaida kuzopa Shupi. Akaenda Kevy ndamunyepera kuti imwe yacho handisati ndapihwa. Takabudirana ndokuzonopesana iye oenda kwake ini ndoendawo kwangu. Zuva rangu raiva rakaropafadzwa nemudiwa wangu tichiyemerana nekumbodya zvinonaka zvemudhorobha. Zuva ravakuda kunopinda muna amai varo takapinda munzira todzoka kumba. Ndakanosiya Shupi kumba kwake ini ndokunanga kwanguwo. Ndichingonosvika pamusiwo mitezo yangu yakapera simba ndichitarira mumba nekuona munhu aivamo akagara pasi achichekera muriwo. Ndakanyatsoona kuti apa paiva paipa apa.
End of chapter 15
🙏
❤️
👍
8