TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
June 19, 2025 at 06:54 PM
Vanoda from 1 gara wapinda muchannel ubatane nevamwe https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07 Join us kufacebook towanikwa zvakare https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share&mibextid=NSMWBT 💥💥💥PAIVAPO💥💥💥 ( Rema's Bleeding Heart) A FRIEND OF THE ENVIRONMENT #nature A SHORT FREE STORY CREATED AND WRITTEN BY TENDAYI AKA MAI MUKU #muzukuru WACHIHERA 0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣ CHAPTER 19 Moziva unoseka nhamo serugare so, mwana uyu anopenga here? Chii chaakutaura ichi, ko zvaakamboti haazive muridzi wani. Ndakangotora tsamba iya nekubuda ndichienda kuna Nico. "Nico tell me hausi kuziva about this." Ndakataura ndichimutema netsamba yasisi. Akaiverenga ndikaona oiunyanidza apa akasunga chiso ndikaziva zvadzimba. " Wait wait does this mean kuti Nancy atizira?" " Exactly handiti waverenga ukanzwa zvanzii nehanzvadzi yako." " This girl anojairira vanhu, chii chakadai chaanotiitira? Nezuro uno takamubvunza muridzi akati haazive. Ko why kutinyepera inga takamuregerera wani? Now tochiziva zvipi?" " My worry now yava pakuti nezuro akaramba but now aenda. Ko kana muridzi wacho ari kumuthreatena? Why asiri kuda kuti aziikanwe, ko kana ane mhuri yake somewhere akuda kushandisa mwana? Anozogona here kuchengeta Nancy sezvataimuita isu pano? " " Pane nyaya apa sisi, ini hangu hazvina kundijekera zvachose. So now todii tongogara here tisingazive kune mwana?" " Ndatova confused ini, rega tifonere tete Mai Prince tivaudze zviripo then tozoona kuti todii." Ndakatora fon yangu and dialed number dzatete. Dzakarira ichibva yadairwa ipapo. "Vatete makadii, kurisei kumba nevamwe vese?" "Hesi kani dangwe ramukoma vangu, isu tinofara isu kurisei ikoko?" " Kuno kurinani uku, tete ndine nyaya yandinoda kutaura nemi asi kuti nditaure pafon hazviite ndichaita kuri kuuya ikoko mangwana." " Kubva wataura wakasuwa kudaro nhai Rema, kasi inyaya yemusikana mudiki uyu here Nancy?" " Ehe tete ndiNancy but wait tete asi pane zvamuri kuziva about Nancy?" " Hezvo nhaiwe Rema unopenga here handiti ndini tete venyu here. Kana akasaudza ini anozoudza ani? Anditaurira nhau yake uyu aita kuri kufona chaiko achiti achazouya nemurume wake vonditora. Zvino iwe ndizvo ungabva wasuwa kudaro kunge pafiwa. Rega mwana ndiko kukura kwacho ikoko. Utoudza Nico kuti wasara wega ngaachiita aroorewo." Kana kutodaira zvaitaurwa natete handina ndofunga zvangu ndega. Chokwadi Nancy anopenga chete chii chakadai chaanoita. Ko kuzoudza tete kuti akutizira adii kungoenda nhayi handiti ndozvinoitwa. Ndakaudza Nico zvaiva zvataurwa natete akatonetsekawo. " Better kuti tete vakuzivawo kuti muzukuru wavo aenda. Atleast pane kusatoziva tese kuti aripi. Kana akuda kuti tizive kwaari achatiudza hake. Handiti kusiya fon kuda kutanga hupenyu hutsva hamheno hake, paachazotida anotiwana tiripo takamumirira." Ndakazongotandara zvishoma nekubva ndaenda kumba. Ndakatosvika huby apedza kubika tikatodya nekubva tanorara. Ndakagara kwemadays ndichiti ndichaona message zvayo from Nancy but kana hake. Not even a call back kana zvake mwana wamai vangu. Kusatongoziva kuti mwana aripi kwakatanga kundidya. "Does that mean kuti ndatoita fail as a deputy parent? " ndakazvibvunza ndega mubvunzo wandakatadza kudaira. Days passed ikatova mwedzi miviri pasina kana any news zvadzo. Nico aiva ava kufambawo nemaclutches paiva pava nehope yekuti anofamba soon. Akaita mhanza yekuti kubasa kwake akabva anzi ashandire kumba hake. Vakatomugonera nekuti aitozopadzokorora chete vamwe vachinograduater iye achidzokorora. Ndakamuka ndine speed chaiyo kugadzirira zvekubasa. Ndakasekwa nahuby ndakubuda, " Zvakaoma nechaunomhanyira kudaro nhaiwe kuita seuchakanganwa zvimwe. Apa ndiwe boss asi ukuita seunoshandira someone. Are you sure zvichiri zvebasa or pane zvimwewo?" " Iiiii Sylvester murume wangu wadirei kuti nditaure zvisizvo kuseni kuno. Zvikasaita zvebasa zvingaita zvei, unoti it's easy kuva boss nhai. Ukangogara zvese zvinongogarawo so kuva boss kuzviitira zvese. Have a nice day." Ndakatodaira ndichipfuurira haaa anopenga chete uyu. Ndichisvika kubasa ndakatanga kushanda hangu ndaiva nemeeting na9 ndiyo ndaimhanyira ipapa nekuti ndaiva ndaikanganwa kwakuzoona reminder yaiswa naPA wangu. 9 dzichikwana ndichinopinda mumeeting first time kutaura ndochitarisira papaper. Zvakaoma kudaro it was a success takawirirana. Vanhu vakabuda ndokusara ndotura befu. Ndakatovarairwa ndakanzwa kunhuwirira kweperfume yairatidza haisi yepondo. Ndakavhura maziso angu ndokuona pamberi pangu pakamira a gentleman asi kuita seanogeza nemukaka skin kuita flawless. " Hello you are Rema right?" " Ooooo yes l am, and you're?" " I am Mr R Muvengwa but you can call me Ryk and that is optional." " I see nice to know you Ryk." " I a'm here with my brother auya kuzoita meeting nemi. I asked him to come on my behalf because l had an emergency. I hope we will not regret doing business with you?" " Not at all thank you for trusting us, you will enjoy our services." " l like the sound of that, l trust you already. Now it's past 10 so can l ask you for lunch l will come and take you?" " Take me for lunch no, l am the one who should take you not the other way round." " As long as we are doing lunch fine by me, by the way you are gorgeous lady. Yes ndakanzwa kuti Rema is a young, success and beautiful lady but ndaingoti vanhu vanongotaura. Indeed ndazozvionera you are very beautiful." " Thanks for the compliment." Akabva angosmiler hake nekutobuda, ndakasara ndikazvibvunza kuti, " was l blushing? What just happened, did l just flurt with a stranger?" Ndakangodzima pfungwa dzacho nekubva ndatotanga kuita basa rangu. Lunch ichikwana as promised Ryk akauya achinditora muoffice mangu nekubva tatoenda kulunch. I took him pamy best restaurant paibikwa both modern and cultural dishes. I ordered sadza rezviyo nemutsine une dovi and maguru. To my surprise he did the same. " I didn't know kuti masalad akaita semi anodyawo this kind of dishes." " Haaaa ndoyangu chaiyo iyi, mutsine ndofavour yangu chaiyo. Baba vangu naamai vangu vasati vafa vaizvidya 3 times per week. Kuda mutsine kwavo kwakaita tese vana vacho tiudewo including musalad wedu Nancy." " You surprise me, vamwe vanobva vaita kubatira chirungu padenga ichi. You are a free spirit hako nemari yauinayo nezvauri hazvipindirane. Keep it up unosvika kure nekuva humble." Handina kudaira l just smiled nekuti ndaisatoziva ndotii. Seems like munhu wacho aitondiziva from somewhere cause haangataure zvekuti zvauri hazvienderane nezvandinazvo. Aziva sei zvandinazvo neonly one day. I just ignored the thought hangu nekubva ndaita continue kudya. I enjoyed my meal ndokuseredzera tichitandara hedu. Lunch yapera ndakanosiiwa pabasa iye achibva aendawo kwake. Ndakavhura door remuoffice mangu ndine smile pachiso only to meet munhu akagara paseat rangu. Akanditarisa kumeso chaiko achibva ati, " What's with all the happiness, umwe aita ufare kudaro uchibva kulunch ndiani asiri ini?" End of chapter 19 Rema wabve kulunch wasvika muoffice munani?
❤️ 🙏 👍 😢 😮 😂 40

Comments