TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
June 20, 2025 at 06:37 AM
https://chat.whatsapp.com/K4tAaptQR9QIvVUTodvmtu https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07 WekwaChikosha anokupai mabook anosanganisira etsika nemagariro edu pachishona, erudo, nemwamwe akasiyana siyana.list yemabook inosanganisira... Missing Rib. Is It A Curse or a Blessing. Behind That Beautiful Smile. Unsolved Mystery etc... Pindai muchannel iyoyi monowana mabook hobho imomo akapera necurrent racho. Just tap pakanzi channel palink mematovapo. Mobaya pakanzi follow kuright kumusoro. Manovels ake ese anobva auya ka1 nemachapters ese chachirungu. Zvirichipa kupinda kuchannel than amwe maplatfom ese. Usina data book unenge uchingoverenga zvako uriko.... Our main whatsapp group...... https://chat.whatsapp.com/HUcbIVCIllREraXG9oBs7R Join Tendayi aka Mai Muku Novels on facebook https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share 🔓 UNSOLVED MYSTERY 🔐 A FRIEND OF THE ENVIRONMENT #nature🌳 A SHORT STORY WRITTEN AND CREATED BY TENDAYI AKA MAI MUKU FREE BOOK READ AND SHARE 📚 0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣ CHAPTER 16 RUVHENEKO " Huyawozve pano mai Ropa unditambidze mudonzvo wangu uyo wakandirwa kure neicho chisikana chidiki ichi." " Ehoi ambuya regai ndikutambidzei, kana zviri zvaRutendo here anenge achitoti kutamba zvake." " Uri kumboiteiko mumba imomo mausingabude nhai muzukuru wangu? Kunyarara kwacho unozokunyanya iwe munhu ndewekumbobudawo pane vamwe. Nhasi hauna kuenda kumba kwaamai Tinashe here?" " Basa remumba hariperi ambuya pandinoda kuti ndibude ndotofunga pane zvandisati ndaita. Zvobva zvanosanganawo naivo vana ava vanotowedzera basa, mai Tinashe ndambomuona kutsime ati achasvika zvake masikati ano." Ndakabva ndatosuduruka kunopedzisa zvandaiita mumba ndisati ndadanwa naambuya. Ropa aiva aenda kuchikoro kaiva katokura kamwana kangu pamba ndaiswera naVimbisai naRutendo ndivo vaiva vasati voenda kuchikoro. Vimbisai gore rinotevera anoendawo ndinenge ndosara naRutendo pamba. Ropa kunyararisa hake mwana wangu atori nenungo dzekutaura haikona vaviri ava vakazosangana naamabuya vacho VaChireranherera haikona vanozavaza havo. Ndakapinda mumba kuti ndimhanyidzane nekupedza basa rangu ndiwane kubikira vana kana ari Ropa anoda kusvika nekudya. Zvebasa ndaisazviverenga ini nguva diki ndinenge ndapedza. Ndichingonopedza kupakura amai Tinashe akabva asvika ndokutotanga kuita nyaya naambuya. " Asikana masvika ndichangopedza kupakura ibvai matongogeza maoko tiite mushandira pamwe." " Ndatobvamo ini ungatopa Tinashe ndiye asingadi kusara unomuziva mwana wako kuti rake dumbu haridi kufurwa nemhepo." " Ndisiireiwo mwana wangu veduwe atori nani anoda chikafu pane kasikana kepano kadiki aka unenge ucharova munhu kuti adye. Ko ivo sisi vadiki vasarepi vandisiri kuona mungafambe nechembere iyi muchisiya mudiki?" " Kwaniko patasvika pano abva aona Vimbisai zvabva zvamhanyirana hamheno pavakahwanda havo vanhu vacho musikanzwa. " " Haiwa imi maiva nemushoma here musikanzwa wacho tikanobvunza ana amai venyu ipapa vanototiudza mashura amaita. Ndisiireiwo vazukuru vangu vakadaro, Tina geza zvako maoko uuye udye naambuya vako pano." Muchembere uyu kana achidya haadi zveruzha ndozvavaitova apa takange totovakanganisa. Ndikasangana naamai Tinashe ndainzwa kusununguka ndiye oga munhu wandaiwirirana naye munharaunda mese. Vamwe vaiti taiwirirana nekuda kwekuti varume vedu vaidyidzana asi kwete iropa rakangodairirana. Takadya tikapedza mumwe wangu ndokuzotaura nhau yake. " Ambuya ndauya kuti ndizotora amai Ropa tiende kurank kwemabhazi mazuva afamba ndiwo anotumirwa mari naKevy." " Kubva zvakanaka matogona ndanga ndichitoda kubvunza kuti asi vakomana mwedzi uno vakukoshiwai kani. Fambai zvenyu kuchakachena asi mondisiira vazukuru vangu ndingazoshaya wekutuma mvura." Ndakaraira Tinashe asare naVimbisai nevadiki vachitamba pamba naambuya. Rudo achizosvikawo anovawana varipo. Takaruvamba rwendo rwedu naMuneni takananga kuchiteshi. Tichisvikapo takatsvaga bhazi rekwaTarwa ndiro rino wanzotumirwa nevarume vedu. Takariwana ndokunanga kune mutyairi waro iye achitiona akabva atofamba kuuya kwataive. " Varoora vaChireranhera makasimba here? Kuita semafemerwa ndine pasuru dzenyu dzabva kuvarume venyu ipapa ndanga ndichitoti ndotuma munhu azouya akuudzei." Takatambidzwa zvinhu zvedu ndokuvatenda. Sevanhu vaiva vauya kumagirosa takabva tatenga iri nyama nezvinotapira zvaambuya. Taunganidza zvinhu zvedu ndokuchizopinda munzira todzoka kumba. Takanosvika ambuya vagere nevazukuru vavo vachiita ngano, kuvadaro unenge wavagonera kana kusimuka havatsukunyiki. " Mafamba vasikana kuita semasangana navo paseri apo. Inga vaita basa vana vangu havana kukanganwa kuti vakasiya mhuri vanondidadisa chose, ko manditengerawo chii mumabag ayo?" " Zvaambuya here mai Ropa vatambidzei chipepa chavo icho vavhure voga." " Ndipe hero tione, yowe yowe yowe inga mandigonera vazukuru vangu. Chiwitsi, mabhisvo nekokora inoti pfaaa nhasi ndonakirwa zvangu. Maita basa vakomana vangu Stewart naKevy ndodada nemi imi vana vangu mafadza Chireranherera." Vakatodemba kuti dai vaive vakasimuka vambodzana ipapa. Chembere yacho here inomboita sepwere zvayo kana yafarisa. Chokwadi kuchembera kwakaoma vamwe vanopemberera kuti vatengerwa zviwitsi isu vamwe topembera kuti vatengera vana zvekupfeka. Ambuya nevazukuru vavo vakabva vatogara pasi ndokutanga kububunya zvavo zvinotapira zvataive tavapa. Muneni haana kana kuzogarisa achibva atooneka oenda kwake nevana vake. Zvandakasara ndakatanga kuvhundunyura tsapo dzangu ndokuona inga baba vatengera musha wese. Maiva nembatya dzevana kunyanya nedzangu pamwe naambuya. Nezvekudya zvaivamo nechipepa chaiva chakaputirwa nemari. Ndakasekerera ndichizviona ndokutenda nechemumoyo. Ndaiva ndatomusuwa baba Ropa asi ndaizosimbiswa nekuva naambuya pamwe nevana vedu. Mazuva akafamba ini zvekurima handina kusiya nekuti ndizvo zvaitondivaraidza uye kungomirira yababa hainyatsokwani zvese zvatinoda. Mwedzi yakapindana baRopa akange oita zvekuti mwedzi uno anotumira mumwe haatumire, pamwe paanotumira anotumira mari yoga isingatokwane kutenga zvose zvepamba. Handina kuda kuzviisa mumoyo sekuti hupenyu ndohuziva hunombooma asi shungu dziripo. Kuona achitombotumira kwakandipa chivimbo chekuti achiri kuti yeuka asi zvinhu ndizvo zvisina kubatana chete. Nekushanda kwandaiita kurima kumunda kwangu hazvina kundinetsa yaitumirwa nababa yaingova yekubatsiridza nekudaro nzara taisava nayo. Mumwe musi ndakaita sendairota ndiri pamusha wevabereki vangu ndichiita sendaisuka ndiro. Zvakadaro pakabva pasvika hanzvadzi yangu akabata tsamba yaakasvikonditambidza. Ndakaiverenga tsamba iya ndokuona yakanyorwa mashoko erudo ndichibva ndatopepuka. Ndakazama kufunga kuti aiva ani andinyorera mashoko aya asi ndakamushaya. Ndakatomuka ndokutanga kubatanidza zvose zvepamba, kuti ndiende kubasa ndakanzwa nyama dzangu dzichiita semunhu anorwara ndokusarudza kuzorora zvangu. Ndakazorora kudaro ndakaita sendabatwa zvee nehope ndokutanga kurota ndiri munzira asi ndichichema. Mukuchema uku yaingova misodzi yoga yaierera pasina izwi raibuda. Ndakatarisa nzira ndikaona ichinondisvitsa pamba pavatete vangu. Ndakaona vondibata vachiita sevaindinyararidza ini ndakazviwisira pamakumbo pavo. Ndakabva ndatonopepuka zvakadaro ndokuona matama angu azere misodzi kuratidza ndaichema kuhope. Kubva musi iwoyu ndaingoti ndikada kuti ndirare ndotorota hope dzisinganzwisisike. Ndakazvimanikidza kuenda kumunda asi handina zvisvinu zvandakanoita ndichibva ndadzoka. Ndakatanga nekugeza kuti ndiwane simba ndokutanga kugadzirira vanhu zvekudya. Ndichipedza ndakanogara zvangu pamumvuri ndokutanga kufunga nezvose zvaiitika pandiri. Mukufunga kwangu ndakaerekana ndoimba chimbo chekuti... " ndipe huta hwangu nditambe nawo kani, Ndipe pfumo rangu nhasi zvapera. Nhasi ndiwe svikiro mudzimu wababa vangu, Iwe neni nhasi nhamo yauya. Tarisaiwo varikumhepo imi, Ndimi munoona zvatisingaone. Pandinorara ndibvumbamireiwo, Pandinofamba bvisai zvakaipa. Nyevetsai moyo yevanondivenga ini, Muvape tsitsi nekuregerera. Ndipe huta hwangu nditambe navo ava Ndipe pfumo rangu nhasi zvapera." Ndakaita kuvhunduka ndokumira kuimba, ndakayeuka chimbo ichi ndaigara ndichichiimba. Ndakasimuka ndokutarisa pandaiva ndiri handina kupaziva ndokutenderera pamba pese asi handina kuparangarira. Ipapo pakabva pabudikira kamwanasikana kekuzvimakore zvitatu kakasvikondimhanyira. Kakabva kanditaudza kachizunza zunza rokwe rangu ini ndokuramba ndakayeva ndichizama kuda kubatanidza. Ndakadaro pakabva pabuda ambuya vechikuru vakasvika nekunditi... " Hezvo nhaiwe mai Ropa ukagomira wakaita sechizombi kwakanaka here? Mwana abvira kare kukutaudza hausi kumudaira ati anoda chikafu ane nzara mupakurire." " Pamusoroi munoreva ini here kuti amai Ropa, uye mwana uyu ndewangu here ko pano ndikutsvagei?" " Mai Ropa nhaiwe Ruvheneko yoweeee vadzimu vangu mandifuratira mati ndodiiko nhaiwe Stewart waiteiko wandiparira kuno." Pakataurwa zvekuti Stewart ndakarangarira kuti mukomana aigara achindinetsa nekundida. Mubvunzo wangu wakangova iwoyo wekuti ko pamba pavo ndaitsvagei? Ambuya vaye vakadonzva vakananga mumba ndokudzoka vakabata mukombe vakasvika nekundidira kutsoka. Vakanwa imwe mvura yacho ndokundisvipira kumeso pakarepo ndichibva ndanzwa dzungu nekubva ndatodonha pasi ndiye zii ndakadaro. End of chapter 16 Paipa apa Ruvheneko avhurika vachadii mbuya Chireranherera?
❤️ 👍 🙏 12

Comments