
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
June 20, 2025 at 04:29 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07
WekwaChikosha anokupai mabook anosanganisira, etsika nemagariro edu pachishona, erudo, nemwamwe akasiyana siyana. Mamwe mabook anosanganisira...
Missing Rib.
Is It A Curse or a Blessing.
Behind That Beautiful Smile. Etc
Pindai muchannel iyoyi monowana mabook hobho imomo akapera necurrent racho. Just tap pakanzi channel palink mematovapo. Mobaya pakanzi follow kuright kumusoro. Manovels ake ese anobva auya ka1 nemachapters ese chachirungu. Zvirichipa kupinda kuchannel than amwe maplatfom ese. Usina data book unenge uchingoverenga zvako uriko....
Our main whatsapp group......
https://chat.whatsapp.com/HUcbIVCIllREraXG9oBs7R
Join Tendayi aka Mai Muku Novels on facebook
https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share
🔓 UNSOLVED MYSTERY 🔐
A FRIEND OF THE ENVIRONMENT #nature🌳
A SHORT STORY WRITTEN AND CREATED BY TENDAYI AKA MAI MUKU #muzukuru WACHIHERA
FREE BOOK READ AND SHARE 📚
0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣
CHAPTER 17
STEWART
Nehusiku ihwowo ndakatanga kutonzwa ziya kuyerera ndikaziva hazvina kutombomira mushe. Kana kuti ndisimudze gumbo rangu kupinda mumba ndakanzwa simba richindiperera. Kuita chituta chaicho ndiko kwandakaita apa kuita zungairwa chairo. Kevy ndiye akatozoita kudeedzera zvine ruzha akamira akanditarisa...
"Nhaiwe chinguri ndabvira kukusheedza kare uchingoramba wakamira ipapo. Ukuona gora here kubva waita sewaona zvinotyisa, kudai uri mwana taiti zvimwe watumwa musipiti. Pinda mumba uko kwadoka unopinza zvirumha mumba nehusiku huno."
Ndakadonza makumbo angu ndokunozviwisira pasi pachicorner ndichizama kuda kubatanidza zvaitora nzvimbo.
" Hezvo ndiyo Harare yacho yabva yaita kukushandurai ana BaRopa kudada here kana kudzungaira. Ukundiudza kuti ndabva ndaita mudiki zvekutadza kuoneka, unomirira ini ndikukwazise here?"
" Bvunzaiwo ambuya anoramba akati tuzu ipapa kuti zvadii, iyo yekumuti baRopa anomboda kana kuinzwa here hanzi kuno kuHarare ndinonzi Stewart."
"Anopenga chete uyu ndizvo zvinoita apenge murume mukuru achena kwese kwese unoti ukudzoka kumashure here? Zvoshamisei kunzi baba hauna vana iwe uyu wani tongoti baTinashe achidaira. Hurema ndowakazara mudzoro rako kusateerera unokunyanya."
" Hezvo zvichiri zvekusakukwazisai here kana kuti mune zvamanga magara mandirangana henyu?"
" Kuranganei ubva wati zii zvako kana wapotsa bvuma mhosva yako zvoga."
" Kubvani ehoi, makadii aChireranherera kwakanaka here kwamatitsika pano?"
" Kuchinakei iwe uchiita hunhu wekupenga zvako, Asi Stewart chii newe hauna kusvinirwa mukaka here inga amai vako ndakapa ndega midzi vakakutsengera. "
" Ambuya matanga kutaura nemadimikira ingonangai pane nyaya yenyu chete imi."
" Ukati uchiri kurangarira kuti wakasiya mukadzi nevana kumba here iwe. Unoziva dai pasina kuti Ruvheneko anoshanda nesimba tingadai tichifa nenzara kumba uko. Zvako zvekuti unotumira pawadira rega hako hatisi kukumanikidza isu idya nyika rutivi kusvika moyo wamira. Asi ziva chinhu ichi zvawatanga izvi ndaona wawira mugomba rawatadza kubuda. Wazvipinza wega muna taisireva nekuisa kwako zvitanda munzeve. Uchiona ndauya pano kudai hazvina kumira mushe Ruvheneko wawakasiya kumba uko haasisiriye wawaiziva. Ayeuka zvose kubva uchimupfimba iwe achipika kuti haakude, kutaura kuno anogona adzokera kumba kwavo achisiya vana vako. Wandirwadzisa chokwadi vakomana vaviri imi mukaona ndokubatsirai zvakare mundibvunze kubva nhasi aita chake ihombarume, rumwai henyu mega nechekuchera. "
" Ndakambozvireva ini kuti pane zvamakaita Ruvheneko iwe Stew naamabuya. Sisi mai Tapiwa aiziva akange azvionawo asi kukubvunza wakarambira mudenga bhururu. Asi nhai ambuya makazvitirei chionai nhasi zvazvave, ko akaenda vana muchadii navo? Hupenyu hwemunhu hwamakakanganisa modii nazvo?"
" Iwe uchangwarisa iwe nasisi vako mainditaura kuti ndadii? Akabvira riinhi kungotinyaudza nekusadiwa nemunhu waanoda, imi makadii handiti makatadza kumunyengerera ndokumubatsira kaini. Zvino chaipa chii pakubatsira mwana wangu ndizvo ndati nyaya dzenyu kubva nhasi itai mega. Makutondinetsawo zvangu kana kubika kwacho handichadi batsiranani tione mundipewo kudya ndoda kuvata mangwana ndoda kumukira kudzokera kumhuri yangu yakarambwa nababa."
Ambuya vakabva vatosimuka pavaiva vakagara ndokudonzva vakananga paiva pawaridzwa ndofunga ndiKevy chete ndokurara zvavo. Mashoko avo akandibata kuti chokwadi wangu mudzimai akurarama kahupenyu kekunge shirikadzi ini ndiripo. Zvimwe ndakamhanya kuda kuita zvemumwe musikana kudai ndakazama zvakare zvimwe taigona kuita chikomana. Zvino zvandanyura pana Shupi ndichadii naye, hapana yekutotamba kwava kutongoita barika ko ndini ndakatanga nazvo here. Dambudziko ndomuudza sei Shupi kuti ndine mudzimai kumusha, ko akandisiya, uku kwava kutonamata kuti akasike kubata pamuviri azoshaya chikonzero chekundiramba. Ndakatozovhundutswa naKevy akandirova bendekete kuti tibikire muchembere avate hake. Chikafu chacho chakangodyiwa naambuya naKevy voga ini ndakabva ndaguta nekufungisisa.
Chifume chamangwana takamutswa naambuya, vaitorevesa neyekudzokera ndaiti zvimwe madeko kwaingova kutsamwa ini. Kevy akambozama kuda kuvanyengerera kuti vagare kana mazuva maviri zvavo asi vakarambisisa. Takagadzirira kwakutopinda munzira tonanga kumabhazi kunovakwidza. Tasvikako ndakavatambidza mari yandaivanayo vakaramba vakapeta maoko avo vasingatambire. Kevy akavatambidzawo vakaita zvimwechetezvo apa ndipo ndakaona kuti muchembere wakatsamwa zvekurevesa.
" VaChireranherera zvino mukatitsamwira kudaro mati tidiniko vana venyu. Honai ndimi mubereki wedu mukatifuratira toita marombe, chidzorai moyo wenyu mutiregererewo."
" Sandini waunofanira kukumbira ruregerero Stewart asi mukadzi wako Ruvheneko. Wamusvorei pakumutsvagira mumwe mukadzi, Stewart mwanasikana munhu, munhukadzi munhu anovaka hukama. Kana aenda aroorwa vazukuru vakawanda, yenyu mhuri yakura iwe ida wako mukadzi. Sekuru vako vakaberekwa nemwanasikana, baba vako vakabva kumwanasikana kusanganisira newe wacho wakabarwa nemwanasikana. Chimboitai tione, muchenjere kupedzera miseve kumakondo apa makatarisana nehondo. Ndakangouya kuzokuyeuchidzai kuti chisi hachieri musi wacharimwa mugare mazviziva, akubaira zani ndewako. Kubva nhasi musanditumira mari kana zvokudya wangu muroora Ruvheneko anondichengeta pamwe nasisi venyu mai Tapiwa."
Chembere iyi yakatotaura ichipinda mubhazi sare paye takangotuzurana naKevy tichishaya zvokuita. Kevy ndiye akazomhanya kunobhadhara ticket ravo zvechisimba vaisatoda. Takazobvapo todzokera kumba mumwe nemumwe ari zii kuratidza tose taiva mundangariro dzedu tega. Tichinosvika kumba Kevy akangogeza nekubuda sekuti nguva dzake dzaiva dzakwana. Ndakasara ndikapinda mukufunga kwakadzama, mashoko avaChireranherera akatanga kudzoka ese zvawo. Ndakanzwa kuzvishoora pakufunga nekuita kwangu asizve yaisave mhosva yangu mumwe wangu ndiye akandipaka mashoko akandipa mamwe maonero. Ndizvo zvinhu zvandaisada kushungurudza ambuya vangu, ukaona watsamwirwa naChireranherera ziva wava panyatwa. Zvinhu zvacho zvaitondinetsawo ndakazongoguma ndasiyana nazvo ndisati ndaputika dzoro.
Kubasa ndakaenda sechirango asi chokwadi dai kuri kunzi zvaikwanisika kurega kuenda musi uyu ndairega zvangu. Ndakangosvika nekunanga kwandaishandira ndisina wandataudza samazuva ese. Ndaisatoda zvekunetswa nevanhu nekudaro anditaudza ndaidaira izwi rimwe. Ndati shande shande ndakanzwa kumbundirwa kumashure kwangu ndikaziva aiva ani. Muviri wangu wakamboda kundirasisa asi ndakakasira kuyeuka mashoko aambuya ndokubva ndazvibvisa paari.
" Hezvo nhai Stewart mudiwa kwakanaka here kuita seunosvotwa neni? Kubva zvawauya hauna kana kunditsvaga samazuva ese nei?"
" Shupi kusakutsvaga kungoreva handisikuda zvekutaura newe. Ndokumbirawo usuduruke pano undisiyewo ndishande ndinoda kuisa pfungwa dzangu nesimba rangu mukushanda ndapota."
" Heeeeeede iwe kana uchifunga kuti wakangwara zvekundishandira kuvata neni wondisiya wotsvaga vamwe kanganwa. Ini ndiri muera shava wechokwadi hanzvadzi yana museyamwa zvandokuita kana hauzvikanganwe. Usafunge une huchenjeri hako kwandiri uri svosve chairo,pafunge zvakare usati wazvirova dundundu."
Akabva abhidhaira zvake mwanasikana achienda kwake kwaaishandira. Ko iro rudo racho nderekumanikidza here kana ndisisadi yava mhosva here. Ndaiva ndoda kuzama kuita munhu kwaye ndidzoke pakuyanana nemhuri yangu. Kushanda ndakazama kuedza kusafunga ndisavhiringike nekuti basa rangu ndairida. Shupi akangotiwo achipedza achienda ini kana shungu nazvo akatondigonera nekuenda. Mazuva akafamba tichingopesana pabasa kuita setichatsikana tsoka naShupi. Kudivi kwangu zvaitova zvakarongeka nekuti ndaida kudzokera pakuva Stewart wavaChireranhera chaiye anoteerera. Mukadzi wangu Ruvheneko dai andiregererawo pakutadza kwangu ndomuda mwana uya. Pakatenge papera mwedzi inokwana kuita mitatu kubva zvandasiyana naShupi. Taiva taronga naKevy kuenda kumusha kupera kwemwedzi tinoona mhuri dzedu. Musi watapihwa mari yedu pabasa ndakatopfuurira kuenda kudhorobha kunotenga zvinhu zvandaizoda kuenda nazvo kumusha. Ndakadzoka kumba ndokuwana Kevy achangosvikawo ndokutotanga kurongedza pamwe. Tiri mukurongedza takazongoona Shupi osvika ndokumira pamberi pedu.
" Hezvo unongoerekana wauya pamba pevanhu kwakanaka here, unodei pano?"
" Zorora zvako ndauya kuzongokuudza kuti ndakazvitakura ndine pamuviri pako. Ndakamboda kuibvisa pandazviziva asi ndakazofungisisa kuti tingatokujaidzei ana Stewart. Pano handibve uye mwana wako uchachengeta usingade uchida kana zvanetsa toenda tose wondisiya pamudzimai wako mai Ropa."
Zvakandinetsa kuti aziva sei kuti ndine mudzimai uye zita remwana. Iyi nhau yakaita ndidikitire zvekuti ndakanyatsoona kuti pamoto ndaiva ndawira....
End of chapter 17
❤️
👍
🙏
😂
😢
10