
Mai Tee Shona Novels 🇿🇼🇿🇼
June 18, 2025 at 05:26 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFMa718V0tgvbs5Sq20
10•*REINCARNATED LOVE*🔥❤️
Written BY MAI ZIMUNYA
Aka Mai tee)
📲+263782122093
*AAP*🚦 +263 73 555 3736
This is a work of fiction.All the characters and events portrayed in this book are fictitious or used fictitiously .All rights reserved .No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means,without written permission from the publisher or author...
https://www.facebook.com/Mai-Tee-Novels-2117394481720759/ like my fb page
(READ COMMENT AND SHARE OUR BOOK 📕)
CHAPTER 10
*NDLOVHU*Liberty)
Kufa kwemwana wangu kwakandisiya ndiine mibvunzo yakawanda kwazvo .Ndaiva murume aiva nehupfumi hwakawanda kwazvo .Ndaiva nedzimba uye pfuma inoraudzira .Mwana wangu oga aiva ashaika ndaiva ndasarwa ndisina kana mwana .Ndaidawo mwana aikwanisa kusara osumudzira dzinza rangu .Stanley aiva newake Chipo asi kunze aiva nevana vakawanda.Manasse aiva navo vake uye mwana mukomana akutopindawo mupolitics anova Leone .Ndega ndakanyatsoona kuti raramo yangu haina kana kwayaienda..
“Hey ..”akadaro Stany apinda mandaiva.Ndaisada kutaura naye because I knew he had a hand in my daughter’s death..But mazuvano Manasse have been busy aisandibata wo I needed someone.Ndakaramba ndakamutarisa ndokumedza mate ..
“We are friends .There is no way I can harm your child ..Okay I’ve found somewhere that can help us .I know we clash sometimes but hey ndo life yacho .Im not perfect and you are also not perfect ..You know our past ..”akadaro zvake Stany Zveshuwa I was not perfect .Ndakamedza mate ndokuti “I
Lost a daughter and wako akararama Unoti ndinofungei “
“I don’t blame you sahwira even ndiri ini ndaidarowo but life yevana ava yakatosiyana.Wangu pada achararama ogofa wo and wako nguva yanga yakwana.Im even trying to look for the murderers .Im also helping ..”
Akadaro Zveshuwa ndakafunga kwatakabva ndikaona ndini hangu ndaiva ndaresva.Takasumuka ndokupinda mumota toenda .We chilled zvedu sevarume ndokuzoenda kwaaida kuenda .Ndakazongomupurekedza hangu ndikaona achipinda pamba pen’anga..
“Haaa izvi no “ndakadaro
“Kkk ko Chikaka chiii .In’anga iya .And haakubatsiri uya that’s why zvinhu zvisingafambi..Pinda ..”akadaro ndimanikidza ndokufamba topinda.Ndakabvisa shangu ndokupinda togara.Mumba macho maiita kurema chaiko ummm .Chikaka was better maitogara zvenyu pamasofa zvakanaka muchitaura.Izvi zvandakuona ummmm ..Ndakagara hangu pasi ndokuona mbuya vaya vonditarisa ..Ndakaona voseka zvavo ndokuti “Ehhhh Nzou ..Matitsika wo nhasi ?”
Ndakashamisika hangu vaiva vandiziva sei .Ndakaombera hangu ndokuti “Ehhh ambuya..”
“Haiwa tinotenda..Ummmm waita wauya zvako nekuti ndanga ndakuenda kumasango.Ndanga ndichatetereka kwenguva refu .Ndaona wakaviga mwanasikana wako ?”
“Zveshuwa ambuya.Mwana wakashaika wakapondwa “
“Ndazviona.ndaona usina mwana mukomana “
“Kwete handichina “
“Ungamuwanepi iwe wakaroora mukadzi wengozi?Wakatora mukadzi wengozi ndokusaka zvisingafambi zvakanaka .Haana kana chibereko chakatsengwa nengozi yokumusha kwake “
Hana yangu yakarova zveshuwa mbuya ava vaiona.Ndakamedza mate ndokuti “mudzimai wangu zvechokwadi akabviswa chibereko arwara “
“Akarwara nei
?Wakarwara nemhepo dzokumusha kwake !Hakuna zvimwe zvinodarika izvi .Mhepo yekumusha kwake ndoyakaurayisa mwana .Sahwira wako anokuda zvikuru ndokusakana auya newe pano .Ndakamuudza kuti huya naye pano ..Mukadzi uya haaite ngaadzokere kwake !.Uchawana musikana akanaka kwazvo achakukudzira dzinza rako ..Uyu dzorera “vaakdaro mbuya vaya ummm chero ndodzokera kumba ndakadzamirwa nepfungwa.Yaiva marriage rudzii yekugara nemukadzi asina chibereko.There was no hope yekupihwa umwe mwana .Ndakarwadziwa shuwa hama dzamai Vongai ka varoyi .kundiroodza kungozi here shuwa .Stany akandisiya pamba ndokufamba ndichipinda mumba .Chero zvekurangarira ndaiva ndasiya mota kubasa zvairangarirwa naniko..?Ndakasvikozvikandira pabed ndokurara ndakatarisa mudenga.Nguva iyi pakaita nock padoor ndokuona it was our new helper .
“Sorry sir I ddnt know you are here “akadaro akapfava kwazvo .She was a very beautiful lady and she captured my heart .Ndaisava munhu wemadress but on this girl I saw mai vevana vangu chaivo ..Mazuva akafamba ndichingomutarisa hangu asi ndaizeza kukanda shoko .Even birthday remwana waVongai I ddnt want to go .I was soo tired of her and ndaida kunomusiya kumba kwavo ..I was sooo angry at her nemhepo dzake .Imagine nekukura kwandaita ndakutanga kubereka vana kuti one ..
Akaswera asipo ende ndomusi wandakabvumwa nemudiwa wangu Beulah..Aiva mwana akabva kuvanhu and she was sooo pure .She had a deploma asi nyaya yekushaiwa basa ndoyaiita ashande mumba .Kwete zvamai Vongai aiva asina kana chikoro zvake .Ndakarwadziwa kupedzerwa nguva nemukadzi wengozi.Beaulah akaramba kana kubatwa zamu achitaura kuti ndaifanira kunoroora first .Zvaimbonetsa here ndaiva nemari ndakabva ndatobata Stany .Ndainge ndisisadi any connection na Manasse cz ndaitoziva he was not going to support me .Ndakatanga kuona kuti Stany was a good friend aiva munhu bho ..
Memory ndozita ramai Vongai haaa shuwa all was left for her was Memories sezita rake .Ndakaona ouya necake rake Handina kana kuribata kutya kufa..Ndakanyepa kuti ndairwara nemusoro izvo ndairwara nerudo kuna Beaula .This Memory woman ndandisisadi kumuona mumba mangu .I never wanted anything to do with her even her dead daughter Vongai .
*MAI VONGAI*
Ndakapedza hangu kugeza ndokubuda ndichipukuta pukuta…
“Ende junior akura veduweee ..He was looking for you the whole day .Anga achifunga kuti muchauya ..”ndaidaro zvangu ndakafara..Murume wangu haana kana kudaira like he used to .Akaramba zvake achibata baya phone .Ndakatura befu ndokuti “tirikufanira kunotsvaga tombstone remwana ..”
Murume wangu akabva angosumuka ofamba kuenda .Musi uyu chero kuzorara pamba handina kana kuzomuona zvekare .This was first time kumuona achirara asipo pamba .Sevanhu vainge vakafirwa nemwana ndakangoti pada ndizvozvo wo .Ndakamuka kuseni ndokugeza ndaida kuenda kunoona VaNdlovhu.He was the only guy aikwanisa kunzwisisa kuti chii chaiitika kumurume wangu .Ndakamutsa mota yangu ndokufambisa mota .Ndisina kure kwandasvika ndakaona paiva nemukadzi aiva akapaka mota yake .Chakandinetsa aiva akamira zvake achiratidza she was trying to do something.Ndakamisa mota yangu ndokuburuka ndoenda paaiva ..
“Ohhh thank God my sister ..You know I bought a broiler pazasi apo and ririkungofamba the whole car ..Can you help me tie it ini ndinotya “akadaro akabata tambo yake .Ndakaramba ndakatarisa ndokuti “Asi ratsubvunura?”
“Kkk yes ..Please sunga ndakabata “akadaro abata mamumbo ese .Ndakatora tambo iya ndokutanga kumoneredza makumbo ehuku aya ..
“Moneredza kana ka5 chaiko kkkk iiii ndinotya huku “akadaro oseka hake ..
“Hahaha mukati ingatize here ..”ndaidaro ndichifara zvangu .Ndakanyatsomoneredza zvakasimba ndokusunga zvibundo zviviri zvakasimba
“Haaaa kuti apa inopunyuka here apa ?”
“Kkkk kana munotozocheka tambo nebanga “
“Haaa that means tambo yakasimba iyi ..Ummm maita henyu vakoma you are sooo lovely .Mazuvano vanhu havachabatsirana kani ..Ende Mune moyo wakanaka ..”akadaro zvake achisekerera.Ndakaonekana naye ndokufamba ndonopinda mumota .Ndakaona opinda wo mumota make ndokufamba oenda .Ndakasara ndoseka zvangu ndokumutsa mota yangu .Kana kwaNdlovhu Handina kuzoenda ndakabva ndamhanya pa Bhora paiva nambuya vangu .She was the only woman aikwanisa kundipa mazano.Ndikamhanya kwaNdlovhu ndinogona kuzosvibisa zita remudiwa wangu mahara.Ndakasvika kuma 10 vachiurutsa mbeu yavo yenyemba.Mvura yaiva yaturuka zvino vopira shavi rekurima.VaMancube Ana mwenewazvo ndoraiva basa ravo .Hameno zvakafamba sei mbuya vangu naGogo vaiyera mutupo umwe .Chavabata chose Ana Mwenewazvo chaitoita chete ..Vachindiona vakasiya rusero pasi ndokutamba havo vachifara .Vakandichingamidza nemufaro tichipinda mukati ..
“Ndazviziva zvangu .Ndakatumira mari yevakomana vanorima imi mukaisa muhomwe “
“Yohweee iko kudyara kwoga here nhai Mwenewazvo?Aiwaaa kana ndakatenga Dhiragoni “
Takaseka zvedu mbuya vaikara Dragon zvisingaiti .I was sooo happy to see her after soo long .Taiva takaguma kuonana panhamo yemwanasikana wangu Vongai ..
“Ndinokuziva .Kwanziii?”vakadaro vonditarisa sezvo tainge todya hedu mungai unenzungu ne tea .Zvainaka kwazvo ..Ndakafema ndokuti “Ahhh hameno mudiwa wangu baba Vongie .Deep down ndinonzwa senge pane Zvisina kunaka “
“Muchiri pakuchema ..Usadaro ..mupe nguva “
“Hooo okay ..Mwana wangu oga wakashaika..Handichina chichaita imba yangu imire .Ndikafunga ndinodedera .murume wangu ndinomuda kwazvo ..”
“Hey zvakaoma .Nyaya iyi yandinetsa..Zuro ndaiva kumasowe ndikanzi makaviga demhe ndakatoshaya chiii “
Hana yangu yakarova ndorangarira mashoko ambuya vaya paguva remwana wangu .Handina kuudza Mancube ndakangoti handingavapa bp.Ko zvainzi demhe sei .Body view zvese ndakaita mwana akapfekedzwa ndiripo .Ndakaviga mwana wangu ini saka demhe rinobvepi..
“Namatira imba yako .Ndlovhu anokidisisa usafunga..Iwe svaaaaa svaaaa kajongwe aka kanobhowa ndirikukabata ugoenda nako “
Takaseka hedu zveshuwa ndakatandanisa tikakabata.Murume wangu always loved road runner ndaizomubikira..Gogo vakauya negavi ndokutanga kusunga..
“Kkk sungai kwete zvazoita vamwe mai ndichiuya kuno kkk .Vatenga huku ikatanga kudauka dauka mumota isina kusungwa..”
“Ndeyechibhoi here kana kuti ibreyraaa”
“Broiler chairo kkkk “
“Ahhh iwe kkk broiler rekupi rinodauka dauka kkkk .Imwe mishonga sooo …Saka azodii “
“Kkkk kupiko ihuku kkk ndaisunga zvangu nekuti anotya ..”
Ndakaona nyemwerero yavo yapera ndokunditarisa ..
“Waaa watiii?”
“Ndasunga ini kkkkk ndamusungira huku yake ..”
“Ohhhhh “
“Atotaura kuti vanhu havachabatsira.But I helped her ..Anyways maisa nyevhe iya here ?”
“Ohhh Ehe ndaisa kubhutu..”
“Okay Gogo bye “
“Horaiti bhabhai..Emmmm pawasunga huku yairipai ?”
“Aikaka Gogo sooo she was holding it .Akandipa tambo ndikasunga…..”
“Hoo okay chimhanya kumurume ..Chimhanya”vakadaro Gogo vosekerera asi ndakaona kuti vaiva vasina mufaro.Maybe she was lonely…
*NARRATION*
Mancube wakasara wakabereka maoko ake achidzungaira neruvazhe maoko ake arikumusana.Wakanzwa kupindwa nechando achishaya kuti ndiani waiva watuma mungu kuzokobora mwanasikana wake .Chizvarirwo chake waiziva kuti nyaya dzakadai dzaiitira.Umwe waiberekeswa mwana umwe ndewainzi sara wakandibatira bheke rangu .Umwe wainzi ndivhariro bheke rangu .Umwe wainzi ndirasiroo dota kana marara.umwe ndewainzi ndikwenyewo musana.Zvinhu izvi zvinenge zviri zvidiki diki zvekuti chero anokumbirwa wacho haambofunga kaviri anoita.Asi munyika yavadzimu panenge paine zvatochinja mumweya.
Mwenewazvo wakashaya kana pekubata nezvenyaya iyi .Wakazongoti pada yaiva wo huku yazvokwadi paiva pasina chakashata.Nhau yaiva yasara yaiva yekuviga demhe kwairehwa…
Stay tuned
THANKS NEMALIKES MURIKUNONOKA NAWO …
Tinobatsira vanhu ndizvozvo asi ngatingwarei
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
5.4K