
Mai Tee Shona Novels 🇿🇼🇿🇼
June 19, 2025 at 12:41 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFMa718V0tgvbs5Sq20
11•*REINCARNATED LOVE*🔥❤️
Written BY MAI ZIMUNYA
Aka Mai tee)
📲+263782122093
*AAP*🚦 +263 73 555 3736
This is a work of fiction.All the characters and events portrayed in this book are fictitious or used fictitiously .All rights reserved .No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means,without written permission from the publisher or author...
https://www.facebook.com/Mai-Tee-Novels-2117394481720759/ like my fb page
(READ COMMENT AND SHARE OUR BOOK 📕)
CHAPTER 11
*MAI VONGAI*Memory
Ndakamutsa mota yangu ndokutanga kufamba ndonanga Harare .I was soo excited nezvinhu zvekumusha zvandaiva ndapihwa nambuya vangu vaMwenewazvo .I knew my hubby loved zvinhu zvekumusha and was going to surprise him .Ndakasvika late around 8 manheru ndokutuma vakomana vaburutse zvinhu .Ndakamhanya upstairs ndokuwana Murume wangu achindiona akasekerera hake achisunga tie .It was like ane kwaaida kuenda ..
“Evening babe “ndakadaro ndichitura befu ..
“Hey ..Wawaenda kupi ..”
“Kuna Gogo kkk .I brought things zvekumusha.Nyevhe yatobuda wena ..Ko makuendepi “ndakadaro ndakatarisa zvangu ..
“I’m coming back ndiri kutobvisa”
“Ohhh okay …”ndakadaro zvangu ndakatarisa Murume wangu Libby .Ndaimuda kwazvo and I don’t picture myself being far from him .Ndaifanira kushinga kuchengetedza imba yangu .Sevanhu vane mari ndaikwanisa kutsvaga surrogate angamuitira mwana .Akaramba hake chero akandikumbira kuita umwe mukadzi I can’t refuse that .So long andipa ruremekedzo rwangu semudzimai wake I will give him my blessing .Chinorwadza kumadzimai kungoona munhu atouya usina kuudzwa.Se situation yangu ndaiva ndisisina chibereko and zvaisaita kuramba because anotodawo vana .
“Babe “akadaro Liberty ava mubath ..Ndakadaira ndichitovhunduka sezvo pfungwa dzaiva kure ..
“Ndivhariroo kabanga kangu kari addressing table .Kutokanganwa kakavhurika .Was eating an apple with it ..”
Ndakasumuka ndokuona zveshuwa zvima piece zve apple was there .Banga iri was new to me but it was also very sharp ..It was dangerous kusiiwa riri ipapo.Ndakaribata ndokurivhara zvakanaka ..
“Wavhara here ?”
“Ehe ndavhara..”ndakadaro ndobvisa hembe to join my husband kugeza .Semazuvaose taigeza tese but this time ndakapinda achibva atobuda.Ndakaramba ndakatarisa hangu ndokugeza .I really wanted to make love to him it’s been a long time tisina .Kufa kwaVongai kwakati kanganisa zvisingaiti chero kufunga bonde taisafunga..Ndakangopedza kugeza ndokuwana asimo im sure dinner was ready .Ndakadzika zvangu downstairs ndopandakaona kuti all the 5 maids paiva pasina only Beaulah the new maid was left .Beaula was wearing a very nice long dress .She was very beautiful zvake asi not more than me .Panguva yandaitova zera rake ndaizezesa chaiko .Ndakangoramba ndakamutarisa ndikangoti at least it’s a long dress .Maybe aiva asuwa hembe dzake pane kugara mu uniform …Akapakura zvake mandiro maviri ndokuona ogara zvake pachair .Was shocked hangu because table iyi Murume wangu aisada munhu .Ndakaramba ndakatarisa empty plate yangu murume achidya zvake akanyarara.Beaula was eating zvake nemazi nails ake aiva akanaka kwazvo .I noticed she had a gold ring same as mine in her finger .Ndakatarisa musoro wake ndikaona she was wearing a very nice long Brazilian hair ..Ndakatarisa Murume wangu zvekare he was eating hake ..
“Where are the other maids ?Why is this house sooo quiet and you are eating mega ..”ndakadaro ndichivatarisa .
“I fired them “akadaro Beaulah akanditarisa mumaziso.Hana yangu yakarova ndokuti “Fired them ?Why ?As who ?”
“As the new madam of this house ..I can clean this house on my own ..As for the food you have your own hands sooo use them to cook !”
Ndakanzwa hasha ndikamukwiza gwati rekuti akapidiguka achiwira kwakadaro uko ..
“How dare you say those words to me .Have you forgotten that im your madam .?I picked you from the gutters looking scruffy!I cleaned you up Beaula !!!Dont forget to be here it was me ..Stand up and leave my house this minute !!”ndakadaro ndodedera nehasha.Murume wangu was busy eating zvake akagara…Ndakatanga kurova Beaula zviya zveshungu.Baba Vongai vakanditakanura ndakangonzwa ndapihwa gwati .I froze for a moment not pain yembama asi pain yekutanga kurohwa nemurume wangu for the first time in decades .Ndakaramba ndakabata dama ndichidedera misodzi ichibuda..
“How dare you !How dare you lay your hands on her ..”
“Baba Vongai …”ndakadaro ndochema ndakamutarisa
“Don’t you dare call me by that dead daughter of yours !I don’t want to hear that name ever again ..This is my wife and you should respect her because she is here to save your marriage .She is going to give me sons you ddnt manage to give me ..You should be happy that mava 2 … I married you both zvakafanana saka hapana muhombe kune umwe ..That’s final !Asingadi door rakavhurika buda uende “akadaro Liberty ofamba kuenda .Ndakaona Beaula oteera kumashure and was shocked how did this happen in such a short period of time .Misodzi yangu yakadonha kani ndiye pasi gojoto.Ndakatadza kunzwa muviri wangu chaiwo waiva wazara chiveve ..I was sooo broken my tiny heart was torn apart .Ndakamedza mate ndikanzwa achitadza kana kusvika pahuro neshungu .Ndakanzwa zvisingaiti Ndakasumuka ndoteera Murume wangu kubedroom .Ndakasvika padoor ndikanzwa vainge voita havo zvevakuru .Beaula was screaming my husband’s name like a mad woman .Ndakaramba ndakamira padoor ndokuteuka ndobva padoor .Ndakatanga kufamba handizivi ndaiitei ndaingodzungaira imba yese .Ndikabata ichi ndosiya ndobata ichi ndokanda pasi .Ndainzwa mweya wangu kuzarirwa chaiko kutadza kufema..
“Hiii hiii hiii imba yangu kanii .Vongai kani mwana wangu uripiko..Hiiii hiiii hiiii “ndakadaro ndochema kwazvo .Ndakachema kusvika ndabatwa nehope ndiri pasofa.I was having strange dreams and I couldn’t understand what was happening to me .Ndairota ndichitandanisa huku asi zvaindinetsa yaitiza kunyangwe yaiva yakasungwa makumbo I couldn’t manage to get it ..Ndakamuka ndokugara ndaiita kudikitira chaiko ..Ndakatarisa nguva ndokuona it was now 1am ..Ndakasumuka ndokutanga kufamba ndonopinda muroom mairara Vongai achikura.Ndakagara pabed ndakabata kumeso ndichichema …
“Why did you have to leave ..You know you were my only source of happiness and you are leaving me ..Why ?Hiiii hiiii hiiii ..Why did you have to die !Why ?Where will I go at this age ..What will happen to me now ..Chii chandisina kuita I tried everything to be a good mom to you ..Ndakakurera zvakanaka ukaroorwa zvakanaka wani ..Why did you die !”ndakadaro ndochema kwazvo .Ndaiva ndaita kugara pasi ndochema kuungudza..Ndakaita 30 good minutes ndokusumuka ndovhura madraws.I don’t know what was happening to me I wanted to find something that can help .I don’t know what it was but I was looking for it ..Ndakavhura rimwe drawer ndokuona maiva neka jotter book kake .Vongai was a smart kid growing up and I never bothered going through her things ….Ndakavhura ndokutanga kuona hangu kabook Kaya ..First page she draws me and my husband iye pakati and she mentioned we were a beautiful family ..I smiled going to the next page she also writes how much she adores her father and how she wishes to have more siblings .It went on and on until I got to a page where she draws something I never understood.Ndakaona pazasi pakanzi Reincarnation…There was a fairy tale story which I never understood.Ndakavhura panext I wanted to see more nguva iyi door rakabva ravhurwa.Ndakaona aiva Beulah .Ndakaona achikandira hembe dzangu pabed ..
“Maiguru..motoshandisa ino room kubedroom ndokwandakugara..Hembe dzenyu dzese ndabuditsa dziri mupassage “Aidaro zvake achizvida.Handina kubatikana ndakanotora hembe dzangu dzese .Mongoziva unenge une closet yese yehembe it took me 2 hours kupedza.Ndakanyatsomaker sure ndabisa kese kangu ..Baba Vongai was on his phone zvavo vachiita sevaisaona..Ndakangozvisiya ndokuenda ndonovhara door .Ndakatura befu ndakatarisa dutu rehembe dzangu ndikapererwa .Ndaishaya ndodzitakura nei chero ndikada kubva pano.Nemaneto ndakarara zvekuti kunze kwakayedza ndivete.Ndainzwa vachisasana zvavo nhamo yaiva yedu isu .Haaaa ndakarwadziwa zvekuti ndaitadza kana kudii ..Ndakafunga kunoona Stanley asi moyo wakandirambira .Kunoona zve Manasse ndakashaiwa if he was not together nemurume wangu .Hakuna murume paanoita zvese izvi shamwari dzisingazivi ..Ndakatadza kuziva kuti ndodii ko .Ndakangoona ndapaka pabasa pemukwasha wangu Leone .Ndakakasika zve kufunga ndokureverser ndoda kubva .Ndakabva ndanzwa knock pawindow it was him ..
“Mom ahhh this is a surprise…”akadaro achifara..Ndakabuda mumota ndonyepera kuseka..
“Haaaa mwanangu ndati ndidarike hangu ndirikuenda paHotel apo ndine mapapers andirikuda..”
“Ohhh nice kkk this is a great surprise..come let’s have breakfast together….”Aidaro zvake otungamira.Zveshuwa mukwasha wangu aiva akanaka kwazvo .He would make sure im okay ndozvaaiita .Takateedzana ndokuenda kuoffice kwake .Ndakasvika assistant wake achigadzika tray pa table .
“Bring another cup ..Kasika iwe “akadaro zvake achigara pasi
“Okay sir “akadaro mwana uya ndakabva ndamutarisa .Ndakaona onditarisa tese ndokushamirana totaurirana pamwechete ..
“You !!!” Tese takabva taseka .She just came to me and hugged me ah kamwana aka was soo sweet ..
“Haaaa mama ndimi ka mutown paya !”
“Kkkk yes ndini kkkk ko wakushanda pano ?”
“Kkkk Ehe boss vakakumbira ndivashandire ndokuwana kwandakariita “
“Wow haaa iwewe unogona basa Iwewe regai vakukumbire uvashandire “ndakadaro ndaona Leone achipererwa kkk .Imagine kunzi boss ndovakatonditsvaga ah uyu pane basa kkk .She was such a sweet baby and I loved to see her ..Akabuda ndokuenda zvake ndakasara na Leone .Akadzungudza musoro ini ndokuseka..
“I will fire her this week hariperi “
“Ah adii hake siya ashande.Tarisa kupenya kwese uyu masofa aya .Anoshanda fani “
“Mom ..Mungatii Ari sahwira wenyu ..”
“Mama ndauya ne tea inonaka “Aidaro achipinda neimwe tray .It was a bit cold sooo tea ndaitoda.Takatanga kumwa zvenyu mukwasha achitaura kufamba kwebasa .He told me aiva atobhadhara dombo ra Vongai iiii raiva rakanaka kwazvo ..Ndakaramba ndakatarisa picture ndikanzwa moyo wangu kurwadza.Dombo racho tairiisa sei baba vakuita sebenzi ..
“Ndichauya kuna Baba toronga ..”akadaro Leone
“Haiwa kwete mwanangu ..Rega ndigotaura navo “
“Horaiti amai ..”
“Hongu ..Asi Iwewe uri sei hako “ndaidaro ndodira imwe tea .Ndakaona otsvukisa maziso ndikaziva Leone was not okay at all ..Akagutsurira musoro zvine pain oti “im not okay mom ..Honestly i feel sooo tired .I just want everything to be over and maybe follow her but on the other hand Junior needs me as well .loosing my wife was the most painful thing for me .Sometime I call her ndichitsvaga socks or hembe then ndoona munhu hapana .During the nice I miss her a lot .The way she used to wake up at 12 praying for me .The way she used to respect me ..(crying )Mama I have never thanked you enough but you had a good daughter .You raised her well and I enjoyed being her husband…I don’t know why she left soo early but deep down I can feel it ..I can feel her presence close to me ..Who can understand life after death except you are dead too ?I don’t even understand anything but what I know is Vongai is close to me ..She is watchingevery single thing I do .I can feel it “akadaro ochema .Ndakatora wipe ndokumupa ndochema wo ..
“God knows best my child .Its still early to heal
.We will never heal ..”ndakadaro ndochema ..Takazonyaradzana hedu ndokuoneka ndoenda ..
“Unonzani “ndakadaro kumusikana uya ondiperekedza kuenda kumota
“Muhle “
“Ohhh nice name ..Ndonzi Mai Vongai “
Akaramba akanditarisa mumaziso chaimo ndokuti “Nice name “
“Kkkk yah ..Nekuda kwake ndakavongaishe nekundipa mwana wandisisafi ndakaita zvekare .And ..”nguva iyi phone yakapinda massage it was my husband..Ndakatarisa Muhle ndokumuoneka ndoenda ..Ndakamusiya akamira and she was waving at me kusvika ndabuda gate .I don’t know what I felt but I don’t know ..Ndakasvika pamba ndokuwana paine rori hombe chairo panze and zvinhu zvangu zvaiiswa imomo ..Ndakaburuka mumota ndokuramba ndakatarisa ..Nguva iyi Ndakatarisana nemurume wangu ndikaona ondipa 200 us ..
“I think we need to seperate im married now kumunhu ane chibereko and I don’t even see the point of us living together .Thats the reason I never wedded you because I knew where this was going to end .Memory there is nothing for you here except your clothes .Zvese zvinhu zvaVongai mwana wako ndaisa murori zvese there is nothing left ..”ndakadonhedza misodzi ndakangobata 200 us.The fact that he gave me money I knew aiva avhara bank account rangu ….Ndakaramba ndakangotarisa mari iyi .Ndaida kuiramba asi situation yakandituma kuitambira.Ndakatura befu ndokuona mota ichisvika pataiva..Ndakafara kuona it was Uncle Adam he was Liberty’s friend too .He was with someone but same age .
“Gulez madii hanziii “akadaro Adam akatarisa .Ndakangowisira misodzi pasi Adam ndokutarisa Baba Vongai ..
“Ndlovu hanzii ?And “haana kupedza Beaula came out and Adam akabva aziva .Ndakaona oshama muromo wake ndokunditarisa ndichichema akatarisa shamwari yavaiva navo and he was in shot of words ..
“Ndlovu what’s happening…”
“Ndozviripo ngomwa handichadi shaaa .I need kids ..”
“You can’t do this please ..You never called me or Manasse why ?We could’ve fixed the situation..”
“There is nothing to fix there .Ngomwa iyi inondiitirei?She can not give me a child ..I can’t cope with her !Mwana waakandipa akadya iye nehama dzake !Mukadzi wengozi uyu !!!Ngaabve pano handisi kuda drama “
Adam aiva abata Liberty aiva aita seagarwa chaiko ..
“Adam ibva pano nembwa iyo handidi kumuona “
“Okay iwe calm down ..Gulez pindai mumota ..”akadaro Adam ovhura door remota yangu ..Ndakapinda ndokugara.Adam akapinda na Liberty mukati im sure he was talking some senses to him ..Ndakasara ndakabata kumeso nestress musoro waiita kurwadza uyu ..Ndakaona murume uya opinda mukati ndokugara paside makare mumota..
“I don’t know what to do ..I’m sure he’s your friend too .Go and
Talk to him .Let me stay hangu he can do everything with the second wife I don’t mind .But kurambwa ndakura kudai here .Chibereko chacho chakakanganisika he knows what happened ..Endai munotaura naye andibatsire wo ..I can’t go back kuna Gogo ..”
“Ko ndikapiswa ne oiri imomo ndopiswa handsome face yangu ..Inini ndakazviudza kuti better kufira mumugodhi wemari pane kufira rudo rwe feki “
Ndakabva ndanyarara ndakavatarisa baba ava nhaimi munhu akasvika kudai riri gwara kudai..
“Siyana naye haakude unoda kumunanzva here Siyana naye ..Handei handiti hembe dzirimo here unonowana pekugara pakanaka..Adam achiri kuitei handichadi necontract yangu kufeeder mahure nemari dzangu ..”
📞hello Dad yes I cancelled the deal nooo not the 500k one it’s that 800k one yes ..Haaaa this guy is not stable he took a second wife and thrown away his wife ..Yes Ehe uya wekunaka naka ane ka mhopo paside neziso sooo .(achinditarisa )emmm yes karipo kamhopo ndiye kungoti maziso ake akazvimba nekuchema kurambwa asi ndiye ..
Yuhwiii shura
☎️zvese izvozvo unozviona pavakadzi vevanhu uchitadza kutsvaga wako benzi remunhu ..Just make sure she’s okay we don’t want drama in our party okay ?Our opposition party will take these small small stories to tarnish our party .That is not nice ..Call Manasse and give him the deal …
📞okay dad …
Akabva akata zvake ndokutanga kubaya baya phone ..
“Wanzwa Dady vangu ka hanzi musiye ..”akadaro zvake achibaya phone .Ndaingobwaira bwaira ah baba ava vanedzungu ..
*MUHLE*
Chipo akabuda oenda ndakaramba nebasa rangu yuhwiii.Iro basa randakazvipinza ndega anondibuditsa saani .Ndakatanga zvangu kushanda zvangu ndichitsvaira ..
“Kandi Iwewe tell me ..”vaakdaro sir
“Hembe rudziiko dzaunopfeka..Iwewe chasara kuuya wakapfeka rompa chairo re 1 to 2 years ..Hembe dzako ini handidzinzwisise ..chii ?”vakadaro ndokuzvitarisa .Ndaiva neka skirt neka goove out ..
“NdiSekuru vakatenga “
“Hai you and your sekuru you need to be investigated thoroughly chaiko ..”
Ndakaminyurudza miromo ndotanga kutsvaira
“Asi unoenda kunguwo tsvuku ?”
“No boss why ?”
“Itambo dzei dzirikubuda kumusana idzo?Ndedzemunamato here chii ?”
“Ah sir Handina “ndakadaro .Vakasumuka ndokuuya pandaiva vachidhonza
“Iwe itambo idzi ndodzandiri Kureva idzi idzi …”
“Maihweeee kani mandicheka tudhori twangu kaniii maihweee “ndakaerekana ndajamba ndakabata.Vakashamisika ndokuti “Huh ?”
“Madhonza induwe yangu boss iyi mandichekesa!”ndakadaro ndatsvukisa maziso ..Vakavhura ziso ndokundandama..
“Ohhh sorry hiii emmm sorry I ..I ddnt know sorry are you bleeding ?Sorry eish ..Tone wakuvara zvakaita sei sorry eish I ..Emmm ..ndaaa nda sorry “ndakabva ndamhanya mubath ndokuvhara door …Ndakabvisa ndikanzwa ndakuzvuka chaiko …
“Muhle wakuvara here ?”vaidaro vachinoka.Ndakabva ndabata musoro chaiwo..
“Maihweeeee kani hiiii hiii ..Twudhori twandairumisa nenyungururwi nekuisa nhundurwa hereeeeee ..Hiiii hiiii “
“Muhle urikuita noise vanhu vanonzwa mhani iwe ndati sorry “
“Ndakuzvurwa!!Hiiii hiiii hiiii Ndakuzvurwa hereeeeee !!!hiii hiii “
“Ohhhh fk !this small girl ..Iwe Muhle !!!!”he screamed ndakabva ndanyarara..Ndakagumbuka ndakabva ndabuda ndonhonga bag rangu ..
“I kwiti !!!!Sarai nechibasa chenyu !”ndakadaro ndichivhara dooor ndomhanya kuenda ..
Stay tuned
Thanks NEMALIKES 🔥🔥🔥
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
4.9K