Miss Novels T.N Bvaru
June 9, 2025 at 07:04 AM
*TEARS OF BEVERLY THE ABANDONED* ๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜ https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy *NEW BOOK*๐Ÿ“•๐Ÿ“• *BOOK NUMBER 13*๐Ÿ“š๐Ÿ“š *Uchida maprevious books angu follow my WhatsApp channel below ndiko kuchange kuchisvikira futi book rino so follow channel usazodarikwa nemamwe machapters* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj *Miss๐Ÿ’ž T.N Bvaru* *Lioness* *Contact* 0๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ9๏ธโƒฃ5๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ4๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ6๏ธโƒฃ6๏ธโƒฃ *A very sensitive story*๐Ÿ›‘๐Ÿ›‘ *Read react drop a comment and share* *Chapter 13*๐ŸŽ„ *In Cranborne* Baba Raymond vakanoticer kuti mukadzi wavo ainge asisina mufaro kubva zvakauya hanzvadzi yavo, vaiziva hanzvadzi yavo iyi isina kubvira yakafarira Mai vaRay kubva musi wavauya mumusha navo maMafara, izvo zvaipa kuti hanzvadzi yavo isagare ichivashanyira, chainetsa baba VaRay ndechekuti sei hanzvadzi yavo yaisafarira mudzimai wavo, uye Ray kubva ari mucheche havana kubvira vamufarira sekufarira kwavaiita Diana. Ainge ava manheru vapedza kudya kwemanheru tete vaya vakaoneka ndokuenda zvavo vonofara, baba Raymond nemudzimai wavo Raymond vakabva vaendawo kunorara vasvika baba vaRay vakambogara pachair yaiva mubedroom umu ndokubva vati Baba Raymond : Nhai Mai Ray chimbori chii chinoita kuti tete vasafarira Ray, zvaindishungurudza kubva Ray ari mudiki nhasi ndati ndibvunze wo pamwe ungazivawo Mai Raymond vakambonyarara vachiita semunhu arohwa nehana, vakabva vazoti Mai Raymond : Handizive ini baba Ray, Neniwo ndinozviona kuti Ray havamufarire chikonzero chacho ndicho chandisingazive Baba Raymond : Iye Ray akazozviziva kuti tete vake havamufarire hazviratidze chimiro chakanaka, ini ndaifunga kuti kuuya kwavaita vafambira iyo nyaya yekuroora kwaRay nekudzoka kwake sekuvaudza kwandakavaita asi vari kuratidza kuti havana kana hanya nazvo Mai Raymond : achapedzisira azviziva Ray moti anosvikepi asingazvione, kunyanya iye zvino paari kuuya kuZimbabwe kuzogara zvachose Baba Raymond : Ndichaedza kutaura nemwana wamai vangu a ndiudze chaicho chinoita kuti asafarira Ray Mai Raymond havana kudaira vakaramba vakanyarara, baba Raymond vakabva vachinja nyaya ndokutanga kutaura dzimwe, pava paya vakabva varara zvavo. *Mai Sinyoro* "Asi Dug kushaya maziso here kana kuti kudyiswa, haaone kuti mwana waanoti Ray haana kana kufanana naye, haana kana umwe chete wemudzinza waakafanana naye, ini handifunge kuti Ray uyu mwana waDug izvo Kwete, agofa nani kugona chikoro kudaro, kwedu kudzinza hakuna akambogona chikoro sezvinoita Ray wake uyu. Pane nyaya chete pamwana uyu, zvinogona kudaro mukadzi waDug akauya nemimba yake kana kuti akahura mwana uyu ari mumba maDug nekuti kuti ndimuti mwana waDug Kwete havana kana pavakafanana nepadiki pese, zvino mukadzi waDug kana achifunga kuti anovhara ini Kwete ini ndakavhurika uye ndine maziso anoona ndichazvibata zvangu kuti mwana uyu mwana waani chaizvo, chokwadi chichabuda pachena zvacho" vakambomira kutaura vachikosora ndokusimudzira nekutaura vari vega muroom mavo muya " Hanzvadzi yangu ndichaivhura maziso kana isingaone inofanirwa kuona maonero andiri kuita mwana uyu mukadzi waDug ha9 andizive zvakanaka Naka" Hope dzakatozovabata pava paya vachitaura vari vega zvekuti dai kune aiterera ari mumadziro aifunga kuti vane munhu wavari kutaura naye.Ava makuseni vakamuka ndokunomutsa Diana kuti avaisire mvura yekugeza pamoto, Diana akamuka ndokunoisa mvura aiziva kuti akanonoka anogona kutukwa. Yadziya akabva avaisira ndokunogeza vakudzoka kubath vakabva vasangana namai Raymond vachitobvawo kumuka vakabva vati Mai Raymond : Mangwanani tete, ko kumukira kugeza kuseni kwakadai mafungei Mai Sinyoro : Tamuka mamukawo, ndakudzokera kumusha ini Mai Raymond : Ko muri kumhanyirei muzukuru wenyu asara ne 4 days kuti adzoke madii kumumirira asvika mozoenda zvenyu Mai Sinyoro : Handina kuuya ndakaronga izvozvo ini Baba Raymond : Ndakakufonerai ndichikuudzai wani tete kuti Ray avakudzoka Baba Raymond vakanzwika kutaura vachipinda mudining vachibva kubedroom kwavo, Mai Sinyoro vakabva vati Mai Sinyoro :Ini ndakafambira kuzokuonai mese naDiana ndakuonai ndava kudzokera zvimwe zvamava kundiudza handinei nazvo Vakataura vachito famba kuenda kuroom yavairara iya, Mai Raymond nababa Raymond vakasara vakati tuzu nazvo, kunyanya baba Raymond zvainge zvakuvanetsa mupfungwa kuti sei hanzvadzi yavo yaiva ichiita maitiro aya, asi kuti vabvunze zvakaperera parurimi vakabva vanyarara ndokunogara pasofa mudining muya vakumirira kubuda kwamai Sinyoro. *In Rusape* Jimmy akafonera Delight achimuudza nezvefone Iya yaainge aona mumota make, Deee akabva amuti aichengeta vozoenda nayo kupolice yekwaMutare Kwainge kwaitikira accident iyi. Jimmy akabva aichengeta fone iya sezvaaiva audzwa naDeee. Mr Chimedza vaiva vari kumba kwavo, his wife Mrs Chimedza noticed the sadness in him, vakabva vati Mrs Chimedza : Nhai baba Dee chii chiri kukudyai moyo, mazuva ano ese hamuna mufaro Mr Chimedza : Hapana chiri kundinetsa ini zvese zviri right Mrs Chimedza : Tava nemakore tichigara tese, pamakasuwa kana pamakafara pese ndinozviona Mr Chimedza vakaziva kuti vakataura nezvering iyi zvaigona kuzokenzeresa mutauro mudzimai wavo achida kuziva kuti sei vaiva vari kuichengeta. Mrs Chimedza vakafunga kuti kuti pamwe murume wavo ari kushungurudzika nekuda kwechiporofita chiya chavakavaudza nezve mwana akazvarwa achinzi ane mudzimu webonga, pfungwa dzamai Chimedza dzaiva dzakufunga kuti ndiva Chimedza chete vane mwana uyu aitaurwa nekuti ivo vaiva vazvara mwana one, vaifunga kuti pamwe murume wavo akanobara umwe mwana kunze waaivanza kwavari, vakatanga kunzwa kusagadzikana mupfungwa dzavo. *Grace* Mazamu ainge asisina kunyanya kuzvimba nekuda kwematablets aaishandisa aya, hembe dzaiva dzakupfekeka akabva afunga zvekushanyira vabereki vaRay sezvo ainge ava nenguva asati asvika ikoko uye Ray ainge ambomubvunza nezvazvo , akamuka ari makuseni ndokubva ageza ndokuchinja into something nice,akanyatsotora nguva yake apedza akabva abuda ndokuoneka amai vake achibva abuda kuenda kumakombi onanga Kumba kwana Raymond kuCranborne, akasvika ari mangwanani semunhu ainge akaisira kumuka, akasvika achinoker, Mai VaRaymond ndivo vakanovhura door, vakaita kujamba nemufaro vachimuona ndokubva vamumbundira, vakabva vapinda vese mumba, Mai Sinyoro vainge vagere zvavo vachinwa tea vachigadzirira kuti vabude kudzokera kumusha, pavakaona Grace achipinda mumba vakabva vangoziva kuti ndiye musikana waRay nekuda kwemufaro wavakaona Mai Raymond vanawo, Vakabva vagara vese pasi ndokukwazisana vapedza kubvunzana upenyu baba Ray vakabva vati Baba Raymond : Vatete Manga mava kuda kudzokera musati maona musikana ari kuda kuroorwa naRay, abva aita searota kuti muri pano abva angosvikawo ( Vakataura vachisekerera) Mai Sinyoro vakakanda ziso kuna Grace, ndokumboita kanguva vasina kutaura vachibva vazoti Mai Sinyoro : Hoo ndiwe unoda kuroorwa naRay Grace : ( achinyaririra) Hongu tete Mai Sinyoro : Une vana vangani Mubvunzo uyu wakauya sechibhakera kuna Grace,. akashaya kuti amai ava vaonei Kusvika pakubvunza zvakadai asati adavira Mai Raymond ndivo vakabva vati Mai Raymond : Zvatete asikana haana mwana uyu musikana Mai Sinyoro : Musikana? Chimiro chake chiri kundirambira kuti nditi musikana Mai Raymond vakabva vatarisa murume wavo zviya zvekuti uri kunzwa hanzvadzi yako inongotaura zvainoda nguva dzose vachibva vazoti. Mai Raymond : Musikana tete anobva kumhuri ine vanhu vanoziva tsika Mai Sinyoro : Hakuna musikana akadai, regai ndisimuke zvangu mwana wemuera mbizi Vakapindura vachigomera vachisimuka pasofa pavaiva vakagara vakabva vamira ndokuti Mai Sinyoro : Rega ndimbonozororera tea yandanwa zve rwendo ndozozviona mangwana Vakabva vatanga kufamba vachienda kuguest room Kuya kunorara zvavo vachiseredzera tea. Grace akasara hana ichirova semunhu aiziva nyaya yake akatadza kuziva kuti Mai ava vaziva sei kuti haasi musikana, she sensed trouble from this woman worse paakanzwa kuti nditete vaRay akabva aziva kuti hapana kumumirira zvakanaka. Akazongoti garei garei ndokuoneka odzokera kumba kwavo . *Rose* Rose 's auntie : Chii chiri kunetsa nhai Rose kuzenge usina mufaro kubva zvawabva kuinterview, kana wafoira hazvisizvo zvingaita kuti utsamwe, tomorrow unowana pamwe Rose : Haisi nyaya yekufoira tete ndapasa, basa ndariwana asi kwandiri kuda kuendeswa necompany yacho ndiko kusiri kundifadza Rose's auntie : Ndekupi uku Rose :They were saying something like Rusape Rose's auntie : But hakusi kure Rose, watoriwana zvako mwana we hanzvadzi yangu, i'mi very happy for you , at least ukashandawo wakukwanisa kuzvitengera zvimwe zvandaitadza kukuitira ini tete vako nekuda kwekushaya Rose : Ndandisiri kuda kugara kure nemi tete Rose's auntie : ( vachiseka) Kuti uchagara neni zvachose here nhai Rose, one day you will get married ndichangosara ndega pano pamba Rose : Zvatete futi ndokwadzava here Rose's auntie : Kufara newe mwanangu, saka kubasa kwanzi uchatanga riinhi Rose : This coming Monday, company yacho inoprovider zvayo accommodation Rose's auntie : Kana zvakanaka kudaro better, hautambure pekugara Vakabva vatotanga kurongedzera Rose zvaaizono shandisa kumberi sezvo yaiva Friday, only few days were left kuti Monday isvike. *In Miriro's house* Clara akabva adzoka kumashure ndokumira achibva ati Clara : Ummmm something is wrong somewhere Dorothy how come mabirth marks aya abva afanana zvakadai Dorothy : Exactly my point kufanana kwacho kwanyanya Clara : But nhai Dorothy munhu uyu ari mufone mako ane same birth mark neiri pamwana uyu ndiani wako Dorothy : I'm sorry but I can't tell you kuti ndiani Clara :Since when tichitanga kuita zvekuvigirana Zvinhu pano pamba or is there something you are not telling me Dorothy : Clara I said handikwanise kukuudza kuti ndiani chete simple zvakawanda zvava zvei Clara: Dorothy I think I must tell madam this, coz I don't know kuti uri kufungei mupfungwa dzako Dorothy : What? Ukuda kuudza madam kutii? Clara : We took an oath musi watakapinda basa pano kuti no secrets but it seems iwewe wakuda kuita zvemasecrets Dorothy :This is not a secret but it's something personal chandisingakwanise kuudza anyone Clara : This mark looks like a cat, and inini was attacked by a cat yandisina kuona kwayakabva nako, iwewe mufone mako mune munhu ane birth mark yakadaro, I'm no longer safe in this house, I must tell madam all this Clara akataura achibuda kuenda kumain house kuti anofonera Miriro haana kumirira mhinduro yaDorothy. Dorothy akasara achifunga ari ega "Apa ndapisira, Dai ndisina kuudza Clara about this birth mark, I am going to be in serious trouble madam vakazvinzwa izvi and I know Clara atovafonera kuvaudza.. ndoita sei manje, I think I will have to leave this house madam vasati vadzoka, but I am not going to leave this baby in this house" Stay tuned.. Masibanda loves you.
โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 216

Comments