Miss Novels T.N Bvaru
June 10, 2025 at 02:04 PM
*TEARS OF BEVERLY THE ABANDONED*
๐๐๐๐๐๐๐๐ ๐ ๐ ๐ ๐ ๐ ๐ ๐
https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy
*NEW BOOK*๐๐
*BOOK NUMBER 13*๐๐
*Uchida maprevious books angu follow my WhatsApp channel below ndiko kuchange kuchisvikira futi book rino so follow channel usazodarikwa nemamwe machapters*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj
By
*Miss๐ T.N Bvaru*
*Lioness*
*Contact*
0๏ธโฃ7๏ธโฃ7๏ธโฃ9๏ธโฃ5๏ธโฃ7๏ธโฃ4๏ธโฃ7๏ธโฃ6๏ธโฃ6๏ธโฃ
*A very sensitive story*๐๐
*Read react drop a comment and share*
*Chapter 16*๐
Don : Dorothy kunhu kwauri kutaura kure zvakanyanya handifunge kuti ndokwanisa kusvika newe ikoko
Dorothy : Don ndikabatwa ndiri muno munzvimbo pangu papera ndinouraiwa.
Don : Chiii chiri kumboitika, unouarawa nani uye kuurairwei
Dorothy : For now it's not important chakakosha kubva munzvimbo ino
Don : Ndinokwanisa kukusvitsa muharare, then from there woenderera mberi nerwendo rwako.
Dorothy : It's okay but drive fast tinofanirwa kusvika muharare kusati kwayedza
Izvi Dorothy aizviitira kuti asazobatwa muharare kana pakawana munhu anosuspector kuti mwana uyu haasi wake, aida kuti akasvika kuharare kusati kwachena obva aenda kuwestgate kunokwira matrucks anoenda kuboader, Don haana kuzoramba achibvunza zvakawanda akabva adriver achienda kuharare, akasvika dzava kuma past 3 am akanosiya Dorothy kuwestgate kwaaida kukwirira haana kuzomubvunza zvakawanda akabva adzoka achisiya Dorothy amirira transport. Don naDorothy vaizivirana pane imwe restaurant yavakamboshanda vese, vakazoparadzana pakapera basa raDorothy parestaurant iyi yaiva maRusape. Dorothy haana kumboita time asati awana transport yekuenda kuchirundu akabva atobuda muharare kunze kusati kwayedza.
Dorothy ari muroad kuenda kumusha kwavo pfungwa dzakatanga kupishana kuti achanosvika kumba kwavo achiti mwana uyu ndewani uye amuwanepi, aiziva hanzvadzi yake yaaiva asara nayo isiri munhu akajairika uye aizongozvitambira nyore kuti auya nemwana pamba especially asiri wake, akafamba road yese achifunga kuti anonosvika achiti kudiii, akabva afunga kuti aizononyepa kuti mwana uyu ndewake ainge amitiswa ari kubasa kwaaishanda. Akaona pfungwa iyi iri pfungwa yakanaka, mari iya yaainge abira Miriro ndiyo yaaizoshandisa kutenga mukaka we kupa mwana uyu.Dorothy aifunga Zvinhu zvakawandisa mumusoro make aifunga kuti ko kana mwana uyu asina hukama nemunhu waaiziva ane birth mark yakafanana neyaiva pamwana aizoita sei naye mangwana, zvekuenda kujeri aiva asingade aiziva kuti akabatwa nemwana uyu iye ndiye achaenda kujeri zvekuti mwana uyu ainge abiwa naMiriro aiziva kuti Miriro is smart aizozviramba pachena. Parestaurant paakazobva achidzingwa basa ndipo paaiva akaona munhu aiva nebirth mark yaiva nemwana uyu, munhu uyu aiva iye muridzi werestaurant iyoyo, Dorothy paakaona mabirth mark akafanana akamhanya kufunga kuti mwana uyu ndewe muriridzi werestaurant iyo chete, so nekuda kwezvaakaita parestaurant apa zvakamudzingisa basa akanzwirwa tsitsi kuti asaende kujeri akaona yava nguva yake kuti abatsire mwana uyu kubva muhunhapwa hwaMiriro hwekuzomutengesa asi kuti anange naye ikoko zvakamunetsa semunhu aiva asati nechokwadi kuti mwana uyu ndewe munhu uyu here kana Kwete, aida kutanga ava nechokwadi uye aziva masvikiro sezvo aiva akanzi haaade kuoneka zvachose
"Leave this place forever, you are not allowed kuonekwa around this area again if I see you around I will get you arrested and rote in jail"
Aya ndoaiva mashoko ekupedzisira aaakaudzwa nemunhu werestaurant achizobvako achizonowana basa kwaMiriro few weeks later. Zvese izvi zvaiva mupfungwa dzake zvekuti kureba kwerwendo haana kukuona akatozopepuka vatodarika pamakuti mwana uya amuka akuda kuchema nzara yainge yamubata, akatora kabottle kemukaka kaiva musatchel make , achibva atanga kumupa, driver wetruck rakatakura Dorothy akabva aona tag riya raiva nezita remwana raiva risina kubviswa akabva ariverenga achidaidzira zvinonzwikwa akabva ati
"Beverly"
Dorothy akabva avhunduka nekuti ainga asina kuona kuti tag riya rine zita raiva richirimo muruoko rwake akangonyepera kusmiler asi mumoyo make ainge avhunduka Driver uya akabva ati
Driver : Mwana ane zita rakanaka, musikana here?
Dorothy : Ehe musikana
Driver haana kuzotaura zvakawanda vakabva vanyarara kusvika vasvika pakaburukira Dorothy, aburuka akabva atora nzira inoenda kumadokero kaienda kumba kwavo, ari munzira akatanga kunzwa mudumbu make muchiita kakurwadza akaignore ndokuendera mberi nerwendo rwekuenda kumba kwavo aiva ava pedyo kusvika.
*In Miriro's house*
Clara akamuka anzwa noise yemaguard anochengeta pamba apa achiita barara mhanya kutsvaga kwaiva kwaenda Dorothy, akamuka ndokuona door rekumain entrance rakashama akabuda achimhanya achangobuda akabva asangana neumwe guard ndokuti
Clara : Chii chiri kuitika pano noise ndeyei?
Guard : Dorothy nemwana vabuda
Clara : Heeeee? Kubuda? Chirudziii, imi Manga muripi paabuda.
Guard : Pane kwatanga taenda
Clara : Kubuda muchisiya gate riri open, basa ramakavinga pano nderei? Ndazviona masikati kuti Dorothy is up to something.
Guard: Ndatomboedza kutracer kuti afamba sei asi handina chandaona
Clara : Musi unodzoka madam pano you have a lot of explanation to do, mukasiiwa muri vapenyu tendai mwari wenyu nevadzimu
Guard :Ini ndakutobva pano madam vasati vadzoka ndoenda kuzivikanwi
Akataura achitofamba kuenda kuroom kwake kunotora twake kuti arove pasi Clara akabva ati
Clara : Makanganwa mhiko yamakaita musi wamapinda basa pano?
Guard : Ndinoiziva asi hazvindimise kuenda I'm not ready to die
Clara : Shaaa ndava nemakore ndichishanda pano, the oath you took iya it's not an ordinary oath, kana mukabva pano muchitiza zvisina permission yamadam, mucharwara and in a very short period of time muchafa
Guard akarohwa nehana achinzwa mashoko aya akavhunduka aisaziva kuti ndomhiko yavakaitiswa naMiriro musi wavapinda basa Clara akabva aenderera mberi achiti
Clara : You think ungangware kudarika Miriro, she knows kuti you people munozotiza, anokutoresai mhiko iyi musingazive zvakakwana nezvayo, Miriro is smarter than all of you
Guard uya akaona zvisina need kuti atize hapana kusiri kufa, kwese kwaiva kufa akabva agara pasi zvekuratidza kupererwa, Clara akabva adzokera mumba achinoedza kufonera Miriro zvekare asi fone yake yairamba akashaya kuziva kuti sei yairamba nezvese zvaiva zvaitika pamba aifanirwa kuziva zviri kuitika, akafunga kuti pamwe ainge asvika kuzvimbo isingabate network, ainge anonokerwa nekuudza madam zvaiva zvaitika kumba especially kutiza kwaDorothy nemwana.
*Raymond*
Day raRaymond rekuti adzoke kuZimbabwe rainge rasvika, aiva aine mufaro wakawedzerwa kuti ainge akudzokera kumba kune vabereki vake, aiva avasuwa kunyanya baba vake avo vaaida zvakanyanya, akamuka achitonanga kuairport sezvo aiva akarongedza bag rake nechekare, nerimwe raiva netuma nice twaiva akatengera musikana wake Grace,aitononokerwa nekunoona mudiwa wake nekutomuroora,akasvika kuairport achibva akwira ndege yekudzoka kuZimabwe.
*Mr Chimedza*
Mazuva ese aya Mr Chimedza vaiva vari busy nezvaivavhiringa kubva musi wanhongwa mwana uya pabuiding yeshop yavo isina kupera zvekuti vainge vakutokanganwa zvimwe zvebusiness ravo, vakatozovhunduka vakufonerwa neimwe shamwari yavo yaiva business man saivo ichivaudza kuti yainge yakudzoka kuDubai kwayaiva yakaenda for a business trip, Mr Chimedza vaifanirwa kunosangana neshamwari yavo iyi kuairport musi wayaidzoka, vakazovhunduka vakunzwa achiti aiva akutonokwira kudzoka aizosvika kuZimbabwe the following day, vakadzoka kubva kubasa ndokuudza mukadzi wavo kuti vaizoenda kuharare zuva ramangwana kunotambira shamwari yavo iyi. Mukadzi wavo haana zvaakataura zvaakataura zvakawanda sezvo aiziva murume wake ari webusiness. Mr Chimedza vainge vakugara nering iya muwallet mavo vachiri kutsvaga nezvayo kusvika vawana maanswers kuti yaiva yakasiiwa nani pakarasirwa mwana uyu.
*Dorothy*
Dorothy akaramba achinzwa a sharp pain mudumbu make asi haana kumira akaramba achifamba achienda kumba kwavo kwaiva nekamufambo kubva kumain road, ava kuda kusvika akabva asangana nevana vehanzvadzi yake vaitotamba zvavo kumakura, vachingoona Dorothy vakabva vati speed kumhanyira Dorothy
"Tete... tete... tete..... "
Vachiita makwikwi ekumhanyira tete vavo, vakasvika ndokuvabundira vachiti umwe neuko, umwe neuko Dorothy akabva ati
Dorothy : Chiregedzai kundirwirana ndinodonhedza mwana
"Ndewenyu here mwana uyu tete?"
Kaka bvunza kaiva kakuru kacho kainzi Malvin
Dorothy : Ehe ndewangu
Malvin : Ndipei ndimutakure anonzani?
Dorothy : Aiwa achiri mudiki haukwanise kumutakura anonzi Beverly
Vaitaura vachipinda muruvanze, Mai Malvin vakabva vasimuka vachinotambira tete vaya, vachinopinda muyard mwana uya akabva atanga kuchema zvakabva zvamutsa hanzvadzi yaDorothy baba Malvin vaiva vakarara mumba ndokubva vabudawo panze nekunzwa noise yemwana akachema uye vana vaifarira tete vaya, Mai Malvin vakabva vatambira mwana uya ndokupinda mumba vamwe vachitevera mukitchen muya, vakasvika ndokugara pasi baba Malvin ndokugara pabhenji, vakabvunzana upenyu vapedza baba Malvin vakabva vati
Baba Malvin : Dorothy mwana ndewani wawauya naye uyu?
Dorothy : Ndewangu mukoma
Baba Malvin : Ndewako, wakaroorwa here?
Dorothy : Aiwa handina ndakangomitiswa kubasa kwandaishanda
Baba Malvin : Baba vemwana uyu varipi?
Dorothy : Handizive kwavakaenda takangosanganawo mutown kwandaishanda
Baba Malvin : Saka wauri kuti achakuchengeta iwe nemwana wako pano ndiani, kutonohura zvako mwana uko isu tati enda kubasa wotivigira magora pano, buda muno nemwana wako handisi kuda marara mberi kwangu
Dorothy : Mukandidzinga moti ndinoendepi nemwana mudiki akadai.
Akataura achiyeredza misodzi nekuti aiziva kuti hanzvadzi yake yaiva nemoyo wakaoma kana yatoreva yareva baba Malvin vakabva vati
Baba Malvin: Enda unogara naye kuchikitchen chamai vako icho, muno mumba mangu kwete, zvekuti uchadyei uri ikoko hazvinei neni uri kundinzwa Dorothy, uchaona yekutamba ikoko.
Dorothy akabva asimuka ndokutora mwana uya mumaoko amai Malvin misodzi ichiyerera achibva abuda, akatarisa kuimba yaamai vake yaainzi anogara yainge yasakara zvayo seimba yanga yava nenguva isingashande kubva zvaiva zvafa amai vavo 6 years back, denga racho raiva rakuda kuwira, uswa hwaiva hwasara hushoma zvekuti uri mukati waiverenga nyeredzi. Akanovhura door racho raiva rapera zvaro nemujuru, akapinda ndokurarisa mwana uya pabhenji achiti atange kucleaner ipapo akabva anzwa kunge abaiwa mudumbu zvekare achibva ambogara pabhenji paside nemwana uya.
Stay tuned
Masibanda loves you.
*Dear readers book redu (Tears of Beverly the abandoned) will be Onsale from chapter 18 vari kuda kugara vaita payment itai rakapera kare iri kungoita Payment yako wotowana rese kusvika kufinal mutengo waro Zim Side $2 ecocash or 100zig or $2.10 innbucks pa.0๏ธโฃ7๏ธโฃ7๏ธโฃ9๏ธโฃ5๏ธโฃ7๏ธโฃ4๏ธโฃ7๏ธโฃ6๏ธโฃ6๏ธโฃ Iyi ndiyo yega number yamunoisa Mari hakuna imwe zita rinobuda Tracy Ndava*
*Proof of payment munoisa pa 0๏ธโฃ 7๏ธโฃ 7๏ธโฃ 9๏ธโฃ 5๏ธโฃ 7๏ธโฃ 4๏ธโฃ 7๏ธโฃ 6๏ธโฃ 6๏ธโฃ Kana panumber dzaadmin Mrs Machuwaire dzinoti* 0๏ธโฃ7๏ธโฃ8๏ธโฃ3๏ธโฃ2๏ธโฃ4๏ธโฃ6๏ธโฃ1๏ธโฃ7๏ธโฃ8๏ธโฃ *Motowana book rese hazviite kuti ndikupei free book rakambotengwa nevamwe*
*Vari kuSA 30r voucher types ott, I voucher, blue voucher ndiwo mavoucher types andinoda*
*Vemacards vaya vanoti tashaya ecocash ingori $2 ebuddie musandipa amajusa*
*Thanks for supporting me, macoments enyu ndiwo anondipa simba*
โค๏ธ
๐
๐ข
๐
๐
๐ฎ
104