Miss Novels T.N Bvaru
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                June 11, 2025 at 07:59 AM
                               
                            
                        
                            *TEARS OF BEVERLY THE ABANDONED*
๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐
https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy
*NEW BOOK*๐๐
*BOOK NUMBER 13*๐๐
*Uchida maprevious books angu follow my WhatsApp channel below ndiko kuchange kuchisvikira futi book rino so follow channel usazodarikwa nemamwe machapters*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj
By
*Miss๐ T.N Bvaru*
       *Lioness*
*Contact*
0๏ธโฃ7๏ธโฃ7๏ธโฃ9๏ธโฃ5๏ธโฃ7๏ธโฃ4๏ธโฃ7๏ธโฃ6๏ธโฃ6๏ธโฃ
*A very sensitive story*๐๐
*Read react drop a comment and share*
*LAST FREE CHAPTER*
*Chapter 17*๐
*In Rusape*
Jimmy akasvika parank paya paaiva aenda kunotora Rose haana kumuona ipapo ipapo akabuditsa fone achida kufona, akabva aona musikana aiva akamira akabata monarch mumaoko aichiratidza kuti ane munhu waakamirira, akabva abuda mumota ndokuenda paaiva akamira paya akabva ati
Jimmy : Rosewiiter
Rose akabva acheuka achitarisa munhu aiva adaidza zita rake, akabva aona ari munhu waaitaura naye kuwhatsapp akamuziva thru his profile picture akabva ati
Rose : How are you Sir
Jimmy :  I will appreciate it if you call me by my name, my name is Jimmy.. this Sir thing tiozviita tiri kubasa
Rose : I can't call you by your name Sir 
Jimmy : There you go again... never mind let's go 
Vakabva vafamba vachinopinda mumota maJimmy, mukomana uya ainge atumwa naJimmy haana kuzobatika fone yake yaingoramba. Jimmy akabva ananga kumba kwake haana kuda kunosiya Rose kucompany house , nekuda kwetime uye kuneta kwaaiva akaita akazongoti anomuendesa mangwana, vasvika kumba Jimmy akabuda mumota Rose akabva abudawo achitevera, chakanetsa Rose pamba paakasvika paiasaratidza kuti I company house manakiro apanga pakaita uye karunyararo kaivepo, asi haana kuda kubvunza zvakawanda akangotora monarch yake ndokutevera kumashure kwaJimmy achipinda mumba, mumba umu maiva makanaka zvinotyisa zvekuti akashaya kuti ogara papi nekuda kwekunaka akazovhunduka akunzwa Jimmy akuti 
Jimmy : Make yourself comfortable 
Achimuratidza pekugara, Rose akabva agara pasofa Jimmy achitora monarch yake achiiendesa kune imwe room, adzoka akabva ati 
Jimmy :I know kuti you are hungry let's go out and find something to eat, ini zvekubika handizvigone and ndine husimbe 
Rose : I don't like eating out, munogona kundiratidza kune kitchen ndobika hangu 
Jimmy : Really? Unokwanisa kubika 
Rose : Yes ndokwanisa 
Jimmy : Waal, I wasn't expecting it kuti  a beautiful girl like you  ungagone kubika 
Rose : I can cook Sir 
Rose akapindura, akamboda kubvunza kuti ndichange ndichigara pano here coz pairatidza kuti hapana umwe munhu aigara apa kunze kwaJimmy, akatanga kunzwa kakusagadzikana achiona situation yepamba apa, ainge ava nemadoubts kuti basa raainge avinga ndiro chairo raachaita. Jimmy akabva amuratidza kitchen ndokupinda achibva atanga kubika, Jimmy aiva akagara zvake pasofa aine zvaaiita palaptop pake paakanzwa fone yake kuringer, akaiburitsa achitarisa the caller akaona ari Delight akabva adaira 
Jimmy : Whats up! 
Delight : Are you home? 
Jimmy : Yes I'm home 
Delight : I will be there shortly pane file randiri kuda ikoko 
Jimmy : Okay 
Akabva akata call ndokuenderera mberi nezvaaiita palaptop pake, few minutes later akanzwa gate richivhurwa akaziva kuti Dee ainge asvika, akaramba achiita zvaiita akazosimudza musoro pakapinda Deee mumba achisvikogara pasofa raiva paoposite neraaiva akagara Deee akabva ati 
Delight : Ndiri kumhanya shaa give me  file re........ 
Haana kuzopedzisa kutaura Rose akabva apinda achibuda  mukitchen 
vakabva vasanganidzana maziso naDeee, Deee akaramba akatarisa Rose without saying anything, Jimmy noticed the look on Deee's face achibva anyepera kukosora. 
*Grace*
Grace  akadzoka kubva mutown maaiva aenda kunogadzirwa musoro nekuiswa manails achigadzirira kunotambira Raymond akachena, mwanasikana aiva anyatsozvipa nguva yekuzvigadzira, achisvika kumba munin'ina wake Kimberly akabva ati
Kimberly : huuuuuuh Sisi Grace you are looking gorgeous, waaal kubva maita Mai Doctor chaivo 
Grace achinzwa muninina wake achidaro akabva atenderera achiratidza Kufara ndokuti 
Grace : Look at me, nyatsonditarisa Kimberly ndichisvika zvangu paRobert Mugabe International airport apo, Miss Grace Chokuda. 
Kimberly : Haaa mabuda Sisi, mukati magara makanaka zvenyu, Raymond achikuonai achashaya zvekuita, you are looking more beautiful Sisi 
Grace : I can't wait to meet my man, my Doctor, my very own personal person 
Mai Chokuda : Nhasi ndine mufaro wakawedzerwa nekudzoka kwaita Raymond, ndichazonyatsofara musi wemuchato wako mwanangu 
Grace : Mom I'm the luckiest girl on this planet, Raymond is a very good man I don't want to loose him 
Kimberly : That's true Sisi, Raymond munhu ari boo  you are very lucky to have him 
Akabva asmiler Grace madimples achioneka, fone yake yakabva yaringer , she checked the caller akaona ari Diana akabva ati 
Grace : Auntie vemunhu 
Diana : wagadzirira here Grace Raymond ari kusvika na5 pm
Grace : Ndapedza ndatodzoka kusaloon kwasara kugeza chete 
Diana : Okay unouya nekuno here or tosangana ikoko kuairport 
Grace : I'm going straight kuairport tosanangana ikoko 
Diana : Okay cool. 
Diana akabva akata call, Grace aiita  kunzwa ari  above the world musi uyu. Akabva ananga kubathroom kunogeza paakabva kufonerwa naDiana apinda mubath akatarisa dumbu rake akaona risisaratidze kuti akabva kuzvara akabva asmiler achitarisa ring iya akabva ati 
"I'm sure Ray haambozvione kuti ndakambozvara, and the ring too haamboone kuti haisiriyo"   
Akabva apinda mutub ndokugeza, apedza akanopfeka one arm dress raaiva akatengerwa naRaymond on her birthday, aiva asati aona mumwe munhu anaro kwese kwaaifamba, raiva rakamugara kunge akazvarwa naro, apedza akanyatsorova make up yake mwanasikana zvekuti aimuona aifunga kuti ingirozi ichangobva kudenga, apedza akabva afonera taxi ikauya kuzomutora pamba pavo achibva apinda ndokunanga kuairport. 
*Mr Chimedza*
Vakamuka ari makuseni vachibva vaenda kubasa kwavo havana kugarisa ikoko semunhu aiva nerwendo rwekuenda kuharare kunosangana neshamwari yavo yaibva kuDubai musi uyu, pavakadzoka kumba vakasvika mukadzi wavo atopedza kuvagadzirira semunhu aiziva kuti vachada kubuda, pavakasvika vakabva  vadya nekutoenda kunogeza, vakatarisa pahembe dzavo vakabva vasanganidzana neshirt yavaiva vakatengerwa naShiela many years ago  vaiva vachiri  nayo hameno chaingovapa kuti vasairasa vakanzwa kuda kungopfeka iyoyo vakabva vaitora ndokupfeka, vapedza vakatora macar keys avo ndokubuda mubedroom vachinopinda mudining vakabva vanzi nemukadzi wavo 
Mai Deee : Mashaya hembe yekupfeka here kubva mapfeka hembe yekare kare iyoyo yandakawana muinayo 
Mr Chimedza : Ndangofunga kuipfeka nhasi 
Mai Dee: Mangoida zvenyu asi yava old fashion iyi 
Mr Chimedza : Haina basa, ndakuenda ini will see you ndadzoka 
Mai Deee : Mofamba zvakanaka 
Vakataura vachisimuka kubuditsa murume wavo padoor  vakabva vamira padoor vakatarisa murume wavo achipinda mumota kusvika abuda gate. 
*In Cranborne*
Mhuri yekwaMafara yaiva iri mubishi kugadzirira kunotambira Raymond, every one aiva aine mufaro wakapetwa kunyanya baba VaRay vaiva vanonokerwa nekuona mwana wavo, Mai Raymond vainge vagadzira gadzira musoro wavo semunhu aida kuendawo kuairport nevamwe kana ari saDiana Hatichataure aiva aita kuchena zvekufa. Mai Sinyoro vaingoyeva zvavo vachiona vanhu vari mushishi kugadzirira kunotambira mwanakomana, havana wavaitaura naye baba Raymond ndivo vakazoti 
Baba Raymond : Ko tete hamusati magadzirira wani vamwe vese vatopedza 
Mai Sinyoro : Handina kwandiri kuenda ini ndiri kusara pano pamba ndiri kuda kumbozorora, kumusha uku taiva tisingagare pasi nekumunda, kana ndatouya kuno kudai ndinenge ndatowana nguva yekuzorora 
Baba Raymond : Handiti tose tiri kubuda nemota munenge makangogara zvenyu 
Mai Sinyoro : Ndiri kuda kuvata 
 ndokuonai madzoka 
Baba Raymond vakabatikana nekuramba kwakaita hanzvadzi yavo kunotambira Raymond kuairport asi chekuita vaiva vasina, Pakazofona Diana achifonera Grace vachitaurirana zvekusangana kuairport Mai Sinyoro vakazvinzwa vachitofamba kuenda kuroom  kwavairara vakabva vamira vachiterera pavakanzwa kuti Grace ari kuenda kuairport vakabva vati 
Mai Sinyoro : Ndakuda kuenda kuairport, Diana ndiisire mvura ndigeze 
Diana : Tete manonokerei kutaura apa hamuna kana kugadziriswawo musoro 
Mai Sinyoro : Ita zvandareva 
Diana akabva amhanya kunoisa mvura Iya, she avoided kunetsana navo, apedza akabva ati vanogeza.Mai vaRay zvakavanetsa kuti sei vainge vazoti vakuda kuenda ivo vamboti havasi kuda kuenda vanoda kusara vakazorora, vakavamirira kusvika vapedza kugeza ndokunopinda muroom mavo ndokuchinja vopfeka african atire yavo ndokubva vati  dhuku ravo  mumusoro vachibva vabuda, Diana achivaona akabva ati 
Diana : Tete nedhuku here veduweee
Mai Sinyoro : Dhuku rangu rinotadzisa munhu kuburuka ndege here? 
Diana : No tete  asi harisi kunyatsoita 
Mai Sinyoro : Zvisinganyatsoita zviri kuitwa wani pano pamba, ko kuzoti dhuku rine basa rei haritadzise ndege kumhara. 
Vakataura vachitofamba kubuda panze vamwe vese vakasara vakamira, Baba Ray vakatadza kunzwisisa kutaura kwamai Sinyoro kwavakaita apa asi havana kuda kutaura vakaramba vakanyarara, Mai Sinyoro vakabva vadaidzira vari panze 
Mai Sinyoro : Muri kuda kuenda here kana kuti,? musatinonotsa vamwe. 
Vakabva vabuda vese mumba vachitevera panze , Mai VaRay vakabva valocker door ndokufamba vachinopinda mumota vese. Muroad mese Mai Sinyoro vainge vari zii zvavo vasina wavaitaura naye hapana aiziva zvaiva mupfungwa dzavo kana chakavapa kuti vazoda kuenda kuairport kwavainge vamboramba kuti chii hapana aiziva. 
*Dorothy*
Akagara pasi kwekanguva achinzwa a sharp pain mudumbu make akatora nguva akadaro, akazosimuka pava paya avakushingirira kuti acleaner mumba muya  maiva makazara madhaga akanaiwa nemvura akaomera aidonha pasherefu yaiva yakavakwa mumba umu nekuda kwekuti mvura yaiva yakupinda nepese pese denga raparara, akabuda panze ndokunotora mutsvairo wepanze ndokutanga kukokora tsvina yese yaiva mumba umu, akanzwa mwana uya akukosora akaziva kuti idust raikonzera akabva amuvhura kumeso nejira raiva rakamuputira achipedzisa basa rake. Akatora nguva akazopedza zuva rakutodoka, akabva anotora moto kumba kwamai Malvin achibva avesa wakatanga kubvirira kure kure, akatanga kufunga kuti mwana uyu aizomuchengeta nei iye aiva asina kana pekutangira kunze kwekamari kashoma kaakabva nako kwaMiriro, aiva akagara pabhenji paside naBeverly akatarisa mwana uya akanzwa misodzi yake kuuya, akabva afunga nezvetag raiva nezita rake akabva aribvisa ndokuriisa muchoto richibva ratsva izvi akazviitira kuti pasawana kana umwechete anozonyumwa kuti mwana haasi wake, kunze kwakasvika pakudoka akagara asina kana zano rekuziva kuti achabikei, kuti aende kwamaiguru vake aiziva kuti hakutangike nehanzvadzi yake, chaakakwanisa kuita kuenda kunopihwa mablankents ake aaiva akachengetesa maiguru vake paakaenda kunotsvaga basa, vakamutambidza achibva adzoka kumba yamai vake Kuya ari munzira kudzoka akanzwa hanzvadzi yake ichipopota 
Baba Malvin: Ndati handisi kuda kuona gumbo raDorothy muno mumba mangu kana achifa nenzara ngaafe handina basa nazvo Mai vangu vakafa tikangoviga wani? chii chinoshamisa kana iye akanzi afa? , achaona zvekuita negora rake raakauya naro handisi kuda kunzwa nonsense munzeve dzangu 
Dorothy akabva aziva kuti maiguru vake vainge vataura nyaya yekuti apihwe chikafu ndiyo yaiva yovatukisa kudai, akabva aenderera mberi achipinda mukitchen muya mekubikira akabva anowarira ndokurara nemwana, pava pakati peusiku akanzwa pain Iya ichiita ichiwedzera achibva amuka ndokumbogara, haaana kuzorara zvekare kusvika kunze kwayedza, ava makuseni akatarisa machira aya aiva akaputira mwana akaona aine mess akabva amubvisa ndokumuisa mamwe akachena achibva asimuka kuti abude panze apihwe bucket namai guru vake awache, achangobuda pamusiwo akabva anzwa kubaiwa mudumbu make zvekare zvekuti akatadza kufamba   ndokubva apfugama padoor ipapo akabva anzwa nzungu ndokuona rima mumaziso ake , muti wemuavocado waiva paside pemba iyi wakanzwika kurira uchityoka  bazi from nowhere richibva rawira pasi zvakavhundutsa Mai Malvin vaitsvaira yard yavo nekuti zvakaitika apa ndizvo zvaiva zvakaitika musi wakafa Mai vaDorothy. 
*๐ฅ๐ฅ๐ฅ๐ฅ๐ฅ๐ฅ Our  book TEARS OF BEVERLY THE ABANDONED is now onsale from chapter 18 RAKAPERA KARE IRI  this is my longest book kuverenga kusvika maneta  kungoita payment yako wotowana rese kusvika final tengai  muzvinzwire kwazvichaperera haridi kusiira panzira iri Chiii chichaitika kuairport uko namai Sinyoro zvichanopera mushe here, Ko Deee naRose naJimmy zvichapera sei ๐ฅ๐ฅ๐ฅ, ko Beverly the abandoned ? book rakuchitanga manje huyai muzvinzwire kuti zvichapera sei, ko Mai VaGrace?  Ko Raymond wacho ambori mwana waani? , so many questions... Mhinduro dzese dziri mubook Masibanda never disapoints*
*Mutengo waro Zim side $2 ecocash or 100zig or $2.10 innbucks  ecocash zita T NDAVA iyi ndiyo yega number yamunoisa Mari MUSAFONA PANUMBER IYI NDAPOTA*
*Vari kuSA 30r  voucher types :ott, I voucher voucher, blue voucher ndomhando dzandoda*
*Kana maita mapayments enyu munouya neproof of payment panumber dzemunyori dzinoti  0๏ธโฃ7๏ธโฃ7๏ธโฃ9๏ธโฃ5๏ธโฃ7๏ธโฃ4๏ธโฃ7๏ธโฃ6๏ธโฃ6๏ธโฃ   kana dzaMrs Machuwaire dzinoti 0๏ธโฃ7๏ธโฃ8๏ธโฃ3๏ธโฃ2๏ธโฃ4๏ธโฃ6๏ธโฃ1๏ธโฃ7๏ธโฃ8๏ธโฃ  mobva mapihwa book vanoda kufona fonai pane idzi dzaMrs Machuwaire*
*Vanenge vashaisisa ecocash munotenga $2 buddie scratch cards musandipa akajuswa,musandisendera airtime yemufone kana kunditengera data pliz*
*RAKAPERA KARE IRI KUTENGA NEKUTONAKIRWA MASIBANDA NEVER DISAPOINTS!*
*Dzimwe nyika inbox munyori anokuudzai kuti munotenga sei*
Thanks for your support.
                        
                    
                    
                    
                    
                    
                                    
                                        
                                            โค๏ธ
                                        
                                    
                                        
                                            ๐
                                        
                                    
                                        
                                            ๐
                                        
                                    
                                        
                                            ๐
                                        
                                    
                                        
                                            ๐ข
                                        
                                    
                                        
                                            ๐ฎ
                                        
                                    
                                    
                                        95