Miss Novels T.N Bvaru
June 13, 2025 at 06:57 AM
*ABEDIE*
๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐
https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy
*NEW BOOK ๐ 2025 PRODUCTION*
*BOOK NUMBER 24*
*Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj
BY
*MISS ๐ T.N BVARU*
*lioness*
*Read comment and share*
*contact*
0๏ธโฃ 7๏ธโฃ 7๏ธโฃ 9๏ธโฃ 5๏ธโฃ 7๏ธโฃ 4๏ธโฃ 7๏ธโฃ 6๏ธโฃ 6๏ธโฃ
*CHAPTER 01*
"Hazvigone mukoma kuti ini wangu mwana ndiye aende kunoripiswa ngozi"
"Hatina option pano pamusha nekuti wako uyu ndiye mwanakomana wekutanga mumhuri ini ndakabereka vasikana vega kuri kudiwa mwanakomana"
"Kwete mwana wangu apo ndaramba, pakaparwa ngozi iyi ndaive ndisipo zvonzi wangu mwana aende kunoripa Kwete"
"Saka muri kuda kuti tipere here dzinza rese nenyaya inogona kuripika Inga makazvinzwira nenzeve dzenyu zviri kudiwa"
Vakadaro baba Monica vachikwiridzira madzihwa ekuratidza kupererwa muninina wavo achibva ati
"Fungai zvimwe zvemwana wangu Kwete"
"Munoda kuti......"
"Tisvikewo pano pamusha".
Aiva umwe murume aiva muvakidzani wavo akabva asvika akabva adamburira kutaura kwevaviri ava baba Monica ndokuti
"Svikai zvenyu titambire mhofu"
Vakadaro vachipa murume uya chituru chaaiva vakagara kuti agare ndokuenderera mberi vakuti
"Kurisei kumba nevapwere"
"Kwakanaka uku pwere dzinotamba kungotambura naiwo maflue aya chete"
"Inguva yacho ino yechando kudai flue hadziperi"
Vaviri vaitaura baba Zivai ainge agere akanyarara akati ziii achiratidza kuti pfungwa dzake hadzisi panzvimbo akatorivara kana kumhoresa Mhofu ainge asvika mhofu ndiye akatozoti
"Baba Zivai maswerasei"
"Taswera maswerawo akadaira achiita kakuvhunduka kubva mundangariro dzavo zvekuti mhofu akazviona asi haana kutaura zvakawanda akabva aenderera mberi nekutaura nababa Monica.
*Abed*
" Lisa Amana hazvinakidze wabva kwese uko wakangonyarara watsamwei babe?"
"Wanga uchitaurei naViola"
"Ndozvawatsamwa here okay I'm sorry hanty"
"You know kuti Viola handiwirirane naye ipapo anenge achitoda kubhowa inini".
"Sorry Lisa it's only that way yaauya nayo kwandiri, aita like ane zvaatumwa naSir kwandiri sorry Leee"
Abed akataura achinomira Kumberi kwaLisa iye achibva atarisa kuside achiratidza kutsamwira Abed wake, Abed akabva ati
" I love you Lisa and you know it "
Lisa akatendeuka ndokutarisa Abed kumeso achibva ati
"I love you tooo Abed "
They started walking kusvika vasvika pavaiparadzana umwe neumwe akuenda kumba kwavo, Lisa aiva form 5 Abed ari form 6 paChidamoyo high school kuri kumashonaland west. Lisa akabva amira ndokuti kuna Abed
"Uri kuuya kuchikoro here paweekend"
"Ehe ndiri kuuya ndine malesson andinoda kuita"
"Okay"
"Ko iwewe uri kudii?"
"Ummm this weekend handisi kuuya my mother vari kuda kuenda kupungwe kuzvipani uko saka ndini ndinenge ndiri pamba"
", Okay so ndokuona on Monday"
"It's oky usataure naViola wako iyeye on my absence"
"Lee ndati sorry wani handichataure naye".
Akadaro Abed achihugger Lisa iye Lisa ndokuti
"It's fine"
Vakabva varegedzana umwe neumwe ndokutanga kufamba achienda kumba kwavo, vaigara musame village Lisa naAbed. Lisa akabva atotanga kufambisa achienda kumba kwavo Abed aifamba zvake low low achienda kumba. Akazosvika kumba pava paya achinosvika kumba akawana bamunini vake varipo achibva ati
"Maswerasei baba?"
"Inguvai yauri kubva kuchikoro iyi Abed uri kuziva kuti kuness yefodya kuri kuda kuendwa kunogadzira mabeds"
" Ndanonoka ndiri kuma lesson baba"
"Chikoro ichocho chamuri kutaura chinotoda mari kuti murambe muchiendako, Mari iyoyo inobva kufodya iyoyi yatiri kuda kuti munonursser uko, vamwe vakatotanga manje manje maseeds avo anomera pano hapana chatati taita"
Abed akabva aramba zvake akanyarara aisagona zvekupindurana nabamunini vake, akanopinda mumba maairara ndokunochinja uniform yake ndokupfeka hembe dzepamba, akabuda ndokupinda mukitchen maibikirwa akawana pachingova nehari yemangayi yaiva kuside kwechoto ndochaiva chikafu chaiva mumba, Abed semukomana aisatsvaga zvakawanda akabva atora plate ndokupakura mangai aya achibva abuda achinhonga badza necane yekudiridzisa onanga kumagadern kwavaiitira nurse yefodya achifamba achidya mangai ake. Asvika ikoko akatanga kutimba paida kuzoitirwa nurse yefodya paya, kana zviri zvebasa Abed kwaiva kudya kwake ainge akazvijaira kubva ari mudiki akatimba kusvika zuva rakuda kudoka ndipo paakazosiya achiti aizopedzisa mangwana. Akabuda mugadern umu akuenda kunotsvaga mombe dzekumba kwavo sezvo yaiva yava nguva yekusairira, akabuda ndokutenderera nawo makura musi uyu akanonoka kudziwana dzainge dzaendawo kunofurira kure akatozodziwana zuva radoka. Akadzitinha ndokuenda kumba achibva avharira ndokuuenda kukitchen kwaiva nevamwe asati apinda mumba akabva asangana naZivai first born yabamunini vake achitobvawo kwaaibva achibva amuti
"Zivai ko waregererei kutsvaga mombe nhasi?"
Zivai asati apindura baba vake ndivo vakabva vati
"Ndanga ndamutuma mwana iyeye, saka iwe warwadziwa nekutsvaga mombe here?"
"Aiwa baba nda..."
"Mombe idzodzo ndodzinoita kuti udye pano nekuenda kuchikoro saka haufanirwe kurwadziwa nekudzitsvaga"
Abed haana kuzodaira akangopinda mukitchen ndokugara zvake akanyarara, chikafu chakabikwa namainini vake vachibva vapakura munhu wese ndokudya vari pakati pekudya baba Zivai vakabva vati
"Abed handiti uri kuona kuti muplate mako makazara chikafu imombe idzo dziya dzauri kunzwa nungo kutsvaga"
Abed haana kudaira akaramba achidya kusvika apedza akabva azooneka ndokubuda akuenda kunorara. Asvika mumba maairara akatanga kutsvaga paiva netorch yake sezvo aida kuverenga asi haana kuiona akatarisa pese pese akaishaya akaona kuti akada kubvunza Zivai angatanga Imwe nababa vake akabva angonyara ndokupinda mumablankents ake achibva arara zvake.
The following day akamuka makuseni seni achiita basa rake semazuva ese achiitira kuti agoenda kuchikoro sezvo aiva nemalessons paweekend ipapo, zvekuti kunze kune chando haana kumbozviterera apedza zvepamba akabva ananga kugadern kuya kunopedzisa kutimba painge pasara nezuro wacho. Paakapedza akabva adzoka kumba ndokugeza achibva aenda kuchikoro. Asvika kuchikoro vakatanga kuita mastudies avo avaiita kusvika teacher wavo azouya aiva nelesson navo weekend iyoyo akabva avaitisa ndokupedza achibva aenda. Abed continued nekuverenga achibva asimuka ndokubuda akuenda kumba umwe mukomana waaidzidza naye ainzi Shawn akabva ati
"Abed wakutobaya here?"
"Ehe ndakuenda ini tobatana Monday"
"Okay iri boo ini ndichazoenda time time"
"Okay iri boo"
Akabva atobuda muclass room muya ndokuenda Shawn akabva asara achiti kune shamwari yake
"Shamwari dzimuface idzi dzinorova gwazhi"
"Ndongonzwa kudaro kuti anogona"
"Haaa iwe anogona uyo but hameno zvinoitika kumba kwavo hauone kana dressing yacho"
"Ehe bhutsu dzacho hadzitozive mushonga"
"Vanhu vakadai ndovanogona manje hameno kuti sei"
"Ndozvazviri kazhinji but haa vanhu vepaden pavo vanomuregerera"
Vakomana ava vakasara vachitaura nezva Abed kwekanguva vakazonyarara pava paya.
*Naration*
Baba Zivai havana kuzombowana mufaro nekuda kwezvavakudzwa nemukoma wavo kuti mwana wavo Zivai aifanirwa kunoripa ngozi, vaisada nemwana wavo zvachose although aiva iye mukomana mukuru mumhuri yavo. Pakabuda Abed achienda kuchikoro vakasara vari pamba nemudzimai wavo Zivai ainge abuda aenda kumakura kwaaiswera achitamba nevamwe, zvechikoro kuna Zivai zvainge zvakaramba raiva dofo rekugumisa saka akabva aramba chikoro ari form 3 ndokutanga kuita hupenyu hwepamba achirima. Baba Zivai vakatora chituru chavo ndokugara pamushana mukadzi wavo akabudawo mumba ndokugara pavaiva vakagara achibva ati
"Ko Zivai aenda kupiko?"
"Aenda kumakura kwaanoswera ko anoswera pano here uyu"
"Zivai dai achipota achienda kunoita basa kugadern kunoenda Abed nekuti izvozvi tarisai ari kutamba basa kugadern ririko ari kuda kumirira kudzoka kwaAbed kuti anopedzisa"
Murume wavo akabva ati
"Imi zivai kuti Abed anenge ari kuchikoro pakati prsvondo pese saka basa repano pamba kashoma kuriita zivai ndiye anenge ari pano nguva zhinji ndiye anoita basa saka Abed kana aripowo abva kuchikoro ngaaite"
"Baba Zivai mazuva ese Abed ndiye anoita basa Zivai handione kushanda kwake pano pamusha"
"Imi moda kuona kushanda kwavo muri murume here, ini ndini ndinoona kushanda kwevana ava"
Mai Zivai ndokunyarara zvazvo vakaona kuti nyaya yacho ingakwidza mutarara. Baba Zivai vakabva vati
"Ndichazoenda kumusangano kwasabhuku uku zuva rorereka adeedzera musangano pachibhorani apo"
"Musangano wei zvakare?"
Mai Zivai vakabvunza murume wavo achibva ati
"Hameno pamwe ndizvozvi zvema donor sezvo mumumda gore rino vanhu vazhinji vasina kunyatsokohwa mvura haina kunyatsonaya"
"Hoo ehe pamwe ndizvo dai auya madonor acho vanhu vangapera nenzara"
Vaviri ava vakaramba vachikurukura kusvika nguva dzaida kubuda baba Zivai dzakwana. Vakasimuka ndokutora kabhachi kavo mumba ndokupfeka sezvo kwaiva kwakuda kutanga kutonhora senguva yechando vakabva vabuda ndokuenda, kumusangano kwavaienda vaipfuura nepamba pemukoma wavo baba Monica uyo aiva akavakira nechekumusoro kwemusha wavo kuri kudivi rekumabvazuva, vakasvika mukoma wavo aripo akutoda kubudawo kuenda kumusangano akabva ati
"Ndanga ndichitoti ndowana mabuda ngatichingobatana nzira"
Vakabva vadungamidzana voenda kumusangano kuya, vasvika musangano wakaitwa ukapera vanhu ndokuparara, baba Monica nababa zivai vakabva dungamidzana zvekare vakudzoka kumba vari munzira kudaro baba zivai vakabva vati
"Mukoma ndanga ndiri kufunga nezvenyaya iya yenezuro"
"Wakazofungei mwana wababa vangu?"
Baba Monica vakabvunza nevoice raiva pasi pasi baba zivai vachibva vati
"Nyaya iya yamaiti Zivai aende kunoripa ngozi ndakaona zvisingaite Zivai haangaendeka Abed aripo".
"Babamunini Abed mudiki kuna Zivai"
"Izvozvo hazvisisina basa chiri kudiwa kuripa ngozi newedzinza redu, Zivai haangaende Abed aripo, iko mukanyatsozvitarisa Abed uyu anogona chaizvo kuchikoro tikamurega akadai mangwana achatimhoresa nechimuti"
Baba Monica vakambotora kanguva vakanyarara baba Zivai vachibva vaenderera mberi vachiti
"Abed ndiye ngaanoripa ngozi kwaMashiri"
*Rouya here if yes macoments ngaauye nemalikes*
Stay tuned
Masibanda loves you.
โค๏ธ
๐
๐
๐ข
๐
๐ฎ
228