Miss Novels T.N Bvaru
June 16, 2025 at 09:01 AM
*ABEDIE* ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy *NEW BOOK ๐Ÿ“™ 2025 PRODUCTION* *BOOK NUMBER 24* *Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF BY *MISS ๐Ÿ’ž T.N BVARU* *lioness* *Read comment and share* *contact* 0๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 9๏ธโƒฃ 5๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 4๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ *CHAPTER 04* *ABED* Baba Zivai pakavakaona Abed akuyeredza misodzi vakabva vati "Hapana chaunochema handiti kuita zvevasikana Kureva kuti wakuda kuita mubereki zvechikoro hauchade saka wochigara pano pamba ndapedza newe, chero ukada kuswera nekurara uchichema hazvichinje pfungwa dzangu" "Madaro nei nhai baba Inga ndanga ndakutopedza wani, chingondipai Mari yekuregister yefeees morega zvenyu ndinoverenga ndiri pano pamba ndozongononyora hangu" Abed akataura achitadza kunyatsodudza mashoko nemisodzi baba Zivai ndokuti "Ini handisisina mari yandinokupa Abed ndatopedza newe chigara pano wonyatsoita zvevasikana kana uchida kuroora woroora tokupa pekuvaka kadumba kako". Abed akatoona kuti baba vake hapasisina kudzoka kumashure pakutaura kwavo akabva atanga kuchema akamira mumadziro memba Mai Zivai vainzwa zvese vari mumba vachibva vabuda ndokuti "Asi baba Zivai musaita moyo wakaoma kudaro mwana anga akutopedza chikoro uyu moti ngaachigara pamba" "Handiti akuita zvevasikana Kureva kuti ava murume mukuru ngaagare pamba" Baba Zivai vakapindura Vachiratidza kuoma moyo Mai Zivai ndokuti "apa matadza kuparonga zvenyu muchaichema misodzi iri kuchemwa nemwana uyu nhasi" "Iwe wakuda kundiudza zvekuita pano pamusha here, asi wava baba here tikupei matrouse acho mupfeke, zvandataura ndataura hapana anopikisa" Mai Zivai vakabva vanyarara ivo baba Zivai vakabva vapinda mumba ndokupfeka majombo vachibva vabuda kwavaienda hakuna anoziva, Zivai akanzwa kufara kuti Abed aregedzeswa chikoro iye zvino voswera vese pamba akabva atobudawo zvake ndokuenda. Abed akasara akamira muzasi memba muya achingochema misodzi ichiyerera mainini vake vakauya paaiva vachibva vati "Chinyarara zvako mwanangu dai ndaiva nayo Mari yacho ndaikupa wono register zvino handinawo kana cent chienda unobvisa uniform yako mwanangu" Abed akatanga kufamba low low achipinda mumba kunochinja uniform apedza ndipo paakafunga kuenda kumba kwana baba Monica kuti ataure navo pamwe vangamupawo Mari yechikoro kana kutaura nababa Zivai vakadzora moyo wavo, akabuda mumba make muya ndokuti Tande onanga kwababa Monica akasvika varipo vese nemukadzi wavo achibva ati "Maswerasei baba maswerasei mhamha" "Taswera waswerawo sei Abed" "Ndaswera hangu". Akabva ambonyarara baba Monica ndokuti "Kuri sei kuchikoro mazuvano" "Kuri right hako asi ndine nyaya yangu yandauya nayo baba" "Taura ndakaterera" Abed akabva atanga kutaura nyaya yake yekusiiswa chikoro panzira nababa Zivai baba Monica ndokuti. "Nyaya yako ndainzwa asi iniwo handina kana nechandinacho ndongori zvanguwo Razaro ivo baba vako ndivo vaitombowana tumari asi ndichataura navo tinzwe kuti vanoti kudii" "Zvakanakai baba" Akabva aoneka zvake Abed achibva aienda kumakura kunotsvaga mombe dzavo. Musi uyu haana kana kudya abva kuchikoro moyo wake wairwadziwa zvakanyanya pese paaitsvaga mombe aidzitsvaga nemisodzi pamatama kusvika adziwana ndokudzokera nadzo kumba. Ava manheru akafunga kuti baba vake vachadzora moyo maybe kwaiva kutaura kwekugumbuka but he was wrong baba vake vainge vatotaura vapedza and havana kuzotaura nezve nyaya iyoyo zvekare. Chikafu chemanheru chakadyiwa Abed akangodya zvishoma haana kunyanya kudya akazoti pava paya ndokusimuka oenda kunorara . Vabereki vake ndivo vakapedzisira kunorara vana Mai Zivai nababa Zivai vacho. Abed haaana kurara dzinobata musi uyu majongwe akasvika pakurira akasvinura achingonwa misodzi. Vana Baba Zivai pavakaenda kunorara Mai Zivai vakabva vati "Asi nhai baba Zivai saka matoshinga kuti mwana uyu asiire chikoro panzira?" "Handisisina Mari yekumubhadharira simple musada kundinetsa kuda kunditadzisa kurara". "Chingomupai yekuregister overenga ari pano pamba zvake". "mandipa here Mari yacho kuti ndinomupa Mai Zivai handina Mari handina Mari full stop, ngaagare pano achifudza mombe" "Kana musina Mari tengesai mombe one mudanga umo mumupe Mari yacho" "Aaaah imi kutengesa chiii?, ini nditengesere mombe yangu munhu akuita zvevakadzi handina mombe iri kubuda mudanga umo" "Baba Zivai zvinowanikwa muvana vese izvi ndozvinoratidzawo kuti mwana haana kuremara anototeverawo tusikana sevamwe akasatodaro pane chinenge chakatokanganisika paari, uye musakanganwa kuti mombe dziri mudanga umu dzakasiiwa nabamukuru baba VaAbed saka morwadziwa nei kutengesa one mobhadharira mwana vavo feees" "Iwe baba Abed akasiya mombe ngani mudanga umu, akasiya mombe 4 iye zvino dzava 15 dzimwe 11 ndedzangu". "Ndedzenyu? Mune mombe yamakatenga mudanga umo imi mombe dzese dzazara danga idzo dzakaberekwa nemombe dzakasiiwa nababa Abed hapana kana imwe yamakabvisira Mari apo" Baba Zivai vainge vatsamwa zvino vakuita kuvira nehasha vachibva vati "Iwe usada kundigumbura husiku huno wazvinzwaka hazvisizvo zvawakavinga pano pamusha izvozvo kuda kuongorora zvisinei newe ukada kutodaro mangwana rinodoka wava kumusha kwenyu, zvimwe zvinhu siyana nazvo!". Mai Zivai vakabva vanyarara zvavo, vakatoona kuti nyaya yacho yakura asi vakarwadziwa nekuita kwemurume wavo nekuti Abed aigona uye aiva mwana anoterera asi chekuita vainge vasina, murume wavo ndiye ainge angonzwika kufemera pamusoro nehasha dzema shoko akataurwa nemukadzi wavo. *Naration* Abed akazobatwa nehope kunze kwakuyedza achibva arara, akazomuka achiita zvekuvhunduka zuva rabuda akamuka ndokukandira mablankents ake kwakadaro ndokubuda oenda mukitchen semazuva ese kunovesa moto kuti agadzirire kuenda kuchikoro, aiva nehope yekuti pamwe baba vake vadzora pfungwa, akaita zvese akapedza achibva anochinja hembe dzake ndokupfeka uniform akuda kunobuda ndipo pakamuka Zivai akamuona akapfeka uniform achibva ati "Saka zvakataura baba nezuro hauna kuzvinzwa?" Abed haana kumupindura akaramba akanyarara achibva atotanga kufamba achienda Zivai akabva amhanya paaiva ndokudhonza bag remabook raiva kumusana kwaAbed mabook achiti pasi bvuuu Abed akaita hasha akatadza kuzvidzora akabva arova Zivai mbama, Zivai akati ini handinzwaro ndinodzosera vakabva vatanga kurwa, vakomana vakarwa kusvika vatsvukisana ropa Zivai paakaona kuti akukurirwa akabva adaidzira baba vake avo vakabuda mumba vari bara vakananga pairwisana vana Abed paya vakasvika vakawana Zivai akagarwa matunduru naAbed vakabva vanhonga mupini webadza waiva pasi pehozi ndokusvika vachirova Abed kumusana achibva adonhera pasi baba Zivai vakati vatanga kuvava "Unoda kuuraya mwana wangu pano Abed, watadzirwei kusvika pakurova Zivai zvakadai, uchiri kuda kugara pano pamusha here Abed, Abed ndiri kutaura newe!" Vaiita kupupa nehasha baba Zivai vakamira vakatarisa mwana wavo ainge akuyerera rope ukuwo Abed ainge akarara pasi achirwadziwa kumusana kwaakarohwa nemupini kuya. Mai Zivai vakamukawo vanzwa mhere panze vakasvika murume wavo achiita kupupa nehasha kana nekwaiva kwatangira nyaya yacho havana kukuziva ndivo vakazoti "Zivai chiii chaitika kuti murwisane naAbed". "Ndamuti Abed uri kuenda kuchikoro ivo baba vakati usaenda ndobva atanga kundirwisa" Mai Zivai vasati vapindura baba Zivai vakabva vati "Abed saka warwisa Zivai nekuti akutsiura kuti usaende kuchikoro?, idzo nharo dzauri kuita nekuda kuenda kuchikoro une mari here yekubhadhara ini ndakakuudza kuti handisisina Mari iyoyo" Abed aisadaira ainge agara zvake achiterera marwadzo ekurohwa nemupini baba Zivai vakatenderera mberi vachiti "Hapana kuchikoro kwauchaenda Abed ndakatotaura ndikapedza nezuro ndini baba vepano pamba kana wakuda kuita mitemo yako wobva pano pamba pangu" Vakabva vatotanga kufamba vachinopinda mumba, Zivai akaenda mukitchen ndokunogara pedyo nemoto akudziya aripo Abed akazosimuka paya onanaira kuenda kumba yake yaairara, Mai Zivai vakashayawo kana neremuromo vakangonyarara ndokupinda mukitchen vachibva vatanga kuita basa ravo remumba. Baba Zivai vakazobuda pamba zuva rati kwirei vakuenda kumba kwemukoma wavo baba Monica vasvika ikoko vakawana baba Monica vachangodzoka kubva kumagadern kwavainge vamukira vakabva vakwazisana. Vapedza kubvunzana upenyu baba Monica vakabva vatanga ndivo kutaura nyaya yaAbed vachiti "Bamunini nezuro Abed akauya achitaura kuti makati aerege chikoro?". "Ehe ndakati ngaarege handiti ava kuita zvevasikana handina mari yekurasa pakadaro" Baba Monica vakabva vati "Zvaita zvakanaka pazvadai bamunini tava kupfura shiri mbiri nedombo rimwechete , iye Abed achafunga kuti aregeserwa chikoro musikanzwa asingazive nyaya hombe iripo apa" "Yaaa iye zvino mava kufunga semukoma matoona kare nhau iripo kana vanhu vemuraini hapana kana anombofungira chakaipa vanongoti aregeserwa musikanzwa yake" Vakadaro baba Zivai mukoma wavo ndokuti "Zvakanaka bamunini iye zvino zvakuda kuti tichienda kwaMashiri nguva ichiripo kudai Zvinhu zvingogara zvafamba tipedze nazvo" "Asi nhai mukoma tikasvika ikoko tinenge tava kudii uye tingasimuka zvariinhi?" "Weekend yesvondo rinouya ndipo patichaenda ikoko isu tichisvika tinongoti tagara pasi nemhuri tikawirirana tava ready kuripa nezvakataurwa nemufi, ivo ndivo vakachatiudza kuti panofambiswa sei kuti iye Abed achaendako here kana kuti, zvese tinenge tichinzwa ikoko " " Zvakanaka mukoma ndapanzwa ini ndava kudzokera kumba ndimbonoona kuti vakomana ivava vari kudii nebasa rekugadern" Vakadaro baba Zivai vachisimuka pavainge vakagara vakuenda zvavo kumba kwavo. Stay tuned Masibanda loves you.
โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 212

Comments