Miss Novels T.N Bvaru
June 16, 2025 at 06:05 PM
*ABEDIE* ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy *NEW BOOK ๐Ÿ“™ 2025 PRODUCTION* *BOOK NUMBER 24* *Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj BY *MISS ๐Ÿ’ž T.N BVARU* *lioness* *Read comment and share* *contact* 0๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 9๏ธโƒฃ 5๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 4๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ *CHAPTER 05* *Naration* Baba Zivai vakadzoka kubva kumba kwemukoma wavo vakawana Abed ari mumba make achichema arimo uku Zivai ainge abuda panze akudziya zvake mushana wezuva rainge rati kwirei vasvika vakabva vati "Ko imi muchiri pano hamusati maenda kugadern? Abed ari kupi?" "Anenge arimo mumba make imomo" Zivai akapindura baba vake vachibva vati "Shuwa muri kuita zvekutamba nebasa pano pamba zuva rakwira muri pano muchitadza kuenda kunoita basa vamwe nurse dzavo dzakutomera imi ndipo pomoita mafunnies iwaya.... Abed! Abed!" "Baba!" Abed akadaira achibuda mumba muya kuenda panze baba Zivai vakabva vati "Uchiri mumba kusvika nguva ino ndiri kuti maenda kubasa kare kare imi, mese naZivai wako muri kuita basa rekudziya mushana kunge madzvinyu" Abed haana kudaira akatanga kufamba achienda kwaigara mapadza akabva anhonga badza necane chinyararire achibva atotanga kufamba achienda, Zivai akateverawo asi zvekuenda kugadern aisada , vakafamba vakati umwe kumberi umwe kumashure kusvika vasvika kugadern, Abed akatanga kuita basa semazuva ese asi Zivai aingonyepedzera zvebasa aisazvifarira. Ava masikati Abed akabuda achibva adzokera kumba Zivai akaenda nekumashamwari ake aiiswera achitamba nawomuraini. Abed akasvika kumba amainini vake vabika achibva atodya ndokunorara zvake mumba make muya akanyatsoona kuti zvechikoro hapasisina. *2 days later* Lisa ainge ava ne 2 days asiri kuona Abed kuchikoro izvo zvakamunetsa kuti sei aiva asisauye kuchikoro iwo mazuva ekuregister ainge asara nezuva rimwe chete kuti apere wekubvunza akamushaya nekuti iye Abed ainge asina shamwari pachikoro uye paiva pasina anobva kudhuze nekumba kwavo waanoziva. Musi uyu akabva kuchikoro achibva ati regai ndiende nekumba kwavo ndinoona kuti sei asisiri kuuya kuchikoro vamwe vachiregister., akabuda time dzinopera chikoro achibva ananga kumaraini kwana Abed aiita kufambisa achiitira kuti asanonoka kusvika kumba kwavo. Kumba kwana Abed kwaisava kure zvakanyanya kubva pachikoro zvekuti haana kunonoka kusvika, achisvika akawana Abed achitovharira mombe mudanga paakamuona akabva ati "Abed Inga hausi kurwara wani ko kuchikoro hindava?" Abed akaita kakuvhunduka nekuti ainge asina kumuona akabva ati "Lisa wasvika nguvai, uri sei hako" "I'm not fine, vamwe vakutopedza kuregister iwe hausi kuuya kuchikoro hindava?" "It's a long story Lisa". "Ndiperekedze uchindiudza handisi kuda kunyanya kunonoka kusvika kumba you know my mother" Abed akapedzisa kuvhara danga achibva atanga kuperekedza Lisa vati fambei Lisa akabva ati "so tell me what's going on?" "Lisa bamunini vangu vakati havachakwanisa kundiendesa kuchikoro, havana Mari yekuti ndino register" "Is this a joke Abed?" "No, I'm serious ndosaka uri kuona ndisiri kuuya kuchikoro, kuchikoro handichatouya zvachose" Lisa akanzwa kupererwa achibva ati "Inga zvakaoma Abed saka ndokwatova kuguma kwako kuenda kuchikoro" " Zvakatopera Lisa ndiri kurwadziwa asi chekuita zvangu handina" "Dai ndaikwanisa kukubatsira ndaikubatsira ndaikubatsira asi handina and you know my mother Mari inotovanetsawo mari yechikoro vanotibhadharira zvekushingirira kubva zvakafa Dad zvinhu zvacho zviri kuvaremera vari one" "It's okay Lisa don't worry hanty ndogara zvangu pamba " "Ndarwadziwa Abed I wish I could help you but there is nothing I can do" "Okay Leee kwanga kurisei kuchikoro" "Kwanga kuchibhowa usiko" "Get used to it hanty ini kuchikoro handichauye Leee ndozvavapo" Lisa akanzwa misodzi yake kuda kubuda achibva ambundira Abed wake zvekuratidza kurwadziwa akazomuregera pava paya ndokuti "I love you Abed" "I love you too Leee" Lisa ndokuti "Chirega ndimhanye kumba ndingazopinda busy namhamha ndokuona riinhi since usisauye kuchikoro" "Ndokumirira wakubva kuchikoro mangwana" "Okay bye" Akabva atotanga kufamba achienda kumba kwavo Lisa, Abed achibva atanga kufambawo achidzoka kumba kwavo achisvika kumba akawana Zivai akagara pangoro achibva ati "Vana Abed muri kuramba muchiita zvakaita kuti muregereswe chikoro nababa pano" Abed akamutarisa ndokuti "Zivai problem yako ndeyei chaizvo" "Kungokuyeuchidza zvangu kuti baba vakazvinzwa izvi.... Ndanyarara zvangu" Abed haana kuzodaira akabva anopinda muroom make. *Naration* Mazuva akafamba Abed asisaende kuchikoro achiswera ari pamba one week yainge yakwana asiri kuenda kuchikoro. Nguva dzake zhinji dzainge dzakuperera kubasa rekugadern Zivai aiuya zveapo neapo kana atoda and baba vake vaisamboita basa nazvo. Kune imwe nzvimbo inonzi Batanai iri pedyo nekuchidamoyo ikoko kwaiva nemusha waainzi wekwaMugari, mumusha umu ndimo maiva makaberekwa Mai vaAbed asi mbuya vake naSekuru vainge vakafa kwasara sekuru hanzvadzi yamai vake one yainzi vaChidhumo, pamusha apa vaChidhumo ava ndivo vega vainge vasara. Rimwe zuva vaChidhumo vainge vakagara zvavo pamba pavo pakasvika sahwira wavo achibva kuchidamoyo kwaaiva ashanya kwaiva kwakaroorwa mwanasikana wake, achisvika pamba pavaChidhumo airatidza kuti ane nyaya yaanoda kutaura vaChidhumo vakamutambira vachiti "Titambire zve sahwira Inga wakurumbidza kudzoka ndaiti pamwe uchaita svondo mbiri uriko" "Haa iwe pamba pemukuwasha panonetsa uye ndine nyaya yakandibata kuchidamoyo uku ndikati handichagare" "Inyaya yei?" VaChidhumo vakabvunza sahwira wavo ndokuti "Mwana wehanzvadzi yako uya Abed haasi kuenda kuchikoro" "Haasi kuenda kuchikoro nemhaka yei?" "Ndakangonzwawo zvichinzi baba vacho vakati havasisina Mari" "Havasisina Mari idzo mombe dzababa vake dzavakasiya dzazara danga kudaro?" VaChidhumo vakapindura vachiratidza kugumbuka zvikuru sahwira wavo ndokuti "Ndizvo zvandakanzwa sahwira" "Abed haashairwe Mari yechikoro handiti bamunini ava vakaramba nemombe vakati ndini ndinochengeta nekuita zvese pamwana vasada kundinzwa ramangwana rinodoka ndavako kwaMatiza" Vakadaro vaChidhumo sahwira wavo ndokuti "Munenge magona Monona kuti chii chiri kunetsa pamwana" Vakazosara votaura dzimwe nyaya asi vaChidhumo vainge vaguta kare neshungu, Sahwira wavo akazooneka pava paya ndokuenda kumba kwake . Ava mangwana vaChidhumo vakafumo bata jongwe muromo vakananga kuchidamoyo vachibva kwavo kubatanai vaifamba netsoka sezvo Vainge vasina Mari yebhazi, paiva nemufambo wakati rebei kubva kwavo kusvika kuChodamoyo zvekuti vakatozosvika ava masikati. Vachisvika paMatiza pamba pababa Zivai vakawana baba Zivai varipo Abed wacho aivapo zvekare vese naZivai vakatambirwa zvakanaka ndokubvunzwa upenyu papera kanguva vakabva vati "Ko iwe Abed asi nhasi hauna kuenda kuchikoro" Abed akaramba akanyarara haana kudaira sekuru vake ndokuti "Ndiri kutaura newe Abed" Baba Zivai vakabva vati "Muzukuru wenyu haachaenda kuchikoro uyu Mari yacho ini handisisina Zvinhu zviri kundinetsa kumunda hatina kunyatsobuda gore rino, plus musikanzwa mukomana iyeyu" "Asi ka maigona kutengesa mombe one mudanga moisa kuchikoro kwake" "Handina mombe dzekuitisa izvozvo ini ngaagare pano pamba aite zvekurima" Kuzovadaro vaChidhumo vakabva vanzwa kunge vadirwa uriri muhembe vakati vapenga "Une mombe iri mudanga umu here baba Zivai, mombe dziri mudanga umu dzese dzakabva nekuna baba vemwana uyu dzamava kurasa muromo muchitaura zvisina basa" "Mombe dzababa vake dzipi, mutaure zvamunoziva uye muzive zvamavinga muno mumusha" "Ndiri kukupai mazuva maviri pandiri kudzoka ndiri kuda kuwana mwana iyeye akuenda kuchikoro mukasadaro muchaona kuti sei ndichinzi chidhumo, mwana wehanzvadzi yangu ngaaende kuchikoro!" Baba Monica vakanzwa kupopota kwava Chidhumo vari kumba kwavo vakabva vauya vachimhanya vakasvika vakaona haiwa kuri kutsva demo kuchisara mupini, VaChidhumo vachiona baba Monica vakabva vati " Handisi kuda mahumbwe amuri kuitira mwana vehanzvadzi yangu pano pamusha ndikadzoka ndikawana asiri kuenda kuchikoro pachafiwa pano". Vakabva vati kabag kavo nonge kumusana kwachikirei ndokubuda muyard vodzokera kwavo vasina kana kuoneka , vanhu vepamusha apa vakasara vakangoti tumbi nazvo kana iye Abed akatya kuperekedza sekuru vake akaziva kuti inosara ikaita nyaya nana bamunini vake. Baba Monica ndivo vakazoti "Asi mudhara uyu anopenga chete ndozvangabvira kubatanai kwese uko kunge ane rimwe zuva raakambobhadhara fees Ya Abed wacho." Baba Zivai vakabva vati "Abed saka waona kuti kutimhan'arira kuna sekuru vako ndokunoita manje unofunga kuti vanotiitei sekuru vako, anofarisa zvekuti Chidhumo isu hatisi vakuwasha vake mumhu anga akaroora kumba kwake akafa asade kutitanyanga" Baba Monica vakabva vaoneka vakudzokera kumba kwavo baba zivai vakabva vavaperekedza vari munzira kudaro baba Zivai vakabva vati "Mukoma murikuona sei kuuya kwaita mudhara Chidhumo pano pamba?", "Ummm hakuna kumira zvakanaka and paanodzoka handifunge kuti zvinopera zvakanaka mudhara uyu ndinomuziva" "Ichokwadi ichocho and tsoro yedu yese inobva yavhiringwa pakangoita Chidhumo pakati handidi kuti zvitadze kubuda sezvatakaronga" "Saka Manga mati toita sei?" Baba Monica vakabvunza baba Zivai vakabva vaswedera pedyo chaipo nababa Monica vachibva vazevezera munzeve dzavo baba Monica vaingooneka vachigutsururira musoro. *A day later in Batanai* "Rosemary! Iwe Rosemary!" "Chiiko Talic zvaunoita kudaidza kunge kwafiwa kudaro asikana hamugone kudanidzira pasi here voice rakadzikama?" Roseamary aiva mwana wavaChidhumo wechi3 aive form 3, shamwari yake Talic ndiyo yaididizira ichimhanya kuuya kumba kwavo paakasvika akasvika achifemereka Rose achibva ati " kwanaka here Talic " " Hakuna kunaka Rose baba vako... Baba vako ndavaona kumashops uko pandatumwa kunotenga salt namhamha vari kuita kunge munhu ari kurwara nepfungwa havasi kunzwisisika zvavari kuita kana kutaura ndatovamhoresa havana kudaira vari kungotaura vega vachingonhonga mapepa vachizvisunga nawo" VaChidhumo vanotanga kupenga! Stay tuned. Masibanda loves you.
โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜‚ 222

Comments