Miss Novels T.N Bvaru
June 17, 2025 at 09:04 AM
*ABEDIE* ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy *NEW BOOK ๐Ÿ“™ 2025 PRODUCTION* *BOOK NUMBER 24* *Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF BY *MISS ๐Ÿ’ž T.N BVARU* *lioness* *Read comment and share* *contact* 0๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 9๏ธโƒฃ 5๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 4๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ *CHAPTER 06* *Naration* Rosemary achinzwa kudaro akakanda poto yamai vake yaaiva akabata pasi ndokubuda panze achimhanya kugadern kwaiva namai vake, havana kumbosvika vachimira ikoko Mai nemwana vakabva vadungamidzana vonanga kumashops kuya nguva diki vainge vasvika vakaona maihweee zvaari mashura VaChidhumo vari kungotaura vega vachitaura zvisinganzwisike zvachose uku vangonhongera mapepa, vakaedza kuda kuenda navo kumba asi vaisabatika zvachose vakabva vafonera dzimwe hama ndookuuya vachibva vavabata ndokuenda navo kumba, vasvika kumba vakasvikovaisa mumba vakasungwa kudaro umwe munin'ina wavo mwana wekwabamunini akabva ati "Chii chaizvo chaitika kuna mukoma ava?" "zvandinozivepi ndangoona Rose ongouya kugadern kwandaiva ndiri uku achimhanya achiti ndozvataurwa neshamwari yake, vakabva pano nezuro zvakanaka naka apa vachiti vakuenda kwaMatiza kuchidamoyo kwakudzoka vakudai" "Chiii chaizvo, kuti pangava nezvakaitika ikoko kwaMatiza kwacho". "Handina kana chekuziva ini ndapererwa chaiko kuti hwaaa kana chekutaura handina zvachose bamunini, mashura erudziii iwaya munhu akabva pano zvakanaka akatooneka?" Mhuri iyi yaingotemwa nemusoro kuti chii chaizvo chingave chakaitika kuna VaChidhumo, kubva ipapo havana kuzovasungura makumbo achiitira kuti vasatiza kana kuzoshaika. Zvavaiita zvakashamisa vakawanda pamba apa munhu wese aingozunza musoro achishaya kuti chii chaizvo chakanyatsotora nzvimbo. *Baba Zivai* "Mukoma handiti mazvinzwira kuti chidhumo ava kutorwara nepfungwa zvataurwa nen'anga iya" "Ehe ndazvinzwa zvaita zvakanaka nekuti paaidzoka mudhara uya zvaisapera zvakanaka" "Zvakuda kuti tichienda kwaMashiri nguva ichiripo tigare tazvipedza izvi mhuri yekwachidhumo isati yafamba kuti inzwe chakaitika kwaari". "Ndizvozvo chaizvo kuswera mangwana it's Saturday ndipo patichaenda ikoko" "Zvakanaka mukoma hapasi kuda kunonoka apa" Vaviri ava vaikururkura vachibva kumba kwen'anga yavakaendera kuti ipengese vaChidhumo. Vaifamba zvavo zvishoma nezvishoma kusvika vasvika umwe neumwe kumba kwavo vakumirira kusvika kwezuva ravaida kuenda kwaMashiri. Baba Zivai vasvika pamba vakaita kunge vainge vasina kwavakamboenda kana kuita as if everything was okay, vasvika pamba vakabva vati kuna Abed "Abed waenda kugadern here nhasi?" "Imi baba Zivai mubvunzo iwoyo munofanirwa kuubvunza Zivai Kwete Abed wamunoziva kuti anoenda kugadern everyday" Vakapindura Mai Zivai vachiratidza kusafara nezvakabvunzwa nemurume wavo iye achibva ati "Imi muri kudaira muri Abed here Zivai apinda papi apa?" "Ndiye asingende kugadern Kwete Abed" "Ndakaneta handisi kuda mashoko madeuka zuva ano, ndipei mvura yekunwa ndine nyota". Mai Zivai vakanopinda mumba ndokuchera mvura vachibva vavapa havana kuzotaura nezve nyaya iya vakabva vanyarara. Ava manheru chikafu chakabikwa chikadyiwa munhu wese hapana asina kudya vanhu vachibva vanoparadzana vakunorara. Abed akapinda muroom make hope dzakanonoka kumubata achifunga nezvelife yake, akazorara pava paya achibva arota hope dziya dzaakamborota ari kugadern achibatidza moto uchingoenda nakuenda usingadzimurike, akamuka muviri wake wakaita kuti chakwata nedikita. Akamuka achibva agara pasi pama blankets pake paya achibva atanga kufunga achiti " Kava kechi 2 ndichirota hope idzi dzinorevei chaizvo, kubva dzadzoka ka 2 2 kudaro handisati ndamborota zvakadai kutori kutanga uku dzakatanga musi uya kugadern" Pfungwa dzake dzaingotenderera achizvibvunza mibvunzo isina mhinduro akazoti pava paya achibva adzokera kunorara akazomuka kunze kwayedza akunzwa baba Zivai vachitaura vari panze. Akamuka ndokubuda panze akavawana vakamira kudanga rehuku kwairatidza kuti rarara risina kuvharwa akabva ati "mamukasei baba" Baba Zivai ndokuti "Tamuka, ko kurarisa huku dzisina kuvharwa hanzii". "Ndakakanganwa baba" "waimbofunga nezvei pawaikanganwa? Kubva pakabva sekuru vako Chidhumo pano hameno kahunhu kawava kungoita, manje sekuru vako vaye havatonge musha wangu Abed". Abed zvakatomunetsa kuti zvese izvi zviri kubva kupi asi semunhu aisagona kupindura akaramba zvake akanyarara. Baba Zivai vakatanga kupupa vachipopota vari padanga riya rehuku Abed ainge angori zii zvake. Pavakanyarara akabva azodzokera zvake mumba Zivai ndipo paakabva abudawo ipapo akutanga kutaura nababa vake. *Naration* Lisa ainge asisina mufaro zvachose achifunga kusiira kwakaita Abed chikoro paroad, musi uyu ainge akasira kubva kuchikoro ava kuenda kugadern kwavo, ari munzira akabva asangana naZivai achienda kumba kweshamwari yake akabva amuti "Hess Lisa" "Ndiri right hangu urisei Zivai" "Ndiri boo zvangu, can I talk to you" "Go ahead I am listening" "You know what Lisa ini kutaura chokwadi I love you" Lisa akaita kakushamisika ndokuti "Unopenga here Zivai unoziva kuti ndinodanana naAbed iwe ndipo pawava kuti unondida?". "Ko zvine basa rei zvekuti unodanana naAbed unongomuramba haana basa uyu and haana chaanokupa ukada ini ndokuitira zvaunoda". "Undinyare Zivai wazvinzwa akuudza kuti ndiri kuda Zvinhu ndiani ini I love Abed wether ane chekundipa or haana, next time usandimisira kutaura zvisina basa Nxaaaa" Akabva atotanga kufamba achienda, Zivai akada kutaura asi mashoko akarambira pamuromo akaramba akatarisa Lisa achienda mafambiro aaaita ekugumbuka aya Zivai aiita kuyeverwa nechivakashure chake chaiva chakakura kutamba kwachaiita ainge ava kufunga parefu. Kurambwa kwaakaitwa naLisa kwakabva kwaita kuti awedzere kuvenga Abed, akazotanga kufamba pava paya akutaura ari ega achiti "Asi musikana uyu chii chaizvo chaari kuona pana Abed?, Abed agodya munda wese wandaona uyo ega kana hazviite I will make sure kuti Abed anorambwa chete nemusikana uyu nomatter what?" Aitaura achifamba achienda mumoyo maKe achinzwa ruvengo rwakanyanya kuna Abed. Lisa aiita kunzwa kusvotwa nezvakataurwa naZivai akazosvika kugadern BP yake yatokwira akaita basa raaida kuita ikoko akuvhara gadern akabva anzwa munhu akamubata muwaist from behind akavhunduka zvekuda kuridza mhere achinocheuka achibva aona ari Abed akabva ati "Abed you got me scared" "I'm sorry but why wanyanya kuvhunduka kudaro" Lisa haana kuda kutaura zvaainge aitwa naZivai aisada kuti vanonetsana kumberi akabva angoti "Ndanga ndisina kuzvitarisira kuti ungasvika pano" "Okay so whats up" "Hapana ndakuda kuenda kumba zvangu ndapedza zvandanga ndichiita mugadern" "Wadii kundidaidza ndakuitira" "Ndaikudaidza nekupi Abie wanga uri kumba kwenyu" Lisa akapindura achitarisa Abed mumaziso chaimo vakabva vatarisana eye to eye for a few minutes, Abed akabva aswedera padhuze naLisa ndokumubata muwaist achibva amudhonzera paari chaipo ndokuti nevoice riri low and sweet "I love you Lisa" Lisa haaana kukwanisa kupindura ainge akunzwa imwe strange feeling mubody make, aiva akunzwa kakupera simba imwe feeling isingatsanangurike, Abed aiva mukomana aigona kuzvicontroller even at this point akazviona kuti akasazvi controller aipedzisira aita zvisirizvo naLisa cause iye Lisa wacho aiva asisina kana chaaifunga akabva ati "Lee not now hanty" Lisa haaana kumudaira akabva amuhugger muwaist achibva nekudumbu, hug yacho yaiuya low low zvekuti iye Abed felt the heat of it. *Naration* Zivai achisvika kumba akawana Abed asipo achibva atanga kufunga plan inoita kuti asiyane naLisa, aiita kunzwa pahuro pake pachigara chigodo chaicho zvekuti kana mvura yekunwa aitadza kuimedza. Papera nguva zuva rainge rava kuda kudoka ndipo pakasvika Abed achitinha mombe dzaaiva abva nadzo kumakura akabva adzivharira mudanga ndookuuya kumba asvika pamba Zivai akabva amuti "Abed une nhamowo zvako iwe" Abed haana kumudaira aisatoda zvekutaura musi wacho akabva angonanga kubedroom kwake ndokunoti zii arimo, Zivai akabva ambomusiya akadaro akati ndichamubata zvekare. Abed haana Kubuda mumba make kusvika Kwasviba amai vake vapedza kubika kudya kwemanheru akangobuda ndokunodya achibva adzoka kuroom kwake kunorara. The following day yainge iriSatday ndomusi waida kubuda vana baba Zivai kuenda kwaMashiri, vakafumobata jongwe muromo mukoma nemuninina vachibva vanokwira bhazi raienda kugokwe kwaiva nemusha we kwaMashiri. Vachibva pamba pavo havana kutaura kwavari kuenda chaiko kunyangwe nekumadzimai avo nevana havana kutaura vakangoti tichambofamba. Kubva kuchidamoyo kunenda kugokwe Kwainge kuri kure kwazvo zvekuti vakazosvika mumusha umu atova manheru, sevanhu vainge vabva kure vakabva vaipihwa pekurara ndokurara kunyangwe zvazvo vaiva vatorwa uye vapari vemhosva kudzinza iri, kudya havana nekuti hapana akavabikira vakasvikira vanhu vapedza kudya kwemanheru. Ava mangwana acho mangwanani mhuri iyi yakafuma kukorodzana hama dzese vachiudzana nezvekuuya kwana baba Monica. Nguva diki diki pamba painge pasviba nevanhu baba Monica ndivo vakabva vati "Pamusoroi vedare muchitiona tauya kudai tauya nekuzvirereka nekuti mhosva yakaparwa kudzinza kwedu, zvino sekureva kwakaita mufi tauya kuti tizoripa" Vamwe baba vaiva vakuru mudzinza umu vakabva vati "Ini handiite kuda kwangu ndoita kuda kwemufi kana mauya nezvaakataura chete mapedza hatina chekuwedzera kana kutapudza uye kupikisa" "Takagara pasi semhuri tikatenderana kuti mhosva inoda kuripwa kuti zvitirerukire, Jaya riripo rava kuzoripa ngozi muno mumusha asi sezvamunoziva muno mumusha hariuye asi iye mufi ndiye anenge akugara pamunhu wake asi dai ngozi iri kuripwa nemunhu kadzi ndipo paaiuya muno mumusha menyu murume hazvigone kuti auye muno asi ngozi inenge yaziva murume wayo.... Zita rake anonzi Abed!" Ngozi iya yakabva yabuda pane umwe mwana mudiki we mumhuri iyi asi haina chayakataura vanhu vakaona kuti yasvika, baba Monica vakabva vanopfugama pamwana uya vachibva vati " Sekureva kwamakaita kuti munoda kuripwa nemurume takukupai murume kubva nhasi mava naye anonzi Abed Matiza anoera Nyati" Ngozi iya yakaramba yakanyarara haina kudaira vana baba Monica vakaramba vachitaura vachideketera kumugarwi uya kusvika mweya uya wazoenda. Vanhu vakarova maoko mhururu dzikaridzwa vachifara kuti ngozi yatambira Abed. Stay tuned Masibanda loves you.
โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 269

Comments