Miss Novels T.N Bvaru
June 17, 2025 at 06:00 PM
*ABEDIE*
๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐
https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy
*NEW BOOK ๐ 2025 PRODUCTION*
*BOOK NUMBER 24*
*Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF
BY
*MISS ๐ T.N BVARU*
*lioness*
*Read comment and share*
*contact*
0๏ธโฃ 7๏ธโฃ 7๏ธโฃ 9๏ธโฃ 5๏ธโฃ 7๏ธโฃ 4๏ธโฃ 7๏ธโฃ 6๏ธโฃ 6๏ธโฃ
*CHAPTER 07*
*Naration*
Pavakaona Zvinhu zvavo zvafamba vana baba Monica havana kuda kuzogarisa pamba apa vakabva vafunga zvekuoneka kuti vaende vainge vasisade zvekurara pamba apa, vakaone vachibva vatoenda kubustop kwaiwanikwa malifts anoenda mugokwe center kunova iko kwaiwanikwa mabhazi ekuenda kwavo kuchidamoyo. Havana kumboita nguva yakareba vari pabusstop pakabva patouya chimota chinotakura mombe vachibva vakwira ichocho vakabva vanopinda mugokwe town kuma past 11am, vachisvika vakawana mabhazi anoenda kuchidamoyo kwavo vachibva vatopinda pasina nguva bhazi rakasimuka richibva rati munzira ronanga kuchidamoyo. Vari mubhazi imomo vakatanga kutaurirana mukoma nemuninina baba Monica ndivo vakatanga kuti
"Zvinhu izvi zvafamba nyore ndanga ndisingafungire kuti zvingaita nyore kudaro"
"Mazvionaka mukoma chifungai kuti dai Takaendesa Zivai izvo zviri nyore kudai, Abed hapana chaanofanirwa kuziva nezvenyaya iyi zvachose".
Baba monica vakabva vati
"Makakurumbidza kufunga isu vedu vana voita zvisvinu zvaAbed hameno zvake tikada kumuitira tsiye nyoro anotibatsira nei mangwana"
"Ndizvo zvandaikuudzai zviya mukoma kuti mangwana anozotimhorosa nechimuti"
"zvaita zvakanaka zvabva zvagara zvadarika kudai"
Vaviri ava havana kana kuzoona kureba kwerwendo rwekubva kugokwe kusvika kuchidamoyo nekuda kwekukurukura kwavaiita vakazongoerekana vasvika paiperera bhazi baba Zivai ndivo vakazoti
"Mukoma tatosvika isu"
"Ini kana kuzviona hangu".
Vakataura vachisimuka paseat vachidzika pasi, vabuda mubhazi vakadungamidzana voenda kumba kwavo vava kusvika pedyo vakabva vambomira baba Zivai ndokuti
"Kana tasvika kumba Abed haafanirwe kuziva kana chinhu haafanirwe kunyumwa zvachose izvi ngazvive pakati pedu tiri vaviri"
"Pakanaka bamunini panzwikwa"
Vakabva vaparadzana umwe neumwe akuenda kumba kwake, baba Zivai vachisvika pamba vakatambirwa naZivai ndiye aiva aripo Abed ainge asipo aenda zvake kugadern semazuva ese, Mai Zivai vainge vasipo zvekare. Baba Zivai vakanoisa bag ravo mumba ndokudzoka vogara zvavo panze pamumvuri vachizorora semunhu ainge abva kufamba rwendo, Zivai akauya pedyo navo vachibva vati
"Ko Abed ari kupi?"
"Aenda kugadern"
"Horaiti ko Mai vako?"
"Handizive ndawana vasipo, kwanga kuri sei kwamanga muri"
"Kwanga kwakanaka zvako tadzoka"
Zivai aiziva kuti baba vake vanomuudza zvese achibva ati
"Baba kwamanga makaenda uku kwaiva nei?"
Baba Zivai vakamboti zii vakachifunga kuti vopindura kuti kudiii asi semwana wavo wavanodisa vakabva vati
"mwanangu mashoko andichakuudza pano hakuna umwe munhu anofanirwa kumanzwa"
"Hapana wandinomboudza baba"
Baba Zivai vakabva vati
"Uri kuziva paya tichitaura nyaya yengozi nababa monica yaida kunzi inoripwa?"
"Hongu ndiri kuzviziva"
"Iwe ndiwe wanga wanzi unofanirwa kunoripa ngozi iyoyo"
"Ahhh baba sei inini?"
Akabvunza achiita kakukwidza voice baba vake ndokuti
"Taurira pasi Zivai unoda kuti tinzwike, iwe hawairipiswa ngozi ka ini baba vako ndiri mupenyu ndichiri kufema"
"Saka zvazofamba sei"
"Abed ndiye watakanoripisa ngozi asi iye haafanirwe kana kuzviziva"
Zivai akasekerera akabva afunga nyaya yaLisa achibva abvunza baba vake kuti
"Saka baba kana achinzi ava murume wengozi chii chinoitika paari?"
Baba Zivai vakatanga vatarisa kuti hakuna aiuya vakaona kusina vakabva vati
"Chekutanga haaroore anosvika pakufa akadaro and muhupenyu hapana chaanoita nekuti ngozi yacho inenge ichimuda padhuze"
"Ko kana akafa ngozi yacho haizodzoke zvekare here yakuda umwe munhu"
"Aiwa mwanangu kana akafa zvinenge zvatopera ngozi haidzoke ichida mumwe munhu zvekechi 2"
Mashoko aya akafadza Zivai semunhu ainge agara ane nyaya yake kare baba vake ndovakazoti
"Nyaya iyi haifanirwe kubuda zvachose Zivai kunyangwe amai vako haafanirwe kuinzwa unovaziva kuti vanoda Abed kuita sekuti mwana wavo"
"Ndazvinzwa baba"
Akabva asimuka zvake Zivai akatanga kuona Lisa ava wake sezvo Abed anga anzi haafe akaroora, achangobva pana baba vake mai vake vakabva vadzoka kubva kwavainge vakaenda vachibva vati
"Titambire zveNyati ko masvika nguvai"
Vakadaro vachiisa bucket pasi vachitambira murume wavo ivo baba Zivai vachibva vati
"Tambirai handina nguva ndasvika"
"Makafamba zvenyu zvakanaka here"
"Ehe takafamba zvakanaka chose makasara sei pano"
"Aiwa pano takasara zvakanaka, zvino nzara haisati yokubvunzai mutupo here?"
Mai Zivai vakabvunza baba Zivai ndokuti
"Ndangowana mumba macho musina chekudya umu"
"Regai ndivese moto ndikubikirei nekuti handina kuziva kuti mungadzoka nhasi"
Vakadaro vachisimuka pavainge vakagara paya vachikwazisa murume wavo vakuenda mukitchen kunovesa moto kuti vabikire murume wavo. Nguva diki diki vainge vatopedza ndokupa kurira murume wavo achibva adya akunopedza ndiyo nguva yakasvika Abed nemombe achibva kugadern, akabva anodzivharira ndookuuya mukitchen maiva nababa vake achibva ati
"Maswersei baba"
"Ndaswera zvangu, kwanga kuri sei kugadern"
"Kuri right hako takadyara nurse nezuro"
"Makaita zvakanaka asi nurse iyoyo inoda kudiridzwa chaiko everyday kuti imere Kwete zvako zvemukondana naZivai moita zvinoita kugadern ikoko"
"Ndazvinzwa baba"
Akabva anyarara zvake Abed, akazobuda mumba muya pava paya achibva ambonogara zvake panze, Zivai aimuona ari kure asi haana kutaura naye aida kungotamba tsoro yake chinyararire.
*Naration*
Mai Zivai vakatanga kuita zvekubika chikafu chemanheru vapedza vakabva vapakura munhu wese ndokudya, vapedza kudya vakabva vaonekana umwe neumwe akunorara baba Zivai ndivo vakatanga nekuda kwekuneta nerwendo rwavo rwavakafamba. Vana Abed vakazonorarawo, Mai Zivai pavakapinda mumba vakabva vati
" Asi nhai baba Zivai zvinoirevei kana muchindivanzira Zvinhu pano pamba?"
Hana yababa Zivai yakaita kakurova vachibva vati
"Mavanzirwa chii Mai Zivai"
"Sure mungaenda rwendo mugotadza kana kundiudza kuti maifambirei?"
"Handisi kuda kutadziswa kuzorora netumibvunzo tusina basa Mai Zivai, zvimwe ngazvikudarikei pano pamba"
"Hezvo ndodarikwa nei ndirini Mai vepamba pano, itsoro ipi yamuri kutamba nababa Monida muri vaviri yamusingataure?"
"Locadia usada kundinzwa wazvinzwa ziva kuti iwe uri mutorwa muno mumusha hapana paungaziva nyaya dzemuno mumusha dzese"
Mai Zivai ndokuti
"Heya ndanyarara zvangu asi rine manyanga hariputirwe"
"Ndisiyei ndiri kuda kuzorora mumba mangu muno".
Vakadaro baba Zivai vachifuga musoro Mai Zivai vakabva vanyarara zvavo ndokufugawo blankent ndokurarawo.
Abed hope dzakanonoka kubata musi uyu aifunga vabereki vake kuti dai vari vapenyu dai asina kusiira chikoro panzira, akanzwa misodzi yake yakuyerera akamboedza kuzvidzora kuti asachema asi aiti akafunga kuti achasvika kupi achirarama hupenyu hwaairarama pamba pababa Zivai. Nhamo yese yaaiona pamba apa pasina wekuudza hope dzakazomubatira mumisodzi. Musi uyu haana kana hope dzaakarota akarara semazuva ese akazopepuka kunze kwayedza, akabuda mumba make makuseni seni sezvo aida kunodiridza nurse yefodya yaidiridzwa katatu pazuva aiziva kuti akanonoka kuenda baba Zivai vakamuka hapaibuda chakanaka, haana kuda kumirira kumuka kwaZivai. Asvika ikoko akadiridza kusvika apedza achifunga kuti achaona Zivai asi haana kumuona kusvika zuva rakwira. Haana kudzokera kumba akaramba ari pagadern achibva adiridza zvemasikati ndokubva amirira zvekuzodiridza manheru stiil no sign of Zivai. Zuva rakuda kudoka nzara yainge yakumubvunza mutupo akabva ananga kumba achisvika Mai vake vakabva vati
"Nhai Abed ko hindava kusadzoka Inga ndatuma Zivai kare kare kuti akuchinje uuye udye"
Abed akabva ati
"Handina kumbomuona ini Zivai haana kusvika kugadern"
"Hezvo asi mwana uyu anoshura? Munhu wandatuma kuseni chaiko ndichiti enda unochinja umwe auye adye?"
Abed aiziva hunhu hwaZivai akabva ati
"Chisiyai zvakadaro mhamha pamwe hameno kwaaenda zvake".
Mai Zivai vakaita kuzara nehasha nezvakaitwa nemwana wavo kuti sei ainge asina moyo neumwe wake zvekusvika pakadaro, havana kuda kutaura zvakawanda kuna Abed vakabva vanyarara zvavo, iye Abed akadya ndokupedza paainge akuda kuzorora akabva afunga kuti mombe hapana akabva abuda ndokunotsvaga mombe akazodzoka nadzo zuva ratodoka, Ipapo ndipo paakawana Zivai adzoka.
*ABED*
Musi uyu haana kunonoka kubatwa nehope akakasira kurara nekuda kwekuneta Kwaainge akaita kuya akazopepuka pakati pekusiku achingomzwa hana yake kurova zvaasina kunzwisisa zvakaita kuti atore time asina kudzokera kurara. Akazorara zvekare time dzati fambei akazomuka kwayedza. Musi uyu akamuka achifunga Lisa wake akangomuka akaronga kuti aizonomuona masikati apedza kudiridza since yainge iri weekend. Akanoita basa rake kugadern ndokupedza achibva asiya zvese zvaaishandisa mugadern akuenda kumaraini kwana Lisa, asati svika kumba kwavo akatanga adarika nekugadern aiziva kuti ndiko kwaanowanikwa kazhinji kana iri weekend achisvika ikoko akawana Lisa uya arimo achidiridza akabva apinda mugadern muya ndokuti
"Hie Lisa ko kuzoita Kunge usiri kundiona?"
Lisa akabva aisa bucket pasi ndokuti
"Uri kudei Abed?"
"Lisa what's wrong?"
"Abed buda mugadern mamai vangu izvozvi handidi kana kukuona mulife mangu again"
Abed got confused kuti why Lisa akudaro akabva ati
"Lisa ndaita sei nhai, if wakatsamwa kuti handina kuuya kuzokuona nezuro I'm sorry okay ndaiva ndiri busy nebasa kumba"
Lisa akabva kutaura zvine hasha achiti
"Abed it's over between you and I, don't you ever come close to me again!"
Abed! the beginning!
Stay tuned
Masibanda loves you
โค๏ธ
๐
๐ข
๐
๐
๐ฎ
211