Miss Novels T.N Bvaru
June 18, 2025 at 09:02 AM
*ABEDIE* ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy *NEW BOOK ๐Ÿ“™ 2025 PRODUCTION* *BOOK NUMBER 24* *Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF BY *MISS ๐Ÿ’ž T.N BVARU* *lioness* *Read comment and share* *contact* 0๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 9๏ธโƒฃ 5๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 4๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ *CHAPTER 08* *Naration* Abed akashaya kuti zviri kubva nekupi zvaiva zvakuitwa na Lisa and akatoona kuti ainge ari serious achibva ati "Lisa zvese izvi zviri kubva kupi? " "Abed zvandataura wazvinzwa our chapter is closed chibuda muno mugadern mamai vangu" Abed akada kutaura asi shungu nekurwadziwa zvakamukurira achibva atadza kududza mashoko akabva angonyarara akabva atanga kufamba achienda kumusiwo wegadern asvika padoor akacheuka ndokutarisa Lisa achibva atoona Lisa wacho ava kuenda mberi nebasa rake. Akabuda achibva atanga kufamba zvishoma nezvishoma achienda not believing zvaainge aitwa naLisa, kuti anange kumba haana kuda akabva adzokera kugadern kwavo waiting kuti achinodiridza zvemanheru, simba ainge asisina Abed akarwadziwa nekurambwa naLisa pasina reason yaari kuziva kuti arambirwei. Kwava kumanheru akatanga kudiridza ndokupedza, akazobuda mugadern umu ndokuenda kumba achifamba low low kana simba rekunotsvaga mombe akarishaya. Achisvika kumba akawana baba Zivai varipo pavakamuona achisvika vakabva vati "Ko zvaunenge wangouya usina mombe wani?" "Handisi kunzwa zvakanaka baba" Abed akapindura nevoice riri pasi baba vake ndokuti "Saka mombe dzorara musango?" "Baba Zivai inga mwana ati ari kurwara wani, moda kuti anotsvaga achirwara kudaro hamuna kana nekumubvunza kuti ari kunzwei" ", Kurwara kupiko usimbe uhwo kusada kutsvaga kuti Zivai achatsvaga" "Baba Zivai ko iye Zivai wacho ngaatsvage ka handiti Abed ndiye anotsvaga mombe mazuva ese kana ati haasi kunzwa zvakanaka haasi makamboona achidaro kana one day pano" Baba Zivai vakaona kuti kuramba vachipikisana nemukadzi wavo kupedza nguva vakabva vasimuka ndokupinda mumba vakanotora bhachi ravo vachibva vati "Ndava kuenda ndega kumombe dzacho, handina chinondirwadza mombe idzi ndedzangu mhani" Vakabva vatora majombo avo aiva muzasi memba vachibva vapfeka ndokuenda. Mai Zivai vakasara ndokuti kuna Abed "Uri kunzwei Abed?" "Musoro uri kundirwadza mhamha" "Zvino pano pamba ini handina kana piritsi zvaro, ukamuka wakadaro mangwana unoenda kuclinic inogona kuva malaria" "Zvakanakai mhamha regai ndimbonorara hangu". "Zorora ndichakumutsa kana chikafu chaibva" Patime iyoyo ndipo pakanzwika muridzo waZivai waairidza achibva nekuseri kwemba achipinda muyard amai vake ndokuti "Uri kubvepi iwe?". "Mukati imomu kumafriends angu". "Wadii kuuya uchitsvaga mombe zvawanga usiri kugadern, baba vako vabva pano manje manje vachinotsvaga mombe idzodzo" "handiti Abed ndiye anouya nadzo mazuva ese ndati pamwe auya nadzo" "Ari kurwara uyu dai atouya nadzo" Zivai akabva atarisa Abed uyo aiva akagara pabhenji remumadziro emba panze achizorora akabva aseka ndokuti "Kurwara? atanga nguvai munhu angobva pano zvakanaka makuseni hayaa zvakaoma" Akabva awedzera kuseka Zivai, Abed akasimuka paaiva akagara paya ndokuenda kuroom kwake achibva anorara zvake, moyo wake wairwadziwa kusvika pekugumisa. Zivai akamutarisa kusvika anopinda mumba make achibva ati nechemumoyo "Abed wati waonei aya ndoanonzi mavambo uchaona inonzi ndondo muno muvillage zvekuti uchakungura kufa " Akazovhunduka akunzwa Mai vake vachiti "haunzwe here ndati simuka utore huni apo uise muchoto ndiri kuda kubika, uri kumbofungeiko?" Zivai akabva asimuka ndokutora huni dziya achiisa muchoto asi face yake yaiva izere nemufaro. Mai Zivai vakatanga kubika chikafu chemanheru murume wavo akazouya pava paya nemombe achibva adzivharira dzese, vakawana Zivai adzoka asi havana Kuda kumubvunza kuti sei asina kuuya nekumombe vakangoramba vakanyarara ndokuti "Ko Abed arikupi?" "Aenda mumba make umo arara" Mai Zivai vakapindura Zivai achibva ati "Kurwara kupiko baba muri kunyeperwa haasi kurwara uyo haiwawo". "Ndazviona hangu kuti haasi kurwara asi kusada basa zvino ivo amai vako ivava vanongoterera kese kataura ndinoshaya kuti vakaita sei" "Imi siyanai neni ndakarera Abed uyu kubva ari grade zero ndomuziva zvakanyanya kana ati ari kurwara ari kurwara" Vakapindura Mai Zivai vachiratidza kusafara nemashoko aitaurwa naZivai nemurume wavo. Baba Zivai vakabva vanyarara zvavo, Mai Zivai vakazopedza kubika vachibva vapakura asi Abed akaramba chikafu musi uyu akarara nayo. *Naration* Lisa akasara mdokupedzisa kudiridza mugadern mavo muya ava kuenda kumba ndipo pakasvika kashamwari kake kaigara panext nepamba pavo kakabva Kati "Lisa watopedza Inga warova fast nhasi". "Ehe haaa ndapedza ini ndakutoenda kumba". Musikana uyu ainzi nyasha akabva ati "Lisa ndasangana naAbed ndichiuya kunoku achiratidza kuti ari kubva kuno ndamumhoresa asi madairiro acho shows kuti something is wrong somewhere" "Nyasha handisi kuda kunzwa nezvaAbed chitochinja nyaya" "Whats wrong you use to love him zvekudaro ko chii chazoitika" "" I don't want to set my eyes on him again " " Lisa ko zvaunenge utori serious nhaiwe ko aita seiko Abed wacho " " Ndakatsamwa nyasha handisi kuda kutaura nezvazvo izvozvi wazvinzwa let's change the topic" Nyasha akatoona kuti Lisa akatsamwa achibva anyarara asi akashaya kuti chii chaizvo chainge chaitika pakati pavo vari vaviri , Lisa akapedzisa kuvhara gadern vachibva vatotanga kufamba vachienda kumba vakutaurawo dzimwe nyaya. Vasvika kumba Nyasha akangoti garei achibva atoenda kumba kwavo achisiya Lisa ariopo Mai vaLisa vakabva vati "Ndichamboenda kuchurch ndodzoka zvangu manje manje kune programme iriko, usakanganwa kuisa beans pamoto ndidzo dzatichadyisa manheru" "Horaiti mhamha mudarike nekwasekuru Mark muchipihwa maorange ndakaona akaibva" "Ndikawana anonditemhera ndinouya nawo" Vakapedzisa kutaura vatova kuroad kuenda kuchurch kwavaienda. Lisa akasara ndokutora huni panze achibva aisa muchoto akatora hari iya yebeans ndokuisa pachoto achibva atanga kukuchidzira zvake, Ipapo ndipo paatanga kufunga nezva Abed kuti akatanga kungonzwa kumuvenga zvaasina kumbobvira akaita, aiva asisade kana kunzwa nezvake worse nezvaakazoudzwa naZivai pamusoro pake kuti ainge akaripiswa ngozi akatanga kutaura ega achiti "Saka Abed aida kundiurayisa nengozi yake iyoyo, dai pasina Zivai akandiudza ndaitofa kaini... I hate you Abed!". Aitaura ari mumba mavo mukitchen muya, Zivai ainge audza Lisa nezvaAbed nezvimwe zvinotyisa zvekuti Lisa akabva awedzera kuvenga Abed moyo wekumuda wese uya waaiva nawo wakatama kukasara ruvengo. Akazoramba akuita basa rake repamba asi ainge apika kuti haana chaachada kuna Abed kana nekumuona zvako. *Naration* Zuva rakatevera Abed akamuka makuseni ndokubuda panze achida kuenda kugadern akabva awana amai vake vamuka kare vachibva vamuti "Ko watomuka kare Abed wadii kumbozorora musoro wava sei". "Nhasi ndiri nani mhamha ndiri kuda kuenda kugadern kunodiridza" "Aiwa chimbozorora mwanangu kana Zivai wacho asingaende ndoenda zvangu ndonodiridza nurse yacho ini" "Aiwa mhamha nhasi ndiri nani ini regai ndiende" Akadaro Abed achibuda pamba aiziva kuti akaswera aripo BP yaizonyanya kukwira, akabva atora cane yake ndokuenda. Asvika kugadern akadiridza semazuva ese akuda kupedza ndipo pakasvika mumwe mukomana aigara kunext village asi nurse yavo yefodya vainge vakaitira paiva nemagadern ana Abed nekuti kudziva rekwavo kwaizokasira kupera mvura. Mukomana uya akasvika achibva ati "Abed zviri sei?" "Ndeipi Aleck urisei?" "Aaah ndiri boo hangu haa wamukira wakutopedza ini handisati ndatotanga" "Ndauya kare ini handide kudiridza Kwakupisa" Abed akapindura Aleck ndokuti "Manje manje ndinotangawo zvangu yedu mihomba mishoma hainonoke kupera" "Yenyu ishoma this year hamuna kuda kuiwanza". "Haaa mudhara wangu akati haasi kuda kunyanya kuiwanza uyu last year takanzwa nebasa wena ummm" Abed ndokuti "Haa last year manga makairima sure apa muri vashoma" Aleck naAbed vakaramba vachitaura zvavo kusvika Aleck azoti "Iwe Abed pane imwe nyaya yandanga ndakanganwa shaa handiti iwe wakapasa level" "Ehe ndakapasa". "Kune kuri kudiwa teacher wema form 1 and 2 kuchiroti uko ndakanzwa nemwana klwaSisi vangu vaya vakaroorwa ikoko anodzidza ikoko, kwakanzi kuri kudiwa munhu akapasa o level chete temporary teacher zvanzi mateacher ari kushota pachikoro pacho Unogona kumboenda" "Uri serious here iwe" "Ndiri serious ndaiti ndichazokuudza asi ndaizvikanganwa pese patinooonana" "Okay ndiri kuda kuenda manje ndosvika ko sei" "I think unotaura naHeadmaster wacho ndiye anokuuudza kuti unodii, Mira ndigopihwa number dzavo nemwana wasisi vavo tovafonera wotaura navo pafone pangu since iwe usina fone" "Okay Aleck ungaite basa shaaa kusiira chikoro paroad kuri kundirwadza, at least ndikashanda gore rinoiri ndosaver Mari yekuti next year ndizoregister form 6 zvinobuda" "No problem zvinobuda Abed regai ndifonere kamuzukuru kangu kasende number dza headmaster wacho" Akabva afona Aleck ndokutaura nemuzukuru wake achibva apihwa number , vakabva vafonera headmaster uya ndobva ataura naAbed, zvesure headmaster akabvuma achinzwa mapasiro aiva akaita Abed o level chainge chasara kuti iye Abed achienda ikoko vanoona direct achivaratidza his o level certificate. Abed akafara zvisingaite kuti at least akunowana chinomupa Mari kuti akwanise kudzokera kuchikoro since baba vake Mari yekurima vaisamupawo kana cent. Akazobva kugadern Manheru akati handingatenge ndaudza baba ndinofanirwa kutanga ndaona headmaster topedzerana kana vati ndiuye ndozoudza baba. Paakapinda muroom make haana kumbotarisa paigara certificate rake kwakazoti kunze kwayedza ndipo paakafunga kuritarisa akaona maraigara maiva nemabirth ake muchiratidza kuti mambobatwa akatanga kutarisa certificate riya haana kuriwana. Stay tuned Masibanda loves you.
โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 191

Comments