Miss Novels T.N Bvaru
June 18, 2025 at 06:06 PM
*ABEDIE*
๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐
https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy
*NEW BOOK ๐ 2025 PRODUCTION*
*BOOK NUMBER 24*
*Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF
BY
*MISS ๐ T.N BVARU*
*lioness*
*Read comment and share*
*contact*
0๏ธโฃ 7๏ธโฃ 7๏ธโฃ 9๏ธโฃ 5๏ธโฃ 7๏ธโฃ 4๏ธโฃ 7๏ธโฃ 6๏ธโฃ 6๏ธโฃ
*CHAPTER 09*
*ABED*
Abed akatanga kuburitsa Zvinhu one one muzienvelop muya mazvainge zviri achinyatsotarisa akazviti zvese pasi bvuuu asi haana chaakaona, birth certificate rake nechitupa zvaivamo asi certificate iroro mainge musina, akatanga kuzunza pese pese kumabook pai paakasiya imba yese kuita upside down achiritsvaga asi haana kuriona. Akabva ambogara pasi achiedza kufunga kuti angave akariisa pai asi memory yake aiziva achirichengetera maigara mabirth ake, akatanga kudzokorora kutsvaga zvekare asi haana chaakaona akabva abuda panze ndokusanga namai vake vachibva vamuti
"Abed wamukasei ko kuzenge une zviri kukunetsa chii?"
"Handisi kuona certificate rangu reform 4 mhamha"
"Wakanga wamboriisa paiko, ende futi"
Vakadaro vachitofamba kuenda kuroom kwaAbed vakasvikopinda iye Abed achitevera ndokuti
"Wanga wakariisa pai? "
"Ndanga ndakaisa umu munogara mabirth angu mhamha asi ndatarisa hamuna".
Mai Zivai vakatangawo kutsvaga tsvaga asi vakangoona mabirth certificate chete vakabva vati
"Une chokwadi kuti hakuna kumwe kwawakazoenda naro?"
"Handina ini zvaingogara imomu mazuva ese"
"Saka raenda kupiko ini zvangu"
Vaingidaro vachiwedzera kutsvaga, vakatsvaga kusvika vaneta asi havana kuona chinhu, baba Zivai vakazobuda mumba pava paya vakanzwa mukadzi wavo achitaura ari kuroom kwaAbed vakabva vaterera kuti kwaitaurwa kuti kudiii vakanzwa iri nyaya yecerficate vakabva vati
"Ko Abed uchiri pano zuva rakwira kudai uri kuda kuti fodya iomerwe here"
"Nhai baba Zivai hamuone kuti mwana ari kushaya chinhu chakakosha here zvamuri kutaura muchidaro"
"Rine basa reiko certificate racho kunge rinoda kushanda, fodya iyoyi ndoiri kuita kuti vadye muriwo une mafuta pano yavari kuda kuti iomerwe achitsvagana necertifacate kunge rinomupa sadza".
Baba Zivai vaitaura voice rati kwirei vachiratidza kushaya hanya nekushaya waAbed certificate rake, iye Abed akatoona kuti kuramba ari mumba pangapedzisira pava nebishi nemhere mhere akabva abuda ndokukwazisa baba vake achibva anhonga Cane yake onanga kugadern kwavo. Asvika ikoko kana simba aiva asina achifunga kuti certificate rake rakaenda kupi chaizvo, akadiridzira kushinga kusvika apedza achibva aisa cane iya kwakadaro achibva agara akaita zviya zvekuisa mabvi mudenga akaisa musoro wake pakati pamakumbo ake akatarisa pasi, misodzi yake yakatanga kuyerera akadaro akatora nguva akadaro akatozovhunduka pakauya Aleck achibva mugadern mavo achibva ati
"Abed ko wazodii, hauna kuzondiudza wani"
Abed akasimudza musoro wake ndokutarisa Aleck achibva ati
"Ndashaya certificate racho saka ndoenda sei ndisina Aleck?"
"Warishaya chirudziii wanyatsotarisa mumba here"
"Hapana pandasiya Aleck harimo mumba"
"Ko rakatorwa nani"
"Wandinozivepi handina kana chandiri kuziva ini"
"Manje woita sei?"
Aleck akabvunza achiratidza kurwadziwa nekuti aiziva upenyu hwairaramwa naAbed pamba pa bamunini vake iye achibva ati
"Hapana Aleck pasina certificate zvatodhakwa"
"Ummm ko ukamboedza kuendako kuchiroti kwacho unotaura naheadmaster wacho sezvo anga abvuma pamwe anokunzwisisa"
"You think so? , but pasina certificate rinoratidza kuti ndakapasa form 4 yacho zvinonetsa Aleck"
"Just give it a try Abed, zviro zviyedzwa"
"Okay asi chakunetsa handina Mari yebhazi kuchiroti kure kuti ndingasvikako nekudzoka netsoka"
Aleck akabva ati
"Kunoita mariiko zviya inenge $2 kumba uku ndine ka$5 kangu Kandanga ndakachengeta ndichida kuzotenga mapush kumashop uko ndogona kukupa iyoyo woenda"
"Thank you so much Aleck, handizive kuti ndingakutende nei?"
"Uchitendei Abed mangwana ndini, zvowoita apaka kumba kwenyu uko usaoneke kuti uri kuenda kuchiroti iwe unongobuda kunge uri kuuya kuno kugadern semazuva ese hembe dzekuchinja usatore ndichakuvigira dzangu kana wasvika kuno ndokupa wochinja woenda ini ndichasara ndichikudiridzira nurse yako "
Abed akatenderana nepfungwa yaAleck iyi aiziva kuti akaoneka kumba kwavo anorambidzwa akabva ati
" Thank you so much Aleck for helping me "
" Ehe usaite zvekuti kumba kwenyu vanoziva kuti uri kuda kubuda zvachose "
Abed naAleck vakataurirana ndokuwirirana Abed akabva ambomira kuchema kwaiita kuya akutaura naAleck mugadern muya.
*Naration*
Pakabva Abed kumba Zivai akazosara achimuka akabva asanganidzana namai vake vachibuda mumba maAbed akabva ati
" Makusaei mhamha?"
"Ndamuka hangu ko uchiri pano umwe wako aenda kare kare"
"Ndanga ndisati ndamuka ini"
"Ko hauna kumbooonawo certificate raAbed here?"
"Aaa muno bvunza ini makamboona ndakaribata here?".
"Kubvunza kureva kuti wakaribata here kana kuti unogona wakariona?"
"handina kuriona ini handina nguva yekupinda mumba maAbed"
Amai vake ndokuti
"Ashaya certificate rake reform 4 mumba make imomo".
"Mune sure kuti arishaya, Abed hamusi kumuziva imi anenge achingoda kuti zvinzi ari kuitirwa hutsinye pano"
Baba Zivai vakabva vati
"Amai vako ava havazvione Zivai hameno kuti pfungwa dzavo dzakaita sei dzisingashande, anoshaya certificate ratorwa nani nhema dzega dzega idzo"
"Ndinomuziva Abed anongoda drama always, haasi we kutevedzera"
Mai zivai ndokuti
"Kana musina chekutaura better kunyarara zvenyu pane kutaura zvisina basa"
Vakadaro Mai Zivai vachinopinda kukichen mavo vachitanga kuita basa repamba. Baba Zivai vakabva vasimuka ndokupinda munzira voenda kumba kwemukoma wavo baba Monica vachisiya Zivai aripo pamba akazosara akabuda gare gare. Chiedza kahanzvadzi kaZivai kaiva kasina kuenda kuchikoro musi uyu kaiva kamuka maziso ako achirwadza pakakaona kuti Zivai aenda kakabva Kati kuna Mai vako
"Mhamha ini ndakaona mukoma Zivai vachibuda mumba mamukoma Abed nezuro zuva rakuda kunodoka"
"Asi Zivai anga achiramba kuti haapinde mumba maAbed, akabuda akabatei?"
"Ummm hapana chandakaona ini handina Kumbozvitarisisa".
Mai Zivai ndokuti nechemumoyo
"Kuti angava iye Zivai akatora certificate iroro kana kuti ane chimwe zvake chaaitsvaga?".
Vaingozvibvunza vachishaya mhinduro vakazopedza kuita basa repamba vasisina kana mufaro zvachose nekushaikwa kwecerficate raAbed, vakabika ndokupedza vachibva vati kuna Chiedza
" Unogona kuenda kugadern here uvigire Abed chikafu kugadern kwaari uko"
Chiedza akabva ati
"Aiwa mhamha maziso angu ari kunyanya kurwadza kana ndikafamba pazuva"
"Horaiti chirega timirire kuuya kwake"
*A week later in Batanai*
VaChidhumo vainge vachingori kurwara nepfungwa vaiva vakugara vakasungwa maoko zvese nemakumbo. Rimwe zuva hama dzavo dzakaungana semhuri vachida kuziva kuti chii chaizvo chaikonzera kurwara kwavo uye kuda kuvarapisa, umwe muninina wavo aiva mutevedzeri wavo pahukuru hwavo kufamily akabva ati
"Taungana tese pano nekuda kweurwere hwamukoma ava ngationesanei kuti toita sei semhuri"
Imwe hanzvadzi yavo ainzi vaBessy vainge vakura asi vaidanwa nezita ravo nekuti vainge vasina kumbobvira vakaita mwana pahupenyu hwavo yakabva yati
"Uku kurwara uku hakusi kwega kutaura chokwadi Ndinofunga kuti hameno zvakawakaitwa kwaMatiza ikoku kwavakabva".
"Iye zvino hatisi kuda kuita setinopumha vanhu tiri kuda kuziva kuti toita sei kuti mukoma vapore"
Vakadaro bamunini vaya tete vaya ndokuti
"Ehe munhu tiri kurapisa asi chokwadi hachidi kuvanzwa hakuna umwe muroyi kunze kwevanhu vekwaMatiza... Ndivengei zvenyu"
Vaitaura vaita kakukwidza izwi vaBessy ndihwo hwaiva hunhu hwavo vaisagona kunyenyeredza zvinhu vaingoti ipapo bvooo hanzvadzi yavo iya yakabva yati
"Tazviznwa vatete asi iye zvino ngatimboonai kuti mukoma vorapwa sei?"
"Ini Ndinofunga kuti tadii kumboenda kun'anga iri kwamusamba uyu yakarapa mwana waMaupa adzoka kuItaly akurwara nepfungwa"
Vaiva vaBessy vaya zvekare vakadaro hanzvazi yavo iya ndokuti
"Dambudziko hapana anoziva kune n'anga iyi uye zita rayo".
"Hezvo asi kwaMaupa kwacho kwakaberekera shumba here zvekuti hakusvikike, kuri kungotya chete kunobvunza kuti mwana wavo akarapwa kupi? Musaita sevana vadiki imi"
Umwe muzukuru ndiye akazoti
"Ndichaenda ini kunobvunza vatipe madirections ekuendako"
"Moti vana vevakuwasha vakashata mumusha iye zvino muzukuru ndiye akunobvunzirai zvamatadza imi"
Vakadaro vaBessy vaya, hapana akadaira vanhu vese vakabva vabvumirana nazvo kuti muzukuru azoenda kwaMaupa kunopihwa madirections.
*ABED*
Abed paakabva kugadern akasvika kumba achiita kunge asina kana kwaari kuenda, akasvika akavharira mombe dzake semazuva ese, akawana Zivai aripo musi wacho akatogara zvake pangoro paaifarira kugara mazuva ese haana kumutaudza akasvikonanga mukitchen maiva namai vake achibva avasweresa ndokubuda hake oenda kuroom kwake. Ava manheru vanhu vakadya vachibva vaenda kunorara, ava mangwana Abed akamuka semazuva ese achibva ati munzira kuenda kugadern, achisvika kugadern akawana Aleck avako atomumirira achibva amupa hembe dzekuchinja nemari yebhazi achibva atobva neimwe road yaienda kubustop. Bhazi harina kunonoka kusvika akabva atokwira ndokuenda, ari mubhazi imomo aingoshuvira kuti dai headmaster ava vamunzwisisa, bhazi rakafamba kusvika asvika paaidzikira onanga pachiroti secondary school. Akasvika nguva dzichiripo achibva ananga kuoffice kwa headmaster vaya akasvika varimo sezvo aiva maschool days akabva apinda akapihwa chair yekugara Headmaster vakabva vati
"Tingabatsirana nei?"
"Ndini mukomana wamaitaura naye nezuro ndichiti ndiri kuda basa ndakapasa form 4"
Headmaster vaya vakamutarisa vachibva vati
"" Hooo ndiwe Abednigo Matiza ? "
" Hongu ndini Sir "
" Ndine urombo basa rako pano hapana I just received information yekuti unodanana nevana vechikoro saka isu pano hatidi mateacher akadaro unotikanganisira vana vedu, I am very sorry hapasisina basa rako pano! "
Stay tuned
Masibanda loves you.
*Macoments enyu ndiwo anondipa simba*
โค๏ธ
๐ข
๐
๐
๐ฎ
๐
298