Miss Novels T.N Bvaru
June 19, 2025 at 09:07 AM
*ABEDIE*
๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐
https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy
*NEW BOOK ๐ 2025 PRODUCTION*
*BOOK NUMBER 24*
*Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF
BY
*MISS ๐ T.N BVARU*
*lioness*
*Read comment and share*
*contact*
0๏ธโฃ 7๏ธโฃ 7๏ธโฃ 9๏ธโฃ 5๏ธโฃ 7๏ธโฃ 4๏ธโฃ 7๏ธโฃ 6๏ธโฃ 6๏ธโฃ
*CHAPTER 10*
*Narration*
Baba Zivai pavakasvika kumba kwababa Monica vakavawana varipo vakagara zvavo vega mukitchen memukadzi wavo vachibva vati
"Tisvikewo pano mukoma"
"Svikai zvenyu bamunini pindai mumba"
Baba Zivai vakanopinda mumba vachibva vati
"Mamukasei ko nacho chando ichi"
"Ndamuka zvakanaka ini bamunini kurisei kumba"
"Aiwa kumba kutsvene zvako chando chete"
"Haa inguva yacho tingadiii?"
Vakadaira baba Monica baba Zivai vachinogara pabhenji, papera kanguva ndokuti
"Ndabva kumba uku ndichingonyangadzwa neiye mukomana uyu".
"Mukomana upi?".
"Iye Abed uyu hameno kwanzi handisi kuona certificate rangu"
"certificate rei iroro".
"hameno reform 4 ndanga ndichimbozvi terera here ini".
"Kushaikwa chirudziii mumba, asi kuti zviya zvatakaita zvakushanda?"
Baba Zivai vainge vasina kumbozvifunga zvese izvozvo vachibva vati.
"Ndanga ndisina kumbopafunga asi ndichatanga ndabvunza Zivai kana asina kubvira ariona"
"Zvakanaka bamunini muzouya nemhinduro"
Vaviri ava vakaenda mberi nehurukuro yavo vachitaura zvavo asi vainge vakutaura dzimwe nyaya kusvika baba Zivai vaoneka vakudzokera kumba kwavo.
Zivai kubva paakaziva kuti Abed arambwa naLisa ainge ava kugara ziso rake riri pana Lisa semunhu aimuda, musi uyu akabva pamba achibva amboenda zvake kwaaiswera achitamba akazobva ikoko time dzavaiziva kuti Lisa akubva kuchikoro achibva asangana naye muroad ndokuti
", Hie Lisa"
"Urisei Zivai"
"Ndiri boo hangu kwanga kurisei kuchikoro"
"Kwanga kuri boo hako"
Lisa aitotaura achifamba asingamire Zivai akabva atanga kumutevera achimuperekedza vati fambei akabva ati
"Lisa wakazoti kudii nenyaya yangu"
"Nyaya yei?"
"Ndakakuudza wani Lisa kuti ndinokuda ndaitorevesa paya"
Lisa akabva amira ndokuti
"Zivai imbondisiya please I still have much in my mind"
"Much yeiko Lisa zvaAbed zvakatodarika asi uchiri kufunga nezvake?"
"Usandiudza zvaAbed Zivai handisi kuda kutombonzwa nezvake"
"So why uri kundiramba I love you Lisa"
"I need time to think about this Zivai,can I go home"
Zivai akabva amuti
"It's fine you can go but enda uchifunga nyaya yangu yandakuudza"
Lisa haana kudaira akabva atotanga kufambisa achienda, Zivai akabva adzokawo kumashure ndokutanga kufamba achienda kumba kwavo. Zivai achisvika kumba akawana Abed aasati adzoka kugadern asi akawana pamba paine kahanzvadzi kake kadiki Chiedza.
*Naration*
Kubatanai kuya kumba kwavaChidhumo sekuru vaAbed vanhu vainge vamirira kudzoka kwemuzukuru uyo ainge aenda kwaMaupa kunobvunza nezve n'anga Iya yavaida kuendera. Muzukuru uyu ainzi Jonathan ainge akaberekwawo mumusha umu nemwana sikana wemo akazofa achisiya mwana uyu asina kutaura kuna baba vake, kukura kwakaita mwana uyu mumhuri iyi akangokura semwana wepamba ipapo kunyangwe zvazvo aiva muzukuru, Jonathan akasvika kwaMaupa ndokutaura zvaaiva atumwa nana Sekuru vake vaMaupa vachibva vamuti
"Kwamuri kuda kuenda kure kwazvo motobata Mari yakati wandei kuitira pakufamba nekuita zvimwe asi n'anga yacho inoti munobhadhara kana murwere wenyu apora"
VaMaupa vakaudza Jonathan zvese zvaaida kuziva kuti kunofambwa sei kusvika ikoko zvese nezita rayo, akazooneka achibva adzoka kumba ndokutsanangurira vana sekuru vake mafambiro aainge aita. Vanhu vemusha uyu havana kuda kunonoka vakabva vatotanga kuita mapreperations ekuti vaende kwaMusamba kuno rapisa VaChidhumo. Vanhu vaienda vaiva vaBessy nehanzvadzi yavo naivo vaChidhimo nemukadzi wavo, zuva rakatevera vakamukira kubhazi kunze kusati kwanyatsochena vachibva vakwira ndokuenda, kunhu kwacho kwaiva kure chaiko pedyo nerudzi rwematonga rwaitangira side iroro ruchienda kuBinga, rwendo haruna kuvarwadza kufamba vakazosvika pamba pen'anga zuva ratodoka vachibva vapihwa pekurara ndokurara. Ava mangwana acho n'anga yakamukira mudare mayo ichibva yavadaidza ndokupinda vese vari 4, bamunini vaya ndivo vakatanga kutaura vachiti
"Ndauyawo nemukoma wangu sekuru haasi kunzwa zvakanaka"
Sekuru vaya vakabva vati
"Anonzani Zita rake"
"Chidhumo sekuru"
N'anga iya yakaita kunge yavhunduka asi haina kuda kuzviratidza vanwe vese havana kuzviona kunze kwava Bessy ndivo vakazviona yakabva yati
"Arwara nei Chidhumo?"
"Mukoma wangu ava nesvondo rimwechete achirwara nepfungwa hatisi kuzivawo kuti chii?"
N'anga iya haina kuzombotaura zvakawanda yakabva yati
"Urwere huri pavari hwakakurisa handiugone kuurapa"
Vanhu vese vakabva vatarisana zviya zvekubvunzana kuti sei, bamunini vaya vakabva vati
"Sekuru tabva kure kuuya kuno tanzwa kuti ndimi munozvigona zvino kana makudaro toita sei?"
"Zvandareva mazvinzwa handina zvandinogona kuita dzokerai zvenyu kumusha kwenyu"
Vana vaBessy vakatoona kuti hapana chekurambira varipo since n'anga yati haizvikwanise vakabva vabuda zvavo ndokuoneka pamusha apa vachibva vaenda . Vari mubhazi kudzoka kumba bamunini nemudzimai wavaChidhumo ndivo vaingonzwika kutaura vaBessy vainge vari zii kusvika vasvika kumusha kwavo, pavakadzika mubhazi vakatanga kufamba voenda kumba kwavo vaBessy vaya vainge vachiri vakangonyarara bamunini vaya ndokuti
"Vahanzvadzi kubva zvatabva uko makangoti ziii zvaita seiko"
"Marambiro aita n'anga Iya kurapa mukoma handina kumanzwisisa zvangu"
"Inga yati handizvikwanise pamusina kunzwisisa ndepapi chaipo"
"Ipapo pekuti hanzi handikwanise kuzvirapa, kungoti vamwe mune maziso asi hamuone"
"Zvenyuwo futi hazvitevedzerwe chii chamaona? Yagona yataura chokwadi kuti haizvigone pane kuti taingodyirwa Mari pasina chafamba"
"No baba Musa haisiyo nyaya yacho ini ndaona kunge n'anga Iya kwanga kuri kuramba kuya kurapa mukoma Kwete kuti hazvigone"
"Ichiramba nekuda kwei kuita kunge pane wainoziva?"
"Moyo wangu uri kundiudza kuti something is wrong somewhere, kubva zvayanzwa zita ramukoma mazomboona kana ichikanda hakata yabva yarambira mudenga isina kana zvayamboedza kuita"
"Izvozvo ndazvionawo tete asi ndangofunga kuti pamwe ndozvavaudzwa nevari kumhepo"
Mudzimai wavaChidhumo akapindura achitsinhira zvaitaurwa natete vaya baba Musa vachibva vati
"Ini hangu handina chandaona kana chimwechete, kana zvaramba tinotsvaga kumwe"
"Handisi kuramba asi kwatabva uku pane nyaya chete maitiro aita n'anga Iya".
Vaikurukura kusvika vasvika pamba pavo, vanhu vemumusha vaitarisira kuti VaChidhumo vachadzoka vapora asi vakadzoka vakangosungwa netambo semaendero avakaita. Vachisvika pamusha vanhu vakaungana vachida kunzwa mafambiro ainge aita vana baba Musa asi vese vakashamiswa vakunzwa kuti n'anga yakasvika ikati haizvikwanise, dare rakagarwa zvekare pamusha apa vakuronga kuti voita sei navaChidhumo sezvo n'anga yainge yazvikonewa. Shoko rakazosvikawo kwaMaupa kuti ndizvo zvainge zvaitika kana naivo zvakavashamisa kuti ndizvo zvakaitika nekuti n'anga iyi hayaimbokundikana Zvinhu zvidiki zvakadaro. Vanhu vemumhuri iyi vakatanga zvekare kutsvaga kumwe kwavangaenda navaChidhumo kuti varapwe. VaChidhumo havana kumira kurwara nenjere zvaitoita zvichiwedzera zuva nezuva vachitaura zvisinganzwisike pamwe pacho vachiramba kudya zvekuti munhu wese ainge akutenderera musoro kunyanya mukadzi wavo airwadziwa zvakanyanya zvekuti kana chikafu ainge asiandye ainge aonda nemazuva mashoma iwayo kusara aita serutsanga.
*Naration*
Pakabuda Abed akuenda kuchiroti Aleck akasara achiridzira Abed akuda kunopedza ndipo pakasvika Zivai achibva ati
"Ndeipi Aleck"
"Mushe urisei?"
"Ko ndiwe uri kudiridza muno".
"Uri kubvunza zvauri kuona zvichiitika sei?"
"Ko Abed ari kupi?"
"Pane kwaenda achauya".
"Saka iwe wotonzi Sara uchindidiridzira hindava uchibvuma kushandiswa iwe?"
Aleck haana kuda kupindura Zivai akaramba achiita zvaaiita Zivai ndokubva ati
"Kupusa ndokuziva ini kubvuma kushandiswa neumwe munhu zvakadaro, Abed hausi kumuziva iwe I one day chete rauchaona kuti haabatsirike saka tichimusiya akadaro"
"Ko iwe wanetswa neiko nhai Zivai isimba rako here riri kushanda apa?"
"Rega ndinyarare zvangu asi rimwe zuva uchandifunga kuti Zivai aireva"
Akabva abuda zvake mugadern muya Zivai ndokuenda achisiya Aleck achipedzisa kudiridza haana kana kuda kumubatsira akangobuda ndokuenda asina kuzotaura futi aiva atoona kuti Aleck wacho haasi kuda zvekutaura naye. Akabva aenda kumafriends ake kwaaitambira.
*ABED*
Akashamisika nezvakataurwa naHeadmaster vaya achibva ati
"Sir handina kumbobvira ndaita Zvinhu zvakadaro"
"look Abed hatikwanise kuemployer munhu ane record yakadaro pano pachikoro tinoitira safety yevana"
"But Sir ndaitova student this year ndakazoshairwa Mari yekuregister A level ko vana vechikoro vacho ndadanana navo nguvai?"
Abed akabvunza maziso ake ajenga misodzi headmaster ndokuti
"There is nothing I can do, kuti tikupe basa pano hazvigone"
Abed akamboedza kutaura navo asi zvakashaya basa, akazobva pachikoro apa misodzi yakuyerera, kuwana basa was his last hope kuti ndipo paachawanawo mari yekuzoenderera mberi nechikoro, abva pachikoro paya akanomira paroad paidarika nemacombi aienda kuchidamoyo achibva awana yaienda ndokukwira akudzokera. Asvika haana kunanga kumba akasvikira kugadern kuti anochinja hembe dzake dziya dzaaiva akapfeka kuitira pasawana anoziva kuti ambobuda, akasvika pagadern akawana Aleck aenda asi hembe dzake dzivamo akabva achinja ndokurongedza dzaAleck dziya mugadern muya. Akabuda ndokupinda murwizi achida kunogeza kuti agoenda kumba ka1 zvaaisiita mazuva ese achinosvika paaigezera paya akawana pakazara tupepa twairatidza kuti twakabvarurwa ndokukandwa mumvura akambonzwa usimbe hwekuona kuti twaiva twei achibva ageza ndokupedza akuda kuenda ndipo paakanhonga one kacho achibva atarisa hana yake yakarova misodzi ikatanga kubuda achiona riri certificate rake raaitsvaga rainge rakabvarurwa rikakandzwa mumvura.
Stay tuned
Masibanda loves you.
โค๏ธ
๐ข
๐
๐
๐ฎ
๐
213