Miss Novels T.N Bvaru
June 19, 2025 at 06:03 PM
*ABEDIE*
๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐๐
https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy
*NEW BOOK ๐ 2025 PRODUCTION*
*BOOK NUMBER 24*
*Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF
BY
*MISS ๐ T.N BVARU*
*lioness*
*Read comment and share*
*contact*
0๏ธโฃ 7๏ธโฃ 7๏ธโฃ 9๏ธโฃ 5๏ธโฃ 7๏ธโฃ 4๏ธโฃ 7๏ธโฃ 6๏ธโฃ 6๏ธโฃ
*CHAPTER 11*
*Naration*
Abed akatadza kudzora misodzi yake akabva agara padombo raiva murwizi imomo akatanga kuchema akagara ipapo akabata tumapiece twemapepa aya mumaoko, zuva rakasvika pakunyura akagara ipapo asina kuzviona kuti kwadoka akatoita zvekuvhunduka pava paya akuona kunze kwakutanga kuita Karima, akanhongera tumapiece tuya twese twaiva tusina kupinda mumvura asi tuzhinji twacho twaiva mudziva. Akabuda murwizi kuya ndokuenda kumba haana kana kumbofunga zvekudarika achitarisa mombe akangonanga kumba kwavo straight asi achisvika kudanga akasvika mombe dzatovamo mudanga zvakamunetsa kuti dzauya nani, akabva anopinda mukitchen akawana amai vake vachibika uku Zivai ainge adzoka kare, achipinda mumba akanogara pabhenji achibva ati
"Maswerasei baba maswerasei mhamha?"
"Taswera waswerawo"
Mai Zivai vakapinda baba Zivai vakabva vati
"Nhasi waswera kupi?"
"Ndaswera kugadern ndi....."
"Anonyepa uyu baba ndaenda kugadern ndikawana asiko ndatosvika mwana uya wekawahove ndiye anga achidiridza mugadern"
"Iwe zvawaona asiko wadii kudiridza?"
Vakadaro Mai Zivai vachiganhurira mwana wavo Zivai kutaura baba Zivai ndokuti
"Imi muri kudaira ndimi mabvunzwa here kana aswera asiko aswera asiko chete"
Vakabva vatarisa Abed ndokuti
"Saka unotemba munhu panurse ko akasadira mvura yakakwana unoziva sei yofira pasi yoramba kumera... Wanga wamboenda kupiko chaizvo?"
"Baba Zivai siyai mwana uyu, Zivai zvaanoswera asiri pano mazuva ese makambomubvunza here kuti aswera kupi, tongai vana zvakaenzana"
Baba Zivai vakatoona kuti vakaramba vachitaura hazvichabude nekuda kwepoint yainge yabuditswa nemukadzi wavo vakazongoti.
"Nyaya yekuswera muchingofamba pano musingaite basa negadern ngaipere nhasi chaiye muri kuzvinzwa meese muri vaviri"
"Hongu baba".
Abed akapindura nevoice raiva pasi baba Zivai vakabva vanyarara, Abed akabva asimuka ndokuenda kuroom kwake achisvika ikoko akabva anoisa tupepa tuya muenvelope muya maigara tunhu twake, akatora nguva asina kubuda mumba muya akazobuda pava paya akudzokera kukitchen kunodya, wekubvunza nezve certificate rake akamushaya akangonyara kana kudya haana kudya zvakanyanya akazoti pava paya ndokubuda akuenda kunorara.
Hope hadzina kubata kuna Abed achifunga kuti ndiani chaizvo ari kumuitira hutsinye wakadaro kusvika pakubvarura certificate rake, dzakatozokubata patova pakati pehusiku akazopepuka kunze kwakuda kuyedza achirota aina Lisa asi pekupedzisira ainge akumushaya akapepuka achimutsvaga asingamuone, akabva amuka ndokugara pasi achifunga kuti sei amurota ivo vainge varambana, haana kuda kunyanya kuzviisa mumusoro nekuti mupfungwa dzake aifunga zvakaitika kucertificate rake uye kuchiroti Kwainge anotsvaga basa kuya, hope hadzina kuzomubata kusvika kunze kwayedza. Ava makuseni akamuka ndokutanga kugadzirira kuenda kugadern, achibuda mumba akabva asanganidzana nababa Zivai vamukawo vachibva vati
"Mugoswera muchifamba muchitadza kuita zvekudiridza ikoko"
Abed akabva ati
"Mamukasei baba".
"Ndamuka hangu zvandataura wazvinzwa".
"Ehe ndazvinzwa baba"
Akabva abuda pamba ndokuenda zvake, asvika akatanga kuita basa rake, Aleck akazosvikawo gare gare ndokutanga kudiridzwa mugadern make muya apedza akabva anopinda mugadern maAbed muya ndokuti
"Abed watopedza haa wamukira wena".
"Eeeh ndamukira wena".
"Kungoti wagara kumukira ndokwako iwe, ko nezuro wakafamba sei wakazodzoka ndaenda kaini"
"Haaa zvakaoma Aleck"
"Chii futi vakanoramba nekuti hauna certificate here?"
"Dai zvaiva izvozvo dai zviri nani""
"What happenned".
"Ndakasvika vachiti hameno akavapa information yekuti ini ndinodanana nevana vechikoro"
"Is this a joke or something? Ndiani akavaudza izvovzo"
"Zvandinoziva kupi handitombozive unoziva ndakapererwa the worse part of it is that ndakawana certificate rangu rakabvarurwa rakakandzwa mudziva umo patinosigezera paya".
"Abed wait, are you sure kuti Zvinhu izvi hazvisi kuitwa nevanhu vekumba kwenyu?"
"Handizive Aleck kana kuti ndizive kuti zviri kufamba sei ka handizive"
" Ko akapa headmaster information iyoyo ndiani coz nyaya iyi takaitaura tiri 2 muno mugadern ini handina umwe munhu wandakaudza and musi watakataura nyaya iyoyo ndomusi wawakashaya certificate, kutaura chokwadi ka kumba kwenyu uku pane zviri kuitika chete "
"Manje ndoita sei Aleck chinhu chandaitemba nacho kuti chinogona kundibatsira Ndicho chakabvarurirwa"
Akazopedza kutaura akuchema Aleck akabva ati
"Imbomira kuchema Abed ndichaona kuti tingaita sei ndarwadziwa zvangu"
"Haaa ndiri pama 1 Aleck handitombozive kuti life yangu ichazovei"
" Don't worry Abed Zvinhu hazvirambe zvakadai"
Abed naAleck vakaramba vakutaura zvavo nyaya vari kugadern kuya, Abed aitorerukirwawo kana ana Aleck aiva akuita kunge brother yake.
*Naration*
Pakabuda Abed achienda kugadern Zivai akazosara omukawo achibuda panze akawana baba vake varipo vamuka vakabva vamuti
"Abed aenda kugadern iwe wozoenda nemombe kudhibha ndakanzwa naChikomo kuti kune dhimba nhasi"
"Horaiti baba ndichaita sekudaro"
Baba Zivai vakabva vabuda vachienda kwasabhuku kune zvavaida ikoko. Zivai akasara ndokumbogudubudza mapoto achiti angawana chekudya chakasara nezuro Mai vake vakabva vapinda ari kumapoto ndokuti
"Hezvo watova kumapoto kare husiku huno wakaita sei iwe"
"Ndine nzara ini ndanzi ndiende kudhibha nababa"
"Abed zvaanomukira kugadern mazuva ese wani wakambomuona kumapoto?"
"Nhai mhamha sei muchingoti pese patataura mopinza Abed mukati, hamugone kutaura musingaise zita rake"
Mai Zivai vakati hasha dzakwidza ndokuti
"Iwe naAbed mukuru ndiani?"
"Ndini mukuru"
"Saka sei uchiita kunge uri mudiki kwaari? Pazvinhu zvese unotoita kunge ndiwe mudiki pfungwa chaidzo hauna Zivai ndoshaya kuti mwari akamdisekerei kundipa mwana akadai, buda mumba mangu ibva kumapoto angu kamani get out, enda kudhibha"
Vakadaro vachitora mapoto avo aiva agarirwa naZivai vakabva vanokutura sadza raivamo panze muplate yaidyirwa nembwa, vapedza vakabva vati
"Better kupa imbwa dzinotova nebetsero pano pamba pane kupa iwe, dai ari Abed better anotova nebasa pano pamba"
Zivai akarwadziwa nezvakaitwa namai vake zvekuti akaona kuti Mai vake vanoda Abed kupinda iye akabva awedzera kuvenga Abed. Akabuda mumba muya achibva aenda kudanga ndokunovhura mombe kuti aende nadzo kudhibha, ari muroad aingofunga nechemoyo achiti
"Abed ndiye ari kukonzera kuti ndivengwe naamai vangu, dai pasina iye amai vangu vachindida... I hate you Abed!"
Aingonofunga achitinha mombe kusvika asvika kudhibha, asvika kudhibha kuya akabva asanganidzana naLisa auyawo nemombe dzavo nekuti kumba kwavo kwaiva kusina mwanamukomana aigona kuvaendera kudhibha. Zivai paakaona Lisa akabva aenda paari ndokuti
" Lisa zviri sei"
" Uri sei zvako Zivai"
"Ndiri right ini wauya nguvai?"
"Aah ndauya kare ini mhamha vangu vakasira kundimutsa"
"Saka wapedza here tiende kumba"
"Ehe ndapedza"
Lisa akapindura, vakabva vatinha mombe dzavo ndokupinda munzira vonanga kuvillage kwavo vari munzira Zivai akabva atanga nyaya yake iya yaaiva asiira munzira kuna Lisa achiti
"Lisa wakazotiii nenyaya yangu"
"Seriously Zivai ini ndakutya kuita zvevakomana nekuda kwezvandakaitwa naAbed".
"No Lisa usandifananidza naAbed takatosiyana ini ndiri Zivai iye ndiAbed murume wengozi"
"Saka ndoziva sei pamwe mdozvamuri mese kumba kwenyu?"
"trust me Lisa ini naAbed takatosiyana ndokutira zvese zvaunoda".
Zivai akaramba achitaura naLisa achimunyengerera kuti abvume zvaaida, Lisa semunhu ainge asisina chekuita naAbed akabva ada Zivai uya. Zivai akafara kunge achabata denga nekudiwa kwaakaitwa naLisa akanyatsoona kuti awachisa Abed zvinova zvaaida chaizvo, chainge chasara kuti Abed azvizive kuti iye akudanana naLisa asi aisada kuita kumuudza nemuromo aida kuti aite kuzvionera anyatsorwadziwa. Vakafamba vari 2 naLisa kusvika pavainoparadzana Zivai akabva ati
"Lisa ndakuenda handiti will see you masikati"
Lisa akabva ati
"Its okay Zivai bye"
Vakabva vaparadzana umwe neumwe onanga kumba kwavo, Zivai akasvika kumba akazara nemufaro zvinova zvakanetsa Mai vake kuti zvaainge abva akatsamwa ko azofadzwa nei kwaanga aenda asi havana kuda kuzviisa mumusoro zvakanyanya. Asvika pamba akangodya chikafu chake achibva atobuda pamba semazuva ese ndokuenda zvake. Chaiva chakudiwa naZivai kuti Abed avaone vari vese naLisa wake waaida zvakanyanya kuti iye ndiye ainge akudanana naye, akatanga kuronga tsoro yekuti oenda kupi naLisa kwaaizokasira kuonekwa naAbed ainaye.
*Naration*
Abed akabva kugadern moyo wake uchifunga Lisa ainge asina kunyatsozvitambira kuti Lisa akatomuramba zvesure, moyo wake wairwadzawa nekuti Lisa aimuda and ndiye ainge ari musikana waAbed wekutanga haana kuzobvira aita umwe, akabva afunga kutanga aenda nekumaraini kwavo asati aenda Kumba hoping kuti Lisa anogona kudzora moyo wake vakadzokerana, imwe pfungwa yakamuti pamwe Lisa haachamude nekuti haachaenda kuchikoro nekuti ndipo pakatangira Lisa kumuramba, moyo waAbed wakarwadziwa zvekuti aida kuona Lisa wake ataure naye ndiye aimupa hapinesss in time of sorrows.
Stay tuned
Masibanda loves you.
โค๏ธ
๐ข
๐
๐
๐ฎ
๐
235