Miss Novels T.N Bvaru
June 20, 2025 at 09:05 AM
*ABEDIE* ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy *NEW BOOK ๐Ÿ“™ 2025 PRODUCTION* *BOOK NUMBER 24* *Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF BY *MISS ๐Ÿ’ž T.N BVARU* *lioness* *Read comment and share* *contact* 0๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 9๏ธโƒฃ 5๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 4๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ *CHAPTER 12* *Naration* Baba Zivai vachidzoka kwaSabhuku kwavainge vaenda vakadarika nekumba kwemukoma wavo baba Monica vakawana varipo vachibva vati "Mamukasei mukoma?" "Tamuka mamukawo bamunini, Manga mamukira kupiko" "Ndanga ndambosvika pasabhuku apo nenyaya yemutero weminda" "Horaiti aah matogona imi ndichaendawo mangwana ndonobhadhara wangu" "Sure ini ndati handinganonoke handidi kuti sabhuku azotuma munhu kumba kwangu Abed angazoziva kuti minda iya yekumhiri yakasiya yatengwa nababa vake" "Haaa muchiri kufunga nezvaAbed bamunini munoti achaitei ngozi yakatambira iye hapana chichambotyisa kunyangwe akazvinzwa" Vakadaro baba Monica baba Zivai ndokuti "Ipapo hamunyepe mukoma handisisina ckekutya pana Abed zvachose" Vakadaro baba Zivai moyo uchiita kakunyevenuka pasina nguva vakabva vaoneka ndokuenda kumba kwavo, vachisvika vakawana mukadzi wavo agere ari ega achigadzira nyemba dzaaida kuzoitisa mutakura masikati, achiona vachisvika akabva ati "Madzokoizve nyati" "Tadzoka azoenda kudhibha here Zivai" "Ehe aenda asi haasati adzoka" "Mazvionaka kuti mwana uyu ane basa pano pamba wamunogara muchituka, iye zvino aenda kudhibha ndiani?" "Baba Zivai iro zuva one irori raaendawo kudhibha mototi ane basa haa imika musadaro" Baba Zivai vakabva vaita kugara pasi pedyo nemukadzi wavo ndokuti "Mai Zivai haikona kunyanya kuda mwana asiri wako wako aripo unofunga kuti Abed akanzi aita Mari muhupenyu anokucheuka iwe, mwana asiri wako haasi wako chete pepuka" ", Hezvo asi imi munoitira munhu chakanaka muchitarisira kuzowana something pazviri? Kundicheuka Kwake kana kusandicheuka isarudzo yake ini handinei nazvo pangu ndinenge ndaita ndikapedza" "ndinombozama kuda kukuonesai asi ummm hamuone Mai Zivai, muchazvidemba mangwana nekuda mwana asiri wenyu muchivenga wenyu, heruno ndanyarara zvangu" "Baba Zivai musangogare muchitarisira zvakashata chete muhupenyu hwenyu imi" Mai Zivai vakadaro vachiratidza kusafarira mashoko emurume wavo. Vakazosimuka pavaiva vakagara paya voisa hari yemutakura pamoto, Baba Zivai vakasara vakagara panze paya pamumvuri vachifunga kuti voita sei nemukadzi wavo aida Abed zvakadaro, vari ipapo vakaona Chiedza kamwana kavo kadiki kachisvika kubva kuchikoro masikati iwayo vachibva vati "Ko iwe kudzoka kuchikoro nguva ino hanzii, fees ndakabhadhara wani ko wadzokerei?" "Maziso angu ari kurwadza baba saka madam vanditi enda kumba". Mai Zivai vakabva vabudawo panze vachisvikosanganidzana nemwana wavo vachibva vati "Ko hanzii kudzoka kuchikoro". "Maziso ari kurwadza mhamha". "Iwo maziso acho anoda kudiiko nhaimi zvandakangoaisawo mushonga zvakanaka naka wani kana kupora haasi". Vakadaro vachibata mwana wavo vachimutarisa maziso aye vakabva vati "Unenge uchinzwa achiita sei chaizvo?" "Anorwadza ndichinzwa kakubaya baya so zvekuti dzimwe nguva ndinotomboona karima" "Mangwna ukamuka wakadai ndakutomboenda newe pachidamoyo pahospital apa urapwe" Vakabva vamuregedza ndokuti. "Chipinda mumba umborara pamwe paunozomuka unenge wava kunzwa zviri nani". "Horaiti mhamha". Akadaro Chiedza achienda kunorara amai vake vakasara ndokuti kumurume wavo "Maziso aChiedza akuda kunetsawo aya asinganzwe mushonga?" "Akamuka akadaro mangwana endai naye kuchipatara anoonekwa kuti maziso ake ari kuita sei arapwe". "Ndizvo zvitori mupfungwa dzangu izvozvo urwere haude kurerwa". Vaikurukura vari vaviri mukadzi nemurume nezveurwere wemwana wavo uyo ainge adzoswa kuchikoro. Baba Zivai vakazosimuka gare gare vakumbotenderera semunhu aisafarira zvekuswera pamba zuva rese uye aifarira zvekunwira nwira zvake, vakabva pamba ndokunanga kumashops kunotandara zvavo semunhu aiva nemari yekutenga maviri kuti ambotonhodza pahuro, vasvika kumashops kuya vakawana baba Monica vatovakowo vachinwa zvavo scud vakabva vabatana mukoma nemuninina kunwa vachiti uyu akatenga uyu otengawo. Vakanwa vakatandara vachitaura dzakasiyana siyana kusvika zuva rakuda kudoka vakabva vazosimuka vodzokera kumba kwavo. Munzira baba Zivai ndivo vainzwika kutaurisa nekuti ndizvo zvavaiita kana vadhakwa vanenge vakutaura nevoice riri pamusoro. *In Batanai* Mhuri yekwaChidhumo haina kuzorora kutsvaga kwaigona kubatsirwa VaChidhumo kuti vapore pavakaona zvekwaMusamba zvakona. Vakaungana zvekare semumhuri kuti vaonesane zvekuita uye kupanana Manzano, vari padare kudaro vaBessy ndivo vakazoti "Izvi hazvichade kuti tirambe tichitsvaga n'anga nekuti maonero andakaita kwatakaenda uku ummm handina kumaona mushe zviri nani titsvage muporofita" "Ipapo muri right tete ini zven'anga handichade hadzisi dzekutemba idzi munhu wamwari ari nani haana chaanoswera achitenderera" Uyu aiva mukadzi wavaChidhumo akatsinhira baba Musa vakabva vati "Pfungwa yenyu yakanaka asi tomuwanepi maporofita acho mazhinji angova efake vakunyanya kuda mari". "Muporofita ndiye munhu asinganetse kuwana n'anga ndodzinotonetsa idzi muporofita chero Kubvunza mwana mudiki munomgonzi ari apo tinenge takutobvunza vanhu hapashaye anoziva" Vanhu vese vakazotenderana nepfungwa yava Bessy iya yekusaenda kun'anga asi kumaporofita, vakabva vatotanga kutsvaga kwaiva nemuporofita ane mbiri uye achizivikanwa nekubatsira zvakanyanya. *Lisa* Lisa achisvika kumba kwavo kubva kudhibha akawana amai vake vatopedza kubika kudya kwemasikati achisvika akabva ati "Maswersei mhamha" "Ndaswera hangu dzadhibha zvakanaka here hadzina kukunetsa?". "Aiwa hadzina tanga tichigarirana nevamwe kudhibha ikoko" "Wagona mwanangu ndizvo zvandokudira unotumika dai ndakangoitawo mwana mukomana one zvake angadai ari iye anoenda kudhibha nevamwe". "Aaah mhamha Inga tiri kuenda wani musafunga izvozvo" "Ndabika sadza kare Ndinozviziva kuti wava nenzara pakura udye" Lisa akabva apakura sadza riya ndokudya, apedza kudya akambozorora zvishoma semunhu ainge aneta nekudhibha, akazoti gare gare achibva azomuka ava kuenda kugadern kwamai vake semusikana asingazeze basa, asvika kugadern kuya akatanga kutimbira mavegetables akuda kupedza kutimbira ndotime yakasvika Zivai. Akapinda mugadern achibva ati. "Lisa urisei watova kuno kugadern?". "Eeeh handigone zvekuswera ndakango gara pamba ini" "Okay pane zvauri kuda kubatsirwa here?". "Ehe handisati ndatanga Kudiridza". "Okay Rega ndikubatsire" Zivai aisabatsira Lisa nekuti aida asi kuti a nyatsotora moyo waLisa nekuti iye pachezvake basa aisarida zvachose. Vakatanga Kudiridza paya vari 2 uku nyaya dzichidyiwa, vakadiridza kusvika zuva rakuda kunodoka, ndiyo nguva yakasvika Abed achibvawo kugadern kwavo kuya auya kuzoona Lisa to talk things over hoping kuti vanogona kuwirirana. Achisvika pagadern paya akawana Zivai naLisa vachidya nyaya vachiratidza kuwirirana. Akasvika ndokumira pamusiwo wegadern paya Zivai akabva amuona ndokuti "Ko unongosvika uchimira kunge mudzimu zvaita sei" Abed haana kudaira akaramba akatarisa Lisa neziso rizere nemibvunzo Lisa akazviona achibva ati "Abed ndakakuudza kuti usauye padhuze neni uri kudei pano, waida kundiurayisa dai pasina Zivai akazondiudza zvakawanda" "Zvakawanda zvipi Lisa?". Abed akabvunza achiratidza kuva confused Zivai ndiye akabva ati "Waiti anosvikepi asingazive chokwadi akutochiziva and iwewe hapasisina chako" "Chokwadi chipi Zivai asi une zvawakaudza Lisa?" "It's too late kundibvunza izvozvo iwewe naLisa makatorambana" "Zivai kana uchida zvako musikana tsvaga kumwe Kwete kudanana nemusikana wandaidanana naye" "Haundiudzire zvekuita ndodanana newandinoda Abed" Abed akanzwa kurwadziwa kusvika pekupedzisira asi chekuita ainge asina akatoona kuti Lisa ava kudanana naZivai, akazongobva pagadern paya asina kutaura anything achibva aatanga kufamba achienda. Lisa akasara ndokuti kuna Zivai "Thank you Zivai ndaisamboziva kuti Abed ndozvaari" "It's okay babe I love you" "I love you too" Zvese izvi zvakanzwikwa naAbed akasara padiki kudonhedza misodzi, pain yacho yaiva yasangana nezvaiitika mulife make, vana Zivai vakazobuda ndokuvhara gadern Lisa achibva apinda munzira kunanga kumba kwavo, Zivai akapindawo munzira akunanga kumba kwavo achifambisa asi Abed haana kumubata munzira akazomubata asvika kumba achangopinda muyard, pamba paiva pasina umwe munhu aripo kunze kwavo vari vaviri naChiedza aiva akarara mumba. Zivai achisvika akabva ati kuna Abed "Abed handidi kukuona padhuze naLisa uri kuzvinzwa?" Abed akabva ati "Zivai uri kurasika panhu one, relationship yako naLisa uri kuibuilder nemanyepo musi uchaziva Lisa chokwadi achakusiya zvinorwadza imboita" Mashoko aya akabhowa Zivai achibva anokicker Abed bhutsu kumusana akavarairwa, Abed akaita kakuvhunduka aiva asina kuzvitarisira Zivai paakaona kuti Abed haana kudzosera akada kumupamha zvekare Abed akati handirohwe ndakamira vakabva vatanga kurwa. Vakarovana vakomana kusvika Zivai akurirwa Abed akati handikuregedze Zivai akatanga kuridza mhere yakanzwikwa nababa vake vachibva kumashops kuya kwavainwa doro, vakasvika pamba apa vari muspeed vachisvikoona kuti hazvina kumira zvakanaka kuna Zivai, Abed akavaona vachisvika akabva arangarira zvavakamuita last time kumurova nemupini avaona vachirwa, akabva asudurukira kure vasati vasvika ndokutiza achibva anomira kwakadaro, baba Zivai vakati vavava "Unoda kuuraya mwana wangu akutadzirei Abed, une mweya here iwe zvino nhasi ndoda kukugadzirisa" Abed achinzwa kudaro aiziva kuti nababa vake haipere mushe akabva abva pamba apa ndokuenda kumba kwana Aleck shamwari yake. Stay tuned Masibanda loves you.
โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 275

Comments