Miss Novels T.N Bvaru
June 20, 2025 at 06:03 PM
*ABEDIE* ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ๐ŸŽ https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy *NEW BOOK ๐Ÿ“™ 2025 PRODUCTION* *BOOK NUMBER 24* *Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF BY *MISS ๐Ÿ’ž T.N BVARU* *lioness* *Read comment and share* *contact* 0๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 9๏ธโƒฃ 5๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 4๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ *CHAPTER 13* *Naration* Mai Zivai vakasvika vachibva kwavainge vaenda kunochera mvura vachibva vaona haikona baba Zivai vari kudya magaka neminzwa yawo vachiti "Chero akatiza zvake pano pamusha ndipo paanodzoka anowana ndakamumirira haangarove mwana wangu kudai so... Abed.. Abed anoita zvekutamba neni" Mai zivai vakabva vati "Imbori nyaya yeiko baba Zivai yamuri kuita kupopota zvakadaro" "Tarisai zvaitwa Zivai naAbed musaita kunge musina maziso ka". Vakataura vachinongedzera Zivai uyo aingochema akamira akazembera pangoro Mai Zivai ndokuti "Saka iye Abed wacho aenda kupi?" "Hameno kwaaenda asi pano anodzoka chete and anowana ndiripo" "mambonzwa kuti varwirei here zvamunopopota kudaro nhai baba Zivai pamwe iye Zivai ndiye atanga kurova umwe wake" "Aiwa zviri pachena izvi Mai Zivai hamusi kuona kukuwara kwaaiata here?" "Munobvunza vana zvakanaka kuti chii chaitika monzwisisa mogadzirisa vana" "Ndinozviziva kuti muchasaidhira Abed nekuti Zivai mutadzi kwamuri kunyangwe arohwa zvakadai muri kuda kunzwa chiii chimwe futi Mai Zivai".. "Vana vanorwa baba Zivai dai muri kutotsvaga kuti Abed aenda kupi kunze kuri kusviba" "Achitsvagwa kuti mwana mudiki here achadzoka pano!" Mai Zivai havana kuda kuramba vachitaura nemurume wavo vakabva vatanga kudaidza Abed asi hapana akadavira nekuti Abed ainge ava kure kwazvo. Vakadaidza kusvika vaneta vainge vakunetseka kuti saka aenda kupi nekuti Abed vaimuziva asina shanwari muvillage mavo. Vakazodzoka ndokutanga kubika chikafu chemanheru vanhu vakadya kusvika nguva dzekurara dzakwana Abed asina kudzoka, vamwe vese vakaenda kunorara kusara kwamai Zivai vakazonorara pava paya vaona Abed asina kuuya. Vapinda mumba hope hadzina kubata vachingoterera kuti vachanzwa mafoot steps ake adzoka asi haana kuuya, hope dzakazovabata kwakuyedza vakazomuka makuseni vachiita kuvhunduka zuva ratobuda, vakabuda mubedroom mavo muya ndokuenda kumba kwaiarara Abed vakaona door rakavharwa nepanze zvairatidza kuti iye ainge asina kudzoka. Vakabva vadaidzira murume wavo vachiti "Baba Zivai mwana uyu haana kudzoka nezuro zvino ndichaziva kuti ari papi?" "Imika Abed mwana mudiki here achadzoka zvake" "Baba Zivai ivai nemoyo imi ko kana ane dzimwe pfungwa dzaakafunga nyika igoti kudii?" "Saka uri kuda kuti ndifambe ndichitsvaga murume mukuru kunge ndiri kutsvaga mwana mudiki" Ipapo Zivai akabva abuda mumba make muya anzwa vabereki vake vachitaura panze abuda amai vake vakabva vati "Zivai Abed haana kudzoka wogadzirrira kuenda kugadern nekuti nhasi hakuna anokudiridza" Baba Zivai vakabva vadairira padenga vachiti "Muri kuda kuti mwana uyu aende kugadern akakuwara kudaiso sei musina moyo Mai Zivai" "Saka anoenda kugadern kwacho ndiani mochienda imika ini zvekugadern refodya handizvigone ini" "Hazvindinetse izvo ndinotsvaga munhu wemaricho anodiridza nurse yacho" "Hoo Mari yacho munayo zvenyu?" "Ehe ndinayo handishaye Mari yekuti basa rangu rifambe kana kumanikidza mwana wangu kushanda iye akakuwara kudaro" "Zvamakati zve hamuna Mari yekuti Abed aregiste ko yemunhu wemaricho mazoiwana kupi?" "Amai Zivai muri kuda kunditongesa here pano pamusha?" "Aiwa kubvunza zvangu kuda kuziva" Baba Zivai havana kuzoramba vachitaura vakabva vapinda mumba ndokupfeka bhutsu dzavo vachibva vatobuda pamba vakuenda kunotsvaga anodiridza kugadern kwavo. Vava kumapeto kwechivanze vakabva vati "Kana aifunga kuti nurse yangu ichafa nekuti iye atiza pano anozvinyepera" Vakabuda vakananga kumabvazuva kwaiva neumwe musha waiveko unonzi wekwaMushayi paiva nemurume aigarapo aizivikanwa nekuitira vanhu mabasa emaricho muvillage umu. Vakanosvika pamba pake vakawana aripo vachibva vamuti "Ndiri kuda munhu anodiridza kugadern kwangu svondo rino kusvika rapera, ndinozokuudza kuti chienderera mberi kana kuti chimira" "Horaiti haa ndinoenda kunodiridza mazuvano handina kwandiri kushanda" Murume uya akabvumira vakabva vataurirana Mari nababa Zivai yaaizopihwa paweek raachashanda. Baba Zivai vakabva vaoneka voenda kumba kwavo murume uye akabva atonanga kugadern kwavo kuya kunoita basa. *ABED* Paakasvika kumba kwana Aleck zuva rainge radoka kwatosviba, akasvika amai va Aleck vachibika asi Aleck ainge achiri kuvharira mombe kudanga paakamuona akabva aenda kudanga kuya Aleck achimuona akabva ati "Abed zvirisei boo here kuuya neusiku kudai". Abed akatanga amedza mate ndokuti "ma1 paden namudhara wangu" "Ko chii maitana sei hanzi zvadii" "vatisvikira tichirwa naZivai saka vanga vakuda kurova ini ndabva ndatiza" "Haaa mudhara wako chii navo asi, imi Manga muchirwa muri 2 ivo vakunanga munhu one sei" "Ndozvavanoita always ndikanetsana naZivai" "Horaiti hapana chakashata paden ndipo pano unorara mangwana toona kuti unoita sei, asi kuti udzokere kumba kwenyu uku ka ummm ma1 vanosvika vachizvitangidza" "Manje Mudhara naMoms vanobvuma here kuti ndigare pano?" Abed akabvunza "Moms vanogona kubvuma asi mudhara manje ma1 anenge anotya baba Zivai handifunge kuti anogona kubvuma" "Eish saka ma1 wena" "Iwe don't worry handiti, ndaiti ndichatokuudza mangwana kugadern ndakanzwa kuti kuDeve school uku kuri kudiwa mateacher hanzi mateacher haasi kukuda vari kuti kusango, saka ndinenge ndakukuconfemera kumunhu wacho ari ikoko akandiudza zvikabuda unobva waenda ikoko " " But Aleck handina certificate reform 4 riya rakabvarurwa ndinenge ndakudii" "Iwewe don't worry mumhu wacho munhu wandoziva zvekudaro ndinonyatsomuudza situation yako yese zvekuti basa unoriwana" "Thank you so much Aleck, honestly I don't know how to thank you?" Aleck akabva ati "Kana tasvika muden moms namudhara haafanirwe kuziva zviri kuitika ndezvedu tiri 2 kusvika waenda kubasa asi Moms ndichazovaudza mangwana kana mudhara abuda apa ndinongovaudza kuti wangouya zvako kuti tizotandara." "Okay iri boo Aleck haa waita basa wena dai pasina iwe handizive kuti ndaidiii muno muvillage" Vakabva vabva padanga paya ndokunopinda mumba maiva namai vaAleck vachibika baba vake vakagara zvavo pabhenji, Abed achipinda akanogara pasi achibva ati "Maswera baba namhamha". "Urisei zvako Abed kurisei kumba" "Kumba kuri booo zvako" "Vari sei mhamha vako" "Vari right havo" Aleck akabva ati "Mhamha iyi ishamwari yangu nhasi azorarira kuno kuti mangwana tigomukira tese kugadern" "Aiwa kana muri kutamba mese mune zvakanaka ndinofara chakashata kufurirana misikanzwa" Vakadaro baba Aleck, Aleck akabva asekerera nechemumoyo nekuti baba vake ndivo vaaitya kuti vanogona kutaura twakawanda asi vakabva vatotanga kutaura dzimwe nyaya zvavo nevakomana ava. Chikafu chakapedza kubikwa kamwana kehanzvadzi yaAleck Kaya kainzi Clara kaidzidza kuchiroti Kaya kaiva kauya kuweekend kwambuya ndiko kakabva kapa vanhu chikafu. Vanhu vakadya vachibva vaenda kunorara, Abed naAleck vakanonoka kurara vachiita nyaya dzakasiyana siyana uku Aleck achitaura nemunhu uya waaiziva kuti aite kuti Abed awane basa, vakazorara pava paya nguva yaenda sevanhu vakatora nguva yakareba vachiita nyaya, Aleck ndiye akazotanga kubatwa nehope Abed ndiye akapedzisira. Ava mangwana acho makuseni vakamuka ndokuenda kugadern semazuva ese vakasvika ikoko ndokuwana mugadern mababa Zivai makutodiridzwa, Abed haana kuda kusvika padhuze naro. *Naration* Abed naAleck vakaswera vari kugadern kuya vachiita basa ravo, Clara ndiye akauya nechikafu kuti vadye. Aleck akaswera achitaura nemunhu uya webasa, pakutanga akada kumbonetsa anzwa kuti Abed haana certificate asi Aleck akaramba achimukumbira achibva azobvuma, vakomana vakafara ava kuti finally Abed akubuda muvillage umu mulife yana baba Zivai akuenda kunotanga new life yake. Murume uya akabva atoti Abed wacho auye zuva raitevera racho ototanga basa nemonday. Vakazobva pagadern apa kwadoka vakuenda kumba, vasvika kumba vabereki vaAleck havana kuda kubvunza zvakawanda vaingoti vana vari vese chikafu chakabikwa vachibva vadya zvavo ndokuenda kunorara Abed akabva ati kuna Aleck "Aleck nyaya ichanetsa I one, hembe dzangu dzakasara kwababa Zivai ndodzitora sei". "Don't worry hembe ndinokupa dzangu unofana kunopfeka idzodzo ini ndine hembe dzakati wandei plus ndiri kusara ndiri pano pamba kaini" Abed akatenda Aleck nezvese zvaamuitira achiti "Aleck handife ndakakunganwa nezvese zvauri kundiitira" "It's oky Abed hapana chaunotenda apa" Vakaramba vachikurukura kusvika varara vakumirira kuti kuyedze Abed agozoenda kudeve nebhazi remasikati ndonguva dzaidarika bhazi racho. Abed akazomuka achiita kuvhunduka arota hope dziya achibatidza moto achitadza kuudzimura uchiita kuenda nakuenda. *Naration* Kugokwe mumusha kwaMashiri baba Mashiri vakamuka ndokubuda panze ari mangwanani , vachibuda panze vakaona kamwana kavo kagotwe kakagara pakati peyard kakapfunya chisero havana kukatudza vaiziva kuti ndomasvikiro aiita Chenai kana ane zvaari kuda kutaura, vakabva vadaidza vamwe vemusha vachibva vauya vese ndokuungana baba Mashiri ndokuti "Pane chanetsa here Chenai zvawamukira kupfunya chisero pano pamusha, Inga zvakawaida wakapihwa wani vanhu vekwaMatiza vakaripa?" Chimwana chiya chakaramba chakanyarara vanhu vakatanga kutarisana kuti nei Chenai adzoka zvekare Chimwana chiya chakabva chati " Ndanga ndichitenderera zvangu ndangoti ndidarike nepano" Stay tuned Masibanda loves you. *Dear readers our book ABEDIE will be Onsale from chapter 15 as always tinotanga nepromotion vachatanga kutenga book risati ratanga kuuya kusubgrup promotion yakamira so Zim side $1.70 ecocash or 90 zig or $1.80 innbucks pa 0๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 9๏ธโƒฃ 5๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 4๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ Zita rinobuda T Ndava iyi ndoyega number yekuisa mari* *SA side : Promotion price 25r voucher types ott voucher 1 for you or blue voucher ndomhando dzandoda* *Vemacards haana promotion please it's $2 buddie cards chete* *kana maita mapayments mouya neproof of payment pa 0๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 9๏ธโƒฃ 5๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 4๏ธโƒฃ 7๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ 6๏ธโƒฃ kana pa0๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ8๏ธโƒฃ3๏ธโƒฃ2๏ธโƒฃ4๏ธโƒฃ6๏ธโƒฃ1๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ8๏ธโƒฃ Vanoda kufona or kuisa text munofona pane iri pazasi iyo hurry huryy promotion ichiripo mugare mava kusubgrup* In God Hatiperi!
โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 155

Comments