Miss Novels T.N Bvaru
June 21, 2025 at 09:06 AM
*ABEDIE* 🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍 https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy *NEW BOOK πŸ“™ 2025 PRODUCTION* *BOOK NUMBER 24* *Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF BY *MISS πŸ’ž T.N BVARU* *lioness* *Read comment and share* *contact* 0️⃣ 7️⃣ 7️⃣ 9️⃣ 5️⃣ 7️⃣ 4️⃣ 7️⃣ 6️⃣ 6️⃣ *LAST FREEE CHAPTER* *CHAPTER 14* *Naration* Mai Zivai havana kuzororora kutsvaga Abed kubva pavakamuka mangwanani, vakaenda kwababa Monica vakawana baba Monica varipo vasati vatombomuka vakasvika vachibva vati "Tisvikewo pamusha pano" "Svikai zvenyu" Vakadaira Mai Monica vainge vachangobva kumuka vari mubathroom mavo kurasa chamber yavo, vakatora tuma minutes varimo vachibva vazobuda ndokuti. "Mangwanani mainini kwakanaka here kwamaita kumukira kudai?" " Kuchinakepi, Abed haana kurarawo kuno here" "Aiwa handina kumuona ini ko zvaita seiko nezuro ndakanzwa bamunini vachipopota". "Akanetsana naZivai vakarwa saka iye anenge akatya baba vake ndokubva atiza". "Kuti akaenda kure kupi ngatimbomira tione kuti haadzoke here?" "Zvakanaka maiguru varisei havo bamukuru vangu" "Vari right havo havasati vamuka naidzo hope dzedoro idzo havamuke nekukasira" Mai Zivai ndokuti "Chiregai ndiende zvangu kumba toonana kana azodarika nekuno Abed mumuudze kuti ndiri kumutsvaga". Vakadaro vachitotendeuka kufamba kuenda kumba kwavo, vasvika kumba vakawana Zivai akagara pedyo nemoto achidziya sezvo kwaitonhora vakabva vamuti "Munhu we murume haadziyi moto zvinoitwa nesimbe izvozvo" "Mhamha imbondi siyai handisi kunzwa zvakanaka ini" "Iko maimborwireiko naAbed wacho" "Anga andidenha" ", Ibvapo unodenhwa uri mago iwe, kutondikangamwisa mwana wangu asiri kunzwa mushe kuti amuka sei" Vakadaro vachibuda mukitchen vachienda kuroom Kwainge kwakarara Chiedza vakasvika ndokumumutsa vachibva vati "Wakunzwa sei mwanangu arisei maziso?" Chiedza akamuka ndokugara achibva ati "Ari kurwadza aya mhamha" Akadaro achimapukuta zviya zvekuedza kubvisa mabori, aiti akamapukuta omboita seari kuterera achibwaira fast fast so achibva azoti "Mhamha handisi kunyatsoona ndiri kuona kunge kunze kune mhute" "Hezvooo ko chii ko maziso ako mwanangu?" Vakadaro vachimubata ruoko kuenda naye mukitchen vasvika ikoko vakabva vamugarisa pedyo nemoto vachibva vati. "Chirega ndiite zvekugadzirira tiende kuchipatara" Vakabva vatora chitin ndokuisa mvura pamoto kuti vamugezese naivo vagogezawo voenda kuchipatara. Zivai akazobudawo pava paya zvaanoita mazuva ese asi face yainge ichiri yakazvimba nekurohwa kwaakaitwa naAbed. Mai Zivai vakazopedza kugadzirira vachibva vaenda kuchipatara nemwana wavo, baba Zivai vakazosara vodzoka kwaMushayi pamba pasisina kana munhu vakashaya kuti mukadzi wavo aendepi sezvo vaiva vasina kuziva situation yakamuka ine mwana vakangoti pamwe aenda kuchikoro. Kugara vega pamba kwakazovabhowa vachibva vabuda ndokuenda kwababa Monica, vakawana baba Monica varipo vachiurura mupini we demo ravo vakagara zvavo pasi pedara ravo pavaiva vakavesera moto wavaishandisa. Vakati vachisvika ndokuti "Mamukaseiko mukoma naro basa" "Haa basa ripiko kutandara zvangu tingadiiko nguva yechirimo ino, kwamuka sei kumba" " Kumba kwamuka zvako varisei vapwere" "Vanotamba zvavo, ko ndanzwa mainini vachitsvaga Abed makuseni akafamba seiko chii chakaitika" "Ndaida kumurova arova Zivai manje hameno kwaakatiza achienda nezuro iyeye nanhasi haana kudzoka" "iko zvekurwa anozvida Abed svondo rapera iri handiti vakarwa futi ko chii chaizvo chiri kunetsa". "Ane mweya wababa vake wekuda kurwa zvino ndichamugadzirisa, makanganwa kuti baba vake ndozvavaiita izvozvo" "Haa zvakaoma anodzoka zvake ko angatiza akaendepi" "Ehe anodzoka zvake ndakamumirira" Mukoma nemunin'ina vakaramba vachitaura zvavo vachikurukura kusvika Pakadzoka Mai Monica kwavainge vaenda vakutanga kuita zvekubika, vakabika vakapedza mukoma nemuninina vagere zvavo pasi pedara paya, vakapakurirwa chikafu ndokudya vati garei garei baba Zivai vakabva vadzokera kumba kwavo. Vasvika kumba kwavo vakawana mukadzi wavo asati adzoka zvekare zvikatanga kuvanetsa kuti vainge vamboenda kupi, vakaedza kuvafonera vakanzwa fone yavo yacho ichiringer iri mudining vakabva vaziva kuti yasiiwa, vakabva vanopinda mubedroom mavo ndokurara zvavo vakazorora, zvekusadzoka kwaAbed havana kumbozviisa mumusoro kana kumborwadziwa havana vaiziva kuti anodzoka chete hakuna kwaanotiza akaenda . *Lisa* Lisa kubva zvaainge atanga kudanana na Zivai haana kana kuzombofunga nezvaAbed, one these days shamwari yake yakauya a chitori pamba ari ega vakamhoresana ndokutanga kutaura nyaya musikana uya achibva ati "Lisa mazuvano handichachambokuone una Abed chii chakaitika" "Viola handisi kuda kutaura nezvaAbed" "Why whats wrong?" "To cut the story short, I broke up with him" "Aah nhaiwe wakamurambirei Abed is such a nice guy wani plus he is handsome" "Handsome ine basa rei even dai uriwe wakanzwa nyaya dzake waimusiya iwe nehandsome iyoyo" "Ummm usadaro Lisa Abed aikuda uya ndaitokuchivai guys ndichikuonai muri mese musingasiyane even kuchikoro haaa wandirwadzisa apa Lisa" "Handina zvakawanda zvekutaura newe Viola chingoziva kuti ini naAbed takarambana". "Ummm zvakaoma hazvo ndarwadziwa asi" Lisa akabva ati "Ndakatokanganwa nezvake ndikatoita move on Violla" "Okay haaa zvakaoma hazvo ndingachati kudiii" Lisa ndokuti "Hapana I have.........." Asati apedza kutaura akabva anzwa mumukanwa make kuzara mate zvekuda kurutsa akaedza kuzvicontroller asi zvakaramba akabva amhanyira panze Kunorutsa. *In Batanai* Mhuri yekwaChidhumo yainge yagara pasi yatsvaga kune munhu anoshandira Pavakanzwa nezvake muporofita aiva nembiri vakabva varonga rwendo rwekuenda ikoko, husiku hwacho hwavaiti mangwana vanofuma vachienda kumuporofita iyeye vaBessy vakarota n'anga iya yavaiva vaendera kwamusamba ichiuya kwavari iri mumhepo ichiita kunge chamupupuri, Pavakapepuka vakamuka hana yavo ichirova asi semunhu ainge akarara ari ega havana wavakaudza vaida kuzoudza vanhu hope dzavo kwachena vakabva vadzokera kurara, ava mangwana makuseni vakamuka ndokugadzirira sezvo ivo vaiendawo kurwendo, mukadzi wavaChidhumo ainge agadzirirawo apedza kwasara kuti achipukuta murume wake vafambe, chakamunetsa paakabata murume wake haana kana kupfakanyika kana kuita nharo zvaanosiita akangoramba akati ziii, vakabata rumwe ruoko zvakare still no movement or respond hana yavo yakatanga kurova. *Mumusha kwaMashiri* Pakataura kamwana Kaya mashoko aya vanhu vemusha vakamboti pererwei vachishaya chekubvunza vaMashiri ndivo vakazoti "Unorevei kana uchidaro Chenai?". Kamwana Kaya kachibva Kati "Ndati ndanga ndichitenderera zvangu ndikati regai ndidarikewo nepano pamusha," ", Ko wadii kuzorora nhai Chenai zvawakaripwa zvawaida zvawakataura kuti unoda wakapihwa wani, chienda unozorora Chenai, unogara pawakanzi ugare ndipo pako usaramba uchidzoka uchigara pamwana mudiki asina chaanoziva uyu, mweya wako ngauende unozorora ikoko kwawakanzi unogara " Kamwana Kaya kakabva kasimuka pakaiva kakagara kakapfunya chisero paya ndokumira kakabereka maoko kachibva kati " Ko zvandangoti ndiri kupfuura wani handisi kugara , ndiri kutenderera zvangu ndichiona " Kamwana Kaya kakabva kaita kunge kabengenuka kubva kuhope kachivhunduka vanhu vakaungana kakabva kamhanyira kuna Mai vako, vanhu vese vakabva vaona kuti mweya wachenai waenda. Pakashaya anobvunza umwe panguva yacho vakabva vatanga kufamba one one vachidzokera kudzimba dzavo. *ABED* Akamuka ndokusvinura kwekanguva achibva mukurota hope dzake dziya asi Aleck haana kuzviona kuti Abed amuka. Akazodzokera kurara pava paya akazopepuka kwaedza vachibva vamuka ndokuenda kugadern semazuva ese sevanhu vaiziva kuti bhazi rinoenda kuDeve raizodarika masikati. Vasvika kugadern vakaita basa ravo ndokupedza uku mushayi uya ndiye ainge ava kudiridza mugadern rababa Zivai. Nguva dzati fambei Aleck akabva ati "Abed iwewe chifana kuenda kumba wonosanogeza nekuchinja ini ndakumbomhanya kwaMupindu kunotora Mari yangu iri ikoko ndikupe uite yebhazi" "Okay Aleck refa ndiende" Abed akabva atobuda mugadern muya ndokuenda kumba kwana Aleck, Aleck akabva aendawo kwaaida kunotora Mari yake kuya. Abed achisvika pamba akawana paina Clara muzukuru waAleck, Clara aiva ava kuita form 3 ainge ari kasikana kachangoyaruka paakaona Abed achisvika akabva ati "Abed wadzoka?". "Ehe ndadzoka mhamha varipo here?" "Aiwa havapo vabuda gogo wanga uchidei?" "Ndiri kuda bucket rekugezera nesipo ndiri kuda kugeza" Clara akabva atanga kusmiler akataura Abed izvo zvakamunetsa kuti ainakirwa nei asi haana kubvunza. Akabva apinda mumba Clara uya ndokutora bucket ndokupa Abed, Abed akatambira ndokunochera mvura pamugodhi achibva anoisa mubathroom yeuswa yaiva yakavakwa pamba apa, akanopinda muroom maAleck ndokunotora zvekugezesa akabva adzoka kubath ndokubvisa hembe dzese achibva atanga kugeza akakwesha makumbo nemaoko ndokupedza achibva atanga kugeza musoro, paakazobvisa sipo kumeso akabva aona Clara ari mubathroom muya akamira akamutarisa, Abed akavhunduka achitora T shirt yake achizvivhara nayo ndokuti "Clara unopenga here iwe uri kudei munomu haaa kwana mhani iwe buda muno uko" "Abed usaite kunge mwana mudiki uko" Akadaro Clara achiswedera pedyo naAbed achinomubata Abed akabva ati "Clara respect yourself wazvinzwa buda muno uko handizvide" Akadaro achimusairira kwakadaro, Clara uya akabva adzoka futi achibata Abed iyi ndiyo nguva yakasvika Aleck achibva kwaMupindu kunotora mari Clara ndiye akatanga kuona Aleck achibva atanga kuridza mhere ari mubath imomo achiti "Abed kani! Iwe Abed ndisiye uko! sekuru kani! Sekuru!" Aleck akabva amhanya achienda kubath kuya akasvikoona Abed asina kupfeka aina Clara apa Clara achiita kunge anga achirwisa kuti asiiwe Aleck akarohwa nehana achibva ati "Abed!, Abed ndanga ndisingafunge kuti ungadaro!" Abed akabva ati "Aleck please it's not what you think". Stay tuned *Dear readers our book ABEDIE is now onsale from chapter 15... Book redu rakunochitanga manje anopabuda here Abed apa? Ko ngozi zvayava kuonekwa kwaMashiri chii chiri kuitika? Ko akauaraya Chenai ndiani chaizvo, ko vabereki vaAbed vakafa sei chaizvo, ko chii chichaitika mulife yenherera iyi yakaripiswa ngozi Abed? Ko Lisa ava kurutsa uyo chava chii futi?, ko sekuru Chidhumo chii chaitika kwavari?, nyaya yakakura iyi hama dzangu inoda kuenda kusubgrup wonozvipedzisira wega hazvidi makwai Kwai kana vaya vanoti topedzisa tega mabook aBvaru hamupedzise anonyorwa nehunyanzvi ndezvechipo huyai munzwe Kwazvichaperera chizimbe ichi* *As always munyori wenyu anokudai anotanga nepromotion kune vachatanga kutenga book, promotion yakamira so Zim side $1.70 ecocash or 90 zig ecocash or $1.80 innbucks number yekuisa mari 0️⃣ 7️⃣ 7️⃣ 9️⃣ 5️⃣ 7️⃣ 4️⃣ 7️⃣ 6️⃣ 6️⃣ Zita T Ndava iyi ndoyega number yekuisa mari pliz* *SA side promotion price 25 r voucher, voucher types Ott, 1 for you and blue voucher motora Pic riri clear mosender* *Vayaa vanoti tashaya ecocash Vemacards vaya it's $2 buddie only Musandipa yamajuser and macards haana promotion* *Kana maita mapayments enyu mouya neproof of payment pa 0️⃣ 7️⃣ 7️⃣ 9️⃣ 5️⃣ 7️⃣ 4️⃣ 7️⃣ 6️⃣ 6️⃣ number dzemunyori kana kuuya nayo pa0️⃣7️⃣8️⃣3️⃣2️⃣4️⃣6️⃣1️⃣7️⃣8️⃣ Mobva matoiswa kusub vari kuSA munotanga maisa code +263 coz dzese mazim numbers ayo, vanoda kufona Vachibvunza fonai pane yechi2 iyo please or kuisa text massage munopindurwa* *NOTE ‼️‼️ promotion iri kupera mangwana manheru Sunday 22June 2025 kana promotion yapera mutengo unenge wakwira rinenge rakuita $2 ecocash or 120 zig eco or $2.10 innbucks vari kuSA 30r so hurry hurry mutengo uchiri wakaderera* *Dzimwe nyika inbox munyori akuudzei kuti munotenga sei* *Wasara wasara kunonzwa kuchapeerera nyaya yaAbed hativerenge kuti tinakirwe chete asi kuti tidzidze, mabook a Masibanda anoverengwa chero nevana vedu vachidzidza haana zvinonyadzisa* *Book redu richatanga kuuya kusub on Monday na8pm, vasina Mari musatuka munyori mirirai achauya* *In God hatiperi* *Book redu rinoverengwa neboom vasina munopihwa kana matenga book vasingaizive munoidzidziswa kusvika magona*
❀️ 😒 πŸ™ πŸ‘ πŸ˜‚ 22

Comments