๐‘ฉ๐‘ถ๐‘บ๐‘บ ๐‘ณ๐‘จ๐‘ซ๐‘ฐ๐‘ฌ๐‘บ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ ๐‘ช๐‘ถ๐‘ต๐‘ฌ๐‘น ๐Ÿ‘„โค๏ธโ€๐Ÿฉน || ๐™‹๐™„๐™‰๐˜ฟ๐˜ผ ๐™๐™•๐™‘๐™„๐™Š๐™‰๐™€๐™๐™€ ๐™ˆ๐™๐˜ฟ๐™•๐™„๐™ˆ๐˜ผ๐™„ ๐™’๐˜ผ๐™‰๐™ƒ๐˜ผ๐™Ž๐™„๐Ÿ’ƒ๐Ÿฝ
๐‘ฉ๐‘ถ๐‘บ๐‘บ ๐‘ณ๐‘จ๐‘ซ๐‘ฐ๐‘ฌ๐‘บ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ ๐‘ช๐‘ถ๐‘ต๐‘ฌ๐‘น ๐Ÿ‘„โค๏ธโ€๐Ÿฉน || ๐™‹๐™„๐™‰๐˜ฟ๐˜ผ ๐™๐™•๐™‘๐™„๐™Š๐™‰๐™€๐™๐™€ ๐™ˆ๐™๐˜ฟ๐™•๐™„๐™ˆ๐˜ผ๐™„ ๐™’๐˜ผ๐™‰๐™ƒ๐˜ผ๐™Ž๐™„๐Ÿ’ƒ๐Ÿฝ
June 16, 2025 at 05:35 AM
๐Ÿง‰Muroora uchipinda mumusha mevanhu unotanga nokuziva tsika dzekwavaroorwa. Haubve netsika dzekwenyu kunoisa mumusha mevanhu. ๐Ÿง‰Muroora uchingoroorwa hauchatenderwe kutaura nemax ako pangave paphone kana pameso. ๐Ÿง‰Muroora uchiroorwa ibva watotanga kutsvagawo tumidziyo twako. ๐Ÿง‰Muroora ndiwe muyananisi ndiwe muridzi wenyaya. Kana ukaroorwa mumusha mune mhirizhonga usasvike nokutora divi zviri nani kunyarara kana kuyananisa. ๐Ÿง‰Muroora uchisvika mumusha mevanhu vamwe vachakufarira vamwe vachakuvenga. Amwene ndiamwene muvengane sei ndiwe mudiki zvipete zvidzore. ๐Ÿง‰Muroora tsika nehunhu ndizvo zvakaita kuti uroorwe nokudaro ngazvisachinja nokuti waroorwa. ๐Ÿง‰Muroora kana waroorwa chirega kushora avo vasina kuroorwa. Nokuti hauzivi kuti mangwana kwako zvinopererepi. ๐Ÿง‰Patsika dzedu Muroora uchiroorwa muroora wese anofanira kuve nekitchen yake kumusha. ๐Ÿง‰Muroora chaiye tinomuona nokusununguka kana waroorwa watokura. Ita zvinoita kuti unzi amai nhingi avo. Mapfekero kamutairiro ngazvitaridze musiyano nezvinoitwa neuyo asati aroorwa. ๐Ÿง‰Muroora uchingoroorwa chirega kutamba nevasati varoorwa tsmba nevakaroorwa uchipihwawo mazano pfungwa dzikure. Kana wapedza kuverenga siya emoji โค๏ธโค๏ธโค๏ธโค๏ธ
Image from ๐‘ฉ๐‘ถ๐‘บ๐‘บ ๐‘ณ๐‘จ๐‘ซ๐‘ฐ๐‘ฌ๐‘บ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ ๐‘ช๐‘ถ๐‘ต๐‘ฌ๐‘น ๐Ÿ‘„โค๏ธโ€๐Ÿฉน || ๐™‹๐™„๐™‰๐˜ฟ๐˜ผ ๐™๐™•๐™‘๐™„๐™Š๐™‰๐™€๐™๐™€ ๐™ˆ๐™๐˜ฟ๐™•๐™„๐™ˆ๐˜ผ๐™„ ๐™’๐˜ผ๐™‰๐™ƒ๐˜ผ๐™Ž๐™„๐Ÿ’ƒ๐Ÿฝ: ๐Ÿง‰Muroora uchipinda mumusha mevanhu unotanga nokuziva tsika dzekwavaro...
โค๏ธ โค ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿšฎ ๐Ÿงžโ€โ™‚๏ธ 36

Comments