PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
June 14, 2025 at 12:58 PM
*🍓REPUDIATION🍓* FOLLOW OUR CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N Comments group https://chat.whatsapp.com/IRkAgpYqqEBLre1KGaLRQ0 Handei tinofollower munyori wedu kufb https://www.facebook.com/share/1Hq74jNayz/ FACEBOOK GROUP https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Ucbxw6v WRITTEN BY PRECIOUS a.k.a MANYONI PARENTAL DISCRETION IS ADVISED C 10 Ndakatanga kuyeredza misodzi ndakati "Ndazvinzwa uye handisi kuramba kuti ndakamukava mwana wenyu" vakati "Good ini ndangoti ndiuye ndikuudze kuti pakaita zvisizvo mhosva ndeyako" vakadaro vachisimuka zvikanzi nemurume wavo "Mwana wangu akangofa chete urikupinda mujeri" vakasimuka ndokuteverana nemukadzi wavo ndakatarisa mama avo vaive vakaita kunditarisa necorner yeziso yaitaura zvakawanda vakati "Wazviona ka kuti utori problem kubva mune zvimwe wopinda munezvimwe asi nhai Elly mwanangu imbonyatsondiudza kuti ndakakutadzira chii chaizvo nekuti kuita kwako its like urikuda kutofixer isu vabereki dai kuri kunzi urikuzviitira iwe njee zvingadai zviri nani." Ndakati "Handina hangu mashoko ekutaura mama ini dai mangondisiya hangu ndakadaro handiti ndave kunoita mukadzi wemunhu chii chamuchiri kuzvishupira" vakati "Iwe wakarova mwana wevanhu zvekusvikira pauita miscarriage unosungwa usade kupindura rough kunge urikutaura neshamwari yako" ndakati "Ndogamuchira zvese mama" ndakapukuta misodzi yangu kwakubuda ndakaenda kunochinja uniform ndichibva ndaiwacha.Ndapedza ndakagara panze pfungwa dzangu dzainge dzave bhingirishi yega yega ndaitadza kuziva kuti ndodii chaizvo.Iri yekuenda kujeri handina kuivhunduka hangu nekuti jeri kwandiri raitove nani pane kugara namai nababa vangu.Pakabuda mama vakati "Wagara ipapo wadya here?" Kuzobvunza kunge vaive necare ndakati "Ndichadya" dai kwaive kundida zvaive nani vainge vasina kana nyadzi.Vakati "Idya ugosungwa wakaguta wave kujeri unochidemba chikafu ichi?" Handina kudeera hangu nekuti kwaive kutoda kundinzwa mashoko angu.Vakafamba kuenda kuseri kugate ndaive ndakamgogara ndakazosimuka ndokuenda kunodya asi ndainzwa kamwe kapain kaisandiitira mandiri.Ndapedza ndakasuka manheru ndakabika as usual murume wavo ndakazomuona manheru asi handina kutaura naye.Kwandiri ainge angove murume wavo nekuti vaive vakandiramba.Ndakazoenda kunorara hangu asi i was in deep pain yekuti ndaitadza kunzwisisa pain yandaive nayo ndainzwa kumwe kudzimbikana kwekuti ndainzwa moyo wangu uchidairira kutorwadza.Ndakasvikra pakuzvibvunza kuti ndimai vangu nababa vangu here ,kwaivewo kuzvibvunza asi masimilarities aivepo mubatiro wacho wavaindiita ndiwo wakaita kuti ndizvibvunze kudaro.Ndakazobiwa nehope kana simba rekumuka ndichiverenga ndaive ndisisina hangu.Zuva rakatevera pandakabva kuchikoro ndakasvika Vivianne adzoka akangondimhoresawo imwe iya iya zvairatidza kuti haasi kutoda kutaura neni handina kuita hanya nazvo.Mazuva akafamba uye mama vaingopa vana vavo mabestie avo rudo ini ndaitoita kunge mutorwa ndaive ndatononokerwa nekuti ndipedze ndirove pasi ndaisagarira matakanana iwayo ini.Musi wataiti mangwana tirikupedza tave kubva kuchikoro ndaiita kunzwa kufara ndakati "Wakataura navo here gulez?" Akati "Iii vakatondiudzawo mastatement ava?" Ndakati "Ko hindava?" Akanga atopusa achibva ati "Hauna here kana hama irikuHarare ingakwanise kukubatsira here?" Ndakatura mafemo ndokuti "Handina ini Rue dont worry ndoita plan" akati "Ndave kukutyira kutaura chokwadi" . Ndakati "Don't worry" ndakataura zvekuzvishingisa asi plan yekwekunanga chaiyo ndainge ndisina asi zvaisanditadzisa kubva kumba izvozvo ndaitobva zvakaoma kudaro kana kuri kunzi ndaizogara mustreet hangu pane kugara nedhara randisingade randisinei naro.Akandibata shoulder rangu ndokuti "Dai ndiine imwe plan kana way yekukubatsira nayo ndaikubatsira sorry Elly" ndakati "Its okay darly I will make a plan" takananaidzana hedu kuenda kumba takazopesana pagate pedu ndave kupinda mugate ndakaona tete vakagara paverandah.Ndakanzwa kubhowekana chaiko ndakavamhoresa vakati "Tauya kukutorai" ndakati "Horaiti" vakati "Motogara makarongedza bag" ndakati "Okay" ndakafamba kuenda mumba vaitondipengera havo.Ndakapinda muspare kana uniform handina kuwacha hangu ndaitogaya kuti ndaienda neschool bag asi ndaibuda naro zviri skillful mari ndaive ndichiri neyandaive ndakapihwa na ba Allaine.Ndakaitora pamwe nepassport yangu nechitupa ndikaisa pasi pepillow yandaitsamira.Ndakabvisa uniform kwakuiisa pakanaka uye ndakabva ndatobuda panze apo paive namama vakati "Gara warongedza bag rako" nechemumoyo ndakati "Kutoti rongedza bag kunge murikuita zvakanaka kusanyara mukadzi mukuru" ipapo ndaive ndakavadzvokora vakati "Haudairi here?" Ndakati "Ndirikuzviziva ko imi mungaudzire mukadzi mukuru akafanana nemi" vakaridza tsamwa ndokuti "Rega uende utori neproblem unongopindura kunge urikupindura sahwira wako" handina kudaira ndakanzwa tete vakuti "Labour pain ichamudzikamisa hake musiyei akadaro handiti arikunozvara" mama vakati "Hameno" dai vaiziva kuti ndaive ndavarongera horror havairotomoka kudaro.Ndakanogara hangu pachibench ndichifunga kuti ndonangepi asi Harare ndiyo yaive nzvimbo yaive yakanaka kuti ndiende uye handaizonoshaya hangu kwekuenda ndakasvika pakudemba kuti dai ndaive nemukomana ndaitizira.Asi nguva yacho yaive isisiri yekufunga izvozvo uye paitoda maplan ekuchekeresa chaiwo kureva kuti ehugamba.Mama natete vaitaura kuratidza kuti kwavari zvese zvaive correct.Ndakazosimuka pakadzoka Vivianne kuchikoro ndikowo kamwe kasatan kechidiki kandaingoregererawo ndisati ndaenda asi kaitoda proper teaching chaiyo. Takasanganidzana maziso tave mupassage akati "Sharon hanzi ashaya ratove jeri ka nhai akoma?" Ndakati "Iro ndorida manje pane kugara netusatan twakaita kunge imi vana Vivianne" akati "Ndirikutokunzwira tsitsi" ndakati "Ini ndisiyewo ndakadaro wanzwa hapana ane basa neni pano so don't stress" ndakadaro ndichitofamba kuenda muspare ndaive ndatomirira kuti mapurisa acho auye.Hatina kuzotaura tese paakabika takadya plus inini ndagara ndaidyira panze kutogara pane vamwe ndaifeeler out of place.Apa ndaiti zvimwe mapurisa achauya asi haana hawo.Panguva yandakabiwa nehope ndakavhunduka mhere yakaridzwa mumba.Ndakamuka kugara Vivianne achibatidza light achibva abuda ndakateverawo asi ndakamira mupassage hana yangu ichiita kubika manhanga ndakanzwa tete vachichema vachiti "Kwete murume wangu , aiwa Mhofu havana kufa kani nhai baba vemwana wangu waoneikooooo!" Vaiita kuchema ndega ndakangobatanidza kuti bamukuru vanenge vafa instead yekuti ndirwadziwe i felt relieved kunzwa kuturwa zimutoro chairo.Asi vaichema varimu dinning.Ndakanzwa mama vave kuchemawo.Ndakati "Chemai" ndakadzokera muspare ndichibva ndatozvambarara door rakavhurwa handina kuda kutarisa kuti ndiani ndakanzwa Vivianne akuti "Bamukuru hanzi vashaya Eliana" ndakati "Mwari vaita havo vamuzorodza muchembere" akati "Mashoko ekutaura here iwayo waudzwa zverufu?" Ndakati "Asi api nhaiwe kadhodhi?" Ndakapinduka kumutarisa aive angoshama muromo "Vhara ganwa iro munozara magerms" ndakadaro akati "Ini hangu handina mashoko ekupindurana newe" akabva abuda ndakasara kudzipfodora uye zvaisandidzosa kumashure nekutetereka.Ndakatokotsira hope chaidzo dzehumambo chaidzo.Makuseni pandakamuka kunogeza ndakasangana namama mupassage vakati "Vivianne paakakuudza zvenhamo dzvamukuru vako wakati kudii?" Ndakati "Ndakati Mwari vagona vamuzorodza muchembere , ndakakanganisa here?" Tete vakati "Ndiro raurayisa murume wangu zimwana iri ndosaka riine ngozi manje urikupinda mujeri handiti munhu wawakarova akafa" ndakati "Horaiti" ndakabva ndatofamba kubuda kunogeza.Ndainzwa kufara chaiko kuti finally ndave kubva pano , ndapedza ndakanochinja asi ndakapfeka uniform pamusoro peimwe hembe zvekubuda nebag zvaisatomboita.Ndakatora passport yangu nechitupa ndichibva ndaisa mubraa.Ndakabva ndatobuda mama vakabva vati "Ukapedza kunyora ubve wangonanga kuno tirikuenda kunhamo haufanire kushaikwa panhamo yavo" ndakati "Horaiti" dai vaiziva kuti ndiko kaive kekugumisira kundiona vaisawotomoka kudaro. Ndakati ndichisvika pagate rechikoro ndakatambirwa nemaziso evana vechikoro uye ndaitoziva nyaya dzacho asi handina kuda kuita hanya nazvo.Ndakanga ndamira ndakazoona Rue akauya pandaive achibva ati "Sharon akashaika nezuro" ndakati "Ndakazvinzwa" ndakataura zvisina kugaya mukati akati "Hausi kutya kusungwa?" Ndakaita ka gentle chuckle ndichibva ndati "Ngariuye jeri handinei naro im ready pane zvese zvichauya kumberi kwangu i don't care" ndakataura ndisingagaye uye ndaida kugayeyi as if kumba kwacho kwaive kwakandinakira.Ndakafamba kupinda mugate maziso emunhu wese aingove kwandiri.Takazopinda muexam apa phone ndaive ndaipa Rue kuti aise mubag make , takanyora exam redu tichingopedza ndakaenda kwaive na Rue ndikati "Phone yangu ndoda kutorova pasi kutaura kuno" akati "Okay ngatibudei" takabuda mugate achibva andipa phone yangu pamwe ne 20 US ndakati "Waiwanepi?" Akati "Tora ugowana pekutangira" ndakati "Wabira mama?" Akaseka izvo zvakaita neniwo ndiseke akati "Yah , ndoda kuti uve safe sahwi" ndakati "Hatidaro asikana enda unodzosera mama mari yavo" ndakadaro ndichiisa muruoko rwake akati "Tora Elly vakandipa" ndakati "Usanyepa kutanga riinhi uchiba?" Akati "Just take it" ndakati "No Ru.." Akati "Iwe tora mari iyoyo chiita uende , apa urikuenda neuniform?" Ndakati "Ndine hembe mukati" akati "Bvisa uniform iyo" akadaro achindidhonzera paseri peumwe muti ndakabvisa shirt zvese neskirt.Achibva andimbundira ndokuti "Unoita zvinhu kwazvo bestie kwauchange uri ikoko usazondikanganwewo" ndakati "Handikukanganwe Rue usare uite zvakanaka i hope uchapassa ndoda uenderere mberi nechikoro kwandiri zvaramba" akati "Mwari vane chinangwa" takasiyana achibva ati "Chienda vanhu vanozoti vationa tese mhanya uende akadaro achitoisa uniform yangu mubag make.Ndakamuwaver ndichitomhanya kuenda ndakaburitsa mari mu pouch rephone ndichibva ndamhanya kutonokwira Harare.Yaive yakabatana yacho ndakaisa mubraa ndichibva ndatonokwira bhazi.Ndakanogara kuwindow chaiko ndega ndakazvibvunza kuti kwave kusiya Murombedzi uku ndakanyatsotarisa pakasimuka bhazi richifamba mbichana mbichana ndaifunga kuti zvimwe ndichabudamo ndoenda kuSouth Africa kwandaive ndakavimbiswa namukoma kusaziva kuti zvaive zviroto.Ndakatozotanga kufunga kuti ndainge ndakanganwa kuti Rue andipe number dzake ndakazvituka chaiko kuzvituka kusingapere.Hapana zvandaive ndichaita nekuti tainge tatopesana hameno kuti ndaizotaura naye pai.Rakafamba bhazi rakananga kuHarare ndaisambove nestress yekuti ndichaendepi ndaingoti hameno ikoko ndozviona ndasvika. Rasvika kuHarare rakanomira kumarket square ndimo maraigumira ndakaburuka ndingori ini ndaive ndisina kana chinhu chandaive nacho.Ndakanogara mumarket imomo ndave kufunga kuti ndonangepi ipapo ndakanga ndachigumirwa hangu.Ndakambotenga mahewu ndikanwa kwakutanga kufunga kuti ndodiiko chaizvo.Handina kana kwandaikwanisa kuenda kwasisi Sheila kwaisaendeka , vaigara ku Southlypark uye Wilson ndaive ndisinei naye hangu.Zuva rakanyura ndakagaramo ndakazobuda ndave kutya kuti zvimwe officer vaya vangandione.Ndakananaira ndichienda nekwaiienda nemakombi aiedeedera glennorah.Ndakafamba nayo road iyoyo ndikanobudira paive nefly over ndakambonogara muka park kaivepo ndakabatidza phone yangu makatanga kupinda mamessages amama na Wilson vese nana Letty vachindibvunza kuti ndaivepi ndega ndakatoona kuti chiline ichocho chaigona kuzotondikanganisira ndakabva ndaribvisa muphone kwakuritsenga tsenga.Ndaizotenga rimwe ndakasimudzira ndakafamba nayo road ndichingoenda chete ndakatozonzwa makumbo kurwadza ndasvika paive nema robots paikwirirwa makombi.Ndakagarawo padombo randakaona apa kwaive kwachisviba hako vanhu vainge vakaita kuzara zara yairatidza kuti yainge yave nguva yekubva kumabasa kwevanhu.Ndakagara ipapo ndakanzwa izwi rakati "Mainini Elly" ndakavhunduka ndichisimuka nditorine confusion yekutadza kuziva kuti izwi iroro rainge rabva nepi.Ndakanzwa kubatwa ndakada kurova ndokuona ari Royco akati "Mainini ndakuonai ndiri mumota ndanga ndichifananidzira murikuitei kuno asi mauya kunhamo yadaddy?" Ndakati "Royco siyana neni" akati "Ndongosiyana nemi seiko handei kumba" ndakati "Ndisiyewo please kundiona kwawaita hazvireve kuti wakutoenda neni kunhamo yababa vako" akati "Ndirikuziva zvirikuitika mainini handei" paakadaro ndakanzwa mweya kwawo asi ndakamhanya kufunga kuti ko kana atumwa.Ndakamira ndakamutarisa akati "Handei ndine masahwira angu arimukamota ako kakamira apo" akanongedza ndakati "Wambondiona seiko iwe?" Akati "Ndangofananidza pama crosser road ndikaziva kuti ndimi neback view" ndakati "Saka wauchitonditsvaga?" Akati "Ehe hapana pandaisiya hama yega ndisiri kuziva kuti irikuendepi" ndakati "Royco ukangoenda neni kumambuya ako ndinokunyudza banga trust me" ndakadaro ndichifamba akaseka ndokuti "Ndotoda kukuchengetedzai itofarai kuti dhara racho rafa musati maitwa mukadzi naro" ndakati "Ko iwe hauna kuenda kunhamo?" Akati "Ndoenda mangwana asi zvechirango vakandidzingira nyaya yema drugs vaive vasitorina basa neni mudhara"Ndakati "Hoo" akati "Yah" akatungamira patakasvika pamota akabva avhura door ndokuti "Salaam gara kuboot" akati "Ibabe chete ririkuda kupinda dai anga arimunhurume ndaisabvuma" akaburuka achibva ati "Moms vaRoyco murisei?" Ndakati "Mushe" iye akabva ati "Moms pindai" ndakapinda kwakugara maive ne3 boys wechi 4 ndiye aive aenda kunogara kuboot.Akapinda Royco kumberi vaive vagara vari 3.Ende vakomana vese vaivemo imomo vaitoratidza kuti iteam rema drugs.Language yavaitaura imomo ndaitotadza kuibatanidza.Yakarohwa mota ndakazoona tasvika pamba pacho paaigara paitove nedurawall negate reblack.Kakapinda mugate kamota Royco achibva ati "Moms tasvika paden" ndakati "Okay" takaburuka tese akakiinura door ndokupinda mumba umo maitonhuwa hamo fodya.Uye maitove neproperty svinu.Akati "Moms mukitchen hamuna kana chikafu regai nditume Scorpion anotenga machips nedrink" akadaro achitopa Scorpion wacho mari apa aive akaita kuzara matatoo muviri wese ndakatonzwa kumerera kwekusemeswa nawo.Akabva ati "Moda drink ripi moms?" Ndakati "Chero" akati "Ndouya nedoro manje mukati chero" ndakati "Ndongodhakwa" akaseka achibva abuda.Akasara akandiratidza room yangu Royco akazouya Scorpion ndakapihwirwa kuroom ikoko iye aive akumboita zvemasahwira ake ndakanzwa ka excitement hangu kekuti ndanga ndapona chaizvo zvainge zvave nani.Ndaizotsvaga basa ndichigara naye kana akange asina kuudza hake vana mama kuti arikugara neni.Pandakapedza kudya ndakaenda kutoilet kwakudzoka kurara.Ndakarara dzehumambo ndakamuka kucleaner mumba apa mainhuwa fodya ndakatanga nekuvhura mawindow ndakamutsvaira makabuda dust akazomuka pave paya nemasahwira ake , akagadzirira zvekuenda kunhamo akasiya anditengera chikafu akati taizotaura adzoka.Ndakamukumbira hembe handina kuda kunyara akandipa mabottom 5 nema tshirt.Paakabuda ndakasara ndikarara hangu ndakazomuka kubika masikati.Ndaingonzwa kakupindwa nemhepo kuti zvaita.Akadzoka after 2 days ndaitove panze takapinda mumba tese akabva ati "Mainini ko hanzi makauraya munhu murikutsvagwa nemapurisa" ndakati "Handingade kukurambira asi handingazive kuti ndini here ndakauraya" ndakatanga kumutsanangurira ndapedza akati "Anogona akazvifirawo hake apa hanzi body yake yakaiswa kumba kwaana sekuru let them suffer handiti vaikushungurudzai" ndakati "Thanks mwana"akati "Avigwa mudhara uya regai azorore" ndakati "Asi denga chairo haana kupinda" takaseka hedu ndokuchinja nyaya uye akandisimbisa kuti ndaisafanira kufamba famba.Mazuva akatanga kufamba ini na Royco taiita kuwirirana mafriends ake aiuya achingonditi moms , Dec akandipa mari yekutenga hembe aiita zvekutengesa madrugs paden ndakabva ndatenga line rimwe.Akapindana mazuva musi wa22 Dec akati "Moms bvudzi renyu hamudi here kuiswa rasta?" Paakadaro ndakamhanya kuti "Ndoda" nekuti handina kubvira ndarigera ndaingorichengeta.Akati "Iri boe mom ndoku kroshai mangwana" ndakati "Ndoda kuiswa tint kuma ends" akati "Tosota moms" ipapo aitoputa mbanje ndakati "Ndipowo ndimbonzwe kuti zvinodii?" Ndaitove serious akaseka ndokuti "Hamutifire here muchembere?" Ndakati "Ndipe ndirove usabvunze zvisina basa?" Akati "Mukakosora ndokurovai manzwa" ndakati "Hokoyo nengozi" akaseka achindipa ndakaisa pamuromo ndakakweva ichibva yanogara pahuro.Asi handina kurega iye wacho aingoseka akagara pasofa.Akandidzidzisa kuti ndodii kana ndichiputa.Ndaitoda zvekutorova fodya pamwe ndaigara ndisina zvinondinetsa.Zuva rakatevera akandisota musoro wangu nema friends ake ,musi iwowo ndakairova futi imwe mbanje pandakapedza kuiputa ndaive ndonzwa kamwe ka excitement kandakatoshaya kuti kanga karipi ngiva yese , uye ndaiita kutaurisa zvekuti pandakarara ndakaita flat.Christmas yakasvika takaswera takastanna hedu paden painwiwa doro ndakati ndorida ndakarinwa zvekudhakwa kunge benzi.Asi handina kurega ndainge ndazvipira kuita chidhakwa.Kubva that day ndaive ndakurova mbanje nana Royco zvese nedoro.Musi wa31 takaita all night tichiridza radio.Days passed tave muna February ndainge ndatove munhu wedoro nefodya umwe musi ndichibva pama shops kwaMakomva ndakasvika pagate pakamira mota yaivepo.Handina kutomboda kutaura nevanhu vaivemo nekuti ndaive ndakatobatwa hangu.Ndichangopinda mugate ndakanzwa izwi remunhurume rakati "Iwe mira ipapo" ndakafamba kupinda mugate ndakanozvikiira mumba ndichingogara vakabva vanoka door ndarova danda rangu rembanje pakanokwa futi zvakandipa hasha ndichibva ndakiinura ndokuti "Chibaba murikunetswa nei?" Akati "Urikutorova mbanje pamberi pemupurisa?" Ndakati "Murikuda kundisunga kunge mbanje here chibaba mune sure kuda kundisungira kasub kembanje?" Vakati "Hauputire mbanje pamberi pangu kuzvidza mutemo" ndakati "Izvozvo hazviite manje handisungwe nemi masiya vamwe kuna first" vakada kundibata ndakati "Musandibate chibaba musandibate "Matondibhowa mandibhowa manzwa , makunditadzira manje haisisiri nyaya yesub rave daka iri asi pane wandakatadzira here?" Ipapo Royco akabva apinda ndakaridza tsamwa ndokuti "Musaite kunge musingabheme madundu" ndakafamba kuenda mumba... End of chapter kutsamwa kune labour🖤Stay tuned
❤️ 🙏 😂 👍 😢 😮 453

Comments