
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
June 17, 2025 at 07:27 PM
*🍓REPUDIATION🍓*
FOLLOW OUR CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
Comments group
https://chat.whatsapp.com/IRkAgpYqqEBLre1KGaLRQ0
Handei tinofollower munyori wedu kufb
https://www.facebook.com/share/1Hq74jNayz/
FACEBOOK GROUP
https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Ucbxw6v
WRITTEN BY
PRECIOUS a.k.a MANYONI
PARENTAL DISCRETION IS ADVISED
C 12
Tapedza kuseka akati "Saka toita sei?" Ndakati "Handisi kuziva"akati "Are you willing kusiya zvachose?" Ndakati "Handikwanise kukupa promise coz ndinotodzingawo stress nazvo" akatura befu ndokuti "Tirikuitei?" Ndakati "Nei?" Akati "Let's live a normal life zvinhu izvi hazvisi good kukuudza chokwadi sewe ndirikuona kuti watove addicted kwazviri ndikakusiya uchiri kuzviputa unoita rombe chairo lets start afresh" ndakati "Aiwa ukatanga kudaro tinotonetsana as for me peace out" akati "Its fine" akadaro achitosimuka pabed ndakaramba ndakamudzvokora ndokuti "What are you trying to happen?" Akabva akwibuka kuseka zvakaita kuti ndisekewo akacheuka ndokuti "Ukwane Elliana wazvinzwa neiko uchifarira kutaura zvisina basa" ndakati "Sorry wangu" akabva afamba kubuda ndakaramba ndakamuyeva paakabuda , ndaingonzwa kakumuchiva kaya , handitozive kuti wainge wave mweya upi wanga wandigara kuchiva mwana wava tete zvakadaro.Uye ndaitonzwa kutomuda zvakapfurikidza zviya ndakangozviudza kuti hameno chero ndaita zvirikuda itsvo yangu ndiri ndinofa ndisina kufara plus chinhu chairohwa ndechangu ndaisave nebasa nazvo semunhu aive akaitwa rejected ndaive ndongoita yese yese vabereki vangu vakanga vandiramba saka ndaizotarisira kudiwa nani.Chero kuri kunzi Royco wacho aenda America ndaingozivawo kuti zvavharana nekuti hapana pandaitarisira kuda kuroorwa nemwana watete kwaive kungonakirwa hupenyu huchienda mberi kumuudza kuti i love you kwaingovewo kutaura zvandainzwa asi kwete zvekusvika pakutoroorana hedu kuda kupa nyika nyaya.Ndakazosimuka kubuda ndakamuona akagara mudinning.Ndakamira padoor ndakamutarisa ndakatanga kusekerera ndakamutarisa akabva anditarisawo ndokuti "Madii chimhamha?" Ndakati "Hindava kutambisa face yechihure nhai makuruwani?" Akakwibuka kuseka achibva ati "Iwewe wakafitwa nekuita mai vemba neiko urikutambisa face yehouse wife" ndakatarisa pasi ndichibva ndafamba kuenda mudinning ndakasvikogara pamakumbo ake ndakamutarisa ndichibva ndaisa maoko angu muhuro make takaita eye contact hana yangu yakatanga kurova , handina kutaura anything akabva ati "Chii?" Ndakati "Hana yangu haina order kungokutarisa yotorova" akati "Idzikamisei chimhamha" ndakati "Ndipoo kiss" ndakadaro ndichimisa malips angu like ndaida kumukisser akabva andikisser door rakabva ravhurwa panguva dzacho.Takatarisa tese ndokuona ari Scorpion akati "Aaaaah mashura api aya boiz?" Ndakati "Usabvunze zvauri kuona wakabatwa nemandudu here?" Akafamba kupinda mukati rimwe team rakapindawo Royco akabva ati "Ibva pamakumbo pangu Elly" achiita kakundisunda like.Ndakati "Wakundibvisa pamakumbo pako just because shamwari dzako dzauya?" Mazowe akati "Ndakakunangisai paya boiz kuti vanhu ava varikurovana zviweti ndanga ndaonera zheti , haaa musaite iyoyo mother and son" ndakabva pamakumbo pake ndichibva ndagara pasofa.
Vese vakaramba vakatitarisa Royco akabva ati "Handei panze boys" akadaro achisimuka zvikanzi naScorpion "Ndimi murikutadzisa mvura kunaya munyika imi taurai tinzwe apa ndeipi yamanga muchiitana?" Zvikanzi naRoyco "Kana musirikuda kubuda kutaura neni chisarai muno naye Elly ndibude hangu" akajogera achibuda ndakati "Saka team imimi mauya pano kuda kutitongesa here , chero kana manga makaonera zvinei nemi?" Vakadzungudza misoro vachibva vabuda vese vakanga vazondibhowa last havo nechavainge vaurira ndakachishaya ini ndakasimuka kwakubudawo panze handina kuvaona.Vanenge vanga vatobuda vanhu vacho ndakagara paverandah ndisingagaye hangu.Akazodzoka Royco asi mood yake yaive yaita kakuchinja.Akangosvika nekupinda mumba.Ndakasimuka kumutevera ndakananga kuroom kwake door raive locked ndaka knocker ndokuti "Roland vhura door" haana kudaira ndakati "Wangu vhura door mhani iwe" akati "Moms ibvai ipapo" ndakati "Ndoda kusasa newe" haana kudeera ndakazama kumudaidza asi haana kana kundidaira ndakabhowekana ndichibva ndatoendawo kwangu.Hameno kuti zinweya ripi ranga ramugara , ndakanzwa kusvotewa chaiko.Ndakazobuda kunobika zuva rodoka haana kubuda ndakamunokera aingoti ndichabuda.Ndakaenda kuroom kwangu apa ndaive ndonzwa kuda mbanje ndanga ndapedzisira kudzirova makuseni dzaigara muroom make Royco.Ndakatoona kuti ndikasamukumbira handingarare ndakamuka kuenda kunomugogodzera asi haana kuvhura door kana kudaira hake.Ndakazama kukumbira asi zvakakona ndainyatsonzwa kubatikana ndakazongonwa doro kwakunorara.Ndakati ndichingoisa musoro pasi Sharon achibva ati "Tisvikewo" kutonzwa izwi rake kudoor ndakatanga kumuona achipinda nepamadziro kuside kwandaive ndakarara ndakatarisa ndakati "Sharon sorry , sorry hako Sharon" aida kutaura asi akatadza kutaura izvo zvakaita kuti ndione misodzi mumatama ake akafamba kuuya kwandaive achiita sekunge aida kundidzipa ndakamuka ndokutanga kudedera ndakati "Sorry Sharon" maziso ake aiita kubuda moto akandibata ndakascreamer ndichipepuka ndakazvambuka pamubhedha ndichida kumhanya ndakasimuka kuenda kunogogodzera Roland kana kumuka hake , ndakanopinda mudinning ndichiita kudedera uku ndaita kudikitira.Ndakagara pasi ndichibva ndatanga kuchema "Nhai Sharon ndiuraye hako kana zvanetsa" ndakadaro neshungu kunditambudza kwacho kwanga kwanyanya.Handina kuzorara ndakagara kuiwayedza kwayedza.Royco akamuka makuseni achindiona ndiri mudinning akati "Ko chii moms?" Ndakati "Uri evil iwewe , uri Satan ndakudeedzera manheru hauna kuda kundibatsira uri heartless ungadaro munhu waunokwira?" Akabata kumeso achifamba kuuya kwandaive akasvikogara pasofa ndokuti "Inini nemi tiri mai nemwana forget about what happened between us zvinotonyadzisa zviya im feeling guilty nezvandakaita" ndakamutarisa ndokuti "Saka hauchadi?" Akati "Yah hazvichaite moms" ndakati "Roland?" Zvekurwadziwa chaizvo ndakarwadziwa kudarika rwadzirwo yandakaita pandakarambwa naKissmore misodzi yangu yakatanga kuyerera ndakati "Haungandidaro Roland" akati "I'm serious" ndakamubata thigh rake akabvisa ruoko rwangu achibva ati "Moms by next week ndofanira lunge ndadzokera kuAmerica so its better mudzokere kumba munogadzirisana nana sekuru kuti muve nebetter life hupenyu hwamada kuzviraramisa uhu hausi boe muchiri mudiki stereki 17 years gadzirai future yenyu" ndakabata musoro ndonzwa chipfuva changu kupisa ndakanzwa moyo wangu kurwadza zvakanyanya.
Ndakamutarisa ndakati "Washinga here Roland kuti ndinoita street kid?" Akashama muromo ndokuti "Kumba kuriko wani moms munoita street kid sei iko kumba kuriko?" Ndakati "Ndakarambwa kare Roland , its okay thanks nekundichengeta kwawakandiita" ndakadaro ndichimutarisa mumaziso asi akakasika kunzvengesa face yake achibva asimuka , ndakasara ndikachema akanogeza achibva abuda handina kutomboita basa musi uyu.Ndakaenda muroom make ndikanotsvaga mbanje kana kudziona ndakaziva kuti aburitsa dzese.Ndakabuda kuenda kuposhto kwataibhemera ndakaona ana Scorpion variko ndakavamhoresa vakandidaira boe boe , pandakakumbira mbanje vese vakaramba vari zii ndakati "Marangana naRoyco kuti mundinyime" zvikanzi naScorpion endai kumba moms" ndakati "Boe" ndaive ndagumbuka ndakabva ndatorova uturn kudzokera kumba ndakasvika Royco atoriko asi mudinning maive nemabag aivemo aive akagara pasofa ndakati "Well done" akati "Handisi mumood yekutaura" ndakati "Uchada kutaura neni , horaiti chindipawo hako mbanje ndibheme stress yandiinayo ipere ndagara ndiri murambiwa ini" ndakadaro ndichizviwisira pasi akati "Stress yekuti ndati hazvichaite kuti tirambe tichirara tese , moms kwanai mhani imi mungade kuramba muchirara nemunhu wamuine hukama naye" ndakati "Ndati ndipoo mbanje!" Akati "Muno hadzichawanikwe endai motenga" ndakamudzemura mbama akaramba akanditarisa akati "Dai musiri mai ndaida kukumamisai kusvikira maita blue black I think pfungwa dzenyu hadzisi kushanda." Ndakanzwa chikugodo kunogara pahuro ndakaramba ndakamutarisa , I felt a sharp pain mumoyo mangu ndainzwa kuti pano ndarasikirwa nechinhu chiri special kwandiri ndaida kumuudza magara moyo asi nekungomutarisa kwandakaita ndakanzwa hana yangu kurova kurovera rudo chairwo ndakaerekana ndati "I love you usandirwadzisewo , why urikundirwadzisa?" Ndakataura zvinyoro nyoro iye wacho akati "Dzakurasika chete pfungwa dzenyu" ndakagara paside pake ndichibva ndati "Ndirikutaura zvirikubva mumoyo mangu Roland unoda ndiudze ani ini ndirikunzwa kuda kuudza iwe stop hurting me please" akati "Handichazvigone hangu gadzirirai ndinokusiyai kumba kunana sekuru" ndakasimuka ndokuti "Ndobva hangu pano usazvinetse its better ndife pane kudzokera kujeri iro" akati "Moms please" ndakasimuka kwakumhanya kuenda kuroom kwangu , pandakada kuvhara door rakapushwa achipindawo achindisairira kumadziro achiuya kumira pamberi pangu akaita kakunditsimbirira kumadziro ikoko ndakanzwa hana yake ichirova akabva abata chirebvu changu ndokuti "Usandirwadzise Elly , ndokumbirawo usazviuraye horaiti handichakurambe please dont do that" ndakawedzera kuchema achibva ati "I know kuti zvatiri kuita hazvina kakukwana mukati but my heart yerns for you ndirikuzama kuzvishingisa Elly asi the more yandirikuramba ndichi resister zvandiri kukunzwira ndirikuwedzera kurwadziwa" ndakati "Saka urikuitirei zvinhu zvekuti tirwadziwe daddy?" Akati "We are related Elly" ndakati "Are we related by blood?" Akati "No , asi uri related namai vakandizvara" ndakati "Ndokuda Roland" akati "I love you too" akadaro achiswededza face yake kune yangu takatanga kukissana ndakanzwa kuve comfortable panguva iyoyo kutonzwa kuda kumumbundira chaiko akabva amira kundi kisser.
Akanditarisa kumeso ndokuti "Babe" ndakati "Sweetheart" zvikanzi "Do you really love me?" Ndakati "Yes I do love you" akati "Ndoda kuti tiende kumba kunana sekuru tinotaura nav..." Ndakamukata ndokuti "Wakushaya nyaya manje" akati "Usandikate kana ndichitaura newe imbondipawo respect semumwe wako terera zvandiri kuda kutaura" ndakati "Aaaah urikuda nditerere chii iwe uchitaura nyaya dzisina basa" akati "Hapana akadhakwa patiri tese tiri two handiti ka?" Ndakati "Ehe" zvikanzi "Kana uchindida nemoyo wese uchaterera zvandiri kuda kutaura" ndakati "Okay asi kana nyaya dzako dzisina musoro i wont listen" akati "Babe?" Ndakati "My love" zvikanzi "Ndoda kuti tiende kumba kwaMurombedzi uko tinotaura nana sekuru ugare kumba ini ndakuenda kuAmerica im going next week ndirikusiya ndaisa roja richange richi renter imba ino yese.Ndoda unondimirira urikumba kana zvikangobatana chete ndobva ndakutora kuuya kuAmerica togara tese handiti?" Ndakaramba ndakamutarisa akati "Tanzwanana here?" Ndakati "Urikundiomesera havandide kumba ikoko unoziva hupenyu hwandakararama i cant go th..." Ndisati ndapedza kutaura akabva andinama nekiss we kissed kwenguva yakareba achibva ati "Tabvumirana here?" Ndakati "I'm doing this for your sake asi moyo wangu hausikuda izvozvo" akati "I know asi try kunzwisisa zvandiri kuzama kureva babe" ndakati "Ndirikukunzwisisa wani" takaramba takatarisana zvekuti i felt a very strong connection naye , ndakati "Kana tiri related why ndirikufeeler a strong bond pakati pedu" akaseka haana chaakataura hake.Akabva pamberi pangu ndobva afamba kuenda kunogara pabed akati "huya ugare apa timboronge zvinhu zvedu." Akadaro achirova rova pabed ndakanogara paside pake akati "Ndanga ndichifunga kuti once wadzokera kumba wonotora maresults ako then pamari yerent yepano inenge ichiiswa mu ecocash mako woenderera mberi nechikoro asi ndapota hangu usarambe uchitora zvinodhaka" ndakasekerera ndokuti "Hiiii thank you , ndafara handidi kunyepa asi chave kundiomesera manje inyaya yaSharon" akati "Ndoripa" akataura mashoko iwayo akanditarisa mumaziso chaimo ndakamedza mate ndokuti "Saka zvinenge zvakufambiswa sei?" Akati "Unonotaura nana sekuru vokubatsira sezvo varikuziva nyaya iripo wobatsirwa wononzwa kuti varikuda kuripwa nei.Kana vati mombe unondiudza tichapota tichitaura paphone ndokutumira mari ukapihwa yerent wowedzera woripa kuti urarame hupenyu husina kushupika" ndakamumbundira ndokuti "Thanks , kana madrugs pakadai ndinosiya asi zvauri kutaura zvaana mudhara havambobvume hauvazive mushe vanhu vaya iwe" akati "Problem yako une rough try kumbozvininipisa kuti ukwanise kugarisana navo Elly?" Ndakati "For the sake of our love ndoita zvese zvaurikutaura asi promise me kuti unouya wonditora also zvawataura zvichazadzikiswa or urikungotaura zvekuti ndiende unozonzwa kuti ndafa handidi kukunyepera" akati "Urikundifungira zvisina basa handiti?" Ndakadzungudza musoro ndichiseka akati "Usandijairire" ndakati "Haugone kurova serious don't try kurova serious isina basa" akati "Kadhodhi" ndakakwibuka kuseka nekuti ndini ndaiwanzomutuka kudaro ndakati "Usatambe neni uchindituka ndotsamwa" akati "Boe wanguda" ndakati "Tichiri kutaura slang here?" Akati "Tatoguma nhasi , ndivimbisewo kuti hauchabate madrugs futi?" Ndakati "I promise kani veduwee" zvikanzi good.
Ndainyatsonzwa kuti kusiya mbanje kuchandinetsa asi ndaifanira kuzama kusiya nekuda kwake plus kwandaive ndoenda uko kwaive kuri kumba kwekugara nemazi stress kwaitoda kuti ndigare ndichidziputa mbanje.Takazobuda ndokunobika nzara ndaive ndakuinzwa.Pandakabuda panze kunorasa marara ndakasangana namai Zvicha vakati "Hesi" ndakati "Murisei?" Apa vainge vave nenguva vasingataure neni havo ndakanzwa voti "Asi nhaiwe makunakuna api amuri kuita naRoyco mai nemwana kurarana?" Ndakamira ndakabata muchiuno neleft hand ndichibva ndavanongedza neright hand ndokuti "Imi musaite munotumwa manzwa zvinei nemi nhaimi mai imi?Mune guhwa rinosemesa mazvinzwa?" Ndakadaro ndichitofamba kudzokera pabin ndaida kuvapfekedza mumusoro vakati "Nguva yareba ndichikuonai mha..." Havana kupedza kutaura ndakangorinyamura kwakuvapfekedza.Ndakati "Be** rakaora" ndakaridza tsamwa kuenda mumba , ndakadhuma Roland uyo aibwibwinyika kuseka akabata muromo akamira padoor ndakamubata pachest ndokuti "Chimai ichi chinorwara" akati "Varizadza muraini rino rese kuti ini newe torara tese that is the main reason yandiri kuda kuti ubvire muno" ndakati "Ndoda kusiya ndavamamisa" akandibata ndokuti "Siyana nevanhu , huya tidye unogerwa" ndakati "Aiwa kani veduwee kugererwei?" Akati "Hausikuda kunditerera?" Ndakati "Ndoda asi kugerwa here?" Zvikanzi "Ehe rasta Elly" ndakati "Okay" takanodya tapedza akabva anondigeresa.Takarara tese musi uyu asi hatina kuita sex , Sharon akashanya hake as usual.Ndainzwa kubatikana pose pandaipepuka ndamurota , at least ndakava comforted hangu , zuva rakatevera akanokumbira mota yaScorpion akasiya anditi ndigadzirire.Ndakasara ndikagadzirira akauya ndapedza ndakapfeka skin jean ne t shirt.Apa ndaive ndasimba kusasimba kwaive kushungurudzwa chaiko.Takabva tatorova pasi on our way airidza hake ma love songs.Patakasvika pama shops ndipo pandakatanga kuona kuti ndadzoka kuhondo zvekare asi manje apa ndaive nditori ready for revenge uye ndaitoda kugara ndakavabhemera fodya chete taizogara takamamisana nekuti vaive imbwa dzevanhu vese , ndakanzwa Roland akuti "Wave kufungei" ndakaridza tsamwa ndokuti "Kutonzwa kusvotwa kuti ndadzoka kuno" akati "Topfuura nekuchikoro uchitora maresults ako?" Ndakati "Ehe hiiii waita basa" ndaitodawo kumaona kuti ndaive ndaka passa here , akatorova mota takananga kuchikoro kwandaidzidza takasvika ndichibva ndaburuka kuenda kuoffice pandakataura kuti ndoda kutora maresults ndakatarisirwa ainge atoripo hawo ndakamapihwa ndaive hangu ndisina chikwereti.Ndakapihwa ndichibva ndadzokera kumota ndaive ndisina kumavhura pandakapinda mumota zvikanzi naRoland "Waka passa here?" Ndakati "Handina kumavhura ini" zvikanzi "Tione" akadaro achibvuta ka envelope akabva avhura akauritsa slip racho ndakaona osekerera akatarisa slip iroro ndokuti "10 A's 2B's and 2 C's wanga wakanyora 14 subjects?" Ndakati "Ehe" zvikanzi "Zvauri shasha" ndakati "Dzingori nyasha dzakauya pasasikamu" akati "Saka A level woita maSciences ka?" Ndakati "No ndoita ma arts" akati "Wakuita zviri against?" Ndakati "Ndoita zvaurikuda zvacho" akati "I love you" akataurira pasi pasi achibva anyemwerera chana chava tete chaive chakanaka hacho ndakati "I love you more" he winked achibva atotarisa kumberi ainge odriver.Hana yangu yakatanga kurova tave kuona kuti pamba apo.Apa mama vaitove vakamira pagate hameno mukadzi wavaitaura naye ndakangonzwa sekunge ndave kupererwa nemweya wekufema paakasviko parker.Vakabva vatarisa kumota , Roland akabva abuda vakaita kusekerera vachimuona Roland kwakumumbundira shanje dzandakanzwa ipapo dzakaita ndiburuke mumota ndokubva vanditarisa ndokuti "Uyu arikudei pano uyu?".
End of chapter
kutsamwa kune labour🍓Stay tuned
❤️
🙏
😂
👍
😢
😮
432