PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
June 18, 2025 at 06:12 PM
*🍓REPUDIATION🍓* FOLLOW OUR CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N Comments group https://chat.whatsapp.com/IRkAgpYqqEBLre1KGaLRQ0 Handei tinofollower munyori wedu kufb https://www.facebook.com/share/1Hq74jNayz/ FACEBOOK GROUP https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Ucbxw6v WRITTEN BY PRECIOUS a.k.a MANYONI PARENTAL DISCRETION IS ADVISED FREE BOOK READ , COMMENT AND SHARE C 13 Pandakada kutaura Roland akabva ati "Why musiri kufara kuti mwana wenyu adzoka gogo?Come on handei mumba" vakati "Ndingafarire matambudziko mulife mangu mwana uyu ndakamuramba kare ngaabve hake pano" ndakada kutaura ndakangopihwa ziso riya rekuti "Dzikama" I don't know why Roland aikwanisa kundi controller zvakadaro.Akatarisa mama ndokuti "Handei mumba gogo pane dzimwe nyaya dzisingaite kuti titaurire panze" ndakanyatsonzwa kubatikana hangu hameno kuti taizogarisana sei kana zvainge zvakamira mumiriro iwowo.Vakafamba kupinda mugate mukadzi wavaive naye mama akanga atoenda ndakatadza kusimudza gumbo rangu kupinda mugate , ndakanomira pamota ndakatarisa pabonet ndakabata pabonet pacho , ndakayeredza misodzi yekubatikana chaiyo i asked myself kuti ndabvumirei kuuya hangu."Babe?" Akadaro Roland akataurira pasi pasi ndakasimudza musoro wangu kwakumutarisa aive akamira padivi pangu ndakati "Unodzoka ndafa pano handigari handidi kukunyepera" akati "Hauchadi kunditerera?" Ndakati "Ngarwugare haro rudo rwacho uchindimbunyikidza kodzero dzangu" akati "Its fine" akabva atofamba kunopinda mumota , ndakanzwa moyo wangu kurwadziwa pandakamuona ouya pandiri nebag rangu.Akasvikondikandira achibva ati "Life ndeyako ita zvawada but im trying to help you kuti uwirirane nevabereki vako" aka locker madoors achitopinda mugate.Ndakazviudza kuti handisi kuzopinda mugate imomo asi ndakanzwa kurwadziwa mumoyo mangu ndakaripendekera ndichibva ndazvuva makumbo angu kufamba kuenda ndakananga kuma shops.Misodzi ndiyo yaingotaura chete , handaimbode hangu kumanikidzira rudo or kumanikidzira pekugara ndichiziva kuti havanei neni vanhu vacho.Ndakaenda kunogara kubus stop paive nechi trench chaivepo ndakanogara ipapo ndainge ndapikira kuita street kid pane kuno abuswa.Roland wacho anenge aitongodawo hake kuti ndidzoke kumba kuti awane kurarama life yake.I accepted zvaivepo ndaive ndisina munhu anondida mulife mangu ndizvo zvazvaive hazvo ndaigoda kuzvirambira aniko izvo zvanga zvanzi zviitike kwandiri.Ndakagarapo ndichiona hangu mota ndakafunga mbanje asi kwekudziwana chaiko ndaive ndisina.Mota yaRoland yakapfuura ndakagarapo it was now confirmed kuti ainge asina basa neni plus aida kuita care neni pakudii isu taive nehukama.Kunze kwakasviba ndiripo vanhu vekuziva vaipfuura vamwe vachindimhoresa vamwe ndivo vaiseka asi ndaisave nehanya nazvo nekuti ndihwo hwainge hwave kuzoita hupenyu hwangu.Ndakazosimuka ndokupendekera kabag kangu ndakaitevedza road nayo ndichienda ndakazoisiya ndave kuenda neroad yaienda kufarm , ndakazozorora kwachiti ndoo kusviba. Ndakarara musango kutya kuya kwakapera ndakati ndabatirwa nehope ndakatanga kurota Sharon handina kuvhunduka ndainge ndakamira pasi pemuti ndakabva ndati "Ingonditora tirwire ikoko kudenga nekuti ini wacho ndirikutotamburawo" akada kutaura asi akatadza kutaura misodzi yake ndiyo yandakaona kuyerera ndakati "Sharon enough of this ndakakutadzira ndozviziva asi please ndinokumbirawo kuti undisiyewo hona ndirikutambudzika haungandinzwirewo tsitsi here?" Ndakadaro ndotochema kuhope ikoko akabva angonyangarika ndichibva ndapepuka ndakamuka kugara ndokutanga kuchema , ndakabvunza Mwari kuti ndaive ndakatadzira vabereki vangu chii zvekusvika pakusaita hanya neni.Ndakayeredza misodzi dzamara ndasara ndisina kana neumwe chete musodzi ndakagara ndakazembera muti kusvikira kwachena ndipo pandakazosimuka ndakadzokera kumain road kuya road nayo iyoyo yemabhazi apa simba chairo ndainge ndisisina.Ndainge ndonzwa chipfuva changu kupisa pamwe nekurema ndaiita ndichizorora , pakakwakasviba ndakarara muroad imomo ndaigoda kudii sekunge ndaive nekwekutizira dai ndaive ndakangoita hangu street kid remuHarare zvaive zvisina basa asi ndakafuririka nekuda kwema feelings ndikatambwa chekuseri hangu , ndakademba ndikazvituka.Ndakaita 4 good days ndichifamba ndakasvika muNorton netsoka apa nyota nenzara zvainge zvandibvunza mutupo.Ndakakwanisa kutenga mvura nemabhanzi nedollar randaive naro apa shena yandaive nayo ko iko kunhuwa weti kwandaiita ndakazvibvunza kuti Elliana urikuraramireiko iwe panyika pano.Asi mhinduro chaiyo ndainge ndisina ndakagara paroad paimira mabhazi vanhu vachiburuka handitozive kuti painzi payi ndaisave neruzivo hangu asi paitengeswa fish nezvakasiyana siyana.Ndakabva ndaona murume ainge akaita wechikuru achiuya akandinanga , akasvikomira pamberi pangu ndokuti "Hesi mwanasikana?" Ndakati "Makadiiko?" Zvikanzi "Ndinofara hangup unonzaniko?" Ndakaridza tsamwa ndichinyatsokuvatarisa baba ivavo nechavaida kwandiri chii kundibvunza zita rangu.Ndakati "Kwakanaka here baba vangu?" Vakati "Ehe , kunogoipeiko nhai mwanasikana?" Ndakati "Ndikakuudzai zita rangu mobva madini naro?" Vakati "Ingotaura kani unobveiko ukangoti ndonzi nhingi" ndakati "Musandinyangadza mhani imi" ndakadaro ndichisimuka ndakafambisa kuenda ndichivasiya vaitove nemuyedzo mukurusa baba ava nhai kuda kundidenha ndiri panguva yakaoma , ndakazongoona vave padivi pangu vachida kundibata ruoko rwangu "Hona ka mwanasikana ini ndatokuda hangu ndosaka ndakutevera ndoda kuti uite mukadzi wangu" ndakavacheukira ndichibva ndavaregedzera zenya rembama sure chembere iyoyo kundiudza kuti inondida munyama rudziiko.Ndakavanongedza ndokuti "siyanai neni , ndakauraya munhu ini munogona kuita wechipiri kufa kwandabva hamukuzivi siyai mhepo dzipfuure kwete kuda kupeperetsana nemhepo bratishiti wenyu kasekuru kasina nezano vezera vari busy kurima kumusha uko imi busy nekupfimbana nevana vadiki dzakati kweserw here mubrain umu" havana kuzoda kutaura vakabva vatorova u turn ndakaturawo mafemo panguva iyoyo ndichitsvaga pekugara ndaive ndonzwa makumbo kubaya baya pasi petsoka. Ndakagara pasi chaipo ndakabva ndaburitsa phone yangu ndokuitarisa tarisa ndakazviudza kuti zviri nani nditengese phone ndiwane pekutangira kana zvazorambisisa takano committer suicide life inenge yaratidza kundirambawo hayo.Ndakatanga kufunga kuti ndoitengesera ani phone.Ndaigona kungovharwa ndakatarisa kwandaive ndabva ndave kufunga kuti ndodiiko , ndakazosimuka ndodzokera kwandaive ndabva ndakanomira pabus stop paya ndichingotarisa tarisa hangu , pane vamwe vakadziwo hameno kuti vakabva nepi vakatanga kunetsana vakamira pabus stop paya vairatidza kuti vabvira kure vachinetsana ndakaona vaunganirwa ndakati pano ndoita sei uno ndiwo mukana wekuti ndiwane Maria yekusvika Harare.Ndakafamba kuenda kunomira mumashure memumwe musikana aive akapfeka skin jean muhomwe make maioneka kuti mune mari.Ndakasvikomira mumashure make kwakutanga kumupusha pusha uku ndichipunza ruoko rwangu muhomwe make ndakabva ndatongoiburitsa mari ndichibva ndasverera nemuvanhu imomo.Ndini uyo ndakamhanya kunokwira bhazi handina kuzoda kumira ndakanopinda mubhazi ndakasekerera ndichiona mari iya yaive 20US.Ndakazhinya zvekufara chaizvo ndakabva ndatobhadhara ndaizoona ndasvika Harare kuti ndonangepi.Pandakasvika muHarare ndakatenga mahewu nemvura kwakunwa ndichipedza ndakambogara murank mu market square ndakatoona kuti handina imwe plan pane kudzokera kuGlen view 1.Ndainoona yekutamba ndasvika ikoko ndakanokwira kombi kwakunanga kuglen view 1.Ndaifunga kuti zviri nyore ndakananga kuposhto kwaana Scorpion vakandirova necold shoulder zvekuti ndakabva ndadhinhiwa kwakutoenda kunotenga mbanje dzangu pamwe pamba ndaingonzwa kuti panotengeswa mbanje ende ndakadzibhema zvekuti ndakasara ndakunzwa kuti ndave boe handichisina stress.Musi iwowo ndakarara mustreet kana kutombogaya hangu.Mazuva akafamba ndichigara mustreet imomo ndichitenga mbanje everyday , pakapera mari yangu ndakatengesa phone ndakaitengesa nesick money nekuti ndaida mbanje panguva yacho hakuna chimwe chinhu chandaifunga kunze kwembanje. Kudya chaiko ndaive ndisisina basa nako muviri wangu wainge wadzikira zvekuti pese pandaifamba vanhu vainditarisa ungati vaiona zvimwe zvinhu.Ndaisazotana manje kumamisa munhu aingondidzvokora zvisina order ndaimamisa ende ndaisamisa vanhu vainge vakutonditi ndinopenga nekud kwetsvina.Gore rakanga ratopera tatobata rimwe kwekuti ndigeze ndaive ndisina ndairara pandafunga kuda kurara musi iwowo dzimwe nguva ndairara mubani pamwe pacho ndairara pamashops ndainge ndotozviita kunge benzi nekuti vanhu ndizvo zvavaive vongotaura.Zvekurota Sharon yainge yatove pattern ndaive ndisisazvivhunduke hangu.No one cared about me , gore iroro rakapera ndichingombeya chete vana vechikoro vaive votondiita benzi uye kusecha vanhu ndaisarega pandaiona pakaunganwa chete ndaitomaker sure kuti ndaitobata munhu homwe.Umwe musi ndakagara pabridge remuna patrender ndakatanga kunzwa musoro wangu kurwadza ndakangoti uchapora ndichibva ndatotanga kunanaira hangu ndasvika paclinic paglen view 1 ndakatanga kupindwa nechimwe chando chandisina kunzwisisa uye ndaitonzwa kuda zuva chairo.Ndakabva ndatonogara paraive zuva racho , ndakatogara ipapo kudaro ndakanzwa izwi ramai Zvicha vaya vaigara kwaana Royco richiti "Elliana" ndakavatarisa vaive vakabereka mwana ndakati "Muriseiko?" Vakati "Nhaiwe tsvina kudai chii?" Ndakati "Munoratidza kushamisika seiko nhai mai imi ndave nemakore manganiko ndakadai?" Vakati "Iwe ndaisakuona ini , ko chiiko chirikuitika pauri inga umwe wako ave kurarama good life wani" ndakati "Ini zvekufananidzwa neumwe munhu handidi hangu manditaudzira kuda kundifananidza naRoyco here?" Vakati "Aiwa Elly sorry" ndakaona umwe mukadzi ave kuseka ndokuti "Urikutaura nebenzi iri nyaya dzei?Hauzive kuti arikupengeswa nema drugs" pavakadaro ndakanzwa kusvotwa zvekuda kuvamamisa ndakada kusimuka asi ndakarigirwa pasi nedzungu , handina kuzoziva zvakaitika futi , ndakazoti pepu ndichiona ndave kumba kwedu kwaMurombedzi asi ndainzwa kunge pane zvaitika pandiri.Ndakada kumuka asi ndakatadza ndakanzwa mama vakuti "Basa kuputa madrugs waive wakaendera Harare kunoputa madrugs kuita gore rese uchiherereka uchiudza nyika yese kuti wakauraya Sharon" ndakati "Ndasvika sei pano?" Ipapo ndainge ndonzwa musoro wangu kuita kakurerukirwa ndakatanga kuzvibvunza kuti ndabva Harare sei uye makumbo angu ainge akatosungwa ndakati "Ndakasungirwei?" Zvikanzi "Pfutseki mhani iwe unobvunza kuti ndakasungirwei wave ne 11 months uripano uchipenga ndosaka takanga takakusunga kudai wakauyiwa newe pano neshamwari dzaRoyco wakupenga zvekubvisa hembe uchifamba uchitaura kuti ndakauraya Sharon une ngozi mwana iwewe zvatonaka watove normal shanda uripe ngozi dzako" ndakatura befu ndichitarisa tarisa makumbo angu ndakaona ndakaita kusviba kuti ndoo.Ndakatarisa mama ago vaive vakatorova serious yekuratidza kusandifarira zvachose vakati "Takaramwirwa body yaSharon pano nehama dzake tikavapa mari yesorry , baba vako vakatengesa mota vakasvikira paku stroker nekuda kwekuita kwako iwewe.Vivianne chaiye akatadza kuenderera mberi nechikoro because of you , pano pamba zvinhu zvave kutiomera because of you Elliana baba vako havachakwanise kushanda vaka stroker nekuda kwemabasa ako nhasi ndakamira pano semukadzi akakusenga mudumbu mangu 9months repay kukuzvara kwandakakuita kubva nhasi zvichienda mberi ndoda kuti ushandire Vivianne umuendese kuchikoro ndokuti ndikuregerere" ndakati "Makadii kundisiya kana makaona kuti ndakakonzeresa maproblems akawanda mulife menyu i don't even think kuti ndimi makandizvara ini" vakati "Kutotaura kuti handisi mai vako ka uku?" Handina kudaira vakati "Dai ndaisave mai vako dai ndisina here kukutambira pawakuyiwa newe uchiherereka ndikafamba newe kuti uite zvakanaka hapana kana chaichinja ndakaenda nzvimbo dzakasiyana siyana kuti upore nhasi wabengenuka kupenga kwapera wave kundiudza shit?" Ndakati "Makaita basa" zvikanzi "Ita zvandareva" vakabva vatobuda vakasiya varovera door , ndakazama kubatanidza kufunga kuti ndizive kuti ndakatanga kupenga zvariinhi asi handina chimwe chandakatondera ndakazama nepese asi kana chimwe chete chandakazama kurangarira. Ndakatozozvisungura makumbo angu asi ndainzwa musoro wangu kuita kakutema ndakasimuka ndakatadza kubalancer ndichibva ndadonha ndaive muroom yaiwanzorara vanhu kana vashanya pamba.Ndakazosimuka kwakunomira pamirror ndakazvitarisa ndakanzwa misodzi kuungana ndichiona kuonda kwandanga ndaita iwo mabvudzi kuita ebenzi chaiwo.Ndakazvitarisa tarisa ndichibva ndadhonzana nemakumbo angu pandakapinda mupassage ndakaona Vivianne akaita kundidzvokora akati "Kubva nhasi zvichienda mberi hausi sisi vangu wazvinzwa hausi sisi vangu uri Satan iwewe" ndakati "Okay" ndakadaro ndichitofamba kuenda panze ndakatoita kakutetera kusvinura maziso pandakateyeiwa nezuva mumaziso.Ndakaenda kusink ndichibva ndageza kumeso kwangu.Ndakambogara pastoob raive panze.Febian akabva atobudikirawo ainge atokura mwana wamai vangu asi haana kuda kunditaudza hake.Akatoenderera mberi nezvaaita , ndakazosimuka kuenda muroom muya ndakatsvaga chekugezesa ndaive netsvina kani.Ndakatorawo tauro raivemo pasi kwakunogeza ndakaita kuzvigeza chaiko kubvisa tsvina dzose ndakabudamo ndatsvukirira.Ndakanopfeka hembe dzangu dzaingovemo muchibag.Ndakazviseka pakadonha bottom zvaive zvakatooma hazvo.Ndakagaramo mama vakazopinda ndokuti "Tanzwanana here nezvandataura?" Ndakavatarisa ndichibva ndaruma lower lip rangu kwakuti "Ehe" vakati "Kana zvisingakuitire you are free to go like zvawakaita pakutanga" ndakadzungudza musoro kuramba ndega ndakatongoona kuti chero ndikada kutiza ndaiendepi hangu zvaitongove nani kuti ndingoshingirira ndiripo.Vakati "Wotsvaga basa woita zvatatenderana" ndakati "Horaiti mama" vakabva vatosimuka kubuda ndakazobudawo ndobata bata mabasa pamba.Na Vivianne kwaingove kurovana mapendekete tichienda hapana aitaura neumwe.Mazuva akafamba ndini ndaiita basa rese iye aingobuda kasingaperi mama vaitomuzhinyurira vagara havo vaimuda saka paive pasina pressure hapo.Daddy ndaingonzwa kuti vanogara vari mubedroom mavo uye vainge varamba kundiona.Umwe musi ndakafunga kumbobuda hangu panze pegate kumboona ona ndakabuda panze ndokumira ndakatarisa kuroad pakabva pamira mota pamberi pangu ndakaramba ndakatarisa ndakaona window radzikiswa kuchiteverwa nezwi rakati "Elly!" Ndakatarisa zvekare ndokuona ari Rujeko ende anga aita kuchinja.Akafambisa mota kuuya kuparker pamberi pangu achibva aburuka akauya kundimbundira akati "Elly ndiwe hiiii asikana ende wachinja wadzikira zvisingaite" ndakamusiya ndokuti "Life umwe wangu" akati "Ndaikutsvaga Elly pandakaroorwa nekuchata ndakakufunga wakabva wanoti nyaa kuHarare" ndakati "Ndadzoka dear , inga makorokoto asikana makaroorwa riinhi?" Akati "Ndozokuudza unouya kumba kwedu mangwana tigotaura ndauya kuona mama havasi kunzwa mushe ndodzokera kuGweru weekend" ndakati "Hezvoo ko makaroorwa Gweru?" Akati "Ehe , wadzikira shamwari ndakanzwa nerunyerekupe kuti urikupenga" ndakamedza mate ndokuti "Yah ndakambomhanya bani but now ndaboe" ndaigoda kunyarei ini ndaive ndakapenga kwaisave kunyepa hako.Akati "Ndabva ndatove curious kuda kuziva ndiudzewo" ndakati "Pano here?" Akati "Ngatipinde mumota" takafamba kupindamo ndakabva ndatanga kumuudza fambiro yandakaita pandakatiza handina zvandisina kumuudza zvese ndakamuudza uye ndakatonzwawo kusunungurwa mumoyo mangu.Akati "Makazo deepisa asikana kudanana nemwana watete , asi nhai Elly why is it vabereki vako vachitreater like that?" Ndakati "Handizive ndinotozvibvunzawo mubvunzo iwowo asi mhinduro handina" akati "Imbozama kunamata , ndakaroorwa naPastor ka ini?" Ndakati "Hiiii ko makavawanepiko Pastor ava" akaseka ndokuti "Rega ndikutipire umwe wangu , takaenda kuconference yema youths ndave form 5 muna August and Pastor ivavo ndeve branch rekuGweru he was single and searching chakatanga kutaura pavari iziso ravo vaingondotarisa pese pavaiparidza ndaongoti maybe kungotarisawo kusaziva kuti vada babe.Musi wapera conference vakakumbira number dzangu ndakavapa ndichifunga kuti varikuda kutaura zvekuchurch.Pandakasvika kuno munhu akabva afona achitobvunza kuti ndafamba sei tikataura takaita mwedzi tichingotaura vachibvunza hutano hwangu vakandishanyira mwedzi wakatevera wacho only kundiudza kuti vanondida Hana ikatorova paya ndikabvuma mufesi.Ndave form 6 takabva tarara tese apa ndainge ndato register mimba ikabva yabata mai mwana kumba ndaive ndakutya munhu akangoita zvinhu zvake ne2 months akauya kubvisa achibva anditora takazochata tave kugara tese kana kunyora handina kutozonyora.Now ndatove nechimwana changu chimukomana chakafanana nababa nemhanza nemhanza" ndakaseka ndokuti "Inga Mwari ariko nhai asikana saka anonzani mwana wako?" Akati "Akudzweishe Munyanyi , enda kuchurch dear zvinopera izvi imboudza Mwari nhunha dzako uone kuti anokuitira zvakaita sei?" Ndakati "Thanks sahwi im happy for you ufunge" akati "Ndotoda kuuyawo kumuchato wako" ndakaseka ndokuti "Ndokudeedza" akati "Ndipe number dzako" ndakati "Handina phone asi number ndokupa just in case" akati "Ndipe ndine kambudzi kari muno rega ndikupe" akadaro achitovura vhura muma doors achibva akaburitsa.Akandipa ndakati "Thanks totaura" akati "Unamate Elly" akadaro achitoratidza kurevesa , ndakabva ndatomupa number dzangu.Takaonekana ndichibva ndabuda ndakaenda kunoisa line rangu muphone maive neka one bar makatanga kupinda mamessages ecocash ndakatombomira ndatopusa achingopinda chete apera ndakavhura mamessages ese iwayo to my surprise aive ma messages emari pandakatarisa balance yaivemo ndakangoti "Jesus" ndichibata musoro nemaoko ese. End of chapter kutsamwa kune labour🍓stay tuned
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 521

Comments