
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
June 19, 2025 at 12:07 PM
*🍓REPUDIATION🍓*
FOLLOW OUR CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
Comments group
https://chat.whatsapp.com/IRkAgpYqqEBLre1KGaLRQ0
Handei tinofollower munyori wedu kufb
https://www.facebook.com/share/1Hq74jNayz/
FACEBOOK GROUP
https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Ucbxw6v
WRITTEN BY
PRECIOUS a.k.a MANYONI
PARENTAL DISCRETION IS ADVISED
FREE BOOK READ , COMMENT AND SHARE
C 14
*ROLAND*
My life changed nekuda kwaPraise kundi cheater kwaakandiita nebest friend yangu kwakaita kuti ndive munhu uya ainge asisina basa nelife yake.Ndakatanga kutora zvinodhaka uye ndaive ndozviudza kuti handisisina basa nechinhu chinonzi rudo.I was deeply shattered when she left and the pain felt like it consumed me whole.I turned to substances to numb the hurt.But it only led to different kind of heartache.It was a cycle I was trying to break ever since.I became withdrawn and irritable , lashing out at my parents without reason.Baba vangu vakasvikira pakutora mota dzangu , after ndadzingwa basa.It didn't only affect my personal life it cost me my career too.As a ship captain I had a lot of responsibility but my substance abuse impaired my judgment and performance.I started showing up late , makes mistakes , and putting the crew at risk eventually the company had no choice but to let me go.Asi license yangu ndainge ndichiri nayo because vakanga vanditi tinozokudeedza but yaive way yekutongoda kuti ndisiye basa zvachose.Baba vangu ndizvo zvakavabata , he was totally angry about my actions , mukoma vangu ne young sister yangu namama tried kutaura neni but ndaitoona sekunge vaindinetsa.Ndakabva ndabva pamba kwakunogara kumba kwangu kuGlen view 1.Ndakanga ndatove nema friends andaiputa nawo mbanje uye ndaive ndakutodzitengesa futi.Kumba ndaimbonovaona ana moms asi ndaive nechinhu chimwe chete chaindinetsa mwana wehanzvadzi yamama aida kunzi auye azvarire baba vangu vana uye baba vake vaive vakatopihwa pfuma , vaida kunzi vavazvarire sei ivo mama vainge vakatizvara zvinhu zvaigarondinetsa nguva nenguva.Ndaisada kuzvibvunza hangu uye ndakapedzisira ndasiyana nazvo nekuti zvaisave nechekuita neni.Umwe musi i received call ya Tee hanzvadzi yangu ndaitove kumbare nana Scorpion.Ndakadaira ndokuti "Masisi muriseiko?" Akati "Daddy vanwa poison Roland ndaenda navo kuchipatara handisi kuziva kuti chii chaitika?" Aitochema ndakati "Vanwa poison?" Akati "Ehe apa doctor haana chaarikutaura ndirikuna Baines mama vaenda kunotora mainini Elly kwaMurombedzi" ndakati "Ndirikuuya" ndakabva ndatokata call yacho.Handina kuda kuzvimhanyisa kuendako takaita zvatainge tafambira ndokubva ndazoenda zuva rodoka.Ndakasvika ndichitambirwa nebad news kuti vainge vashaya , ndakafonera mama ndichivaudza nablaz vekuMarondera na mai Zviko.Ndakaendesa Tee kumba ini ndakabva ndatobuda pfungwa dzangu dzaingofunga madrugs.
The following day racho ndakatomuka kurova zvima errands zvangu neteam rangu ktakanobudira kuMbare uko kwakandazo spotter mainini Elly vaine bag varipa ZBC.Muonero wandakazviita ndakatoona kuti vainge vanga vatiza kumba.Ndainzwisisa situation yavo nekuti nyaya dzavo dzizhinji dzandainzwa kuti vaiita asi ndega ndaitoona kuti pane zvaiitika kuti vazosvikire pakudaro.Zvisinei ndakavatora tikaenda kumba , zuva rakatevera ndakaenda kunhamo yamudhars funny part yacho hama dzamudhara hapana kana aizama kundiratidza rudo pavari vese kana umwe chete hake.Kusara kwamama nasekuru baba va Elly , ndipo pandakatonzwirawo zvekuti ainge akauraya munhu.Yakataurwa nyaya yacho musi watabva kumakuva ndakasiya mama vakutongeswa zvichinzi ndivo vaive reason yakaita kuti mudhara vazviuraye zvinyaya zvavo zvaisave nechekuita neni nekuti dhara iroro rainge rakatondivengawo haro.Ndakadzokera kumba , mazuva akafamba Elly akanga atove chidhakwa.Life yacho hangu yaingondiitira asi pane kamwe kakuitika pandiri kandaisanzwisisa pese pandaiona Elly ndainzwa hana yangu kurovera rudo uye ndaitomuchiva ndega ndaitadza kuziva kuti chii chaitora nzvimbo kuti ndinzwire mainini mafeelings.Mukufamba kwemazuva takapedzisira tatozorara tese zvaireva izvo kuti zvandaimunzwira ndizvo zvimwe chete zvaaindinzwira.Ndakazvitongesa over and over again ndikatoona kuti ndikasaita zvekuti ndibve padhuze naye taizogona kutomitisana tikaita makuna kuna nekuti ini wacho ndainge ndisisade kusiyana naye kutonzwa kuti ini naye taive nebond risingatsanangurike zvakandipa kuti ndi applier basa raive rakapinda muphone mangu kare kwaive kuzamawo lucky.Zvinongoita Mwari ndakapindurwa after 6 days ndika submitter ma qualifications angu online zvaireva kuti basa ndainge ndariwana.Uye ndaive ndakufanira kuchisiya zvinodhaka and i was willing kusiya.Asi Elly ndiye aitozonetsa hake kusiya zvinodhaka nekuti ainge atove addicted zvakanyanya.Ndakagara pasi ndikadzamisa pfungwa ndikaona kuti zvakanaka kuti ndimunyengetedze asiye uye kuenda kwangu ku America ndiko kwaive kuparadzana kwedu zvachose ndaisada kuti zvirambe zvichienderera mberi nekuti zvainyadzisa uye kuri kunzi zvaizosvika munzeve dzaana moms ndainyarira pai.Ndakataura naye akanzwisisa asi aioneka kuti akaoma musoro ndaifanira kutomushandisira tactic chaiyo.Umwe musi takasvikirwa nana Scorpion tichida kukissana ndakagumbuka nazvo hangu ndakabuda kuenda panze pakazobuda ana Scorpion ndakabuda panze pegate akauya ndokundipa chamatsenganzungu chakaita kudairira nemazino , akati "Imbanje here dzakukuita kuti urasike njere?"Ndakati "Ndirove hako asi zvamaona ndizvo zviripo ini wacho nditori neconfusion kuti why zvirikudaro?" akati "Uri shamwari yangu Royco but zvauri kuita namoms vako zviri insane kukwira be** ramai unorwara here iwe hapana asisazive muraini muno mese kuti munorara mese." Ndakamedza mate ndokuti "Ndiani akazvitaura?" Akati "Urikukanganwa here wangu kuti munogara neumwe munhu pamba penyu" ndakabva ndaziva kuti ndimai Zvicha , akandinongedza achifemeruka ndokuti "Handikusiye uchirasika enda unoudza moms yako igadzirire nhasi chaiye tinovasiya kwaMurombedzi" ndakati "Don't worry ndazviona kuti you care about me next week I'm going back ku America ndakadeedzwa kubasa" he smiled ndokubva ati "Wasarudza nzira yakanaka uye ibva wasiira isu mandudu tisina kudzidza ndezvedu matofo izvi." Ndakati "Madrugs haasi ematofo asi kuti tinomaputira zvakasiyana siyana" akandimbundira akati "Enda unoshanda ugotiburitsawo mughetto ndafarira decision yako" takafamba kuenda uye tainge tototaura , iniwo ndakazviudza kuti ndofanira kusaterera zvirikuda moyo wangu.I tried everything asi nothing worked ndaizvirwadzisa zvakanyanya , takazowirirana kuti adzokere kwaMurombedzi takaenda tese asi akandichinjira tave pagate zvinova zvakandirwadza ndakangozviudza kuti ndoda kumbomusiya akadaro tione kuti anosvikepi.Apa aiti kuteverwa nengozi inenge ndiyo yainge yave kutomuitisa zvese izvi.Pandakadzokera mugate gogo vakabva vati "Ko aripiko Elliana?" Ndakati "Moms vane chiramwa gogo varamba kupinda muno" ipapo tainge tatopinda mumba vakati "Roland muzukuru usazvinetse hako Elliana ndizvo zvaatori wanga waita rudo rwekumudzosa kuno , makaonanepiko?" Vakabvunza ndakati "Ndini ndaigara navo gogo asi apa ndave kuenda kubasa saka kuti ndivasiye vega hazvibude ndosaka ndanga ndati vadzoke havo kuno kumba" vakati "Wakaita hako asi wakabatsira munhu asingabatsirike izvozvi kutaura kudai atoenda hauchamuoni" ndakati "Vakarwadziwa nelife yekunze uko vanodzoka" vakati "Kudzoka kupiko?Elliana watiri kutaura nezvake urikunyatsomuziva here?" Ndakati "Vanogona kuchinja gogo" , hatina hedu kuzoramba totaura nyaya idzodzo vakazondipa drink asi deep inside ndainzwa kuzvishoora kuti ndazviitirei , ndakazongozviudza kuti Elliana ndimai uye ini naye tiri mai nemwana kwete zvekuda kudanana zvatiri kuda kuita.Ndakazobva ndodzokera ndakamuona akagara muroad moyo wangu wakandirwadza zvekuti ndakamboda kumira asi ndakazviudza kuti ndozvipinza mumatambudziko anozondisungira hupenyu hwangu zvachose.
Ndakananga kuHarare moyo uine bundu , following day ndakanoona mama ndikavaudza program yangu vakafara zvisingaite kuti ndaive ndasiya zvinodhaka.Ndakararako imba yakawana munhu aiida yese sezvo ndainge ndakaudza agent kuti anditsvagire munhu mai Zvicha vakabva akapinda week rakatevera racho , ndakasiya ndamuudza kuti mari aizopa mama vakatoonana vakataurirana boe boe.Thursday yandaienda yakasvika ndakaperekedzwa ku airport namama na Tee.Asi ndaingonzwa kuti pane chakashota pandiri ndaizama kubatanidza kuti chii asi ndaitadza kuziva kuti chii.Ndakaenda America ndikananga kuma officies kwandaive ndanzi ndigouya zvinhu zvangu zvainge zvatoita.Basa ndaifanira kutanga Saturday , Saturday ndakatanga basa rangu mazuva akafamba Elly aingodzoka mubrain dzangu ndainzwa kubaikana mumoyo mangu zvekuti ndakapedzisira ndaisira roja rekumba kwangu number dza Elly ndikamuudza kuti ndiko kwaaizofanira kuendesa mari every month.Mama handina kunge ndavaudza , ndaizovaudza mwedzi wacho wapera ipapo ndakanzwa kakuve relieved nekuti ndaive ndakamuvimbisa kuti ndaizomuendesa kuchikoro apa she was intelligent munamato wangu wainge wave wekuti asazviuraye nekuti kapfungwa ikako kaiita kachimbomubata uye aive akambozama kuzviuraya saka pakadaro pfungwa iyoyo yaisabuda maari.Ndakambozama phone yake ku app asi aisatovepo hake , pakapera mwedzi mama vakandifonera nevideo call ipapo ndaitove munzira kuenda kuMexico , ndakaziva kuti vainge vafonera nyaya yemari.Ndakadaira ndichiti "Precious mom how are you?" Vakati "Urisei son?Ko mari irikuenda kunani ndanyimwa?" Ndakati "Sorry mama ndaida kukuudzai kuti ndine munhu wandiine chikwereri naye imbozororai henyu mama mari yacho yakawandisa" vakati "Iwe Roland wakatorei zvekuti unoti mari yacho yakawandisa rent ye 480" ndakati "Mama munongozivawo kuti ndainge ndakurova madrugs saka ndakaita zvikwereti nevanhu ndokuudzai ndapedza zvikwereti zvevanhu" vakati "Dai wakandiudza Ro ndisina kutambisa fuel yangu" ndakati "Sorry mama" zvaitaurika here kuti irikuenda kuna Elliana ivo vaive vakamuvenga.Mazuva akapindana ndaimboita ndichitarisa ku app ndichiti zvimwe avepo asi dzainge dzatobva.Kugadzikana chaiko kwainge kwave kundinetsa , ndakazofonera gogo ndichivabvunza vakandiudza kuti haana kumbobvira adzoka kumba ndakanzwa kurwadziwa zvisingaite pandakabva kuMexico ndipo pandakabva ndapihwa off ndakakwira ndege kudzokera kuZim ndaisave nemaplans ekudzokera asi Elliana ndiye akave reason yekuti ndidzokere handina kuudza vanhu vekumba ndaida kungoita surprise chete.Pandaive ndakutobuda mu arrival hall ndakanzwa munhu akati Roland voice ndakariziva ndakacheuka ndokuona ari Nyenyedzi ndaive ndakadzidza naye kuhigh school painge patove nemazikore hobho apa aive asina kumbochinja she was the same paface.Ndakasekerera ndokuti "Nyenye?" Akati "Long time uriko nhaiwe?" Ndakati "Yeah ndiriko ini" akati "Ndanga ndichikufananidzira maziso angu haapotse" ndakaseka ndokuti "Handina kukurasika face yako haina kumbobvira yachinja hako" akati "You are looking good kuita gentleman kudai" ndakati "Imbomira tuma silly complinents twako so urikupinda neipi?" Akati "Pane munhu wandanga ndauya kuona ndave kuenda kumba" ndakati "Ndipoo ride shaaa handingambotore taxi uripo" akati "Urikubvepiko?" Ndakati "Kunoromba" takaseka tese achitondibatsira kutakura mabag takaenda kumota yake.Kumba kwavo vaingove vanhu vari well up havo ndaitoziva kuti haangashaye mota.
Ndakaisa mabag kuboot tichibva tanogara tese kumberi akati "Asi wifey haana kuuya kukutambira?" Ndakati "Asi wakandipa mukadzi wechikwambo?" Akaseka ndokuti "Seriously you are not married yet?" Ndakati "Zvinopihwirwa trophy here?" Akaseka ndokuti "Oooh you never change" akadaro achimutsa mota ndakati "Arisei husband nevana vako?" Akati "Wakandipa murume wechikwambo here?" Ndakati "32 years here musati maroorwa amai?" Akati "Ma soul mates arikunetsa kuwana kunze uko" ndakaseka ndokuti "Roorwai tigoroorawo" akati "At 33 no mereji no children tinyare iwe lead by example" takaseka hedu ndokutanga kutaura nyaya dzevanhu vakatadzidza navo.Akanondisiya kumba mumba chaimo , mama vakafara vachiona chiso changu.Paakabuda Nyenye vakati "Ndaturwa mutoro uyu ndiye achava muroora wangu uyu" ndakati "Mama ndiyo welcome yamunondipa here?" Vakati "Kutadza nei ini ndaona muroora" ndakati "Yuwii haasi musikana wangu uyu hamumuzive here Nyenyedzi?" Vakati "Ndomuziva ndogara ndichimuona mutown kusatoroorwa ainge akamirira iwewe.Ko iwe kuuya usina kutiudza kwakanaka here?" Ndakati "Surprise ka nhai mama" vakati "Ma surprises ako akadhakwa aya" vakadaro vachitotora mabag angu kuenda nawo upstairs.Ndakaenda kunogeza ndapedza vakabika tikadya ndakatanga kufunga kuti ndomuwanira kupi Elly.Ndakaona zvakakodzera kuenda kwaMurombedzi pamwe gogo vaindinyepera asi mama havana kundipa mukana wekuti ndiendeko.Off yangu yakasvikira pakupera ndikadzokera kubasa ndakaenda ndatove murwere naNyenyedzi taive taka exchanger madigits taitaura hedu pano neapo.Akapindana mazuva akafamba gore rikasvikira pakupera mari yaingoiswa chete uye kumufunga handina kumira ndaimufunga day in and day out kutoenda kuZim pandaiita off kwaitondibhowa ndaive ndisisaende mama vaingofona vachibvunza kuti ndairegererei kuuya ndaingovanyepera kuti ndichauya.Mukupindana kwemazuva ndakatozoona kuti ndaitopenga nekuda kwaElliana ndaifanira kuchiita zvekuti ndiroore Mwari vainge vanga vachitozonyamuburitsa mulife mangu.Ndakaudza roja rangu kuti richirega kuisa mari uye Nyenye ndakatozomuudza mashoko erudo akandibvuma.Paakandibvuma ndakaudza mama vakafara nazvo uye ndakabva ndatovaudza kuti ndikauya ndaibva ndaenda naye kwatete vanomuona.Havana kuramba vakabvumirana nazvo pandakaita off yangu muna June ndakaenda kuZim ndiye akauya kunditora ku airport.Patakaonana takambundirana zvekufarirana akabva ati "Pano ndipo patinofanira kuchatira nekuti ndipo pameeting point pedu takawananirana pano" ndakaseka ndokuti "Manje haunyare kutaura zvisina basa?" Akati "Ndiri kurevesa my love apa Mwari vakaratidza kubata kwavo chaiko" ndakati "We were meant to be shaa" ndakadaro tichitotora mabag takafamba kuenda kumota.Ndakati "Womboita driver wangu nhasi" akati "No problem mhofu ndagara ndiri driver walk get in" ndakasekerera ndakamutarisa ndokuti "I love you" akauya pamberi pangu achibva andibata muchiuno ndokuti "I love you too" ndakati "Ndofanira kusiya ndadyara kamwana kangu umu" ndakadaro ndichibata dumbu rake akati "Usati wandibvisira?" Ndakati "Nhai mai imi handiti ndafambira kuti ndisiye ndabvisa mari pandodzoka tochata" pandakadaro akaita kufara achindimbundira haasiriwo maplans andaive nawo asi ndakatozoona kuti zviri nani ndisiye ndabvisa mari ndigare ndangoziva kuti mukadzi aveko kumba.
Takazosiyana ndokupinda mumota airatidza kuti aifara zvisingaite takaenda kumba mama vakafara chaizvo vachindiona mukoma vangu vainge vauya nemhuri yavo uye sistran vaivepowo nevana vavo.Zanele mwana wasistran anova iye first born yavo paakandiona akaita kundijambira achiratidza kufara "My husband is back , imi gogo imimi makatora murume wangu ka imi?" Akadaro achireva Nyenye akabva ati "Ko imi maivepi nhai ahosi murume ndichitora"Kiyama akabva ati "Mese nyararai he is my husband pamuri mese apa hapana ano deserver kuita mukadzi waSekuru Roland ini ndini ndine ma qualifications acho" tese takaseka zvikanzi na mukoma "Kiyama hausi wave kuda kundijairira here ma messages awaindisiira uchiti unoda inini chete ndomaburitsa here?" Kuzodaro takafa nekuseka.Takakurkukura ndakazosimuka ndonogeza blaz vakanga vanditevera pandakabuda kugeza vaive vakagara pabalcony vakabva vatouya kwandaive ndokuti "Mupfanha wangu uku ndiko kunonzi kugona kwawazoita im proud of you" ndakati "Thanks blaz" takambundirana vakabva vati "Plus ninez munhu boe kwete zvaana Praise mahure" ndakaseka ndokuti "Ndafunga kusiya ndanopa vana ambhuya zvinhu zvavo ndouya tave kuchata" vakaita kusekerera ndokuti "Uku ndokugona manje aiwa Mhofu apa mafunga semurume" ndakati "Ndakura manje zvakuda mhuri izvi" takasekedzana ndokubuda takanodya hedu Nyenye akazonorongedza zvinhu zvangu ndaive ndakutaura namama.Pandakataura zvekuti ndinoona tete vakati "Enda hako naye kuna sekuru vako ba Harmony uko siyana nako vatorine nyaya dzavo handidi kuti uzoudzwe mashoko anokukanganisira program dzako mwanangu" mukoma vakati "Yah its true" ndakati "Its fine mama" vakati "Saka uchatanga nekupi?" Ndakati "Ndotaura nemuroora wenyu ndinzwe kuti zvinoita here Wednesday tinoona tete vake ndobva ndatokumbira list then Sunday toenda kwaMurombedzi" vakati "Zvese zvakanaka" ndakabva ndatosimuka ndokuti "Regai ndinotaura naye" ndakafamba kuenda upstairs ndakapinda muroom mangu Nyenye atori busy kuspreader bed , ndakamubata muchiuno achibva amira ndokuti "Ro ndisiye" ndakati "Ndipoo kiss munhu wangu" ndakadaro ndichimutendeudza takatarisana mumaziso chaimo ndakatanga kungoona face yaElliana mumaziso mangu ndakazviudza kuti handisi kuzomira zvandiri kuita ndakatanga kumukisser akato responder hazvina kutozogumira ipapo takabva taita sex.Asi handina kutora nguva ndakangomupinda ndikamukoira ka4 nekutotunda zvinova zvakandinetsa nekuti ndaisawanzodaro.Yakabva yatorara hayo tapedza takanogeza tichibva tadzoka.Ndakabva ndagara pachair ndokuti "Babe taura natete uvaudze kuti Wednesday tiri kuuya" akati "Okay my love ndofona manheru" ndakacheuka kumutarisa ndaive ndakagara ndakatarisa kumirror ndakati "Fona now ndisati ndakumamisa" akaseka ndokuti "Okay my love" Akafona ndirimo vakataura vakati ivo vanenge variko.After call iyoyo takakwirana futi imwe round apa ndakanyatsoita zvangu chaizvo , tapedza takapukuta tichibva tachinja.Ndokubuda akabva atooneka handina kuzomuperekedza sezvo aive nemota yake.Wednesday takanovaona tete vake vaigara ku Avondale zvakafamba zvakanaka hazvo ndaive ndamirira list rangu.Friday ndakaritumirwa ndakapera muto ndichiona mari dzaive dzakanyorwa ipapo apa ini budget yangu ndaive ne 6K grocery ungati vaida kuvhura shop.Ndakaratidza mukoma namama vakashamisika nazvo , ndakatoona zvakanaka kufonera tete vacho ndichivaudza kuti vagadzirise list ravo kana zvakadaro mwana wavo ndaimutora nezero deposit.Dzangu dzaimbosvika pakudambuka ndakavafonera nditorina mama namukoma yakaita through vakadaira vachiti "Bamunini manyama" ndakati "Tete murisei?" Zvikanzi "Mushe bamunini mariona here list?" Ndakati "Asi murikuda kuvhura shop kani?" Vakati "Chii bamunini?" Ndakati "Kana murikuda kuti mwana wehanzvadzi yenyu aroorwe gadzirisai list renyu handisi mwana waMillionaire ka ini" vakati "Regai ndigotaura nana baba" vakataura zvine kakunyara mukati , ndakati "Taurai navo mandikuvadza nditiriwo rombe hangu ini tete zvino pakadai muchato wacho unoitwa here?" Vakati "Regai nditaure navo" vakabva vakata , mama namukoma vakaita kufa nekuseka zvikanzi nablaz "Uyu achatinyadzisa kwaana ambhuya kuita kwake hakusi boe" ndakati "Mwana asingacheme anofira mumbereko" , vaive votondi disser havo manheru rakazoiswa rimwe raive neorder vainge vachiita zvine musoro.Saturday ndakafonera gogo ndichivaudza kuti ndirikuuya ikoko vakafara chaizvo ndakataura nasekuru ndipo pandakanzwa kuti vainge vaka stroker makumbo avo ainge asisafambe.Sunday yacho takagadzirira kuenda makuseni seni chaiwo Nyenye akatomukira kuuya.Ndakavatengera grocery zvaizodawo here kuenda ari maoko takasvika kuma 10 makuseni.Takatambirwa nagogo ndokupinda mumba mudinning umo maive nasekuru vaive vakagara pa wheelchair.Vakasekerera vachindiona vakati "Muzaya inga wave gentleman?" Ndakati "Kupfuura imi here Samaita" vakati "Wachinja muzaya" takagara pasi ndokuuchirana ndichibva ndavapa ma introductions vairatidza kuti vaive vega.Ndakabva ndati "Ko vana mai vangu varipiko?" Zvikanzi nagogo "Elliana aenda kuchurch Vivianne abuda achienda kubasa kwake vana Kingdom hameno kuti vaendepi?" Pavakangoti Elliana hana yangu yakarova ndakati "Vakazouya mainini Elly?" Zvikanzi "Ehe handiti akaita gore rese achipenga nekuda kwemadrugs" ndakanzwa moyo wangu kuenda kure kunzwa kurwadziwa chaiko vakati "Akatozouya pano neshamwari dzako vachiti vakabvunza tete madirections vakapihwa asi totenda Mwari achinja Elliana atove munhu kwaye" pavakadaro ndakanzwa kuremerwa chaiko uye ndakatadza kunzwisisa zvainge zvoitika pandiri.Takazoramba totaura hedu but ndaive ndatove umwe munhu , vakazonobatsirana kubika naNyenye ini ndaive nasekuru tichitaura nyaya "Maswera sei daddy?" Rakadaro izwi ra Elly ndakanzwa sekuru vakuti "Ndaswera iro rogwe rawaenda wakapfeka kuchurch iri harina kukudonhedza here?" Ndaisamuona nekuti aive mupassage ndaive ndakagara sofa raive kwaisave nedoor akaseka ndokuti "Ndadzoka neku photoshoot daddy nhasi its my birthday makanganwa" vakati "Happy birthday Manjenje huya uone jaya rako rauya iri" akati "Ndiani daddy?" Zvikanzi "Uchamuziva here huya uone tione kuti hauna memory loss here?" Ndakanzwa mafootsteps hana yangu yakawedzera kurova paakapinda takaita eye contact hana yangu yakawedzera kurova iye wacho haana kuita ziku reaction riri violent she smiled ndokuti "Usavi mix ndiwe?" Ndakaseka ndokuti "Hamuna memory loss sure moms" apa she was looking good hake.Akati "Daddy ndirikudzoka" akadaro achitobuda sekuru vaingonyemwerera vakati "Mwari akatirwira Elly akachinja zvataisafungira kunamata kwakanaka" ndakati "Mwari akanaka ko vana gogo vaendepi?" Vakati "Havasi vatobuda here rega ndimboenda kutoilet" vakadaro vachipusha wheelchair yavo kuenda mubedroom mavo , ndakatadza kugadzikana ndikasimuka kutevera Elly ndakavhura muroom yavo ndakaona musina munhu ndakavhura imwe yacho ndakamuona akagara pabed achichema.Ndakati "Moms Elly?" Akati "Buda muno Roland" ndakati "Ko chii?" Haana kutaura akangosimuka nekubuda ariye...
End of chapter
kutsamwa kune labour🍓Stay tuned
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
704