
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
June 20, 2025 at 08:08 PM
*🍓REPUDIATION🍓*
FOLLOW OUR CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
Comments group
https://chat.whatsapp.com/IRkAgpYqqEBLre1KGaLRQ0
Handei tinofollower munyori wedu kufb
https://www.facebook.com/share/1Hq74jNayz/
FACEBOOK GROUP
https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Ucbxw6v
WRITTEN BY
PRECIOUS a.k.a MANYONI
PARENTAL DISCRETION IS ADVISED
FREE BOOK READ , COMMENT AND SHARE
C 17
Ndakaramba ndakamutarisa ndichizama kubatanidza kuti aida kurevei asi handina kuwana clue.Ndakati "Usandinyararire" akanditarisa ndokuti "Matii?" Ndakati "Why nhai Roland?Imbonyatsondiudza kuti why tirikuramba tichiita makunakuna atiri kuita aya?" Akati "Handizivewo ini ndinotozamawo kusada kuzviita asi iwewe utori problem ndikangokuona hameno zvaunondiita" ndakati "Ko tikatsvaga munhu wekuudza tibatsirike hatina kwatinosvika ini ndichadawo kuroorwa iwewe utorine mukadzi kare and wakagona ini ndichadii?" Haana kudaira aive ave kutoramba akatarisa kumberi takasvika kumba tingori zii.Ndakademba chandainge ndabvumira hangu kusara ndakatanga kuburuka ndini ndichinopinda mumba tete vakati "Madzokoyi ibvai matongonanga kutable muroora wako abika" ndakati "Ndirikumboda kudya here tete" Roland akabva atopinda , ndakagara pasofa tete vakabva vati "Asi matengerwa something nemwana wenyu?" Ndakati "Aiwa tete kutonzwa kuguta hangu" vakati "Regai tidye hedu isu" vakabva vatosimuka kuenda kutable.Roland haana kana any word raakaburitsa akafamba kuenda kutable.Akanogara paside nemukadzi wake ndakangoridza tsamwa ndichisimuka ndakabva ndatoenda kunorara.Ndakangosvikopinda mublanket nehembe dzandaive ndakapfeka simba rekuchinja ndakarishaya , ndakambobata phone yangu ndakaona message Ku app ne number dzaive na +44 ndakaivhura yaive yakanzi "Goodnight babe , ndokumbirawo usazoite mamoods chatove chikumbiro" handina kuipindura ndaka blue ticker aive Roland.Ndakatanga kuchema panguva iyoyo ndakatanga kubvunza Mwari kuti vaizama kuda kuita sei nehupenyu hwangu ndaiti ndainge ndapukunyuka imwe hondo , imwe yotanga uye ndaiziva kuti hapana kwataisvika tichizvivanza chokwadi chaitozongobuda uye chabuda ndiko kwaizove kuparara kwehupenyu hwangu hapana aimbozvisekerera.Ndakaungudza kuchema chaiko , kusabata mimba dzaive nyasha dzega dzega.Ndakachema zvekuti ndakapedzisira ndabaiwa nebayo parutivi raiita kurwadza.Ndakazama kuda kupinduka asi zvairamba rakaramba rakabaya.Ndakatadza kukotsira hope dzakazondibata kuma past 4.Ndaiti ndikakotsira ndopepuka ndichiita zvekuvhunduka handina kutorara hope svinu.Ndakatozomuka kuma past 8 ndaingonzwa kakupindwa nechando kaive kasina order kaya.Ndakamuka zvekushingirira kabayo kaya ndaikanzwira kure kure asi ndairwadziwa.Ndakatanga ndageza ndichibva ndazodzika downstairs , ndakadzika mastairs ndichizororera tete vakapedzisira vati "Zvamuri kuita kunge murikurwadziwa nekudzika mastairs mai Royco?" Ndakati "Ndakabaiwa nebayo parutivi tete , ko mamukaseiko?" Vakati "Ndamuka hangu" mukitchen makabva mabuda mukadzi aive mugiant akati "Mai Mhofu bayo ririkutaurwa nemwana wehanzvadzi yenyu rakambondibata pandakaita mimba yemwana wangu uya ndakarwara naro bayo iroro" tete vakati "Zvino uyu haana mimba tingati chii?" Vakati "Handina kuti anayo ndanzwa conversation yenyu zvinova zvandidzosa kumashure bayo rinorwadza haro".Ndakafamba kunogara pasofa , tete vakabva vati "Mainini ava nditete ava ishamwari yangu takabvira kutamba tese tiri kuchikoro chaiko hushamwari hwedu hwaramba kupera sesipo" ndakangosekawo zvimwe zviya kwakuti "Ndafara nekukuzivai aunt" vakati "Neniwo mainini" ndakagara ndakaita kakurarira ndainzwa kuti nyama dzangu hadzina kuita kwazvo.
Mukadzi waRoland akabva abuda mukitchen akauya mataive ndokuti "Mamukasei mhai?" Ndakati "Ndamuka hangu" akagara paside pangu phone yangu yakabva yaringer vaive sisi Letty , ndakadaira "Hello sisi mamukasei?" Vakati "Ndamuka boe mainini , madii tosangana mutown here?" Ndakati "Ndarwara ini ndakabaiwa nekabayo parutivi" vakati "Yoh , okay tengai ma pain killer munoita boe" ndakati "Iri boe sisi arisei mwana wangu?" Vakati "Kari boe aka kaenda kwatete vako" ndakati "Bamukuru havana kupopota here?" Vakaseka ndokuti "Vakapopota hanzi asi wakaudza munin'ina wako kuti ndoshusha" ndakati "Maiwee vaudzei kuti ndouya kuswera mangwana ndorarako" vakati "Iri boe mainini , vamukasei tete?" Ndakati "Vamuka boe havo" vakati "Iri boe mainini" vakabva vatokata tete vakati "Makoti gadzirira mhai vako porridge varwara" akti "Okay mama" akasimuka ndokuenda kukitchen haana kunotora nguva akadzoka naro riri mubowel kwakundipa ndakaridyira nzara chaiyo.Apa ndaingotarisa tarisa kutsvaga Roland haana kubudikira takanwa tea ndingaenda kunorara ndainyatsonzwa kuti nditori murwere pano hangu.Tete vaingove neshamwari yavo downstairs , ndakambobata phone ndipo pandakaona mamessages ake Roland one yaive yakanzi "Morning , marara boe here?" Imwe yacho yakanzi "Unoda ndikuigirei ndamukira kupinda mutown taura zvaurikunzwa kuda kudya" handina kupindura ndaka blue ticker yakapinda imwe yaive yakanzi "Unosvika kupi uchindi blue ticker?" Ndakabva ndapindura kuti "Ndakabaiwa nekabayo Roland handisi kuda zvekunetswa" akavhura haana kupindura akabva afona ne app call.Ndakasvotwa kuti afonerei ndiri ndaipindirwa ndikanzwikwa "Hello" ndakadaira zvakadzikamira akati "Sorry Manjenje zvatanga nguvai?" Ndakati "Manheru" akati "Chakakukonesa kundiudza chii kuti urikurwara?" Ndakati "Nhaiwe haundinyarewo here?" Akati "Handina kodzero yekuudzwa here kuti ndarwara kana ndisina wobva wandiudza" handina kudaira mhinduro ndaive ndisitorina hangu akati "Rara unoita boe" akabva akata ndakangosiyanawo naye kwakuzvivatira.Pandakazomuka ndakamuka ndichinzwa kutorwadziwa worse pamwe nedzungu.Ndakadzokera mukurara ndaive ndoita kushinyira nemarwadzo.Ndakaigirwa chikafu chemanheru naRoland paakapinda akati "Maswera sei?" Ndaive ndakarara ndakatarisa kudoor ndakati "Ndirikurwadziwa hangu" akati "Chili?" Akadaro achiisa tray yechikafu pasi , ndakati "Handichaziva kuti chave chii zvirikuti kabayo , dzungu haaa ndanzwa" akati "Unoita boe" ndakati "Ndiudzirewo tete vanditengere mapiritsi ndogona kungofa" akati "Hamufi mukai mugare mudye" ndakati "Handisi kuda ini" akati "Idya Elly pamwe dzungu iroro inzara" ndakati "Haisi nzara iyi" he forced me ndikadya asi kwete zvinoenda kure.Ndakashinga kuenda kutoilet kunoita weti ndakaona ma blood stains pa pant rangu.Ndainge ndaenda kuperiod ndakabuda ndokutora bag rangu Roland aive akanditarisa ndakati "Chibuda ndadya ndapedza" akati "Goodnight mundirotewo" handina kudeera , akasimuka netray yake kwakubuda ndakatora pad kwakunopfeka mubath ndichibva ndawacha pant rangu.Ndakadzokera kunorara kuita flat chaiko.The following day ndakatomuka ndatove murwere chaiye apa ndainzwa Sharp pain mudumbu mangu kuleft side kwangu zvichibatanidzira neshoulder rekuleft zvichikwira nemutsipa.Ndakachema pandakada kumuka zvekurwadziwa ndaive ndisina option pane kungomuka ndonogeza uye ndainyatsonzwa kuti pano ndiri kubleeder zvakanyanya , ndakaburuka pabed ndaive ndato spoiler sheet.Ndakaribvisa zvekushinga kwakunogeza ndichibva ndariwacha.
Ndapedza ndakapfeka pad chete nepant kana kuzora mafuta handina ndakangozvambarara pabed ruoko ndaive ndakaritwasudza raitorwadza.Ndave kubiwa nehope ndakanzwa izwi ratete richiti "Mainini huyayi mudye mambomukasei?" Ndakasvinura ndokuti "Ndirikunzwa period pain tete ndichauya" vakati "Zvakanaka pindai mugumbeze" ndakati "Horaiti" ndakangoritora kwakuzvifukidza ndakabva ndatovata hope chaidzo.Asi ndaiti ndikakotsira ndoti pepu ndaiwanzozviita pandinorwara.Ndakatozoita zvekuvhunduka ndabatwa rutivi rwangu runova rwairwadza rwadzo shoulder nemutsipa ndakati "Yuwiiii kanii?" Ndichishinyira ndakanzwa Roland akuti "Chiii?" Ndakati "Wandidzimbira Roland shoulder rangu ririkurwadza" akati "Sorry urisei nhasi?" Ndakati "Ndirikurwara ini" akati "Toona kuti mangwana unenge wamuka urisei toenda kuchipatara" ndakati "Horaiti" kwaive kupindura kwekuda kuti abude ndaisada munhu.Akazobuda , chikafu akazondiigira care aive nayo hake.Zuva rakatevera racho ndakamuka ndichinzwa zviri nani asi kubleeder handina kumira ndaiita heavy bleeding iya yaitondinetsawo.Sisi mai Chloe ndakatombovanyepera kuti pane zvandafunga ndaiendepi neku bleeder kwandaiita ikoko.Ndakaita two weeks dzakazara ndichi bleeder.Asi nyama dzangu kusimba dzaive dzisina , Roland ainge achiripo musi wandamira kubleeder ndakatanga kuzvibvunza kuti handingange ndakapihwa chirwere naRoland.Ndakatowedzera kuve nefear izvo zvinova zvakatotanga kundirwarisa futi ndakazosara kurara zuva iroro ndatove murwere.Roland akabva andiisira message makuseni acho yaive yakanzi "Urikunyanya kumudhura Elly chii chirikukutadzisa kuuya kutandara nevamwe nezuro wakaswera wakazvivharira chii chirikunetsa Manjenje?" Ndakati "Kana ndichiti ndirikurwara unoti ndinenge ndichinyepa here?" Akati "Nhasi tombobuda ufurwe nemhepo" handina kumupindura.Ndainge ndatomuka ndakafizuka hangu asi semunhukadzi ndakazvishingisa kumuka kutsvaira room yangu nekugeza ndichibva ndadzika downstairs , tete vakabva vati "Makauya kuzorora sure asi kurwara kwawakaita kwakudzikirisa" ndakati "Tete motaurisa imi pasina mamukasei here?" Zvikanzi "Ndakatodza iwe" ndakati "Imi muri serious" ndakanogara musitting vakati "Zvirikuoneka kuti mapora" ndakaseka ndikati "Ehe ndapora ini" , Roland akabva ati "Tomboenda out kunodya ice cream ka mama?" Tete vakati "Kundidyisa ice cream zera rangu rino?" Akati "Ndoreva mai Royco vadiki ava" tete vakaseka ndokuti "Ndanga ndati ini ndanga ndatotya" , akauya kugara paside pangu ndakanzwa kuve comforted chaiko akati "Morning Manjenje?" Ndakati "Wamuka here mwanangu?" Akati "Ndamuka boe ini" tete vakati "Kana iye muroora wacho angasanzwe shanje mwana achiyemera mai kudaro" Roland akati "Chinjai moms timborova ma errands hedu tingazvigone here zvemambuya" ndakati "Ndakachena ndakadai" tete vakabva vati "Ko kudya?" Akati "Todya kwatiri kuenda" , mukadzi wake akabva abuda mukitchen ndokuti "Ko ini?" Ndakati "Murume ndewako mwanangu imbondipawo nguva nemwana wangu" kwakave kutaura kwekutorwadziwa chaiko.Tete vakabwibwinyika kuseka ndokuti "Zvandareva zviya" akasekawo mukadzi wacho ndokuti "Ehoi endai" iye Roland wacho aitove busy paphone yake.
Hatina kuzoda kurebesa munamato takabva tabuda , tichongobuda mugate ndakati "Kungokuona kwandakaita kwakaita kuti ndirware Roland ndofanira kumbobva pauri , or uri HIV positive" pandakadaro ndainge ndamudenha akati "Pfutseki wanzwa" ndakati kutamba kwakuramba ndiri zii akati "Usandijairire kusvika palevel iroro inini kukupa chirwere unoti handina care newe here inini usandidaro mhani Elliana" ndakamhanya kuti "Handisi shamwari yako ndiri mai vako ziva mashoko ekutaura imbwa yemunhu" akati "Ini zvekukandidzana mashoko newe handisi kuda tsiura nyon'o yako isiyane neni" ndakati"Kusakwana ndiko kwauinako chete?" Akati "Usandijairire Elliana" ndakati "Taura neni zvakanaka handisi shamwari yako mhani kukwirana kwatakaita hakuna kukuti urase hunhu chimbwasungata" akanditarisa necorner yeziso achibva aridza tsamwa ndokuti "Ndinenge ndiine stress dzangu woda kundinyon'ora" ndakati "Ndakuita seiko?Hausiwe wandituka here ndikakudzorera" akati "Haungandiudze zvekuve HIV positive kunge wakandipa chirwere chacho ka" ndakati "Ibvapo iwe saka kurwara kwandiri kunzwa kwakabvepi kubva iwo musi uya wawarara neni handina kuzoita mushe" akati "Handiti wanga wabva kumba kwenyu uchirwara ko kana wanga wakapihwa nezvikomba zvako" ndakati "Satan" ndaive ndakuto boiler nehasha akati "Kabenzi kemunhu" ndakati "Ndidzosere kumba" haana kudaira akaramba achi driver mota , ndakaona tichinanga pachipatara yaive private hayo paitove nechi sign board.Ndakati "Handisi kids zvechipatara ini" akati "Hatigare nevarwere mumba isu" akadaro achino parker.Ndakati "Uchatoenda kunotariswa chirwere chacho uriwe hako" akati "Ndongokutakura zvinombonetsa here?" Akaparker achibva ati "Ngatiburuke" ndakati "Handidi" akati "Babe" ndakati "Handisi babe wako" akangoburuka asina chaakataura.Door rakavhurwa rekuside kwandaive achibva andinyamura.Sandi kunyara ikoko kwandakaita paakapinda neni manurse akamhanya nestretcher bed ndichibva ndaiswa ipapo.Ndakaendeswa kuward kwandakaendeswa , akazouya aina doctor vaive murungu akanditi nditsanangure zvese zvandainzwa doctor vakabva vandiita matest after that ndakabva ndanzi ndirikufanira kuitwa scan ndakatadza kuziva kuti zvaifamba sei.Ndisati ndaitwa scan doctor vakauya nema results na nurse uyo akatambidza Roland maresults doctor vachibva vabuda Na nurse vaya.Handina kuita hanya nawo akabva ati "You are 3 months pregnant" paakadaro ndakati "Wati chii?" Zvikanzi "Nyon'o yako yave ne 3 months" ndakanzwa hana yangu kurova yakaita kutsemuka ndichitanga kunzwa kakuzarirwa panguva iyoyo ndakati "Hazviite ngaibve hayo nhumbu yacho Roland tirikuitei?" Misodzi yainge yakuyerera akanditarisa ndokuti "Dai usina kurwara hawaimbozviziva , unoziva here kuti mwana akakosha Elliana?" Ndakati "Usandiudze kukosha kwemwana mhani , mwana uyu iproduct yemakunakuna chiiko ichochi chaurikuda kuzama kundionesa handisi kumuda hangu mwana uyu Roland taura nadoctor vaibvise ndinouraya vabereki Roland ndinzwirewo tsitsi ndakasangana nezvakawanda mukurarama kwangu ndinzwirewo tsitsi kani" ndaive ndochema zvekupererwa chaizvo ndanga ndave panguva yakaoma chaiyo.Ndairambwa kechipiri futi apa ndaibva ndatoziva kuti zvavharana hapachina zvinhu zvinonyadzisa kudaro here.Akati "Imbomira kuchema tiite plan , mira uitwe scan" ndakati "Scan yei?Ngaibve nhumbu Roland" akati "Ndirikuzvinzwa rega tiite zvataurwa nadoctor." Handina kuzodaira ndainge ndapererwa hangu kuita kupererwa chaiko pamwe nekurwadziwa direction yehupenyu hwangu painge pasina.Apa ini ndaive ndafara kuti ndaenda kuperiod nhumbu hapana kusaziva kuti yakatobata mimba.Ndakanzwa kurwadziwa kwakanyanya chaizvo , vakazouya doctor ndikaendwa neni kunoitwa scan.Zvese zvaibuda ndaizviona uye Roland akadeedzwa ndakanzwa doctor vakuti "Let's discuss about what we are seeing here, unfortunately it appears that the pregnancy is ectopic meaning its located outside the uterus" vakadaro doctor zvaitoratidza kuti shona vaisagona , Roland akabva ati "What does that mean?Is everything okay?" Doctor vakati "I'm afraid its not viable pregnancy and there's risk of complications if left untreated.We need to discuss treatment options to ensure your wife's healthy and safety" Roland akati "Is my baby okay?" Doctor vakatura mafemo ndokuti "I'm so sorry in an ectopic pregnancy the embryo can't survive and the pregnancy can't continue , our priority is to take care of her and prevent any further complications" ndakanzwisisa zvavaive vataura doctor hangu uye ndakafarawo kuti mimba yacho yaive yakubviswa Mwari anga apindira hake , moyo wangu wakasununguka akazobvunza Roland kuti treatment yacho ndeipi yaidiwa doctor vakati tichazotaura kuti medication or surgery vaona kuti ndingade kuitwa sei.Zvisinei ndakapihwa mapills ekunwa ndikanzi ndozodzoka kucheck up.Takadzokera kumba ndave kunzwa zviri nani asi iye airatidza kushungurudzika.Takasvika kumba nekupesana ndakabva ndataura nasisi Letty kuti mangwana taizosangana mutown.Takanosangana ndikaita cash out mari yangu.Takaenda kumall kwavainge vambonzwa kuti kune mashop ariko.Aive akanaka uye akakura marents ndiwo aidhura.Takazvisiya tikati tozozviona ndahodha takatenderera tichiona kuti ndotorei zvaive zvisina kuwandirwa.Takazobuda mutown tatonyora zvinhu zvedu , ndakananga kwatete ndakasvika vanhu vave kutodya i joined asi mukadzi waRoland ndaiti ndikamutarisa ndainzwa hasha chaidzo.Zuva rakatevera racho ndakaswera ndakazvivharira naRoland taingogwabvurana paphone zvaive zvisina order.Manheru takudya ndakatanga kunzwa kurwadziwa shoulder rangu reku left zvichibatanidzira nepazasi peguvhu ndakarwadziwa zvekuti ndakada kushinga asi ndainge ndakufemeruka zvekunge munhu aizarirwa Roland ndiye munhu akamhanya kusimuka kwakuuya pandaive akandibata tete vakatovhunduka ndokuti "Chiiko?" Ndakati "Maiweeeeeeeeeee kani ndofa ini aaaah" ndaive ndoyeredza misodzi ndainzwa kurwadziwa kwakanyanya.Tete vakati "Chiii mainini?" Ndakati "Shoulder rangu tete , nepazasi peguvhu ndirikurwadziwa ini , mama kaniiii" zvandainzwa zvaisaita Roland akati "Regai ndimhanye navo kuchipatara" tete vakati "Toenda tese" akaramba kurambisisa akanditakura kwakuenda kumota , takaenda kuchipatara akamhanyisa mota kunge anopenga ini ndaitoona ndave padeath bed chaipo.Patakasvika ndakatariswa nadoctor vakataura ivo kuti ndaifanira kuitwa surgery nekukasika nekuti mwana aive muma tube akasabviswa ndaigona kuzotadza kuzvara futi uye ndaigona kufa..
End of chapter
kutsamwa kune labour 🍓stay tuned
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
485