
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
June 21, 2025 at 09:16 AM
Tete vaona kuti nhumbu yanetsa vakanyebera murume kuti ndava nenhumbu. Mazuva iwayo murume wavo akanga abuda kuenda America kune mamwe macompanies ake akazodzoka patopera gore. Tete vakaita dhiri neumwe nurse vakabira vamwe mai mwana wavo vachibva vanyepera murume kuti ndapona mwana. Chokwadi chakazobuda pakarwara royco achibva anzi anoda kuwedzerwa ropa rakabva raramba kumatcher nerababa. Baba vacho vakatomboramba tete vakanogara kwaMurombedzi kwemwedzi yakati kuti ndopavakaenda kun'anga nababa Harmony kuti mukuwasha ateere tete. Zvechokwadiwo mushonga wakashanda asi ivo vakanga vatsidzirana tete nabhudhi kuti vachipawo mukuwasha mwana umwe anozoberekera mukuwasha vana ndipo pavakaudza mukuwasha nhau yacho. Zvino vaElliana vedu nezvamakaberekwa muinazvo panyama akabva asarudzwa iye. MANYONI unondibatira mberi kkkkkk
😂
❤️
🙏
😮
👍
😢
87