PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
June 21, 2025 at 01:52 PM
Please follow for more COMFORT ZONE A Novel By|| Tamara O711424200 Whatsapp Channel: https://whatsapp.com/channel/0029VaIvxiB5fM5YoNoevP3B Join our Whatsapp group: https://chat.whatsapp.com/Isc0h4hMePq7MdV4FWwS5C CHAPTER 1 Marriage is a beautiful thing. Being a house wife wasn't a problem at all. Ndaiti kana ndatanga zvangu kutsvaira mumba mangu, ndaikudubuda pese pese ndonyatsoCleaner zvekuti wega waigutsikana. Ndainyatsotora nguva yangu. Ndainzwa kuti zvakanaka kuva pano. Kupera kweMwedzi murume aiuya nePay yese toronga kuti todii nayo. Hapana mwedzi waakashotesa kana dollar zvaro. KumaChurch kupi kupi pazvainzi vakadzi vari happily married mirai apa, ndaimhanya kuendawo pane vamwe ndine mufaro usingaite. Pana Tinashe ndaisave kana nechekushora. Tinashe murume aive nerudo. Kunyange zvazvo Tinashe ndainge ndamuzvarira vanasikana chete hazvina kutapudza rudo kana mufaro mumba mangu. Tainge taropafadzwa nevana vedu vaviri Ruvarashe naRudorwashe. Tainge takwanisa kuvaka imba yedu kuMadokero yakanaka zvekuti pandakanzwa kuti mhamha vaizouya kuzogara nesu handina kuita problem nazvo. Amai vemurume wangu ndaivada sezvandaingoita amai vangu nyakubereka. Kunyange pavakatanga kurwara hazvina kumbondiremera kuti ndivatore vagare nesu. Dzainge dzatove 3 months tichigara navo. Tainge taenda kuchipatara nekupi kupi tichida kutsvaga kuti chii chaikonzeresa hurwere hwavo asi hapana chakabuda. Kana kuchipatara vakapedzisira vati hapana hurwere hwavaiona saka taifanira kuenda kumba. Takagara kumba navamwene vangu, ndini ndaiona kuti vadya vageza here. Zvaisambondiremera. Murume wangu aishandira kuGweru Monday to Thursday odzoka kumba so most of the times taingoswera zvedu tiri 2 namhamha pamba tichitaura nyaya. Vana vaiswera kuchikoro, Ruva ainge atove grade 2, Rudo ari ECD A. Rimwe zuva ndichiwacha panze ndakapinza washing basket ndikati ndipfuure ndichitarisa mhamha muRoom mavo. Ndakapinda vari mushishi kuzama kusimuka. "aaaagh nhai mhamha ko madii mandisheedza ndauya kuzokubatsirai." Mhamha vakamira kuti tumbi izvo zvavainge vave nenguva vasina kuita vachibva vati, "Haa ndatika ndingakuwanzira basa muroora. Ndiri kuda kuenda kuToilet." Ndakakanda chiPag bag chandainge ndinacho pasi kwave kunovabatsira kufamba. KuToilet kwacho havana kukwanisa kusvika, vakabva vazviitira vachiri munzira. Takafamba ndikanovabatsira kugeza kwave kuvachinja, hembe dzavainge vaitira tsvina ndakadziisa muBucket kwave kunovadzosera pamubhedha. Instead yekuti varare semazuva ese vakati vaida kugara. Zuva iri chiso chavo chainge chakati bhaa zvisingaite. Kana simba vaiita kunge vanaro zuva iri. Ndakavabvunza ndikati, "Munoda kudyei nhasi mhamha?" Vakapindura zvikanzi, "Ndikuda sadza nemukaka, mukaka uchirimo?" Ndakavati, "Hongu amai, " zvikanzi, "Ndiitirewo sadza muroora. Ukurumidze zvaunosiita zviya, nzara." Ndakasekerera ndikati, "Okay mhamha." Ndakaita chimbi chimbi kuvabikira sadza ravaida ndichibva ndavagadzikira. Aiwa vakaridya chaizvo. Ndakavabata muhuro ndikati, "Nhasi temperature yenyu iri right chaizvo mhamha. You are recovering." Mhamha vakapedzisa sadza zvikanzi, "Nhasi ndiri right. Haiwa nhasi ndiri right." Vakadaro ndichibva ndasekerera ndikati, "Munopora mhamha motogwinya sekare?" Mhamha vakaramba vakanyarara asi vakangosekerera zvikanzi, "Makoti wangu wandinodisa." Ndakasekerera ndikati, "Mhamha," zvikanzi, "Huya ugare pedyo neni apa muroora." Ndakaswebera pedyo navo ndichibva ndavagumbatira zvikanzi, "Vazukuru vangu vachiri kuchikoro?" Ndikati, "Hongu mhamha." Vakatura befu zvikanzi, "Aaagh ndaida kuvaona muroora." Ndakatarisa time kumadziro ndikati, "Manje manje vanenge vadzoka." Mhamha vakati, "Hoo. Makoti wangu wandinodisa," vakadaro mhamha ndikawedzera kuvagumbatira ndikati, "Mai vangu vandinodisa." Mhamha vakati, "Aaagh ndinokuda makoti wangu. Mwari vakuropafadze. Vashoma vane moyo sewako. Uri munhu ane rudo rusingaite makoti. Zvawakandiitira vashoma vanokwanisa kuzviita. Kundipepa kusvika nhasi. Haisi nyore kubata tsvina yemunhu mukuru asi iwe waingoita." Ndakati, "Haiwa mhamha muchitendeiko, ndiri mwana wenyu ini." Mhamha vakatura befu kunge munhu ainge akatakura chinhu chinorema vachibva vati, "Ndinokuda muroora wangu." Ndakati, "Neniwo ndinokudai." Vakabva vasekerera ini kwave kusekerera vari mumaoko angu. Takaramba takanyararidzana takadaro. Papera chinguva ndakatanga kunzwa kunge mhamha vainge votonhora ndipo pandakati, "Zvamunenge motonhorwa wani nhai Amai, regai ndikufukidzei chiFleece." Ndakadaro asi havana kupindura. Ndakadzokorora zvekare zvandainge ndataura sepakutanga asi havana kupindura. Ndakavaradzika padivi ndipo pandakaona maziso avo ave machena chena. Ndakavhunduka ndichisvetukira kure asi kwave kudzoka zvekare ndichibva ndavazunungutsa ndikati, "Mhamha mhamha!!!" Mhamha havana kudavira. Ndakamhanya muBedroom mainge mune foni yangu ndichibva ndaDialer number dzababa Ruva, maoko aiita kubvunda aya. Foni yacho haina kudavirwa ndipo pandakadzokera zvekare mumba maive namhamha kwave kuvazunungutsa ndichiti pamwe vangadavira asi kana kudavira zvavo. "Ndoita sei? Ndoita sei?" Ndakazvibvunza pacing up and down mumba mandainge ndiri. Ndakazama zvekare number dzababa Ruva dzikaramba ndipo pandakafonera tete vekuBulawayo ndikavakwazisa ndikati, "Tete mhamha vashaya!" Tete hazvina kumbovashamisa zvikanzi, "Vazorora vamagumbo?" Ndikati, "Vashaya mhamha, nematambudziko." Tete vakatura befu zvikanzi, "Ndosvikako nhasi." Ndakavapindura kwave kukata ndikafonera vamwe tete vekuGweru ndichangofona ndivo vakanditanga zvikanzi, "Vazorora ka?" Ndakati, "Nematambudziko vatete." Tete vakatura befu zvikanzi, "Mavadyaka, ukati uchivapedzisa muroora." Mashoko avo akaita ndivhure muromo kwave kuubata ndikaramba ndakadaro ndichishaya ndonyatsoti chii. Tete vakanzwika kuchema kwave kukata vasina zvimwe zvavataura. Ndichangopedza kuvafonera ndakazama foni yababa Ruva zvekare ndipo payakadairwa. I broke into tears ndikati, "Baba Ruva... Mhamha vashaya... Mhamha hakusisina kuno." Ndakadaro ndichidonhera paSofa baba Ruva vachibva vati, "What??? Chii chaitika." Ndakavatsanangurira vakati, "Ndiri kutorongedza ndisvikeko." Ndakapindura ndikati, "Ndiri kutya daddy Tee, ndiri kutya. Shuwa mhamha hakusisina." Ndakachema zvikanzi, "I'm so sorry babe. Ndiri kusvikako soon. Ndakapedza kutaura naBaba Ruva vana kwave kusvikawo zvikanzi, "Where is granny," ndakangoti, "Granny is sleeping, go to your room and watch some cartoons." Ndakadaro kwave kupukuta mhino vana vachibva vaenda kumaRooms avo zvandainge ndavaudza. Ndakabuda nguva iyoyo kwave kuenda paNext door ndikanozivisawo mai Emily zvandainge ndasangana nazvo zvikanzi, "Aaagh nematambudziko." Vakandinyaradza kwave kudzokera neni kumba. Hatina kugara nguva yakanyanyoreba, Tinashe akabva asvika. Ndichimuona ndakaita kumujambira ndikatanga ndichiti, "Vanga vari mumaoko angu daddy. Ndangozonzwa votonhora vari mumaoko angu kani daddy. Nda... Nda... Nda..." Ndisati ndapedza kutaura Tinashe grabbed me kwave kundiKisser mumusoro zvikanzi, "Shhhh...." Ndakatanga kuchema. Tinashe aisabudisa izwi asi misodzi ndiyo yaingoyerera nematama. MaProcess ese akaitwa body ikatorwa zvikanzi mhamha vaizoradzikwa kumusha. Vakarara zvavo mumba one day, next day racho tikaenda kumusha. Semuroora handina kuda kugara pasi. Ndaishanda sevamwe. Pavakadzi vaivapo almost vese ndaivaziva semunhu aishanya chaizvo. There was this anonymous lady aivepo aishandawo sevamwe. Akandimhoresa zvikanzi, "Ndinonzi Fay." Ndakati, "Ndinonzi mai Musekiwa kana mai Ruva." Akasekerera zvikanzi, "Ndafara nekukuzivai." Ndichangopedza kudaro pakabva pasvika vana vakomana vaviri, zera remwana wangu Ruva. Vaive maTwins. Ndakavatarisa hana yangu kwave kurova. Vana vainge vakafananisa naTinashe ivavo, kunge maBuns chaiwo. Pandakavaona ndakaona Tinashe chaiye pavari. Mukadzi uya akabva ati, "Excuse me. Regai ndimbonopa vakomana ava zvavari kuda, aaagh vanoshupa zvokuti." Akadaro achifamba achienda. Achifamba achienda hameno chii chakaita nditarise magadziko ake, aaaagh mukadzi ainge akabatana iyeye. Skin iyi ungati aigeza nemukaka chaiwo. Skin yake yaipenya handizive ndiko kwamunoti kuGlower here? Ko iko kunaka kwaainge akaita. Not forgetting the beautiful smile yaaive nayo. Aaagh hameno nei zvakangoita nditure befu. Achangoenda ndakakwenywa naSahwira wangu mai Emily zvikanzi, "Vana vauya pano kasi vana vemunin'ina waBaRuva." Ndakabvunza ndikati, "Aaagh nei madaro?" Zvikanzi, "Kufanana naBaRuva kudaro. Chii chako mukadzi uyo?" Ndakati, "Handimuzive ini kungotanga kumuzivira pano." Mai Emmy vakatanga kumona sadza zvikanzi, "Gara zviya Tinashe ane munin'ina here?" Ndakapindura ndichitorawo mugoti kwave kutanga kurimona sadza. Pakushanda aihwa ndaive gandanga chairo. Ndakamona sadza kwave kuvapindura ndikati, "Makanganwa here? Tinashe ndiye ega mwanakomana wavaMusekiwa then hanzvadzi dzake mbiri, mai Chengeto vekuBulawayo namai Sama vekuGweru." Ndakavadaro mumwe muroorawo seni kwave kuti, "Mukadzi uyo handimuzive ini. Pane angamuzivewo here?" Hapana akamuziva zvikanzi namai Daniel vamwe vandaingoti maiguru, "Unoshaya kuti vamwe vanhu vakasikwa musikirwo mumwechete sesu here? Aaagh mukadzi akanaka zvake iyeyu. Kungoti zvinozoita kunge hameno hameno kuudza mumwe mukadzi kuti wakanaka." Vanhu vakabvumirana nazvo zvikanzi nevamwe mainini, "Apa she is likeable hake. Anosekerera. Ko iko kushanda anotokwikwidzana nana mai Ruva vane mbiri yekushanda ava." Maiguru mai Dan vakabva vadavirira zvikanzi, "Aaagh anoshanda. Nezvaari haungambofungire kuti angashanda kudaro. Anoratidza kuti muSalad chaiye zvekuti kamushandiro kaanga achiita aaagh ndamufarira." Mainini vamwe vakapindura zvikanzi, "Aaagh anongodika so." Tichiri mukutaura vana baba vakabva vasheedzera, "Nyaya dzowanda uko varoora!!! Sadza ngarichiuya tave nezhara kuno!!!" Vanhu vakabva vaseka kwave kuConcentrater nemapoto nyaya ichibva yachinja. Kuona kwandakaita vana vemukadzi uya kwakandivhiringidza chaizvo. Vana vake, zvimiro zvavo, skin color neStep yaiita kunge yaTinashe chaiyo. Zvakaramba zvichingondishusha ndikati aaagh pamwe ndakanganisa kuona. Mangwana acho makuseni ndakamuka ndichingonetsekana. Ndakaenda paCorner ndichibva ndatarisa vana vaya ndiri nechekure. Ndaiti pamwe maziso angu ainge akanganisa kuona kwave kuona zvimwezvo sezvandakaona pakutanga. Kufanana vana vainge vakafanana naTinashe, step neColor saTinashe. Pfungwa dzangu dzakamhanya mhanya kufunga zvakawanda panguva imwechete. Ndakavhunduka ndonzwa, "Babe, wadya here mudiwa?... *End Of Chapter* Stay Tuned ❤️ Let's Follow our channel as the story unfolds...
❤️ 😢 😮 🙏 5

Comments