
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
June 13, 2025 at 06:34 AM
*LOVE AFTER MARRIAGE*🌴🌴🌴
https://whatsapp.com/channel/0029VaPANd40wajk6Y5ndI02
Don't forget to follow channel yeduu ugare wavako book huchie
Whatsaap Group ⬇️
https://chat.whatsapp.com/GxnwVxnoEhpBM26X9TiVoo
*FREE BOOK*
Read , Like & Share
•CHAPTER 1
STORY BY TADIWA
*MELODY*
Ndakanyatsopererwaa ndakagara pabed pangu ndakatarisa pregnant test iyi musodzi kutotanga kuvavira kuzara mumaziso kuda kutochema chaiko apa yaitondiudza kuti positive zvayo meaning ndine nhumbu ndakanyatsogumirwa uku ndiko kunonzi kutambira mumadhaka ndisina mvura apa munhu wandakatanga kufunga ndibaba vangu kuti vakazvibata panapa kuti ndine chimwe chinhu mudumbu panapa ndofa inii ndiko kuzvicherera 6 metres under ground uku ndega ndakaibata shaya ndakagara pabed ndichinyatsofungisisa kuti plan B ndodii ndobvisa seii mari ndoiwanepi uye kubvisa kupi obvious mhamha vanozvibata ndakashaiwa kana kuti ndodii door rakabva ravhurwa kunodayi vavari mhamha ndaka panicker nekuvaona kwandakaita kapregnant test kaye kachinodonha pacarpet pasi chaipo ndakarohwa nehana ndichiita kudzvondora maziso ndakavatarisa apa vavakaona kuti ndikanhonge it was too late vakakatora pasi paye ndokuti
"Unoidi pregnant test iwewe"
vachikatenderedza tenderedza kukaongorora ndipo pavakabva vakaverenga ndakaona vachiita kuratidza kushamisika pachiso chavo ndakabva ndabata hana yangu ndichiita kutswinyira maziso zvekutya chaizvo ndichivatarisa
"Melody handina kana remuromo newee wanzwa nhumbu ndeyarinhi iyii" vakadaro vachitogara pabed zvekutopererwa chaizvoo ndakasimuka ndokumira ndichikwenya musoro ndakunyara zvinoo ndoti kudii
"Melody ndikuti nhumbu yaunayo ndeyani ukundinzwa here iwewe usandinzwise hasha wanzwa"
Vangade kundidzinga havo asi inini zvekunogara naDesmond lm not yet ready kurara kwandaive ndakaita naye this was a mistake chaiyoo ende futi ndaizvitaura sei kuti ndeyake nekuti Desmond wacho mhamha vaigara vakanditsiura nezvake vaisada kundiona ndinaye and vaisada kana kana zvavo kutaura naye zvako hameno neyi pandaivabvunza vaingoti inini ndati kudii usandibvunze zvisina basa zvini apa ndovaudza kuti ndeyaDesmond vanoti kudii chaizvo vangasapererwa nhayii kutovauraya nebp kauku maivangu better kunyarara hangu
"Melody hausikuda kutaura no problem munhu anodzipedza nyaya idzi unomuziva and hazvindinetse ini kungosvika kwavo vasati vaisa kana rinopisa pahuro ndonyaya ukuramba yikutanga ukuramba kaa baba vako unovaziva and vanodzoka nyarara hako unovaziva.."
Haa naDaddy ndinorohwa pano ndikafa kuurayiwa chaiko kana nhumbu yacho ndingasaisvipa apa ndakaramba ndiri zii ndichingozvitongesa mupfungwa kuti ndodiii...
"Melody usandikwidze hasha iwewe hausikundinzwa inini" vavakutaura voice rapadenga manje vashatirwa mhamha
"Mhaaa" l said
"Usati mha mha mha kudii ndikuti nhumbu ndeyani haundinzwe here iwewe"
"Handizive mhanha" ndakangoerekana ndataura
"Heeedee (vakatoita zvekupererwa ivo vachibva vanditarisa ndokugumbata maoko avo kwakuti)Melody ukundiona sesaskam handiti iwave Mary heree iwewe anoita nhumbu from nowhere haaa uri Mary here iwewe tizive pamwe ndakazvara Mary "
"Ayewa" l nodded
"Ndikuti nhumbu ndeyani inini ndozvauri kutadza kutaura .."
Ndakabva ndakwenya mhino ndakanyarara
"Ramba uchinyarara hausikuda kutaura kaa inini zvekuvengana newe handidi ende unovaziva hakoo baba vako ndovataurira unovaziva"
Haa for sure baba vangu vanorova and havadi zvisina basa ndakanyatsowona kuti hapana zvandingaite nababa vangu better kuudza mhamha pamwe vanotaura navo daddy vakanzwisisa but panozoti yaDesmond hana yangu yakabva yarova ndakazongozvishingisa kutaura apa ivo vaive votofamba kubuda ndakabva ndati
"Mhamha ndeyaDesmond " l said vakabva vamira ndokucheukaa kwakubva vaiita kuvhurisa maizoso chese chewhite kubudaichii vachibva vati
"Watiii kudiii ndanzwa mushe here inini wandoziva heree" vachindizungunutsa
"Ehe shuwa mhamha " l said
"Une mweya yetsvina heree iwewe wairara naye pakudi Melody ndaiti kudii inini nezvake mukomaba iyeye haaaa" vakaita kundizungunutsa vauya vachindivhunza ndaive nditoshaiwa kana nemhinduro ndakaita kushaya kana zvekuita musodzi ndiye mokoto nematama ese aya ndapusa zvinoo ndakushaya kana kuti ndoti kudiii
"Mhamha sorry" l said ndichiipukuta musodzi
"Mhamha sorry kudii dzirimo asi heree haaaa... ndaiti kudii ini naDesmond panapa haa ndaisakutsiura nyaya yekamukomna ikako everyday here inini haaa ndaikuudza kutii inini ndaisati handidi kukuona naye here uri mwana wengozi here iwewe Desmond chaiye haa idzi unopedzarana nababa vakoo rega zvakoo"
Hiii noo ndakatogwadama pasi kwukubata makumbimo avo ndichikumbira vasavaudzee daddy noo
"Mhamha sorry kani musavaudze daddy..."
"Ndokuchengeta payii inini munhu akuziva murume haaaa ndisiye ukoo ndiendee "
"But mhamha Desmond haana kumboshata wanii" ndaitoshaya kuti vaimuvengerei ini aitove mumhu aribho aisamwa kana doro..
"Usandibvunze mubvunzo usina basa wanzwa zvawairara naye vamwe vakomana vavapera here haa"
Ndakabva ndanzwa mota yadaddy kupinda mugate hana yangu yakaita kuroca munonzwa kuita kunzwa kudikitira muviri wese uyu kutsva chaiko kana leggin randandakapfeka kuita kundioisa ndakavabata makumbo avo vaitoda kubuda nooo hameno zvakafamba sei futi vakabva vapiringishika sevachadonha ndakavabata
"Woda kundikuvadza kaa haaa woda kundikuvadza ndikuvadze ndozvauri kudaa kuvadzaa " vakadaro nehasha
"Mhamha sorry ahewa musaudze daddy sorry mhamha ndokumbirawo ruregerero" ndaive ndotochema kutonzwisawo tsitsi
"Melody ndiregedze.."
Daddy vakabva vapinda vachiita kuti
"Inoise yeyi munomu veduwee.."
"Nxcmm" vachiridza tsamwa mhamha vachinogara pamubhedha pangu
"Chii mai Marlvin naMelody"
marlivin was my brother aive atori zvake kusouth kwaishanda achigara natete vangu
"Ngaakudze iye mwana wako" vakadaro vachibva vatotarisa kuside
"Melody chii"
Ndakabva ndaramba ndiri zii
"Mai melody chii chikuitika musandiite kunge benzi manzwa handidi kuvhunza kahobho hobho inini "
"Ba Melody mwana wako ane nhunhu..." mhamha vakabva vatotaura ndakabva ndatarisa daddy ndokuona reaction yavo vakabva varamba vakanditarisa havana kana kudii vakaramba vakanditarisa ndokutura mafemo ndokubva vazoti
"Ndeyani.."
"Desmond mumwe ani...mwana wako ndaimuudza uyu kumutsiura nenhau yakakomana ikakoo asii ii dzitoriwo mhepo idzii "
"Wati kudiii..." daddy vakabva vaita kushamiska mhamha pavakangoti Desmond
"Mai Melody ukutii iwewe unoti ndeya Desmond uyuu mwana waPhinias hereee or mumwe haaa ukutii"
"Mumwe ani iyeye .."
"asi mai Melody inini ndaiti kudii nei uchida kundinzwa iwewe.."
"Iii Ba Marlvin usanditukire mhosva dzisiri dzangu ndini ndakavabvisia mabhurugwa here uwe kaa bvunzana nemwana wakoo uyuu ngaakudze ndaimuti kudii pamusoro pekamukomana ikako ngaakudze egaa"
"Melody kasika kusimuka zvako ipapo simuka ..."
Ndakaita kuti kwanyanu chop chop ndaitotya kurohwa baba vangu ndavaziva kaa
"une nhumbu yaDesomond iwewe Melody"
"Ehe daddy "
Ndakaita kubvumirira nemusoro
Ndakabva ndanzi mbama vakaita kundimwaya ndakavarirwa ndatii dzungu randakaaita soo kaa ndakaita kuti rezu rezu ndichiona mazengerere imba yese ndichinoda kudonha kwakunosimba nemadziro ndokumira kwakaita ndokubva vauya pandandiri daddy vaita kundibata rukoo rwangu
"Kasika kubva panapa enda kukarume kako kasika hakoo handisikuda zvekukudzokorodza unondiziva iwewe ibva panoo"
"Daddy sorry ndotokumbirawo ruregerero daddy soriyi daddy ndakatadza"
"Melody ndikuti ibva pamba pangu panapa ukuda ndikudzokorodze kaa ndokuuraya nemaoko angu iwewe ndakakudza kare inini"
Ndakaramba ndakapfugama vakabva vabuda ndikaziva ndega kuti pashata itambo yemagetsi iyi ndega ndakangosimuka ndiri speed ndini uyoo panze apa ndaive ndisina nebhutsu kutoita kunge dzakudambuka pfungwa ndakatobuda gate ndokutanga kungofamba ndakazoona ndasvika pamba paDesomond aigara ega ndochandaiziva chetee information yake izvinji hapana chandaiziva ndakasvila pagate ndokuona rakavhuirikira and mota yake yaive yirimo kuratidza aive airimo uuu better ndakatosvikopinda ndokunanga kubedroom ndakasvika akatorara hake pamusoro pemablankets ndakaabva ndatii
"Desmond..."
"Melody chii koo.. "
"Ndadzingwa kumba"
"Saka ukuda ndiite seii" aitondidaira akarara hake
"Desmond ndine nhumbu yako baba vangu vati havasikuda kundiona kumba vatondidzinga "
"Heeeeeeee" akadaro achinuka ndokunditarisa kwakundivhunza zvee
"Watii kudii taura zvawataura"
",Desmond lm pregnant with you child "
"I don't remember ndichirara newe wanzwa kasika kubuda munomu handisikuda zvekunetsana newee" akadaro atori serious ahh ndakavhunduka nemashoko ake aya ndikurota here ini anoti haaziva achirara neni iye akarara neni pabed raakarara iri anoti kudii uyu
'Hooo ini hapana kwandikuenda manje" akundidzinga akuti ndoenda kuoi..
Ndakaramba ndakatomutarisa nhayi veduwe ini ndine nhumbu yake mwana wake futi
"Melody handisikutamba kaa newe inini buda mumba mangu"
"Ndichiendepi"
"ndokurova mwana iwewe kasika kubunda munomu "
akadaro achitondipusha ndokunondisairira panze
nekutovhara door rake jutokiya chaiko ndokundisiya ndakamira ipapo ndakaita kuzvivhara kumeso zvekutopererwa nelife kuti ndichaita seii muridzi wemimba akuiramba kutondidzinga ndogara payii uju baba vangu havasikuda kundiona kumba ndakatogumirwa nelife yacho ini............
End Of Chapter
Girls vakomana havasi vekutruster nemoyo hona poor Melody zvooitwa zvino my goal is to teach vaisikana never sleep with man asina kukubvisira kunba kwengu mwanasikana wake up......
Stay tuned 🌹
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
605