TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
June 15, 2025 at 10:27 AM
*LOVE AFTER MARRIAGE*🌴🌴🌴 https://whatsapp.com/channel/0029VaPANd40wajk6Y5ndI02 Don't forget to follow channel yeduu ugare wavako book huchie Whatsaap Group ⬇️ https://chat.whatsapp.com/GxnwVxnoEhpBM26X9TiVoo *FREE BOOK* Read , Like & Share •CHAPTER 2 STORY BY TADIWA *MELODY* Ndakatopererwa mushure mekunge Desmond andivharira door panze uku kwaive kutondidzinga kutondiramba kauku kuramba nhumbu yake ndakatotanga kufunga kuti nababa vangu ndinonoita zvekudiii ndadzokera kumba vanotii apa kuramba futi ndiri panapa hazvibetsire ndakatobuda gate rake ndokutanga kufamba ndichidzokera kumba kwedu ndakasvika pagate hana igotanga kurova baba vangu vachatii vachindiona ndadzoka nhasi ndinorohwa ndikazvirega anyways ndakazvisimbisa coz l had no other choice ndingaitewo sei ndakapinda mugate ndakaita breath in and out ndokuvhura door repadinning ndokupinda ndakasimudza musoro kudayi ndokubva ndasanganidzana nemaziso ababa vangu ndandakatariswa vakaita kundicheka naro repakona ndichiti step kusimudza tsoka vakabva vanditi "Mira ipapo Melody wadzokerei kasika kudzokera kumurume wako" daddy said "Daddy sorry ndiregerereiwo andidzinga uyuu Desmond wacho" ndaive ndoda kutochema "Heeeee wati kudii" vakaita kunditarisa "Ehe daddy shuwa atondisairira panze"musodzi waive wotobuda "Anopenga here kuti wakamuita wega mwana iyeye kasika kudzokera Melody kumurume wako handisikuita mafunnies inini wanzwaa ndikakurova unodzokera uchimhanya" "Shuwa daddy atondidzinga kundivharira panze pandamuudza handisikunyepa mhamha......" "Melody handina zera newe inini wanzwa ukutondiona senge ndikutamba kaa" "Ba Marlvin handifunge kuti akunyepa inii komadii ma....." mhamha said vasati vatombopedza kutaura vanga vatomiswa "Mai Melody nyarara kuti zii hako kunyepa kudii ndiwe waimufurira tsvina idzodzo Melody kasika kudzokera hako ndikaenda newe inini hapabude chakanaka unondiziva handinyengerere" Ndakaramba ndakamira padoor ipapo handina kumbotsukunuka ngavandirove havo iye Desmond andivharira door panze ndodzokera kupii "Melody ndakasimuka ndikaenda newee unondiziva dzokera unopedzerana nemunhu wakoo" Haa zvitori nani vakaenda neni ndodzokera kumunhu andidzinga ivo Vakabva vasimuka pasofa pavavakagara kwakuenda kubedroom kwavo mhamha vakabva vati "Ndaimbokuudza Melody kuti siyana nemukomana uyuu ezvinozvi zvakunetsa ende wandinyadzisa hako apa akuramba nhumbu yacho uchadiii zvakaoma ameno" vachingopedza kudaro daddy vakabva vadzoka ndokuti "Kasika kutungamira kumba kwavo ndiende newe inini handiti watadza kuenda wega " Ndakangotendeuka ndokutanga kufamba ndakacheuka kumashure ndokuona variko varikutotera lucky ndandazongotora mapush angu aive padoor ndokuenda patatakusvika hana yangu yayakurova manje kuti Desmond wacho koakangoiramba daddy vanondiita sei coz agara akuiramba kaa koakasabuda takasvika ndokupinda pagate ndokunoka padoor fortunately akabva auya kuvhura hake akavhunduka sei achiona ndina baba vangu akabva ayi Des : Inini zvenhumbu ikutaurwa nemwana wenyu handizvizive akutondinyepera ngaakuudzei muridzi chaiye kwete inini" "Kumuridzi upi Desmond ndakarara newe chete" l said ndakatomutarisa "Handina kuuya kunetsana nemi panapa mhosva yawakaita ukuiziva iwewe mukadzi wako ndikumusiya pano kurara kwawakaita naye kuratidza kutii wakukwanisa kuchengeta mhuri handitii" "Mukadzi wangu upiii munopenga heree haaa" "Pawairara naye waiti zvogumisira zvadii usandikwidze hasha mwana iwewe wanzwaa" "Kukukwidzai hasha kudii mudhara hamusi kuona ndimi mukutondikwidza hasha heree mukaramba muchiita yamukuita takuzonetsanawo manje" "Desmond hausiriwe wakandibvisa virginity iwewe " akabva anditarisa zvekuti ndazvitaurirei "Handina kuuya kupedzerwa nguva panapa newee mukomana iwewe mwana wangu ndikumusiya panoo ndiwe wakamukanganisa woda kumuramba futii noo man not wangu ungaite vevamwe hako kwete wangu unoiripa mhosva yako" "Mhosva yangu kuita seiko makundijairire mhani" Desmond anofarisa angaudze daddy vangu mashoko iwayo ane shuwa vakangoenda pedyo naye ndokubuditsa pfuti ndakavhunduka ndichiona vakaibata vakabva vamunongedzaa paditi rake irii apa iye anga akutya manje adzvondora maziso vakabva vamuti "Pawataurisa pakwana usanditume kuita basa rangu paurii wanzwa" "Sorry sorry " Desmond said anga akutyaa Vakabva vamuregedza ndokuidzorera pfuti yavo iye akabva anditi "Pinda Melody"Desmond said Ahh ndakatomboramba ndakamira kaa ndichiti pamwe ndakanganisa kunzwa unodaro wakanganisa "Hauna kunzwaa here iwewe" my father said Ndakabva ndati saka ndanzwa chaizvo ndakanopinda mumba macho iye akasara panze ipapo hameno zvaakaudzwa ndakazomuona apinda ndokuvhara door ndakanogara pasofa ndiri zii ndakatoti pamwe achauya kutaura neni haana hake akatodzokera kubedroom kwake ndokutorikiya ndakamunzwa kurikiya hezvoo Saka ndichagara munomu ndakatobatidza TV ndokutanga kuona ndiri pakati pekuona shamwari yake Richard yakabva yasvika akatonditi "Kouri munomu wega mukomana wako arikupi" "Arikubedroom " "Hoo" Akabva anobata door achida kupinda kwakuona rakakiwa "Desmond vhura door" "NdiRichard.." Desmond asked "Ehee" Akabva avhura door shamwari yacho ndokupinda ndokuvhara saka inini ndiye waari kukiyira kuti ndisapinde heree akuedza kunyatsoita seii achaenda ndichamuvhunza hangu l continues kuona TV yiya but nzara yayakundivhunza mutupo manje ndakamboshingirira ndakamuona akubuda but mutarisiro wandakaitwa neshamwari yake paakabuda naye handina kumbofara nako hangu kubva anditarisa kudaro ndakazongosimuka ndokuenda kukitchen ndakatoshaya kuti ndobika chii ndakabva ndanzwa door kuvhurwa ndakabuda mukitchen ndokumutarisa ndokuona ariDesmond anga adzoka ndakamuti "Desmond ndobika chii" Akanditarisa ndokubva atarisa kuside ndokuramba achifamba "Desmond ndikutaura newee haundiignore ndichitaura newe kaa" "Saka ukuda ndiite sei Melody pawauya wauya wakatsiga matsaga echikafu here iwewe" "But Desmond unoenda kubasa wanii.." "Saka !ohh yeah l get it Saka ndozvakupa kuti uti nhumbu ndeyangu nekuti ndoenda kubasa manje" "Des hausiriwe wakandibvisa humhandara here iwewe hatina kuzviita mubedroom mako imomo here iwewe asi wakuramba nhasii ndakarara newe chete wondiudza zvevamwe vakomana vanobva kupii ndaidanana newe chetee" " Melody uku kwave kupusa kwako uko kwawakaita lm not ready to be father" "Zvakatoitika zvakaitika Desmond can we accept it" "How can l stay with you Melody ndisingakude l don't love you" Ndakabva ndatopererwa kana simba rese rakabva rapera ndichifunga those days aindiudza kuti l love ndichiri musikana wake achimbondibereka achindiitira zvese nhasi ndiye waakuti l don't love you "But why" "Coz handikude and l don't think mwana ndewangu futii zvaukutaura hazvina kana basaa vanga vakabviswa humhandara vakazongobata nhumbu dzevamwe varume haa" "Zvakaoma" ndozvandakangokwanisa kuita "Yess kungogarawo newee hangu but lm not happy" Ndakabva ndanzwa pamoyo pangu kupisa angataure kudaro Desmond ndakamutadzirei ndakanzwa kuzvishora nekuzvituka nechandaitadza kumwa mapiritsi ekudzivirira....... End Of Chapter Stay tuned 🌹
❤️ 👍 😢 🙏 😂 😮 703

Comments