
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
June 21, 2025 at 05:44 AM
*LOVE AFTER MARRIAGE*🌴🌴🌴
https://whatsapp.com/channel/0029VaPANd40wajk6Y5ndI02
Don't forget to follow channel yeduu ugare wavako book huchie
Whatsaap Group ⬇️
https://chat.whatsapp.com/GxnwVxnoEhpBM26X9TiVoo
*FREE BOOK*
Read , Like & Share
•CHAPTER 6
STORY BY TADIWA
*MELODY*
Ndakazovaregedza hug kwakugara paside pavoo vakatanga kundibvunza mhamha nababa basa ravo ndakataura but padady vakati
"Hooo pamwe baba vako vanotozivana naAtezvara vako nekuti ndiko kwavowo kubasa ikoko"
"Pamwe kudaro" l said
"Saka ukuti hauna kudya since morning " she asked vachindinzwira tsitsi
Ndakangosmiler handina kukwanisa kupindura
"Mm zvakaoma .. kogumbezi nehembe dzikuitei apa zvaDesmond kaaa"
"Noo nderangu nehembe dzacho "
"Asi wairara munomu " Vaitove confused
"Kk ehee"
"Mwana uyu chii asi kuita moyo wakadaro Des anga asina kumbodaro unoziva handitozive zvakafamba seii paari "
"Chero our old days neni aisatombodaro hameno why"
"Achazvisiya hake anoti anosvika rinhii handeyi tobika kukitchen..."
"Motonopihwa makeys akakiya madoors ekukitchen"
Vakatoseka havoo vachitii zvaane nhamo yakee vakaenda kubedroom kwake kwakuuya nemakeys kwakundipa amwe acho ndokutii ndiendese hembe dzangu negumbezi kuimwe room yandaive ndichazorara ndalatonotora ndokukinura nekupinda maive nezvese bed wardrobe yakanaka dressing table everything just as new but netu little dust twaida kucleaner ndakatogadzika pabed kwakudzokera kwavaive ndakasvika vakutanga kubika ndakatovati "garai henyu pachair apa mhamha ndibike" vakagara ndokutanga kubika hangu tichitaura tesee nyaya later on takatonzwa Desmond kubuda hanya nani ndakapedza kubika ndokuvapakurira ndokudya hedu l felt proud kungonzi navamwene waita makhoti and wagona kubika zvakangondipa kamwe kohappiness Soo kakunzwa kuti atleast ndina someone anondionawo semunhu ndakafara ndakanosuka maplates komaduties samakhoti ndandakutotanga kumaita kaa paye zvekuti murume wachoo haasi kukuda rato drama rimwe riye chikuru kudiwa nehama dzake...
Ndakatozoswera naVamwene vangu zvese vaitondiudza kuti ndine saloon mutown ine vasikana vavo vanoshanda imomo ndakatoti hooo vakatondipromisa kuti mangwana ndokwataizonoswera tichikuona wow ndakafara vakatonditi rara pamakumbo ndakarara vaindida zvavo vamwene kubva vandiita mwana wavowo chaiyo manje zvino ndakarara pamakumbo ndakanzwa macravings ekuda yoghurt kutonzwa kuida chaikoo apa ndanga ndisina kana cent kuti ndivakumbire mari ndainzwa kunyara inii.....
"Feel free to tell me zvaukuda munhu ane nhumbu anoda zvakawanda feel free muroora wangu ndiudze ukuda chii"
"Ahh mhamha maona seii"
"Wakabata dumbu rakoo ndozviziva kaa kana face yako ikutaura"
Ndakangozviseka hangu ndichibvibvsa ruoko pamusoro pedumbuu
"Ukudei mwanangu ndiudze ndini mhamha vako..."
"Ndikutonzwa kuda yogurt"
"Chete heree"
"Ehee"
Vakabva vatora purse yavo yaive pa arm pesofa kwakubuditsa 5 kwakundipa
"Enda unotenga wotenga nezvaunofunga kuti ungadee macravings anobata chero midnight ukazonetsekana wanzwa'
"Iiii kana ndozozvidzora ahh"
"Ahh kana abataa zvese haadii ndikukuudza kaa"
Ndakatoseka ndichienda hanguu ndakabuda kwakutanga kufamba kuenda kutuckshop smile iri kunzeve ukuu chaikoo luckily ndokusangana naMelissa my sister akabva ati
"The facial expression is telling me something something are you settled nabamukuru now"
"Noo..."
"Umm kunyepa so what is it?"
Ndakabva ndamutsanangurira everything nekwandaienda kwakuti
"Really l think she is a good person though"
"Yess vatori and vakunditora semwana wavo sezvandongoitwa namhamha Melissa ndafara apa iye akusvotwa nazvo atobuda hameno aenda kupii"
"Ahh tichamuendera kumasowe akada kutijairira karisei kababy umuu"
Akadaro achibata dumbu rangu iro raive risiti kana ratombokura zvaroo
"Kari bho kakutokumhoresaa"
"Ndiribho ukunotengerwa yoghurt"
Ndakatoseka zvangu ahh Melissa heree ndakatomboseka ndokuenda hake kumba ini kwakusvika patuckshop ndokutenga machocolates nemabiscuits neyoghurt yangu ndokuzodzoka kumba ...
Ndakasvika Desmond akatogara mudinning ari busy kudya mashura chaiwo asi haasi kuziva kuti chabikwa neni kani kudya chikafu chabikwa neni zvadiii achingondiona akabva amira kudya kwakuti....
"Mhamha komati mamuendesa wani ndeyipi iyii"
"Saka wanga uchitobeliever kuti ndati ndamuendesa ohhh very sorry hapana kwaari kuenda uyuu ndiye ari kutozogara pano baba vako ndavafonera vakati kutozvigadzirisa tsvakirai kuno iendeee mangwna chaiye "
"Why mukuda kungoita drama neparisiri necessary mhamha"
"Drama ripiii Melody idrama manje iwee kaa tsvakirai kuno ikuenda l hope wakaunganidza mari dzacho coz marooro zvese nekuchata takaenda wazvinzwa"
"Nani"
"Asi Ani asiri Melody"
"Hoo Beauty is my only fiancee no one will replace hee in my heart uyu ndewenyu uyu hamheno kuti zvamukuronga mukadzi wanii"
"Iko kuda vatsvuku nekutsvuka kwacho unokuziva kuti kwakabvepi kana iwoo manyama akarembera shure awukuchiva iwayo nekwaakabva unokuziva muchangokambira zvese zvese nesewage "
"Sewage ndiMelody"
Hayaaa ndakatoseka pane kutsamwa but noo l laughed
"Utori sewage zvako musikana iwewe kademon kaevil tsikidzi munhu asingade kuwanisa vamwe vana vevanhu peace enda kumba kwenyu shaaa"
"Watanga kaaa watanga ndamboti kudii handina kuti Melody haana kwaari kuenda ndozokurova manje udzikame pawaikanganisa hupenyu hwake jwaiti zvogumisira papi"
Akabva anyara kwakupedza kudya ndokusimuka achiti
"Maita basa ndaguta"
"Wototenda Melody ndiye abika kwete inini" mhamha said
"Haaaa"achishamsika
"Chiii" vakatomuvhunza
"Muchandidyisa tsvina maregereyi kundiudza ndisati ndadya hangu kane huchapa kamusikana ikaka "
"Haaa sekuru vari pauri vakashata vanitoda doro rekuti vatenamire"
Haa mhamha futi akabva aenda ndakatosara ndichivhura yoghurt yangu ndokudyaa ndichingopedza vamwe baba vechikuru vakabva vasvika nemumwe musikana anga ati kureii she looks very familiar kwandiri mutarisiro watakaitana iye aindizivawo chete nemumwe mukomana anga akura maybe ibrother yaDesmond vavakaita kufanana then this girl akabva anditi
"Unonzi Melody"
"Yess Divine right..."
Ohh ndanga ndakadzidza naye primary l remember ndakatoseka tichitopanana hug kutokanganwa kuti muna atezvara mhamha vakatondiseka ndakazogara pasii kwakukwazisa mukoma vaDesmond vanga vauya nababa vacho , natete kaaa chero takaenzana nditete Desmond akazouya hakee atezvara vakanditi
"Surname yako ndiani mwanangu"
"Nyatsonwa..."
"Haaa baba vako ndivo Chief Nyatsonwa vekumapurisa heree"
"Ehee"
"Ahhhh" kushamisika kwavakaita kwaive kwekusafara vakabva vasimuka kwakuti mhamha vavatevere vaitoenda kubedroom is anything wrong nazvoo ndakanotsekana...
"Brother finally you did it.."Tete Devine said Kuna Desmond
"Did it akudzokera kumba kwavo handimude inii imistake yakaitika infact noo akundinyepera haana nhumbu"
"Hezvoo asi hamuwirirane"
"Handitomudee ndine wangu ini hameno mhamha vakuti nditonomuroore vakuzviitirei handimude Melody"
"Zvakaoma newe Desmond asi hamuna kumborara mesee" his brother said
"E he taka- rara tesee asii haasi mwana wangu"
Mukomana vacho nehanzvadzi yake vakatoseka
"Mungarambe henyu pamuvurii apa paMelo but deep down the truth you know it" Tete Devine said
"Yeah Devine wataura chokwadi yes zvekuramba zviriko but apa wakakanganisa mwana wevanhu kaa" brother yacho said
"Vangani vanomitiswa vachisiwa" ahhh kutotaura neconfidence hakee
"Saka ndozvauri kuda kuita"...
Mhamha nadaddy vakabva vadzoka but hana yangu yaive yakurova face yamhamha yaive pale zvemunhu akushushikana kunge ane mashoko anorwadza kunge chiii vakabva vati
"Melody..............
#malikes pachapter ndiuyise imwe apa nhasi iweekend#
End Of Chapter
Stay tuned
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
609